Testamente Yekare 2022
Kukadzi 7–13. Genesi 12–17; Abrahama 1–2: “Kuva Muteveri Mukurusa weUrurami”


“Kukadzi 7–13. Genesi 12–17; Abrahama 1–2: ‘Kuva Muteveri Mukurusa weUrurami,’” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri:Testamente Yekare 2022 (2021)

“Kukadzi 7–13. Genesi 12–17; Abrahama 1–2,” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: 2022

Mufananidzo
Abrahama naSara

Mufananidzo waAbrahama naSara, naDilleen Marsh

Kukadzi 7–13

Genesi 12–17; Abrahama 1–2

“Kuva Muteveri Mukurusa weUrurami”

Paunoverenga pamusoro paAbrama naSarai (avo pashure vakazodaidzwa kunzi Abrahama naSara) uye mhuri yavo, fungisisa kuti muenzaniso wavo unokukurudzira sei. Nyora pasi manzwiro ako pamusoro pezvaungaita kuti uve “muteveri mukurusa weururami” (Abrahama 1:2).

Nyora Pasi Manzwiro Ako

Nekuda kwechibvumirano icho Mwari chavakaita naye, Abrahama anodaidzwa kunzi “baba vevakatendeka” (Dzidziso neZvibvumirano 138:41) uye “Shamwari yaMwari” (Jakobo 2:23). Mamiriyoni evanhu mazuva ano vanomuremekedza sateteguru wavo chaiye, uye vamwe vakatorwa kuva vemumhuri yake kuburikidza nerutendeuko kuvhangeri raJesu Kristu. Asi Abrahama pachake akabva kumhuri yainge inezvinetso—baba vake, avo vakanga vasiya kunamata Mwari wechokwadi, vakaedza kuita kuti Abrahama abayirwe kuna vanamwari venhema. Zvisinei neizvi, chido chaAbrahama chaiva chekuva “muteveri mukurusa veururami” (Abrahama 1:2), uye rondedzero yeupenyu hwake inoratidza kuti akazadzisa chido chake. Upenyu hwaAbrahama hunomira seuchapupu hwekuti zvisinei nekuti nhoroondo yemhuri yemunhu yanga yakaita sei, ramangwana rinokwanisa kuzadzwa netariro.

Mufananidzo
Learn More image
Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwako wega

Mazano eKunzvera Magwaro Matsvene Kwako Wega

Abrahama 1:1–19

Mwari achandikomborera nokuda kwerutendo rwangu uye kwezvido zvakarurama zvangu.

Sevakawanda vedu, Abrahama airarama mumamiriro ezvinhu azere nehunyangadzi, asi aida kuva munhu akarurama. Mutungamiriri Dallin H. Oaks vakadzidzisa kukosha kwekuva nezvido zvakarurama vachiti: “Nekukosha kwazvakaita kubvisa chido chose chechivi, upenyu hwekusingaperi hunoda zvimwe zvakawanda. Kuti tiwane mugomisiro wedu weupenyu hwekusingaperi, tinozoda uye nokushandira hunhu hunodikanwa kuti tive vanhu vokusingaperi. … Kana izvi zvichiratidzika sezvakaoma—uye chokwadi hazvisi nyore kuna ani wedu—zvino tinofanira kutanga nekuva nechido chehunhu ihwohwo uye todana kuna Baba vedu Vokudenga vane rudo kuti vatibatsire pamanzwiro edu [ona Moronai 7:48]” (“Chido,” Liahona, Chivabvu 2011, 44–45). Apo paunoverenga Abrahama 1:1–19, funga kuti ndima idzi dzinoratidza sei izvo zvakadzidziswa naMutungamiriri Oaks. Mibvunzo yakaita seiyi inogona kubatsira:

  • Chii chaidiwa uye chaitsvagwa naAbrahama? Chii chaakaita kuti aratidze rutendo rwake?

  • Iwe zvido zvako ndezvei? Pane chaunofunga kuti unofanira kuita here kuti uchenese zvido zvako?

  • Abrahama akasangana nezvinetso zvipi nekuda kwezvido zvake zvakarurama? Mwari vakamubatsira sei?

  • Ndima idzi dzine mashoko api kuna avo vane nhengo dzemhuri dzisina chido cheururami?

Onawo Mateo 7:7.

Abrahama 2:10–11

Ndiani akasanganisirwa muchibvumirano chaAbrahama?

Apo Ishe pavakaita chibvumirano Chavo naAbrahama, Vakavimbisa kuti chibvumirano ichi chaizopfuurira kuzvizvarwa zvaAbrahama, kana kuti “zvibereko zvake,” uye kuti “vazhinji vachagashira Vhangeri iri … vachaverengwa sezvibereko zvako” (Abrahama 2:10–11). Izvi zvinoreva kuti zvivimbiso zvechibvumirano chaAbrahama zvinoshanda kunhengo dzeChechi nhasi, kunyangwe vari zvizvarwa chaizvo zvaAbrahama kana kuti vakatorwa mumhuri yake kuburikidza nerubhabhatidzo uye nerutendeuko kuvhangeri raJesu Kristu (ona VaGaratia 3:26–29; Dzidziso neZvibvumirano 132:30–32). Kuti munhu averengwe sechibereko chaAbrahama, anofanira kuteerera mitemo nezvisungo zvevhangeri.

Genesi 12:1–3; 13:15–16; 15:1–6; 17:1–8, 15–22; Abrahama 2:8–11

Chibvumirano chaAbrahama chinondikomborera ini nemhuri yangu.

Nekuda kwekuti nhengo dzese dzeChechi dzakasanganisirwa muchibvumirano chaAbrahama, ungangoda kupedza nguva uchifungisisa kuti sei chibvumirano ichi chakakosha muupenyu hwako. Nyora pasi pfungwa dzavo pamusoro pemibvunzo inotevera:

Vimbiso dzinowanika muna Abrahama 2:8–11 dzinokwanisa kundikomborera sei ini nemhuri yangu? (onawo Genesi 12:1–3; 13:15–16).

Ndinodzidzei pamusoro pechibvumirano chaAbrahama kubva muna Genesi 15:1–6; 17:1–8, 15–22?

Ndinonzwa ndichikurudzirwa kuitei kuti ndibatsire kuzadzikisa vimbiso yekuti “dzose mhuri dzepasi dzicharopafadzwa”? (Abrahama 2:11).

Unogona kufunga nezvekuti mamwe emaropafadzo epanyika akavimbiswa kuna Abrahama naSara, sezvakaita kugara nhaka yenyika yechipikirwa uye nokuva vabereki vezvizvarwa zvikuru, akafanana neekusingaperi. Aya anosanganisira kugara nhaka muumambo hweseresitiyaro (ona Dzidziso neZvibvumirano 132:29) uye muchato wokusingaperi unezvizvarwa zvokusingaperi (ona Dzidziso neZvibvumirano 131:1–4; 132:20–24, 28–32). “Mutemberi,” vakadzidzisa kudaro Mutungamiriri Russell M. Nelson, “ndimo matinogamuchira maropafadzo chaiwo, sezvibereko zvaAbrahama, Isaka, naJakobo” (“The Gathering of Scattered Israel,” Liahona, Mbudzi 2006, 80).

Onawo Dudziro yaJoseph Smith, Genesi 15:9–12; 17:3–12Nhungamiro kuMagwaro Matsvene “Abrahama, chibvumirano cha”; “Pfungwa dzoKuchengeta muNdangariro: Chibvumirano,” muchinyorwa chino.

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwemhuri

Mazano ekuNzvera Magwaro Matsvene kweMhuri uye eNguva yeMhuri Pamba Manheru

Genesi 13:5–12.Chii chakaitwa naAbrahama kuti aumbe runyararo mumhuri yake? Pamwe nhengo dzemhuri yako dzinogona kudzidzira kuva muyananisi saAbrahama nokuita mutambo wekuratidza magadziriso ekuita kusawirirana kungangomuka mumhuri yenyu.

Genesi 13:16; 15:2–6; 17:15–19.Ungabatsira sei mhuri yako kunzwisisa vimbiso yaIshe iri mundima idzi—kuti kunyangwe Abrahama naSara vakanga vasati vava nevana, zvizvarwa zvavo zvaizowanda kunge guruva repasi, nyeredzi dziri mudenga, kana jecha pamhenderekedzo yegungwa? (onawo Genesi 22:17). Pamwe unogona kuratidza nhengo dzemhuri mudziyo une jecha, kutarisa nyeredzi, kana kushandisa mufananidzo wakaiswa muchidzidzo chino. Tinogona sei kuvimba nevimbiso dzaMwari kunyangwe dzikaita sedzisingakwanisike?

Genesi 14:18–20.Tinodzidzei pamusoro paMerkizedeki kubva mune Dudziro yaJoseph Smith, Genesi 14:25–40? (onawo Aruma 13:13–19). Tingaita sei kuti “[timise] ururami” sezvakaitwa naMerkizedeki? (ndima 36). Chii chimwe chinotikurudzira pahushumiri hwaMerkizedeki?

Mufananidzo
Merkizedeki achiropafadza Abrama

Melchizedek Blesses Abram (Merkizedeki Achiropafadza Abrama), naWalter Rane

Genesi 16.Kuverenga pamusoro paHagari kunogona kuva mukana wekuti tikurukure kubatsirwa kwatinoitwa naIshe apo patinonzwa kutadzirwa. Unogona kutaurawo kuti “Ishmaeri” zvinoreva kuti “Mwari vanonzwa.” Ndiriini patakanzwa kuti Ishe vakanzwa uye vakatibatsira apo patainzwa kutadzirwa? (ona Genesi 16:11).

Kuti uwane mamwe mazano ekudzidzisa vana, ona chirongwa chevhiki ino chiri muna Huyai, Munditevere—Bhuku reVana Vadiki.

­i

Kunatsurudza Kudzidzisa Kwedu

Ivapo uye uchiwanikwa. Dzimwe dzenguva dzekudzidzisa dzakanakisisa dzinotanga semibvunzo kana zvinetso zvinenge zviri mumwoyo yenhengo dzemhuri. Ita kuti nhengo dzemhuri dzizive kuburikidza nemashoko ako nezviito zvako kuti une chido chikuru chokuvanzwa. (Ona Teaching in the Savior’s Way, 16.)

Mufananidzo
Sara akatarisa denga rakazara nenyeredzi

Mwari vakavimbisa kuti zvizvarwa zvaAbrahama naSara zvaizowanda “senyeredzi dzedenga” (Genesi 22:17). Pondering God’s Promise (Kufungisisa Vimbiso dzaMwari), naCourtney Matz.

Dhinda