Testamente Yekare 2022
Pfungwa dzoKuchengeta muNdangariro: Imba yaIsraeri


“Pfungwa dzoKuchengeta muNdangariro: Imba yaIsraeri,” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: Testamente Yekare 2022 (2021)

“Pfungwa dzoKuchengeta muNdangariro: Imba yaIsraeri,” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: 2022

Mufananidzo
mufananidzo wepfungwa

Pfungwa dzeKuchengeta muNdangariro

Imba yaIsraeri

Pane imwe nzvimbo murenje kumabvazuva kweKanani, Jakobo uyo aiva achitya, akamirira kusangana nemupatya wake, Esau. Apo pakanga papedzisira Jakobo kuona Esau, zvingangoita makore 20 akaiva apfuura, Esau akanga achida kumuuraya. Jakobo akanga apedza husiku hwese achiita mutsimba musango, achitsvaga ropafadzo kubva kuna Mwari. Nekuda kwerutendo, kushingirira, uye kutsunga kwaJakobo, Mwari vakanga vapindura minamato yake. Husiku ihwohwo zita raJakobo rakashandurwa kuitwa Israeri, zita rinoreva kuti “iye anotsungirira naMwari” (Genesi 32:28, mashoko epazasi b; onawo Genesi 32:24–32).1

Mufananidzo
rwizi rweJaboki

Pedyo neRwizi rweJaboki, Jakobo akagamuchira zita rokuti Israeri.

Iyi ndiyo nguva yokutanga zita rekuti Israeri yarinoonekwa muBhaibheri, uye izita rinoenderera nemuBhaibheri rese uye nemunhoroondo yese. Nenguva diki zita racho rakazova rinoreva vakawanda kupfuura munhu mumwe chete. Israeri akanga aine vanakomana gumi nevaviri, uye zvizvarwa zvavo zvaizivikanwa pamwechete “seimba yaIsraeri,” “madzinza aIsraeri,” “vana vaIsraeri,” kana kuti “VaIsraeri.”

Nemunhoroondo yose, vana vaIsraeri vaikoshesa zvikuru hudzinza hwavo hwaibva kune mumwe wemadzinza gumi nemaviri aIsraeri. Dzinza ravo raiva chikamu chakakosha kuzita rechibvumirano chavo. Muapostora Pauro akazivisa kuti aive “wedzinza raBenjamini” (VaRoma 11:1). Apo Rihai paakatumira vanakomana vake kuJerusarema kunotora mahwendefa endarira, chimwe chikonzero chaiva chekuti mahwendefa acho aiva “nerondedzero yemutsetse wedzinza remadzibaba ake” (1 Nifai 5:14; onawo 1 Nifai 3:3). Rihai akaziva kuti aiva wedzinza raJosefa, uye nzwisiso yezvizvarwa zvake yehukama hwavo kuimba yaIsraeri yakazova yakakosha kwavari mumakore akazotevera (ona Aruma 26:36; 3 Nifai 20:25).

MuChechi nhasi, unogona kunzwa pamusoro paIsraeri mumashoko akaita sekuti “kuunganidzwa kwaIsraeri.” Tinoimba pamusoro “peMununuri waIsraeri,” “Tariro yaIsraeri,” uye “Imi Magosa aIsraeri.”2 Mumamiriro ezvinhu aya, hatisi kutaura kana kuimba chete pamusoro pehumambo hweIsraeri yechinyakare kana rudzi rwanhasi runonzi Israel. Asi, tiri kutaura pamusoro peavo vakaunganidzwa kubva kumarudzi epanyika pose kupinda muChechi yaJesu Kristu. Tiri kutaura nezve vanhu vanotsungirira naMwari, vanotsvaga nemwoyo wose maropafadzo Avo, uye avo, kuburikidza nerubhabhatidzo, vava vanhu Vavo vechibvumirano.

Maropafadzo apatiriyaki ako anozivisa hukama hwako nerimwe remadzinza eimba yaIsraeri. Ichi hachisingori zvacho chidimbu chinonakidza cheruzivo rwenhoroondo yemhuri. Kuva chikamu cheimba yaIsraeri zvinoreva kuti une hukama hwechibvumirano naBaba Vokudenga uye naJesu Kristu. Zvinoreva kuti iwe, saAbrahama, uripo kuti uve “chikomborero” kuvana vaMwari (Genesi 12:2; Abrahama 2:9–11). Mumashoko aPetro, zvinoreva kuti “imi muri chizvarwa chakasarudzwa, hupirisita hwehumambo, rudzi rutsvene, vanhu vanoshamisa; kuti munofanira kuparidza rumbidzo dzaiye wakakudanai kubva murima kuuya muchiedza chake chinoshamisa” (1 Petro 2:9). Zvinoreva kuti iwe uri munhu “anotsungirira naMwari” apo paunokudza zvibvumirano zvako Navo.

Zvinyorwa

  1. Zita rokuti Israeri rine zvimwewo zvarinogona kureva, kusanganisira kuti “Mwari vanotonga” kana “Mwari vanorwa kana vanotsungirira.”

  2. Nziyo, nhamba. 6, 259, uye 319.

Mufananidzo
Mufananidzo werondedzero yedzinza remhuri yaJakobo

Mufananidzo werondedzero yedzinza remhuri yaJakobo, naKeith L. Beavers

Dhinda