Testamente Yekare 2022
Ndira 10–16. Genesi 3–4; Mosesi 4–5: Kuputsika kwaAdama naEva


“Ndira 10–16. Genesi 3–4; Mosesi 4–5: Kuputsika kwaAdama naEva” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: Testamente Yekare 2022 (2021)

“Ndira 10–16. Genesisi 3–4; 4–5,” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: 2022

Mufananidzo
Adama naEva Vachifamba vese

Adam and Eve (Adama naEva), naDouglas M. Fryer

Ndira 10–16

Genesi 3– 4; Mosesi 4– 5

Kuputsika kwaAdama naEva

Apo paunonzvera Genesi 3–4 uye Mosesi 4–5, funga pamusoro peizvo Ishe zvavarikuedza kukudzidzisa. Nyora pasi zvokwadi izvi uye manzwiro ezvemweya ako, uye wofunga nezvazvo nemuvhiki yose.

Nyora Pasi Manzwiro Ako

Pakutanga, nyaya yeKuputsika kwaAdama naEva inogona kuratidzika senjodzi. Adama naEva vakadzingwa kubva muMunda weEdeni wakanaka. Vakakandwa munyika yakanga iine marwadzo, rusuwo, uye nerufu nguva dzose (ona Genesi 3:16–19). Uye vakaparadzaniswa naBaba vavo Vokudenga. Asi nekuda kwezvokwadi zvakadzorerwa kuburikidza neMuporofita Joseph Smith mubhuku raMosesi, tinoziva kuti nyaya yaAdama naEva zvirikwazvo ndeye tariro—uye kuti chikamu chakakosha chechirongwa chaMwari chevana Vavo.

Munda weEdeni wakanga wakanaka. Asi Adama naEva vaida chimwe chinhu chinopfuura nzvimbo yakanaka. Vaida—uye tose tinoda—mukana wekukura. Kusiya Munda weEdeni ndiyo yakanga iri nhanho yekutanga yaidikanwa yekunanga kudzokera kuna Mwari uye pekupedzisira kuva saIvo. Izvi zvaireva kusangana nepikiso, kuita zvikanganiso, kudzidza kutendeuka, uye kuvimba neMuponesi, uyo Rudzikinuro rwake rwunoita kuti kufambira mberi uye “mufaro werununuro rwedu” zvikwanisike (Mosesi 5:11). Saka apo paunoverenga pamusoro pekuputsika kwaAdama naEva, usanangise pfungwa pane izvo zvinoratidzika senjodzi asi pakwaniso—kwete paparadhiso iyo Adama naEva yavakarasikirwa nayo asi pakubwinya uko sarudzo yavo kwaitinobvumira kugashira.

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwako wega

Mazano eKunzvera Magwaro Matsvene Kwako Wega

Genesi 3:1–7; Mosesi 4: 5 4–12

Kuputsika kwaiva chikamu chinodikanwa chechirongwa chaMwari chekununura vana Vavo.

Kuputsika kwaAdama naEva kwakaunza kufa kwepanyama nekwepamweya munyika. Kwakaunzawo matambudziko, rusuwo, uye zvivi. Izvi zvese zvinoratidzika sezvikonzero zvekudemba Kuputsika. Asi Kuputsika kwakanga kuri chikamu chechirongwa chaBaba Vokudenga chekununura nekusimudzira kumusoro-soro vana Vavo kuburikidza “nekuzvipira kweMumwechete Akaberekwa waBaba” (Mosesi 5: 7). Apo paunonzvera Genesi 3:1–7; Mosesi 4; 5:4–12, ndezvipi zvokwadi zvaunowana zvinokubatsira kunzwisisa Kuputsika uye nemakundirwo akunoitwa neRudzikinuro rwaKristu? Mibvunzo yakaita seiyi inogona kubatsira:

  • Kuputsika kwakashandura sei Adama naEva? Kunondishandura sei ini?

  • Sei Adama naEva vakapa zvibairo? Chii chaimiririrwa nezvibairo izvozvo? Chii chandinokwanisa kudzidza kubva kumashoko engirozi mundima idzi?

  • Sei Adama naEva “vakafara” mushure moKuputsika kwavo? Chii chandinodzidza kubva murondedzero iyi pamusoro pechirongwa chaMwari chokundinunura kuburikidza naJesu Kristu?

Nokuda kweBhuku raMormoni uye nezvimwe zvakazarurwa zvemazuva ekupedzisira, tine maonero akasiyana neevamwe pamusoro pekuputsika. Semuenzaniso, funga pamusoro pezvakadzidziswa nemuporofita Rihai kumhuri yake pamusoro paAdama naEva muna 2 Nifai 2:15–27. Dzidziso dzaRihai dzinojekesa sei izvo zvakaitika muMunda weEdeni uye nokutibatsira kunzwisisa kuti sei zvakanga zvakakosha?

Onawo 1 Vakorinte 15:20–22; Mosaya 3:19; Aruma 12:21–37; Dzidziso neZvibvumirano 29:39–43; Misimboti yeChitendero 1:3. , ,

Mufananidzo
Eva akabata muchero

Leaving Eden (Kubuda muEdeni) naAnnie Henrie Nader

Genesi 3:16; Mosesi 4:22

Zvinorevei kuti Adama aizova “ishe” waEva?

Ndima iyi yechinyorwa chitsvene dzimwe nguva yanga isinganzwisiswi ichionekwa seinoreva kuti murume anechikonzero chakanaka chekubata mudzimai wake zvisina tsitsi. Muzuva redu, vaporofita vaIshe vakadzidzisa kuti kunyange zvazvo murume achifanirwa kutungamira mumba muururami, anofanira kuona mudzimai wake semumwe wake akaenzana naye (ona “Mhuri: Chiziviso kuNyika”.[ChurchofJesusChrist.org]). Gosa Dale G. Renlund naSisita Ruth Lybbert Renlund vakatsanangura kuti murume akarurama “anozotsvaga kushumira; anozobvuma apo paanenge aita chikanganiso uye otsvaga ruregerero; anozokurumidza kupa rumbidzo; anove nehanya nezvinodiwa nenhengo dzemhuri; anozonzwa huremu hukurusa hwebasa rekupa ‘zvidikanwi zveupenyu uye dziviriro’ kumhuri yake; anozobata mudzimai wake nerukudzo neruremekedzo rukurusa. … Anozoropafadza mhuri yake” (The Melchizedek Priesthood: Understanding the Doctrine, Living the Principles [2018], 23).

Mosesi 5:4–9, 16–26

Mwari vanogamuchira kuzvipira kwangu kana ndikakupa nemwoyo unoda uye unoteerera.

Adama naEva vakadzidza kuti zvibayiro zvemhuka zvaiva mucheredzo wekuzvipira kwerudzikinuro kwaKristu, uye vakaita kuti izvi “zvizivikanwe kuvanakomana vavo nevanasikana vavo” (Mosesi 5:12). Apo paunoverenga Mosesi 5: 4-9, 16–26, funga pamusoro pemafungiro akasiyana evaviri vevanakomana vavo, Kaini naAberi, kuzvibayiro izvi. Sei Ishe vakagashira chibayiro chaAberi asi kwete chaKaini?

Imhando dzipi dzekuzvipira idzo dzinokumbirwa naIshe kubva kwauri? Pane chimwe chinhu here muna Mosesi 5:4–9, 16–26 chinoshandura mafungiro aunoita pamusoro pekuzvipira ikoko?

Onawo Mapisarema 4:5; 2 VaKorinte 9:7; Omuni 1:26; 3 Nifai 9:19–20; Moronai 7:6–11; Dzidziso neZvibvumirano 97:8.

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwemhuri

Mazano ekuNzvera Magwaro Matsvene kweMhuri uye eNguva yeMhuri Pamba Manheru

Mosesi 4:1–4.Chii chatinodzidza pamusoro paMwari, Jesu Kristu, naSatani kubva mundima idzi? Sei kuzvisarudzira kwakakosha zvikuru kuchirongwa chaMwari zvokuti Satani angada kukuparadza?

Mosesi 5:5–9.Chii chakarairwa naMwari kuna Adama naEva kuti vaite kuitira kuvabatsira kufunga pamusoro peMuponesi? Chii chatakapihwa naMwari kutibatsira kuti tifunge pamusoro peMuponesi?

Mosesi 5:16–34.Zvinorevei kuva “muchengeti wemunin’ina” wedu? Tingariritirana zvirinani sei semhuri?

Kuti uwane mamwe mazano ekudzidzisa vana, ona chirongwa chevhiki ino chiri muna Huyai, Munditevere—Bhuku reVana Vadiki.

Rumbo rwakapuwa: “Ita Zvakanaka,” Nziyo neDzevana Vadiki, peji 66

Kunatsurudza Kunzvera Kwako Wega

Shandisa zvibatsiro zvekunzvera magwaro matsvene. Apo paunonzvera magwaro matsvene, shandisa zvinyorwa zvepazasi pepeji, , Nhungamiro kuMagwaro Matsvene, nezvimwe zvibatsiro zvekunzvera kuti uwane dzimwe nzwisiso.

Mufananidzo
ngirozi ichishanyira Adama naEva

Similitude, (Fanano,) naWalter Rane

Dhinda