Testamente Yekare 2022
Kukadzi 21–27. Genesi 24–27: Chibvumirano Chakavandudzwa


“Kukadzi 21–27. Genesi 24–27 Chibvumirano Chakavandudzwa” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: Testamente Yekare 2022 (2021)

“Kukadzi 21–27. Genesi 24–27,” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: 2022

Mufananidzo
Rebeka

Mufananidzo waRebeka naDilleen Marsh

Kukadzi 21–27

Genesi 24–27

Chibvumirano Chakavandudzwa

Apo paunoverenga Genesi 24–27, cherechedza nzwisiso dzemweya dzaunogashira. Namata kuti uzive mashandiro anoita misimboti yaunowana kuupenyu hwako.

Nyora Pasi Manzwiro Ako

Chibvumirano chaMwari naAbrahama chaisanganisira chivimbiso chekuti kuburikidza naAbrahama uye nezvizvarwa zvake “mhuri dzose dzepanyika dzicharopafadzwa” (Abrahama 2:11). Ichi hachisi chivimbiso chinokwanisa kuzadzikiswa muchizvarwa chimwechete: nemunzira dzakawanda, Bhaibheri inyaya yekuzadzikisa kunoenderera mberi kwaMwari kwechivimbiso Chavo. Uye Vakatanga nekuvandudza chibvumirano nemhuri yaIsaka naRebeka. Kuburikidza nezviitiko zvavo, tinodzidza chimwe chinhu pamusoro pekuva chikamu chechibvumirano. Mienzaniso yavo inotidzidzisa pamusoro petsitsi, mwoyo murefu, uye kuva nechivimbo mumaropafadzo akavimbiswa aMwari. Uye tinodzidza kuti zvakakosha chaizvo kurega “zvokudya” zvipi zvazvo zvenyika (Genesi 25:30) kuitira kuzviwanira maropafadzo aMwari edu pachedu neevana vedu kwezvizvarwa zvinotevera.

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwako wega

Mazano eKunzvera Magwaro Matsvene Kwako Wega

Genesi 24

Muchato wakakosha kuchirongwa chokusingaperi chaMwari.

Nhasi vanhu vakawanda vanotora muchato sechinhu chisina kunyanya kukosha kana kutouona semutoro. Abrahama aiva nemafungiro akasiyana—kwaari, muchato wemwanakomana wake wakanga uri chinhu chakakosha zvikurusa. Sei uchifunga kuti wakanga wakakosha kwaari? Apo paunoverenga Genesi 24, funga pamusoro pekukosha kwemuchato muchirongwa chaMwari cheruponeso. Funga pamusoro pekuti sei “mhuri yakavakwa pamuchato wemurume nemukadzi uchipa mamiriro akanakisisa ekuti chirongwa chaMwari chibudirire zvikuru”

Mibvunzo yakaita seinotevera ingangokubatsira kuti ufunge pamusoro pemimwe misimboti yakakosha iri muchitsauko chino:

Genesi 24:1–14. Chii chakaitwa naAbrahama nemuranda wake kusanganisira Ishe mukuedza kwavo kuti vawanire Isaka mudzimai.?

Genesi 24:15–28, 55–60. Hunhu hupi hwaunowana muna Rebeka uhwo hwaunozoda kutevedzera?

Ndedzipi dzimwe nzwisiso dzaunowana?

Onawo Dzidziso neZvibvumirano 131:1–4; “Mhuri: Chiziviso kuNyika,” ChurchofJesusChrist.org.

Genesi 25:29–34

Ndinokwanisa kusarudza pakati pekugutsikana pakarepo uye zvinhu zvakanyanya kukosha.

Mutsika dzemagariro dzaAbrahama, mwanakomana dangwe mumhuri aigashira chinzvimbo chehutungamiri uye kodzero yakakosha, inonzi kodzero yenhaka yehudangwe. Mwanakomana uyu akagashira nhaka hurusa kubva kuvabereki vake, pamwepo nemabasa makurusa ekuchengeta vamwe vose vemumhuri.

Apo paunoverenga Genesi 25: 29–34, funga pamusoro pekuti sei Esau akanga achida kupa mumwe kodzero yenhaka yehudangwe yake kuti apiwe zvokudya Zvidzidzo zvipi zvaunozviwanira iwe pachako murondedzero iyi? Semuenzaniso, pane chimwe zvacho “chokudya” here chiri kutsausa pfungwa dzako kubva kumaropafadzo akakosha zvikurusa kwauri? Chii chauri kuita kuti unangise pfungwa pamaropafadzo aya uye nekuakoshesa?

Onawo Mateo 6:19–33; 2 Nifai 9:51. ,

Genesi 26:1–5

Chibvumirano chaAbrahama chakavandudzwa kuburikidza naIsaka.

Chibvumirano icho Mwari chavakaita naAbrahama chakanga chaitwa nechinangwa chekuti chienderere mberi nemuzvizvarwa zvizhinji, naizvozvo nhaka yaAbrahama naSara yekuchengeta chibvumirano yaifanira kupuwa kudzika kuna Isaka, Jakobo, uye nevamwe madzimai nevarume vakatendeka pakati pezvizvarwa zvavo. Apo paunoverenga Genesi 26:1–5, tsvaga mamwe emaropafdzo echibvumirano ayo akataurwa naMwari. Chii chatinodzidza pamusoro paMwari kubva mundima idzi?

Genesi 26:18–25, 32–33

Jesu Kristu ndiye tsime remvura mhenyu.

Unogona kucherechedza kuti matsime nezvitubu uye namamwe manyuko emvura ane chikamu chakakosha munyaya zhinji dzeTestamente Yekare. Izvi hazvishamise, nokuti zhinji dzenyaya idzi dzakaitika munzvimbo dzakanga dzakaoma zvikuru. Apo paunoverenga Genesi 26 pamusoro pematsime aIsaka, fungisisa izvo zvingange zvichimirira mvura mumagwaro matsvene. Inzwisiso dzipi dzaunowana pamusoro pematsime ezvemweya “emvura mhenyu”? (ona Johane 4:10–15). Uri kuchera sei matsime ezvemweya muupenyu hwako? Muponesi akaita semvura mhenyu kwauri sei? Cherechedza kuti vaFirisitia vakanga “vadzivira” matsime (ona Genesi 26:18). Pane here chimwe chinhu muupenyu hwako chiri kudzivira matsime ako emvura mhenyu?

Mufananidzo
tsime rechinyakare

Tsime muBeeri-Sheba yechinyakare, uko Abrahama naIsaka kwavakachera matsime.

Genesi 27

Rebeka naJakobo vakakanganisa here pakunyengedza Isaka?

Hatizive zvikonzero zvenzira yakashandiswa naRebeka naJakobo kuwana ropafadza raJakobo. Zvinobatsira kuyeuka kuti Testamente Yekare sezvatinayo iyezvino haina kuzara (ona Mosesi 1:23, 41). Panogona kuva neruzivo rwusipo kubva murondedzero yekutanga urwo rwungatsanangura izvo zvinotaridzika kuva zvinotinetsa. Zvisinei, tinoziva kuti kwakanga kuri kuda kwaMwari kuti Jakobo agashire ropafadzo iri kubva kuna Isaka nokuti Rebeka akava nechakazarurwa chokuti Jakobo aifanira kutonga pamusoro paIsau (ona Genesi 25:23). Mushure mokunge Isaka abvuma kuti akanga aropafadza Jakobo panzvimbo paIsau, akasimbisa kuti Jakobo “acharopafadzwa” (Genesi 27: 33)—zvichireva kuti kuda kwaMwari kwakanga kwazadzikiswa.

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwemhuri

Mazano ekuNzvera Magwaro Matsvene kweMhuri uye eNguva yeMhuri Pamba Manheru

Genesi 24:2–4, 32–48.Abrahama akakumbira muranda akavimbika kuti atsvagire Isaka mukadzi, uye muranda akabvumirana naAbrahama kuti aizodaro. Muranda waAbrahama akaratidza sei kutendeka mukuchengeta chibvumirano chake? Tingatevera sei muenzaniso wake?

Genesi 24:15–28, 55–60.Mhuri yenyu inokwanisa kutsvaga mundima idzi hunhu uhwo hwakaita kuti Rebeka ave mufambidzani wokusingaperi akakodzera waIsaka. Kurudzira nhengo dzemhuri kusarudza humwe hwehunhu uhwu uhwo hwavanonzwa kuti vanofanira kukudziridza.

Genesi 25:19–3427.Wongororai nyaya yekuti kodzero yenhaka yehudangwe nemaropafadzo zvaEsau zvakauya sei kuna Jakobo. Nyorai mitsetse yemauyiro azvakaita kuna Jakobo pazvidumbu zvemapepa zvakasiyana.). Nhengo dzemhuri dzinokwanisa kushanda pamwechete kuisa mitsetse iyi mukutevedzana kwayo chaiko.

Apo pamunokurukura pamusoro paEsau achitengesa kodzero yenhaka yehudangwe yake, munogonawo kutaura pamusoro peizvo zvinonyanya kukosha kumhuri yenyu, sehukama hwenyu naBaba Vokudenga naJesu Kristu. Pamwe nhengo dzemhuri dzinokwanisa kuwana zvinhu kana mifananidzo inomirira izvo zvavanofunga kuva zvine kukosha kwokusingaperi. Ita kuti vatsanangure kuti sei vasarudza zvinhu izvozvo.

Genesi 26:3–5.Kubatsira mhuri yako kunzwisisa chibvumirano chaAbrahama, unokwanisa kuvakoka kuti vawane zvivimbiso zvakatsanangurwa mundima idzi. Sei zvakakosha kwatiri kuti tizive pamusoro pezvivimbiso izvi nhasi? (ona “Pfungwa dzeKurangarira: Chibvumirano,” muchishandiso chino).

Genesi 26:18–25, 32–33.Sei matsime akakosha? Jesu Kristu akafanana sei netsime remvura?

Kuti uwane mamwe mazano ekudzidzisa vana, ona chirongwa chevhiki ino chiri muHuyai, Munditevere—Bhuku reVana Vadiki.

Rumbo rwakapuwa: “Ita Zvakanaka,” Nziyo neDzevana Vadiki, nhamba 66.

Kunatsurudza Kunzvera Kwako Wega

Dzidza chinyorwa chitsvene nemusoro Gosa Richard G. Scott vakadzidzisa kuti, “Chinyorwa chitsvene chakadzidzwa nemusoro chinova shamwari inogara kwenguva refu isingashayiswi simba nekufamba kwenguva” (“The Power of Scripture,” Liahona, Mbudzi 2011, 6).

Mufananidzo
Esau naJakobo

Esau Sells His Birthright to Jacob (Esau Anotengesa Kodzero yeNhaka yeHudangwe Yake kuna Jakobo), naGlen S. Hopkinson

Dhinda