Testamente Yekare 2022
Zvita 27–Ndira 2. Mosesi 1; Abrahama 3: “Iri iBasa Rangu neKubwinya Kwangu”


“Zvita 27–Ndira 2. Mosesi 1; Abrahama 3: “Iri iBasa Rangu Nekubwinya Kwangu,” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: Testamente Yekare 2022 (2021)

“Zvita 27–Ndira 2. Mosesi 1; Abrahama 3,” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: 2022

Mufananidzo
mufananidzo wenyeredzi dziri muchadenga

Zvita 27–Ndira 2

Mosesi 1; Abrahama 3

“Iri iBasa Rangu Nekubwinya Kwangu”

Apo paunoverenga zvakataurwa naMwari kuna Mosesi uye kuna Abrahama, funga zvavangadaro vari kutaura kwauriwo.

Nyora Pasi Manzwiro Ako

Bhaibheri rinotanga nemashoko ekuti “pakutanga Mwari akasika denga nenyika” (Genesisi 1:1). Asi chii chaivapo “kutanga” uku kusati kwavapo Uye sei Mwari vakasika zvese izvi? Kuburikidza neMuporofita Joseph Smith, Ishe vakajekesa mibvunzo iyi.

Semuenzaniso, Vakatipa rondedzero yechiratidzo umo Abrahama maakaona kurarama kwedu semweya “nyika isati yavapo” (ona Abrahama 3:22–28). Ishe vakatipawo dudziro yakafemerwa kana kuti gadziriso yezvitsauko zvitanhatu zvekutanga zvaGenesi, inonzi bhuku raMosesi— iyo isingatangi nokuti “pakutanga.” Panokudaro, inotanga nechiitiko chakava naMosesi icho chinopa mamwe mamiriro enyaya inozivikanwa zvikuru yeKusikwa. Pamwechete, zvinyorwa zvitsvene izvi zvemazuva ekupedzisira inzvimbo yakanaka yokutangisa kunzvera kwedu Testamente Yekare nokuti zvinopindura mimwe mibvunzo yakakosha inokwanisa kukomberedza kuverenga kwedu: Mwari Ndiani? Tiri vanaani? Basa raMwari chii, uye nzvimbo yedu mariri ndeyei? Zvitsauko zvekutanga zvaGenesi zvinogona kuonekwa semhinduro yaIshe kuchikumbiro chaMosesi chokuti: “Ivai netsitsi kumuranda wenyu, Mwari, uye munditaurire maererano nepanyika pano, nevagari vapo, uyewo maererano nematenga,” (Mosesi 1:36).

Mufananidzo
Learn More image
Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwako wega

Mazano eKunzvera Magwaro Matsvene Kwako Wega

Mosesi 1

Semwana waMwari, ndine mugumisiro wehumwari.

Mutungamiri Dieter F. Uchtdorf vakadzidzisa kuti, “Kuvhiringidzika kwakawanda kwatinova nako muupenyu huno kunobva pakungosanzwisisa kuti tiri vanaani” (“The Reflection in the Water” [Church Educational System fireside for young adults, Nov. 1, 2009], ChurchofJesusChrist.org). Baba vokudenga vanozviziva, uye Satani anozvizivawo. Shoko rokutanga raMwari kuna Mosesi raisanganisira chokwadi chekuti “iwe uri mwanakomana wangu” uye “iwe wakafanana newangu Mumwechete Akaberekwa” (Mosesi 1:4, 6). Mukusiyana naMwari, Satani akataura naMosesi achingomuti “mwanakomana wemunhu” (Mosesi 1:12). Upenyu hwako uye sarudzo dzako zvaizova zvakasiyana sei kana waizviona samadiro ayo Satani aanoda kuti uite, “semwanakomana[kana mwanasikana] wemunhu”? Kuziva uye kuyeuka kuti uri mwana waMwari kunokomborera sei hupenyu hwako?

Ndezipi ndima kana ndevo dziri muna Mosesi 1 dzinokupa manzwiro ehukodzero hwako hwehumwari?

Mufananidzo
Jesu Kristu pakati penyeredzi

Christ and the Creation (Jesu uye Kusikwa, naRobert T. Barrett

Mosesi 1:12–26

Ndinokwanisa kukunda pesvedzero yaSatani.

Sekuratidzwa pachena kwazvinoitwa muna Mosesi 1 zviitiko zvemweya zvine simba hazvitidzviviriri kubva mukuyedzwa. Chokwadi ndechokuti, rimwe zano raSatani ndere kutiyedza kuti tisava nechokwadi nezve zviitiko izvozvo kana izvo zvatinodzidza kubva kwazviri. Apo paunoverenga pamusoro pemhinduro yaSatani mundima 12–26, chii chaunodzidza icho chinokwanisa kukubatsira kuti urambe uri pachokwadi kuuchapupu hwawakagamuchira? Chii chinokubatsira kukunda mimwe miyedzo yaSatani? (ona, semuenzaniso, ndima 15 uye 18).

Maererano nezvaunodzidza, unokwanisa kuita chirongwa chokukunda muyedzo. Semuenzaniso, unokwanidza kupedzisa chirevo ichi “Apo pandinoyedzwa , ndinozo .”

Onawo Mateo 4:1–11; Hiramani 5:12.

Mosesi 1:27–39; Abrahama 3

Basa nekubwinya kwaMwari ndere kundibatsira kuwana upenyu husingaperi.

Mushure mokuona chiratidzo chezvisikwa zvaMwari, Mosesi akakumbira Ishe achiti “Nditaurirei … kuti sei zvinhu izvi zvakadai” (Mosesi 1:30). Chii chaunoyemura pamusoro pemhinduro yaIshe iri muna Mosesi 1:31–39?

Abrahama akavawo nechiitiko chechiratidzo, chakanyorwa muna Abrahama 3. Chii chaunowana mundima 22–26 icho chinogona kukubatsira kupindura chikumbiro chaMosesi?

Funga kudorongodza zvimwe zvokwadi zvakadzidzwa naMosesi naAbrahama muzviratidzo zvavo: zvokwadi pamusoro paMwari, pamusoro pavo pachezvavo, uye pamusoro pezvinangwa zvezvisikwa zvaMwari. Zvokwadi izvi zvinoshandura sei maonero aunozviita uye aunoita nyika yakakupoteredza?

­

Abrahama 3:22–23

Kuna vamwe here kunze kwaAbrahama “vakasarudzwa [vasati] vazvarwa”?

“Munyika yemweya tisati tazvarwa pano, Mwari vakagadza mimwe mweya kuti izadzikise mamwe mabasa panguva yehupenyu hwavo hunofa. Uku kunonzi kufanogadzwa. … Dzidziso yekufanogadzwa inoshanda kunhengo dzese dzeChechi, kwete chete kuMuponesi neVaporofita Vake ” (Gospel Topics, “Foreordination,” topics.ChurchofJesusChrist.org).

Takawana sei mabhuku aMosesi naAbrahama?

Bhuku raMosesi ndiro chikamu chekutanga chedudziro yakafemerwa yaJoseph Smith yeBhaibheri. Bhuku raAbhrahama rakazarurwa kuna Joseph Smith panguva yekushanda kwake nepapirasi rekuEgipita. Mabhuku aya, anowanikwa nhasi muDombo reMutengo Mukuru, anopa ruzivo rwakawanda pamusoro paMosesi, Abrahama, uye nevamwe vaporofita urwo rusingawanikwe muTesitamente Yekare. ­)

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwemhuri

Mazano ekuNzvera Magwaro Matsvene kweMhuri uye eNguva yeMhuri Pamba Manheru

Mosesi 1:2–6; Abrahama 3:11–12.Unokwanisa kukoka nhengo dzemhuri kuti dzitsvage ndevo murwiyo rwunonzi “Ndiri Mwana waMwari” (Nziyo neDzevana Vadiki, 2–3) dzinoenderana nezvokwadi zvinodzidziswa muzvinyorwa zvitsvene izvi.

Mosesi 1:4, 30–39.Mhuri yenyu ingafarira here kutarisa zvimwe “zvehumhizha hwemaoko [aMwari]”? (ndima 4). Pamwe munogona kuverenga ndima idzi muri mupaki kana kuti muchiona nyeredzi manheru. Munokwanisa zvino kuzotaura pamusoro pokuti Mwari vakasikirei nyika uye pamusoro pematorere atingaita chinhanho “mubasa uye kubwinya [kwavo]” (mundima 39).

Mosesi 1:18.Ndeipi rairano yatingagoverana kuitira kubatsirana “kutonga pakati” paMwari naSatani? (Onawo Moroni 7:12–18; Dzidziso neZvibvumirano 50:23–24.)

Abrahama 3:24–26.Unokwanisa kupa nhengo dzemhuri chiitwa chinonakidza asi chisiri nyore icho chinovabvumidza kuratidza kuti vanokwanisa kutevedzera mirairidzo, sezvakaita kupeta bepa kuriita ndege kana kutevedza mirairidzo yekubika chinhu. Chiitwa ichi chakafanana sei nechinangwa cheupenyu hwedu hunofa sekutsanangurwa kwazvinoitwa mundima idzi?

Kuti uwane mamwe mazano ekudzidzisa vana, ona chirongwa chevhiki ino chiri muna Huyai, Munditevere—Bhuku reVana Vadiki.

Rumbo rwakapuwa: “Ndiri Mwana waMwari,” Nziyo neDzevana Vadiki, 2–3.

Kunatsurudza Kunzvera Kwako Wega

Tsvaga zvokwadi zvevhangeri. Mumagwaro matsvene, dzimwe nguva zvokwadi zvevhangeri zvinotaurwa pachena; dzimwe nguva zvinotaurwa kuburikidza nemuenzaniso kana nenyaya. Zvibvunze kuti, “Ndezvipi zvokwadi zvekusingaperi zvinodzidziswa mundima idzi?”

Mufananidzo
Mosesi achiraira Satani kuti abve

Moses Overcomes Satan (Mosesi Anokurira Satani), naJoseph Brickey

Dhinda