Testamente Yekare 2022
Pfungwa dzeKuchengeta muNdangariro: Kuverenga Testamente Yekare


“Pfungwa dzeKuchengeta muNdangariro: Keverenga Testamente Yekare,” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: Testamente Yekare 2022 (2021)

“Pfungwa dzeKuchengeta muNdangariro: Kuverenga Testamente Yekare” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: 2022

Mufananidzo
mufananidzo wepfungwa

Pfungwa dzeKuchengeta muNdangariro

Kuverenga Testamente Yekare

Tsvaka Zvakosha Kwauri Pachako

Apo paunofunga pamusoro pemukana wako wekunzvera Testamente Yekare gore rino, unonzwa sei? Unonzwa chido chikuru here? Unonzwa kusava nechokwadi here? Unonzwa kutya here? Ose manzwiro ayo anonzwisisika. Testamente Yekare ndeimwe yemiunganidzwa yezvinyorwa zvakaresa munyika, uye izvozvo zvinokwanisa kuiita kuti ive zvese inofadza uye inotyisa. Zvinyorwa izvi zvinobva kutsika yechinyakare zvinokwanisa kuratidzika sezvekumwewo uye dzimwe nguva zvisingazivikanwe kana kunyange zvinoita kuti usagadzikana nazvo. Asi zvakadaro muzvinyorwa izvi tinoona vanhu vachiva nezviitiko zvinoratidzika kuva zvinozivikanwa, uye tinocherechedza mashoko evhangeri anopupura humwari hwaJesu Kristu nevhangeri Rake.

Hongu, vanhu vakaita saAbrahama, Sara, Hana, uye Danieri vakararama upenyu uhwo, neimwe nzira, hwakanga hwakasiyana zvikuru nehwedu. Asi vakavawo nemufaro wemhuri uye nekusawirirana kwemhuri, nguva dzerutendo uye nenguva dzekusagadzikana, uye budiriro nekundikano—sezvatinoita isu tose. Chakanyanya kukosha ndechekuti, vaishandisa rutendo, vakatendeuka, vakaita zvibvumirano, vakava nezviitiko zvemweya, uye havana kumbobvuma kukundikana mukuedza kwavo kuteerera Mwari.

Kana uchinetseka kuti iwe nemhuri yako munokwanisa here kuwana zvakakosha zvenyu pachenyu muTestamente Yekare gore rino, rangarira kuti mhuri yaRihai naSaria yakazviwana. Nifai akagovera nyaya pamusoro paMosesi uye nedzidziso kubva kuMuporofita Isaya apo madzikoma ake paaida kurudziro kana rutsiuro kana maonero akanaka. Apo Nifai paakati, “Mweya wangu unofara mumagwaro matsvene” (2 Nifai 4:15), aitaura pamusoro pemagwaro matsvene ayo ava iyezvino chikamu cheTestamente Yekare.

Tsvaga Muponesi

Kana uchinetseka kuti iwe nemhuri yako munokwanisa here kuuya pedyo naJesu Kristu kuburikidza nekunzvera Testamente Yekare, rangarira kuti Muponesi Pachake anotikoka kuti tidaro. Apo paakaudza vatungamiri vevaJuda kuti, “Magwaro Matsvene … anopupura nezvangu” (Johane 5:39) Aitaura pamusoro pezvinyorwa zvatinodaidza kuti Testamente Yekare. Kuti uwane Muponesi mune izvo zvaunoverenga, ungangofanira kufungisisa nemwoyo murefu uye kutsvaga nhungamiro yemweya. Dzimwe nguva izvo zvinotaurwa neZvake zvinoratidzika kunanga iye zviri pachena, semuchiziviso chaIsaya chinoti “Takazvarirwa Mwana, takapihwa Mwanakomana: … uye zita rake richanzi … Muchinda worugare” (Muporofita Isaya 9:6). Mune dzimwe nzvimbo, Muponesi anomiririrwa zvisiri pachena, kuburikidza nezviratidzo nezvifananidzo—semuenzaniso, kuburikidza netsanangudzo dzezvibairo zvemhuka (ona Revitiko 1:3–4) kana rondedzero yaJoseph achiregerera madzikoma ake uye achivaponesa kubva kunzara.

Kana ukatsvaga rutendo rukuru muMuponesi apo paunonzvera Testamende Yekare, unozoruwana. Pamwe izvi zvinokwanisa kuva chinangwa chekunzvera kwako gore rino. Namata kuti Mweya unozokutungamirira kuti uwane uye unangise pfungwa pandima, nyaya, uye huporofita hunozokuunza pedyo naJesu Kristu.

Mufananidzo
muporofita wechinyakare achinyora

Old Testament Prophet (Muporofita weTestamente Yekare), Judith A. Mehr

Yakachengetedzwa neHumwari

Usatarisire kuti Testamende Yekare ipe nhoroondo yakadzama uye chaiyo yevanhu. Izvi hazvisirizvo zvaiedzwa kuitwa nevanyori uye nevaunganidzi vayo vekutanga. Vavariro yavo huru yakanga iri yekudzidzisa chimwe chinhu pamusoro paMwari—pamusoro pezvazvinoreva kuva vanhu vechibvumirano Vavo, uye pamusoro pemawaniro atingaita rununuro apo patinenge tisina kutevera zvibvumirano zvedu nenzira yatinofanira. Dzimwe nguva vaizviita nekurondedzera zviitiko zvenhoroondo maererano nemanzwisisiro avaizviita—kusanganisira nyaya dzinobva muupenyu hwevaporofita vakuru. Bhuku raGenesi muenzaniso weizvi, sezvakaitawo mabhuku akaita seaJoshua, Vatongi, naMadzimambo 1 na 2. Asi vamwe vanyori veTestamente Yekare havana kuedza kunyora zvenhoroondo zvachose. Panekudaro, vakadzidzisa kuburikidza nemabasa ehunyanzvi akaita senhetembo nezvinyorwa zvemabhuku. Mapisarema naZvirevo anopinda muchikamu ichi. Uye zvino kune mashoko akakosha evaporofita, kubva kuna Muporofita Isaya kusvika kuna Muporofita Maraki, avo vakataura shoko raMwari kuvaIsraeri vechinyakare—uye, kuburikidza nechishamiso cheBhaibheri, vachiri kutaura nesu nhasi.

Vaporofita, vadetembi, uye vaunganidzi vese ava vaiziva here kuti mashoko avo aizoverengwa nevanhu panyika pose zviuru zvemakore pashure? Hatizive. Asi isu tinokahadzika kuti izvi ndizvo chaizvo zvakaitika. Marudzi akasimuka uye akaputsika, maguta akakurirwa, madzimambo akararama uye akafa; asi Testamente Yekare yakararama kuvapfuura vese, kubva kuchizvarwa kuenda kuchizvarwa, kubva kumunyori kuenda kumunyori, kubva kududziro kuenda kududziro. Hongu chokwadi zvimwe zvinhu zvakarasika kana kushandurwa, asi zvakadaro neimwe nzira zvakawanda zvikuru nenzira inoshomisa zvakachengetedzwa.1

Izvi ndizvo zvimwe zvinhu zvishomanana zvekuchengeta mundangariro apo paunoverenga Testamente Yekare gore rino. Zvimwe Mwari vakachengetedza zvinyorwa zvechinyakare izvi nokuda kwekuti Vanokuziva uye neizvo zvauri kusangana nazvo. Zvimwe Vakakugadzirirai shoko rezvemweya mumashoko aya, chimwe chinhu chinozokuswededza pedyo naVo uye nekuvaka rutendo rwako muchirongwa Chavo neMwanakomana Wavo Anodikanwa. Pamwe Vachakutungamira kundima kana nzwisiso iyo inozoropafadza mumwe munhu waunoziva—shoko raunokwanisa kugoverana neshamwari, nhengo yemhuri, kana mumwe wako Mutendi. Pane kwaniso dzakawandisa. Hazvisi zvinofadza here kufunga pamusoro pazvo?

Mabhuku ari muTestamente Yakare

Mumarudzi echiKristu akawanda eTestamente Yekare, mabhuku akarongwa zvakasiyana-siyana kubva pamarongerwo aakaitwa apo paakatanga kubatanidzwa kuita muunganidzwa mumwechete. Naizvozvo apo Bhaibheri rechiHebheru parinounganidza mabhuku aya kuisa muzvikwata zvitatatu—mutemo, vaporofita, nezvinyorwa —maBhaibheri akawanda echiKristu anoronga mabhuku acho muzvikwata zvina zvinoti: mutemo (Genesi–Deuteronomio), nhoroondo (Joshua–Estere), mabhuku enhetembo (Jobo–Rwiyo waSoromoni), uye vaporofita (Muporofita Isaya–Muporofita Maraki).

Sei zvikwata izvi zvakakosha? Nokuda kwekuti kuziva mhando yebhuku rauri kunzvera kunokwanisa kukubatsira kuti unzwisise manzverero ekuriita.

Hechino chimwe chinhu chekuchengeta mundangariro apo paunotanga kuverenga “mutemo,” kana mabhuku mashanu ekutanga eTestamente Yekare. Mabhuku aya, ayo anotendwa kuti akanyorwa naMosesi, zvichida akapfuura nemumaoko evanyori nevaunganidzi vakawanda nekufamba kwenguva. Zvakadaro, mabhuku aMosesi ishoko rakafemerwa raMwari, kunyangwe zvazvo—serimwe ripi zvaro basa raMwari rinoitwa kuburikidza nevanhu—anokwanisa kuva nezvikanganiso zvevanhu (ona Moses 1: 41; Misimboti yeChitendero 1:8). Mashoko aMoronai, achitaura pamusoro perondedzero inoera yeBhuku raMormoni iyo yaakabatsira kuunganidza, anobatsira pano: “Kana paine mhosho izvi zvikanganiso zvevanhu; naizvozvo, musashoropodza zvinhu zvaMwari” (Peji yeMusoro weNyaya yeBhuku raMormoni). Nemamwe mashoko, bhuku remagwaro matsvene harifaniri kuva risina zvikanganiso zvevanhu kuitira kuti rive shoko raMwari.

Chinyorwa

  1. Mutungamiri M. Russell Ballard vakati: “Hachisi chinhu chakagoitika nokuda kwerombo rakanaka kana chakangoerekana chaitika chokuti tine Bhaibheri nhasi. Vanhu vakarurama vakafemerwa neMweya kuti vanyore pasi zvese zvinhu zvinoera zvavakaona uye nemashoko akafemerwa avakanzwa uye avakataura. Vamwe vanhu vakazvipira vakafemerwa kuti vadzivirire uye vachengetedze rondedzero idzi” (“The Miracle of the Holy Bible,” Liahona, Kubvumbi 2007, 80).

Dhinda