Testamente Yekare 2022
Kukadzi 28–Kurume 6. Genesi 28–33: “Zvirokwazvo Jehova Uri muNzvimbo Ino”


“Kukadzi 28–Kurume 6. Genesi 28–33: ‘Zvirokwazvo Jehova Uri muNzvimbo Ino,’” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: Testamente Yekare 2022 (2021)

“Kukadzi 28–Kurume 6. Genesi 28–33,” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: 2022

Mufananidzo
Temberi yeTijuana Mexico

Kukadzi 28–Kurume 6

Genesi 28–33

“Zvirokwazvo Jehova Uri muNzvimbo Ino”

Apo paunoverenga Genesi 28–33, fungisisa izvo zvaunodzidza kubva pamienzaniso yaJakobo nemhuri yake. Nyora pasi api zvawo manzwiro aunogashira.

Nyora Pasi Manzwiro Ako

Zvitsauko 28 ne32 zvaGenesi zvinotaura nezve zviitiko zvemweya zviviri izvo muporofita Jakobo zvaakava nazvo. Zvese zvakaitika murenje asi mumamiriro ezvinhu akasiyana zvikuru. Muchiitiko chekutanga, Jakobo akanga achienda kumusha kwamai vake kunotsvaga mukadzi uye, ari parwendo rwacho, apo paakarara usiku akashandisa mabwe semutsago. Angangogona kunge asina kutarisira kuwana Ishe munzvimbo yaivadongo kudaro, asi Mwari vakazviratidza kuna Jakobo muchiroto chaishandura upenyu, uye Jakobo akataura kuti, “Zvirokwazvo, Jehova uri munzvimbo ino. uye ini handina kuzviziva ” (Genesi 28:16). Makore mazhinji apfuura, Jacob akazviwana ari murenje zvakare. Panguva ino, akanga ari munzira kudzokera kuKanani, achitarisana nemamiriro ezvinhu aikwanisa kuva nenjodzi apo paisangana nemukoma wake akanga akashatirwa, Esau. Asi Jacob aiziva kuti apo paaizenge oda ropafadzo, aikwanisa kutsvaga Ishe, kunyangwe murenje (ona ona Genesi 32).

Ungangozviwana uri murenje rako pachako uchitsvaga ropafadzo kubva kuna Mwari. Zvimwe renje rako ndere hukama hwemhuri hwakaoma, uhwo hwakaita sehwaiva naJakobo. Zvimwe unonzwa uri kure naMwari kana unonzwa kuti unoda ropafadzo. Dzimwe nguva ropafadzo rinouya tisingatarisire; pane dzimwe nguva rinouya mushure medambudziko. Chiri chipi zvacho chaunoda, unokwanisa kuona kuti kunyangwe murenje rako, “Jehova uri munzvimbo ino.”

Mufananidzo
Learn More image
Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwako wega

Mazano eKunzvera Magwaro Matsvene Kwako Wega

Genesi 28; 29:1–18

Ndinovimbiswa maropafadzo aAbrahama mutembere.

Ari panzira kuenda kuHarani kunotsvaga mukadzi, Jakobo akarota manera aitambanuka kubva pasi kuenda kudenga, naMwari vakamira pamusoro pawo. Muchiroto chacho, Mwari vakavandudza naJakobo zvibvumirano zvimwechetezvo zvavakanga Vaita naAbrahama naIsaka (ona Genesi 28:10–17; onawo Genesi 12:2–3; 26:1–4). Mutungamiri Marion G. Romney vakagovera pfungwa iyi pamusoro peizvo zvinokwanisa kumiririrwa nemanera: “Jakobo akaziva kuti zvibvumirano zvaakanga aita naIshe muBeteri zvakanga zviri madanhiko epamanera ayo iye pachake aaifanira kukwira kuitira kuti awane maropafadzo akavimbiswa—maropafadzo aizomubvumira kuti apinde kudenga uye agofambidzana naIshe. … Matemberi ari kwatiri isu tese izvo zvaive Beteri kuna Jakobo ”(“Temples—The Gates to Heaven,” Ensign, Kurume. 1971, 16).

Ndeapi mamwe mashoko nendevo zviri muna Genesi 28:10–22 zvinoratidza kwauri kuenderana kuri pakati pechiitiko chaJakobo nemaropafadzo etemberi? Apo paunoverenga ndima idzi funga pamusoro pezvibvumirano zvawakaita; manzwiro api anouya kwauri?

Apo paunoverenga Genesi 29:1–18, fungisisa makoshero akanga akaita muchato waJakobo kuna Rakeri kuchibvumirano icho Mwari chavakavandudza naJakobo muBeteri (“imba yaMwari” ona Genesi 28:10–19). Chengeta chiitiko ichi mupfungwa paunoenda mberi nokuverenga pamusoro peupenyu hwaJakobo muna Genesi 29–33. Imba yaIshe yakakuunza sei pedyo naMwari?

Genesi 29:31–35; 30:1–24

Ishe vanondirangarira mumiyedzo yangu.

Kunyangwe zvazvo Rakeri naRea vakararama munguva nemutsika dzakasiyana nedzedu, tese tinokwanisa kunzwisisa mamwe emanzwiro avaive nawo. Apo paunoverenga Genesi 29:31–35 uye 30:1–24, tsvaga mashoko nendevo zvinotsanangura ngoni dzaMwari kuna Rakeri naRea. Fungisisa kuti Mwari “vakatarisa sei kumatambudziko [ako]” uye “vakakuyeuka”(Genesi 29:32; 30:22).

Zvakakoshawo kuyeuka kuti kunyangwe zvazvo Mwari vachitinzwa, muhungwaru Hwavo havatipe nguva dzose izvo chaizvo zvatinokumbira. Funga pamusoro penzira dzakasiyana idzo Baba Vokudenga dzavakapindura kuminamato yako, kusanganisira kuti “kwete”.

­ .

Mufananidzo
Jakobo naEsau vachimbundirana

Mufananidzo waJakobo naEsau vachimbundirana naRobert T. Barrett

Genesi 32–33

Muponesi anokwanisa kutibatsira kukunda kusawirirana mumhuri dzedu.

Apo Jakobo paakadzokera kuKanani, “aitya uye aitambudzika zvikuru” pamusoro pematambirirwo aaizoitwa naEsau (Genesi 32:7) Apo paunoverenga muna Genesi 32–33 pamusoro pekusangana kwaJakobo naEsau uye manzwiro ake vasati vasangana, ungangofungisisa nezve hukama hwemhuri yako pachako—pamwe uhwo hunoda gadziriso kuitira kuti huve hwakanana zvakare. Zvimwe nyaya iyi inokwanisa kukukurudzira kunanavira kune mumwe munhu. Mibvunzo yakaita seiyi inokwanisa kutungamira kuverenga kwako.

  • Jakobo akagadzirira sei kusangana naIsau?

  • Chii chinonyanya kukosha kwauri pamusoro pemunamato waJakobo unowanikwa muna Genesi 32: 9–12?

  • Chii chaunodzidza pamusoro peruregerero kubva pamuenzaniso waEsau?

  • Muponesi angatibatsira sei kugadzirisa hukama hwemhuri?

Onawo Ruka 15:11–32; .

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwemhuri

Mazano ekuNzvera Magwaro Matsvene kweMhuri uye eNguva yeMhuri Pamba Manheru

Genesi 28:10–22.Unokwanisa kushandisa manera (kana mufananidzo wawo) kutaura pamusoro pemafananiro akaita zvibvumirano zvedu nemanera. Ndezvipi zvibvumirano zvatakaita, uye zvinotiunza padyo naMwari sei? Nhengo dzemhuri dzingangofadzwa nekudhirowa chiroto chaJakobo, icho chakatsanangurwa muna Genesi 28:10–22.

Genesi 32:24–32.Ungangova nenhengo dzemhuri dzinofarira mutsimba. Sei “mutsimba” iri nzira yakanaka yekutsanangura kutsvaka maropafadzo kubva kuna Ishe? Ndima dziri muna Enosi 1:1–5; Aruma 8:9–10 dzinopa chii pamusoro pezvazvinoreva “kuita mutsimba … pamberi paMwari”?

Genesi 33:1–12.Mushure memakore akawanda emanzwiro ekushatirirwana, Jakobo naEsau vakayananiswazve. Kana Jakobo naEsau vaikwanisa kutaura nesu nhasi, chii chavangataure kutibatsira apo pamunenge muine kukakavadzana mumhuri yedu.

Kuti uwane mamwe mazano ekudzidzisa vana, ona chirongwa chevhiki ino chiri muna Huyai, Munditevere—Bhuku reVana Vadiki.

Kunatsurudza Kunzvera Kwako Wega

Tsvaka Jesu Kristu. Testamente Yekare inopupura nezva Jesu Kristu kuburikidza nenyaya dzayo nezviratidzo zvayo. Funga pamusoro pekunyora kana kumaka ndima dzinonongedzera kuMuponesi uye dzinonyanya kukosha kwauri.

Mufananidzo
Jakobo achirota nezve ngirozi dziri pamasitepisi

Jacob’s Dream at Bethel (Chiroto chaJakobo paBeteri), naJ Ken Spencer

Dhinda