Testamente Yekare 2022
Ndira 31–Kukadzi 6. Genesi 6–11; Mosesi 8: “Noa Akawana Nyasha muMaziso aIshe”


“Ndira 31–Kukadzi 6. Genesi 6–11; Mosesi 8: ‘Noa Akawana Nyasha muMaziso aIshe,’” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: Testamente Yekare 2022 (2012)

“Ndira 31–Kukadzi 6. Genesi 6–11; Mosesi 8,” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: 2022

Mufananidzo
Noa, mhuri yake, mhuka, areka, nemurarabungu

Mufananidzo waNoa achibuda muareka, naSam Lawlor

Ndira 31–Kukadzi 6

Genesi 6–11; Mosesi 8

“Noa Akawana Tsitsi Pamberi paJehova”

Nyaya dziri mumagwaro matsvene dzinokwanisa kazhinji kutidzidzisa zvidzidzo zvemweya zvakawanda. Apo paunoverenga pamusoro peFashamu Guru uye peShongwe yeBaberi, tsvaga femero pamusoro pemashandiro anoita rondedzero idzi kwauri.

Nyora Pasi Manzwiro Ako

Zvizvarwa zvizhinji zvevaverengi veBhaibheri zvakakurudzirwa nenyaya yaNoa neFashamu. Asi isu tiri kurarama mumazuva ekupedzisira tine chikonzero chakakosha chekunyatsofungisisa nezvayo. Apo Jesu Kristu paakadzidzisa matarisiro atinofanira kuita kuuya kwake kweChipiri, akati, “Sezvazvakanga zviri mumazuva aNoa, ndizvo zvazvichange zvakaitawo pakuuya kweMwanakomana weMunhu” (Joseph Smith—Mateo 1:41). Pamusoro pazvo, ndevo dzinotsanangura zuva raNoa, sekuti “yakaora” uye “yakazadzwa nekurwisana,” dzinogona zvirinyore chaizvo kutsanangura nguva yedu (Genesi 6:12–13; Mosesi 8:28). Nyaya yeShongwe yeBaberi inoratidzikawo seinoshanda kuzuva redu, netsanangudzo yayo yekuzvikudza kwakateverwa nekuvhiringidzika uye nekupesana pakati pevana vaMwari.

Rondedzero dzechinyakare idzi dzakakosha kwete chete nokuti dzinotiratidza kuti hunyangadzi hunozvidzokorora nemunhoroondo yose. Zvakanyanya kukosha ndezvekuti, dzinotidzidzisa izvo zvekuita pamusoro pahwo. Noa “akawana nyasha mumaziso aIshe” (Mosesi 8: 27) zvisinei nehunyangadzi hwakanga hwakamukomberedza. Uye mhuri dzaJaredi nemukoma wake dzakatendeukira kuna Ishe uye dzakatungamirirwa kubva kuhunyangadzi muBaberi (ona Eta 1:33–43). Kana tichinetseka kuti tingazvidzivirira sei isu pachezvedu nemhuri dzedu munguva yedu isu pachedu yehuori nekurwisana, nyaya dzinozivikanwa muzvitsauko izvi dzine zvakawanda zvekutidzidzisa.

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwako wega

Mazano eKunzvera Magwaro Matsvene Kwako Wega

Genesi 6; Mosesi 8

Kune kuchengetedzwa panezvemweya mukutevera muporofita waIshe.

Tinotenda nevhangeri rakadzorerwa, tinoziva zvimwe zvakawandisa pamusoro paNoa kupinda zvinowanikwa muTesitamente Yekare. Dudziro yakafemerwa yaJoseph Smith yaGenesi 6, iyo inowanikwa muna Mosesi 8, inoratidza kuti Noa aive mumwe wevaporofita vakuru vaMwari. Akagadzwa uye akatumirwa kunoparidza vhangeri raJesu Kristu, akafamba uye akataura naMwari, uye akasarudzwa kuti adzorerezve vana vaMwari pasi pano mushure meFashamu Unodzidzei nezvevaporofita kubva pazviitiko zvaNoa?

Apo paunoverenga pamusoro pezuva raNoa, ungangocherechedza fanano dziripo kuzuva redu. Semuenzaniso:

Zvii zviri kudzidziswa nevaporofita nhasi pamusoro pevhangeri raJesu Kristu zvinokwanisa kukuchengeta wakadzivirirwa munyika yanhasi? Apo paunoverenga pamusoro pezviitiko zvaNoa, chii chinokukurudzira kuti utevere vaporofita vaIshe nhasi?

Onawo Mosaya 13:33; Dzidziso neZvibvumirano 21:4–7.

Genesi 9:8–17

Zviratidzo kana mifananidzo zvinotibatsira kuyeuka zvibvumirano zvedu naIshe.

Zvibvumirano zvevhangeri zvinokwanisa kumiririrwa nechioneso, mufananidzo, kana “chiratidzo” (Genesi 9:12). Semuenzaniso, funga pamusoro pekuti chingwa nemvura zvesakaramende kana mvura dzerubhabhatidzo zvinokuyeuchidza sei zvokwadi zvinoenderana nezvibvumirano zvako. Maererano naGenesi 9:8–17, chii chinokwanisa kuunzwa kundangariro yako nemuraraungu ? ­ Sei Ishe vachida kuti uVayeuke uye uyeuke zvibvumirano zvawakaita?

­ ,

Genesi 11:1–9

Nzira chete yekusvika kudenga ndeyekutevera Jesu Kristu.

Baberi yechinyakare, kana Babironi, yakagara ichishandiswa sechiratidzo chehunyangadzi uye norudo rwezvenyika (ona Zvakazarurwa 18:1–10; Dzidziso neZvibvumirano 133:14). Apo paunoverenga Genesi 11:1–9, fungisisa nzwisiso dzakapuwa namuporofita Mormon, uyo akanyora kuti Satani ndiye “akazviisa mumwoyo yevanhu kuti vavake shongwe yakakwirira zvakakwana zvekuti vangakwanisa kusvika kudenga” (Helaman 6: 28; onawo ndima 26–27). Iyambiro dzipi idzo nyaya yeShongwe yeBaberi dzainadzo kwauri?

Onawo Mapisarema 127:1.

Mufananidzo
Shongwe yeBaberi

Mufananidzo weShongwe yeBaberi, naDavid Green

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwemhuri

Mazano ekuNzvera Magwaro Matsvene kweMhuri uye eNguva yeMhuri Pamba Manheru

Genesi 6–8.  Zvimwe mhuri yenyu inogona kushanda pamwechete kuvaka chikepe chidiki nemapepa, kana zvidimbu zvemapuranga kana malego. Apo pamunoverenga Genesi 6–7, munokwanisa kuenzanisa dziviriro inopuwa nechikepe nedziviriro yatinowana mukutevera muporofita. Mungangoda kukurukura rairo yenguva pfupi yapfuura yakabva kumuporofita uye monyora mashoko ake erairo pachikepe chenyu.

Chii chimwe chatakapuwa naMwari chingaenzaniswa neareka yakaponesa mhuri yaNoa? 2 Nifai 9–13 uye Dzidziso neZvibvumirano 115:5–6 dzinopa dzimwe mhinduro, kunyangwe paine dzimwe dzakawanda.

Mosesi 8:17.Zvinorevei kuti Mweya waIshe “ushingaire” nesu? (ona 1 Nifai 7:14; Dzidziso neZvibvumirano 1:33). Ndirinhi patakanzwa Mweya uchishingaira nesu?

Genesi 9:8–17.Vana vadiki vanogona kufadzwa nekudhirowa kana kukara murarabungu apo pamunenge muchitaura pamusoro pezvaunomiririra . Munogonawo kukurukura nezvezvinhu zvinotibatsira kuyeuka zvibvumirano zvedu, zvakaita sesakaramende, iyo inotibatsira kuyeuka chibvumirano chedu cherubhabhatidzo chekutevera Jesu Kristu (ona Dzidziso neZvibvumirano 20:75–79).

Genesi 11:1–9.Zvingangobatsira kuverenga Eta 1:33–43 apo mhuri yenyu painonzvera Genesi 11 nokudzidza pamusoro peShongwe yeBaberi. Chii chatinodzidza kubva kumhuri dzaJaredi nemukoma wake chinokwanisa kubatsira mhuri yedu kuwana dziviriro yemweya zvisinei nehunyangadzi huri munyika? Ndezvipi zvimwe zvidzidzo zvatinodzidza kubva kuna Noa nemhuri yake apo pavakasangana nechinetso chimwechetecho? (ona Mosesi 8:13, 16–30).

Kuti uwane mamwe mazano ekudzidzisa vana, ona chirongwa chevhiki ino chiri muna Huyai, Munditevere—Bhuku reVana Vadiki.

Rumbo rwakapuwa: “Tinokutendai neMuporofita,” Nziyo neDzevana Vadiki nhamba 70.

Kunatsurudza Kunzvera Kwako Wega

Govera nzwisiso dzako Apo paunogovera izvo zvaunodzidza kubva mumagwaro matsvene, haungoropafadzi vamwe chete asiwo unodzamisa nzwisiso yako pachako. Chii chaunonzwa kukurudzirwa kugoverana kubva mumagwaro matsvene nemhuri yako, shamwari, kana nhengo dzewadhi?

Mufananidzo
Areka yaNoa

Mufananidzo weareka yaNoa, naAdam Klint Day

Dhinda