Testamente Yekare 2022
Ndira 24–30. Mosesi 7: “Ishe Vakadaidza Vanhu Vavo Kuti Zioni”


“Ndira 24–30. Mosesi 7: ‘Ishe Vakadaidza Vanhu Vavo Kuti Zioni’” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: Testamente Yekare 2022 (2021)

“Ndira 24–30. Mosesi 7,” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: 2022

Mufananidzo
vanhu vakawanda vachidyidzana nenzira dzine rudo

Love One Another (Dananai), naEmma Donaldson Taylor

Ndira 24–30

Mosesi 7

“Ishe Vakadaidza Vanhu Vavo Kuti Zioni”

Apo paunoverenga nekufungisisa Mosesi 7, nyora pasi manzwiro ezvemweya ako. Nokuita izvi, unoratidza kuti unokoshesa nhungamiro inobva kuna Ishe uye kuti unoda kugashira nhungamiro Yavo yakawanda.

Nyora Pasi Manzwiro Ako

Nemunhoroondo yose, vanhu vakaedza kuzadzikisa izvo zvakabudirirwa pazviri naEnoki nevanhu vake: kuvaka nzanga yakanaka isina hurombo kana kurwisana kwechisimba. Sevanhu vaMwari, tinachowo chido ichi. Tinokudaidza kuti kuvaka Zioni, uye kunosanganisira—pamusoro pekutaririra varombo nekukurudzira runyararo—kuita zvibvumirano, kugara pamwechete muururami, uye kuva mumwechete tose uye naJesu Kristu, “Mambo weZioni” (Mosesi 7: 53). Nokuda kwekuti basa rekumisa Zioni ririkuenderera mberi muzuva redu, zvinobatsira kubvunza kuti, Enoki nevanhu vake vakazviita sei? Vakava sei “vemwoyo mumwechete nepfungwa imwechete” (Mosesi 7:18) zvisinei nehunyangadzi hwakanga hwakavakomberedza? Pakati peruzivo rwakawanda rwatinopuwa naMosesi 7 pamusoro peZioni, rumwechete rwakanyanya kukosha kuVatendi vaMazuva Ekupedzisira rungangova uwu: Zioni harisi ringori guta chete—mamiriro emwoyo neemweya. Zioni, sekudzidzisa kwakaita Ishe, ndivo avo “vakachena mumwoyo” (Dzidziso neZvibvumirano 97:21). Saka pamwe nzira yakanakisa yekuvaka nayo Zioni ndeye kutanga mumwoyo yedu pachedu nemudzimba dzedu pachedu.

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwako wega

Mazano eKunzvera Magwaro Matsvene Kwako Wega

Mosesi 7:16–21, 27, 53, 62–69

Kuedza kwaEnoki ndiwo mutoo wekuvaka Zioni muupenyu hwedu pachedu.

Nokuda kwekuti Mosesi 7 irondedzero yemabudiriro akaita vateveri vaMwari pakuvaka Zioni, inokwanisa kutirairidza uye kutikurudzira nhasi apo patinoedza kuita zvimwechetezvo. Funga pamusoro pekushandisa tebhuru yakaita seino kunyora pasi izvo zvaunodzidza pamusoro peZioni kubva muna Mosesi 7:16–21, 27, 53, 62-69..

Ndima

Chii chaunodzidza pamusoro peZioni?

Izvi zvinotaurei pamusoro pekuedza kwako kuvaka Zioni?

Ndima

7:18

Chii chaunodzidza pamusoro peZioni?

Vanhu veZioni vakanga vari “vemwoyo mumwechete nepfungwa imwechete.”

Izvi zvinotaurei pamusoro pekuedza kwako kuvaka Zioni?

Tinofanira kubatana semhuri uye seChechi.

Ndima

7:21

Chii chaunodzidza pamusoro peZioni?

“Mukufamba kwenguva, [Zioni] yakatorwa ikaenda kudenga.”

Izvi zvinotaurei pamusoro pekuedza kwako kuvaka Zioni?

Kuvaka Zioni chinhanho chinoitika zvishoma nezvishoma.

Ndima

Chii chaunodzidza pamusoro peZioni?

Izvi zvinotaurei pamusoro pekuedza kwako kuvaka Zioni?

Ndima

Chii chaunodzidza pamusoro peZioni?

Izvi zvinotaurei pamusoro pekuedza kwako kuvaka Zioni?

Mosesi 7:18–19, 53

Vanhu vaMwari vanofanira kuedza kuva “vemwoyo mumwechete nepfungwa imwechete.”

Mosesi 7: 18–19 inodorongodza hunhu hwakakosha hwevanhu avo Ishe vavakadaidza kuti Zioni. Sei uchifunga kuti hunhu uhwu hunodikanwa kuvaka Zioni? Zioni, sekutsanangurwa kwainoitwa muchitsauko chino, yakasiyana sei nemamwe mapoka akabatana kana masangano ari munyika? Apo paunofungisisa mubvunzo uyu, ungangofunga pamusoro pemashoko aJesu Kristu ari mundima 53: “Ndini Mesia, Mambo weZioni.” Zvinorevei kuva naJesu Kristu saMambo wedu? Anotibatsira sei kukudziridza hunhu hweZioni?

Onawo VaFiripi 2: 1-5; 4 Nifai 1: 15–18; Dzidziso uye Zvibvumirano 97:21; 105: 5..

Mufananidzo
vanhu vachikwazisana

Tinofanira kuedza nesimba rose kuva “nemwoyo mumwechete nepfungwa imwechete” (Mosesi 7:18).

Mosesi 7:21, 23–24, 27, 69

Chii chakaitika kuguta raEnoki?

Ndevo dzinoti “kutorwa kuenda kudenga” (Mosesi 7:21, 23), “kusimudzirwa” (Mosesi 7: 24),“kubatwa” (Mosesi 7:27), uye “tiza” (Mosesi 7:69) dzinotaura nezve Zioni nevanhu vaEnoki vachishandurwa uye vachiendeswa kudenga. Vanhu vanoshandurwa, “vanochinjwa kuitira kuti varege kusangana nemarwadzo kana rufu” sevanhu venyama (Nhungamiro kuMagwaro Matsvene, “Vanhu Vakashandurwa” “Zioni,” scriptures.ChurchofJesusChrist.org; onawo 3 Nephi 28:4–9, 15–18, 39–40).

Mosesi 7:28–69

Mwari vanochemera vana Vavo.

Vamwe vanhu vanoona Mwari semunhu ari kure asingabatwe pamwoyo nezvinoitika kwatiri. Asi Enoki akaona chiratidzo umo Mwari mavaichemera vana Vavo. Apo paunoverenga Mosesi 7: 28–40, tsvaga zvikonzero zvakaita kuti Mwari vacheme. Muchikamu chekupedzisira chechiratidzo chaEnoki, chakatsanangurwa muna Mosesi 7: 41-69, umboo hupi hwaunowana hwekuti Mwari “vane ngoni uye vane tsitsi narinhi narinhi”? (Mosesi 7:30; ona ndima 43, 47, uye 62 kuti uwane mienzaniso).

Mosesi 7:62

Mumazuva ekupedzisira Mwari vachaunganidza vakasarudzwa Vavo.

Ndima 62 inotsanangura zviitiko zvemazuva ekupedzisira. Funga pamusoro pezvingangoreva ndevo dzakaita seidzi: “ururami ndichahutumira pasi kubva kudenga,” “chokwadi ndichachitumira mberi kubva panyika,” “ururami nechokwadi ndichaita kuti zvitsvaire panyika sezvinoitwa nefashamu.” Chii chaunodzidziswa nendevo idzi pamusoro pebasa raMwari mumazuva ekupedzisira?

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwemhuri

Mazano ekuNzvera Magwaro Matsvene kweMhuri uye eNguva yeMhuri Pamba Manheru

Mosesi 7:18–19.Kubatsira nhengo dzemhuri kuti dzione zvazvinoreva kuva “vemwoyo mumwechete,” zvimwe ungagadzira mwoyo webepa uye woucheka kuita zvidimbu zvidimbu zvepazuru (puzzle), zvinokwana kuti nhengo yemhuri yega yega ive nechidimbu chimwechete. Nhengo dzemhuri dzinogona kunyora mazita avo pachidimbu chavo uye voshanda pamwechete kuisa mwoyo uyu pamwechete. Apo pamunenge muchibatanidza pazuru iyi mungangotaura pamusoro pezvinhu zvamunoda pamusoro penhengo yemhuri yega yega.

Mosesi 7:28–31, 35.Chii chatinodzidza pamusoro paMwari kubva mundima idzi?

Mosesi 7: 32Sei Mwari vakatipa kwaniso yekuzvisarudzira? Chii chatingataure kune mumwe munhu anonzwa kuti mirairo yaMwari inoganhura kwaniso yekuzvisarudzira kwedu? Kuverenga 2 Nifai 2:25–27 kungangowedzera kuhurukuro ino.

Mosesi 7:59–67.Apo mhuri yenyu painoverenga Moses 7: 59-67, edzai kumaka kana kunyora zvinhu zvinoudzwa Enoki naIshe pamusoro pemazuva ekupedzisira—semuenzaniso, kuti Mwari “vanozounganidza vakasarudzwa [Vavo]” (ndima 62) uye kuti kunozova “nekutambudzika kukuru pakati pevakaipa” (ndima 66). Tingava sei nerutendo uye netariro zvisinei nehunyangadzi mumazuva ekupedzisira? Sechikamu chehurukuro iyi, funga pamusoro pekuverenga mashoko aya kubva kuna Gosa Ronald A. Rasband anoti: “Musaora mwoyo mabhuratha nemasisita. Hongu, tiri kurarama munguva dzakazara nenjodzi, asi apo patinoramba tiri munzira yechibvumirano, hatifaniri kutya. Ndinokuropafadzai kuti apo pamunodaro, hamuzonetseki nenguva dzatiri kurarama kana matambudziko anouya kwamuri. Ndinokuropafadzai kuti musarudze kumira munzvimbo tsvene uye musazunungutswa. Ndinokuropafadzai kuti mutende muvimbiso dzaJesu Kristu, dzekuti Anorarama uye kuti Arikutitarisira, achitiriritira nokumira nesu” (“Be Not Troubled,” Liahona, Mbudzi 2018, 21).

Kuti uwane mamwe mazano ekudzidzisa vana, ona chirongwa chevhiki ino chiri muna Huyai, Munditevere—Bhuku reVana Vadiki.

Rumbo rwakapuwa: “Rudo Mumba,” Nziyo neDzevana Vadiki, nhamba 86.

Kunatsurudza Kudzidzisa Kwedu

Iva unocherechedza. Kana ukacherechedza zviri kuitika muhupenyu hwevana vako, unozowana mikana yakanakisisa yekudzidzisa. Zvinotaurwa nevana vako uye nemibvunzo yavo mukati mezuva rose zvinokwanisawo kukurudzira nguva dzekudzidzisa. (Ona Teaching in the Savior’s Way, 16.)

Mufananidzo
Mufananidzo wakapendwa waEnoki uye vanhu vakatarisa kumusoro kuchiedza

City of Zion Translated (Guta reZioni Rakashandurwa), naDel Parson

Dhinda