Testamente Yekare 2022
Ndira 17–23. Genesi 5; Mosesi 6: “Dzidzisa Zvinhu Izvi Wakasununguka Kuvana Vako”


“Ndira 17–23. Genesisi 5; Mosesi 6: “Dzidzisa Zvinhu Izvi Wakasununguka Kuvana Vako,” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: Testamende Yekare 2022 (2021)

“Ndira 17–23. Genesi 5; Mosesi 6,” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: 2022

Mufananidzo
Adama naEva kunze kweMunda weEdeni

Better than Paradise (Zvirinani kupfuura Paradhiso), naKendal Ray Johnson

Ndira 17–23

Genesi 5; Mosesi 6

“Dzidzisa Zvinhu Izvi Wakasununguka Kuvana Vako”

Paunoverenga nekufungisisa Genesi 5 uye Mosesi 6, nyora pasi manzwiro ezvemweya aunogamuchira. Mashoko api aunowana ayo akakosha kwauri nemhuri yako?

Nyora Pasi Manzwiro Ako

Zvizhinji zvezvinyorwa zviri muna Genesi 5 mudorongodzwa wezvizvarwa pakati paAdama naEva uye naNoa. Tinoverenga mazita akawanda, asi hatidzidze zvakawanda nezvavo. Zvino tinozoverenga pamusoro paEnoki, zvizvarwa zvitanhatu kubva kuna Adama, uyo anorondedzerwa nemutsetse uyu unonakidza asi usina kutsanangurwa: “Uye Enoki akafamba naMwari: uye akanga asiri; nokuti Mwari akamutora ” (Genesi 5:24). Chokwadi pane nyaya yakabatanidzirwa kuchirevo ichocho. Asi pasina imwe tsananguro, mudorongodzwa wezvizvarwa unoenderera mberi.

Chakanaka ndechekuti Mosesi 6 inopa rondedzero yakazara yenyaya yaEnoki—uye inyaya inoshamisa zvikuru. Tinodzidza nezvekuzvininipisa kwaEnoki, kusagadzikana kwake, kwaniso dzakaonekwa naMwari maari, uye nebasa guru raakaita semuporofita waMwari. Tinowanawo nzwisiso yakanyanya kujeka yemhuri yaAdama naEva apo payaifambira mberi nemuzvizvarwa. Tinoverenga nezve “hutongi hukuru” hwaSatani asiwo nezve vabereki avo vakadzidzisa vana “nzira dzaMwari” uye nezve “vaparidzi veururami” avo “vakataura uye vakaporofita” (Mosesi 6:15, 21, 23). Chakanyanya kukosha ndeizvo zvatinodzidza pamusoro pedzidziso iyo vabereki uye vaparidzi ava yavakadzidzisa: rutendo, rutendeuko, rubhabhatidzo, uye kugamuchira Mweya Mutsvene (ona Mosesi 6:50–52). Dzidziso iyoyo, sehupirisita hunoiperekedza, “yaivepo pakutanga [uye] ichavepowo mukuguma kwenyika” (Mosesi 6:7).

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwako wega

Mazano eKunzvera Magwaro Matsvene Kwako Wega

Mosesi 6:26–36

Muporofita muoni.

Apo paunonzvera Mosesi 6:26–36, unodzidzei pamusoro pemaziso, rima, uye kuona? Munguva yaEnoki, ndiani akanga asingakwanisi “kuona kure”? Sei vanhu ava vaiva vasingakwanisi kuona chokwadi? Enoki aikwanisa kuona chii? Chii chakavaka rutendo rwako rwekuti vaporofita vemazuva ano vaoni? (ona ndima 36; Nhungamiro kuMagwaro Matsvene, “Muoni,” scriptures.ChurchofJesusChrist.org).

Mosesi 6:26–47

Mwari vanotidana kuti tiite basa Ravo zvisinei neutera hwedu.

Hazvisi zvitsva kunzwa kuremerwa neizvo Ishe zvavanenge vatidana kuti tiite. Kunyange Enoki akanzwawo saizvozvo apo Ishe pavakamudana kuti ave muporofita. Paunoverenga Mosesi 6:26–36, tsvaga kuti sei Enoki akanzwa kuremerwa uye izvo zvakataurwa naIshe kuti vamupe ushingi. Kubva mundima 37–47, tsvaga nzira idzo Ishe dzavakatsigira nadzo Enoki uye vakamusimbisa kuti aite basa Ravo (onawo Mosesi 7:13). Unogona kuenzanisa chiitiko chaEnoki neizvo zvevamwe vaporofita vainzwa sevasingakwanisi, saMosesi (ona Eksodo 4:10–16), Jeremia (ona Jeremia 1:4–10), Nifai (ona 2 Nifai 33:1–4), uye Moroni (ona Eta 12:23–29). Unonzwa kuti Mwari vanoda kuti udzidzei kubva mumagwaro aya pamusoro pebasa ravakakupa kuti uite?

Onawo Jakobho 4:6–8.

Mosesi 6:48–68

Dzidziso yaKristu yakakosha zvikurusa pachinangwa chaMwari cheruponeso.

Nokuti tine bhuku raMosesi, tinoziva kuti Mwari vakanga vachidzidzisa vana Vavo mawaniro avangaita ruregerero uye rununuro kubvira chaipo pakutanga. Mumagwaro matsvene, dzidziso idzi dzimwe nguva dzinodaidzwa kuti dzidziso yaKristu. (ona 2 Nifai 31:13–21). Apo paunonzvera Mosesi 6:48–68, tsvaga izvo zvatinofanira kuziva uye kuita kuti tinunurwe. Unogona kuwana zvichibatsira kunyora pfupiso yako pachako yezvakadzidziswa naEnoki. Sei zvakakosha kuziva kuti zvokwadi izvi zvakadzidziswa kubvira mumazuva aAdama naEva? Chii chaunonzwa uchikurudzirwa kuita semugumisiro wekudzidza dzidziso idzi?

Mosesi 6:51–62

“Dzidzisa zvinhu izvi wakasununguka kuvana vako.”

Adama naEva vakadzidziswa zvokwadi zvakakosha zvevhangeri raJesu Kristu. Asi mashoko aIshe ari muna Mosesi 6:27–28 anobudisa pachena kuti muzvizvarwa Enoki asati avapo, vanhu vakawanda vakanga vasingararami maererano nezvokwadi izvozvo. Ishe vaida kuti Enoki adzorere zvokwadi zvakanga zvarasika— pamwechete nemurairo wakatanga kupuwa Adama wekuti “Dzidzisa zvinhu izvi wakasununguka kuvana vako” (Mosesi 6:58). Apo paunoverenga Mosesi 6:51–62, unodzidzei pamusoro paJesu Kristu? Chii chaunowana chinozova chakanyanya kukosha kuchizvarwa chiri kukura? Chii chaungaita kuti ubatsire kupfuudza zvokwadi izvi kuzvizvarwa zvichatevera?

Mufananidzo
mhuri ichinzvera magwaro matsvene

Vabereki vanofanira kudzidzisa vana vavo vhangeri.

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwemhuri

Mazano ekuNzvera Magwaro Matsvene kweMhuri uye eNguva yeMhuri Pamba Manheru

Genesi 5; Mosesi 6:5–25, 46.Kuverenga pamusoro “pebhuku rendangariro” rakachengetwa nemhuri yaAdama naEva kunogona kukurudzira mhuri yako kuita bhuku rendangariro renyu pachenyu. Kurukurai semhuri izvo zvamunoda kusanganisira mubhuku racho. Pamwe mune mapikicha, nyaya, kana zvinyorwa zvenhoroondo yemhuri yenyu. Munogona kusarudza kusanganisira zvinhu zviri kuitika mumhuri yenyu iye zvino. Zvii zvingazoonekwa sezvakakosha nezvizvarwa zvichatevera? Munokwanisawo kukurukura kuti ndevo dzinoti “nemweya wefemero” (Mosesi 6:5) uye “mutowo wakapiwa nemunwe waMwari” (Mosesi 6:46) dzinokwanisa sei kutungamira kuedza kwenyu. Fungai nezve kuchengetedza ruzivo rwemubhuku rendangariro renyu pa FamilySearch.org.

Mosesi 6:53–62.Tingapindura sei mubvunzo waAdama unowanikwa muna Mosesi 6:53? Ndedzipi mhinduro dzatinowana mundima 57–62?

Mosesi 6:59.Zvinorevei “kuzvarwa zvakare muumambo hwekudenga”? Tingaita sei kuti tirambe tichizvarwa zvakare nemuupenyu hwedu hwese? Kuti uwane rubatsiro, ona Aruma 5:7–14, 26; Nhungamiro kuMagwaro Matsvene, “Kuzvarwa Patsva, Kuzvarwa naMwariscriptures.ChurchofJesusChrist.org(

Mosesi 6:61.Chii chatinodzidza pamusoro peMweya Mutsvene kubva mundima idzi?

Mosesi 6:63.Ndezvipi zvimwe zvezvinhu “zvinopupura nezva [Kristu]”? (onawo 2 Nifai 11:4). Funga nezvekukoka nhengo dzemhuri kuti vagovere chimwe chinhu chavanoona “mumatenga ari kumusoro” kana “panyika” icho chinovabatsira kudzidza pamusoro paJesu Kristu. Semuenzaniso, miti, matombo, kana zuva zvinotiyeuchidza sei nezve Muponesi? Misoro yenyaya inoti “mvura mhenyu” uye “chingwa cheupenyu” inotidzidzisei pamusoro Pake.? (Johane 4:10–14; 6:35).

Kuti uwane mamwe mazano ekudzidzisa vana, ona chirongwa chevhiki ino chiri muna Huyai, Munditevere—Bhuku reVana Vadiki.

Rumbo rwakapiwa: “Ndichaenda Kwamunoda Kuti Ndiende,” Nziyo, nhamba 270.

Kunatsurudza Kunzvera Kwako Wega

Tsvaga zviratidzo. Mumagwaro matsvene, zvinhu kana zviitiko kazhinji zvinogona kumiririra kana kuva mucherechedzo wezvokwadi zvezvemweya. Zviratidzo izvi zvinokwanisa kukudziridza nzwisiso yako yedzidziso. Semuenzaniso, unodzidzei kubva muchiratidzo chemaziso uye rondo muna Mosesi 6:35?

Mufananidzo
Adama naEva vaine vana

Adam and Eve Teaching Their Children (Adama naEva Vachidzidzisa Vana Vavo), naDel Parson

Dhinda