Testamente Yekare 2022
Ndira 3–9. Genesi 1–2; Mosesi 2–3; Abrahama 4–5: “Pakutanga Mwari Vakasika Denga neNyika”


“Ndira 3–9. Genesi 1–2; Mosesi 2–3; Abrahama 4–5: ‘Pakutanga Mwari Vakasika Denga neNyika,’” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: Testamente Yekare 2022 (2021)

“Ndira 3–9. Genesi 1–2; Mosesi 2:3; Abrahama 4–5,” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: 2022

Mufananidzo
mufananidzo wenyika nemwedzi

Ndira 3–9

Genesi 1–2; Mosesi 2–3; Abrahama 4–5

“Pakutanga Mwari Vakasika Denga neNyika ”

Kunyangwe kana wakamboverenga pamusoro peKusikwa, nguva dzose pane zvimwe zvekudzidza kubva mumagwaro matsvene. Namatira nhungamiro kubva kuMweya Mutsvene kuti ukubatsire kuwana nzwisiso itsva.

Nyora Pasi Manzwiro Ako

Nokuda kwekuti nyika yakatikomberedza yakanakisisa uye inoshamisa zvikuru, zvakaoma kufungidzira nyika apo payakanga “isina kugadzirwa, uye isina chinhu,” “isina chirimo uye riri dongo” (Genesi 1:2; Abrahama 4:2). Chinhu chimwechete chatinodzidziswa nenyaya yeKusikwa ndechekuti Mwari vanokwanisa kugadzira chinhu chakanakisisa kubva pachinhu chisina kurongeka. Izvi zvinobatsira kuyeuka apo upenyu pahunoratidzika sehwakanyongana. Baba Vokudenga naJesu Kristu Vasiki, uye basa Ravo rehusiki nesu harisati rapera. Vanokwanisa kuita kuti chiedza chipenye munguva dzerima muupenyu hwedu. Vanokwanisa kutibatsira kuwana gadzikano pakati pekusagadzikana nokuda kwedambudziko. Vanokwanisa kuraira nyika, mvura, mhepo, moto kana nzvimbo isina chinhu, uye kana tikateerera shoko Ravo sezvakaitwa nezvisikwa izvi, Vanokwanisa kutishandura kutiita zvisikwa zvakanaka zvatakafanira kuva. Ndicho chikamu chezvazvinoreva kusikwa mumufananidzo waMwari, takafanana Navo (ona Genesi 1:26). Tinekwaniso yekuva saIvo: vanhu vakasimudzirwa kumusoro-soro, vakabwinyiswa, vokuseresitiyaro.

Kuti uone pfupiso yebhuku raGenesi, ona “Genesi” muNhungamiro kuMagwaro Matsvene.

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwako wega

Mazano eKunzvera Magwaro Matsvene Kwako Wega

Genesi 1:1–25; Mosesi 2:1–25; Abrahama 4:1–25

Ari pasi pehutungamiri hwaBaba Vokudenga, Jesu Kristu akasika nyika.

Gosa D. Todd Christofferson vakati, “Rungava rupi zvarwo ruzivo rwenzira yekusikwa, tinoziva kuti hazvina kuitika netsaona asi kuti zvakatungamirirwa naMwari Baba uye zvikazadzikiswa naJesu Kristu” (“Why Marriage, Why Family,” Liahona, Kubvumbi 2015, 51). Apo kuine zvizhinji zvatisingazive pamusoro pamasikirwo chaiwo akaitwa nyika, fungisisa zvaunodzidza pamusoro peKusikwa kubva kune izvo zvakazarurwa naMwari muna Genesi 1:1–25; Mosesi 2:1–5; uye Abrahama 4:1–25. Zvii zvaunocherechedza murondedzero idzi izvo zvakafanana? Zvii zvaunocherechedza izvo zvakasiyana? Ndedzipi pfungwa dzauinadzo pamusoro paBaba Vokudenga naJesu Kristu apo paunoverenga pamusoro peKusikwa?

Onawo Dzidziso neZvibvumirano 101:32–34

Mufananidzo
kwiriti inoratidza nhanho dzakasiyana dzekusikwa

Creation (Kusikwa), naJoan Hibbert Durtschi

Genesi 1:27–28; 2:18–25; Moses 3:18, 21–25; Abrahama 5:14–19

Muchato pakati pemurume nemukadzi wakagadzwa naMwari.

“Adama naEva vakabatanidzwa pamwechete mumuchato kwenguva uye nekwokusingaperi kwose nesimba rehupirisita husingagumi” (Russel M. Nelson, “Lessons from Eve,” Ensign, Mbudzi 1987, 87). Sei chokwadi ichi chakakosha kuziva? Fungisisa izvi apo paunoverenga Genesi 1:27–28; 2:18–25; Moses 3:18; uye Abrahama 5:14–19. Kana uchida kudzidza zvizhinji pamusoro pemuchato mukati mechirongwa chaMwari, verenga uye ufungisise zvishandiso zvakadorongodzwa pazasi. Zvii zvaunokurudzirwa nezvishandiso izvi kuti uite kunatsurudza muchato wako kana kugadzirira muchato muneramangwana?

OnawoMateo 19:4–6; 1 Vakorinte 11:11; “, Mhuri: Chiziviso kuNyika,” ChurchofJesusChrist.org.

Genesi 2:2–3; Mosesi 3:2–3; Abrahama 5:2–3

Mwari vakaropafadza uye vakatsvenesa zuva reSabata.

Mwari vakaita kuti zuva reSabata rive dzvene, uye Vanotikumbira kuti tirichengete rive dzvene. Gosa David A. Bednar vakadzidzisa kuti, “Sabata inguva yaMwari, nguva inoera yakatsaurirwa kuVanamata uye kugamuchira nekuyeuka zvivimbiso Zvavo zvikuru uye zvinokosha” (“Exceeding Great and Precious Promises,” Liahona, Mbudzi 2017, 92). Unokwanisa kushandisa sei chirevo ichi uye Genesi 2:2–3; Mosesi 3:2–3; kana Abrahama 5:2–3 kutsanangurira mumwe munhu kuti sei uchisarudza kukudza zuva reSabata? Ishe vakakuropadza sei nekuda kwekuchengeta zuva Ravo riri dzvene?

Onawo Muporofita Isaya 58:13–14; Dzidziso neZvibvumirano 59:9–13.

Mufananidzo
family study icon

Mazano ekuNzvera Magwaro Matsvene kweMhuri uye eNguva yeMhuri Pamba Manheru

Genesi 1:1–25; Mosesi 2:1–25; Abrahama 4:1–25.Ungakwanise sei kuita kuti kudzidza pamusoro peKusikwa kunakidze mhuri yako? Unokwanisa kutora mhuri yako kuenda kunotsvaga panze marudzi ezvinhu akagadzirwa munguva yega yega yenyaya yeKusikwa, sezvakaita nyeredzi, miti, kana mhuka. Unokwanisawo kuratidza mifananidzo yezvinhu zvakasikwa munguva yega yega uye wokoka nhengo dzemhuri kuti dziise mifananidzo yacho yakatevedzana maererano nekusikwa kwazvo mushure mokuverenga pamwechete imwe yerondedzero dzeKusikwa. Zvisikwa izvi zvinotidzidzisei pamusoro paBaba Vokudenga naJesu Kristu?

Genesi 1; Mosesi 2; Abrahama 4.Imwe nzira yokutarisa nayo nyaya yeKusikwa ndeye kukoka mhuri yako kuti itsvage kuti kangani muna Genesi 1 kana Mosesi 2 Mwari kavanodaidza zvinhu zvavakagadzira kuti “zvakanaka.” Izvi zvinotaurei pamusoro pemabatiro atinofanira kuita zvisikwa zvaMwari—kusanganisira isu pachedu? Chii chatinodzidza kubva munzira yemanyorerwo akaitwa zviitiko izvi muna Abrahama 4?

Genesi 1:26–27; Mosesi 2:26–27; Abrahama 4:26–27Sei zvakakosha kuziva kuti takasikwa mumufananidzo waMwari? Zvinoshandura sei manzwiro atinoita pamusoro pedu isu pachedu, pavamwe, uye nepaMwari?

Kana uine vana vadiki, mungangoda kuverenga pamwechete Mosesi 2:27 uye motamba mutambo uri nyore: Ratidza mufananidzo unoratidza Baba Vokudenga naJesu Kristu, mufananidzo 90 mu Gospel Art Book (2009) uye wokumbira nhengo dzemhuri kuti dzitore mijanho kunongedzera kunhengo yemuviri waBaba Vokudenga kana yemuviri waJesu. Zvino dzimwe nhengo dzemhuri dzinokwanisa kunongedzera kunhengo imwecheteyo pamiviri yavo.

Genesi 1:28; Mosesi 2:28; Abrahama 4:28.“Murairo waMwari wekuti vana Vavo vawanze uye vazadze nyika unoramba uripo” (“Mhuri: Chiziviso kuNyika,” ChurchofJesusChrist.org). Nhengo dzemhuri dzinokwanisa kuita mutambo wekutaridza matsananguriro atingaita zvitendero zvedu pamusoro pemurairo uyu kune avo vasingazive chokwadi ichi kana avo vanotenda zvakasiyana.

Genesi 1:28; Mosesi 2:28; Abrahama 4:28.Zvinorevei “kuva neutongi … pamusoro pechinhu chipenyu chose chinofamba pamusoro penyika ”? (onawo Dzidziso neZvibvumirano 59:16–21). Mhuri yedu inokwanisa kuzadzikisa sei basa redu rekutaririra nyika?

Kuti uwane mamwe mazano ekudzidzisa vana, ona chirongwa chevhiki inochiri muHuyai, Munditevere—Bhuku reVana Vadiki.

­

Kunatsurudza Kudzidzisa Kwedu

Shandisai magwaro matsvene kuupenyu hwedu. Mushure mokuverenga ndima yechinyorwa chitsvene, koka nhengo dzemhuri kuti vaishandise kuupenyu hwavo. Semuenzaniso, Mosesi 3:1–3 inoshanda sei mukuchengeta kwedu kweSabata vhiki yoga yoga? ­

Mufananidzo
Jesu Kristu akamira pakati pemakore

The Creation (Kusikwa), naAnnie Henrie Nader

Dhinda