Testamente Yekare 2022
Pfungwa dzeKuchengeta muNdangariro: Chibvumirano


“Pfungwa dzeKuchengeta muNdangariro: Chibvumirano,” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri:Testamente Yekare 2022 (2021)

“Pfungwa dzeKuchengeta muNdangariro: Chibvumirano” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: 2022

Mufananidzo
mufananidzo wepfungwa

Pfungwa dzeKuchengeta muNdangariro

Chibvumirano

NemuTestamente Yakare mose, unozoverenga kakawanda shoko rinoti chibvumirano. Nhasi tinowanzofunga zvibvumirano sezvivimbiso zvinoera naMwari, asi munyika yechinyakare, zvibvumirano zvaivawo chikamu chakakosha chekudyidzana kwevanhu. Kuitira dziviriro nendaramo yavo, vanhu vaida kukwanisa kuvimba nemumwe nemumwe wavo, uye zvibvumirano zvaiva nzira yekuchengetedza ruvimbo irworwo.

Saka apo Mwari pavakataura naNoa, Abrahama, kana naMosesi pamusoro pezvibvumirano, Vakanga vachivakoka kuti vapinde muhukama hwekuvimba Navo. Mumwe wemienzaniso inozivikanwa zvikuru wechibvumirano muTestamente Yekare ndeicho Mwari chavakaita naAbrahama naSara—uye zvino chikazovandudzwa nezvizvarwa zvavo Isaka naJakobo (anodaidzwawo kuti Israeri). Tinowanzodaidza ichi kuti chibvumirano chaAbrahama, kunyangwe zvazvo muTestamente Yekare chaingozivikanwa chete “sechibvumirano.” Uchaona kuti Testamente Yekare ndiyo hwaro hwenyaya yevanhu vaizviona pachezvavo sevagari venhaka vechibvumirano ichi—vanhu vechibvumirano.

Chibvumirano chaAbrahama chinoenderera mberi nokuva chakosha nhasi, kunyanya kuVatendi vaMazuva Ekupedzisira. Sei? Nokuda kwekuti isuwo tiri vanhu vechibvumirano, kunyangwe tiri kana tisiri zvizvarwa chaizvo zvaAbrahama, Isaka naJakobo (ona VaGaratia 3:27–29). Nokuda kwechikonzero ichi, zvakakosha kuzwisisa kuti chibvumirano chaAbrahama chii uye kuti chinoshanda sei kwatiri nhasi.

Chii Chibvumirano chaAbrahama?

Abrahama aida “kuva muteveri mukurusa weururami” (Abrahama 1:2), nokudaro Mwari vakamukoka kuti ave muhukama hwechibvumirano. Abrahama akanga asiri wekutanga kuva nechido ichi, uye akanga asiri wekutanga kugashira chibvumirano. Akatsvaga “maropafadzo emadzibaba” (Abrahama 1: 2)—maropafadzo akapuwa nechibvumirano kuna Adama naEva uye mushure mazvo kuna avo vaitsvaga maropafadzo aya neushingairi.

Chibvumirano chaMwari naAbrahama chakavimbisa maropafadzo anoshamisa: nhaka yenyika, chizvarwa chikuru, kuwana zvisungo zvehupirisita, uye zita raizokudzwa kwezvizvarwa zvakawanda zvichauya. Asi nhangiso yechibvumirano ichi yakanga isiri chete pamaropafadzo aizogashirwa naAbrahama nemhuri yake asiwo paropafadzo ravaizova kune vamwe vese vana vaMwari. “Uchave ropafadzo,” Mwari vakazivisa, “uye mauri mhuri dzose dzepanyika dzicharopafadzwa (Genesi 12: 2–3).

Chibvumirano ichi chakapa here Abrahama, Sara, uye nezvizvarwa zvavo pundutso dzakakosha pakati pevana vaMwari? Chete mupfungwa yekuti ipundutso kuropafadza vamwe. Mhuri yaAbrahama yaifanira “kutakura hushumiri neHupirisita uhwu kumarudzi ose,” vachigovera “maropafadzo eVhangeri, ayo anova maropafadzo eruponeso, kunyangwe eupenyu hwokusingaperi” (Abrahama 2:9, 11).

Chibvumirano ichi chaiva chiri ropafadzo raishuvirwa naAbrahama. Mushure mokuchigashira, Abrahama akati mumwoyo make, “Muranda wenyu akakutsvagai nemwoyo wose; zvino ndakuwanai ”(Abrahama 2:12).

Izvo zvakanga zviri zviuru zvemakore akapfuura, asi chibvumirano ichi chakadzorerwa muzuva redu (ona 1 Nifai 22: 8–12). Uye iyezvino chiri kuzadzikiswa muupenyu hwevanhu vaMwari. Chokwadi ndechekuti, kuzadzikiswa kwechibvumirano ichi kuri kuramba kuchisimba mumazuva ekupedzisira apo basa raMwari paririkufambira mberi, richiropafadza mhuri nepanyika pose. Uye munhu upi zvake uyo, saAbrahama, anoda kuva muteveri mukurusa weururami, munhu upi zvake anotsvaga Ishe nemwoyo wose, anokwanisa kuva chikamu chacho.

Mufananidzo
mhuri pamberi petemberi

Chibvumirano chaAbrahama Chinorevei Kwandiri?

Uri mwana wechibvumirano. Wakaita chibvumirano naMwari apo pawakabhabhatidzwa. Unovandudza chibvumirano ichocho nguva dzose paunotora sakaramende. Uye unoita zvibvumirano zvinoera mutemberi. Pamwechete, zvibvumirano izvi zvinoita kuti uve mutori wechinhanho muchibvumirano chaAbrahama, kuzara kwacho uko kunowanikwa muzvisungo zvemutemberi. Sokudzidzisa kwakaita Mutungamiri Russell M. Nelson, “Pakupedzisira, mutemberi tsvene, tinogona kuva vagari venhaka vamwechete kumaropafadzo emhuri yekusingaperi, sezvakambovimbiswa kuna Abrahama, Isaka, Jakobo, uye nezvizvarwa zvavo.”1

Kuburikidza nezvibvumirano nezvisungo izvi, tinova vanhu vaMwari (ona Ekisodo 6:7; Deuteronomio 7:6; 26:18; Ezekieri 11:20). Tinova vakasiyana kubva kunyika yakatikomberedza. Zvibvumirano zvedu zvinoita kuti tikwanise kuva vadzidzi vechokwadi, vakazvipira vaJesu Kristu. “Zvibvumirano zvedu,” Mutungamiri Nelson vakatsanangura, “zvinotisunganidza kwaAri uye zvichitipa simba rehumwari.”2 Uye apo Mwari pavanoropafadza vanhu Vavo nesimba Ravo, zvinoitwa nekukoka uye netarisiro yekuti vanozoropafadza vamwe—kuti “vanozova ropafadzo” kune “mhuri dzose dzepanyika” (Abrahama 2: 9, 11).

Iyi ndiyo nzwisiso yakakosha inopuwa kwatiri nokuda kweKudzorerwa kwechibvumirano chaAbrahama kuburikidza naMuporofita Joseph Smith. Saka apo paunoverenga pamusoro pezvibvumirano muTestamente Yekare, usangofunga chete pamusoro pehukama hwaMwari naAbrahama, Isaka naJakobho. Fungawo pamusoro pehukama Hwavo newe. Apo paunoverenga pamusoro pechivimbiso chezvizvarwa zvisingaverengeki (ona Genesi 28: 14), usafunga chete pamusoro pemamirioni ayo nhasi anodaidza Abrahama kuti baba vavo. Fungawo pamusoro pechivimbiso chaMwari kwauri chemhuri dzokusingaperi uye kufambira mberi kwekusingaperi (ona Dzidziso neZvibvumirano 131: 1–4; 132: 20–24). Apo paunoverenga pamusoro pechivimbiso chenyika yenhaka, usafunga chete pamusoro penyika yakavimbiswa kuna Abrahama. Fungawo pamusoro pemugumisiro weseresitiyaro wenyika pachezvayo—nhaka yakavimbiswa kuna “vanyoro” avo “vanomirira kuna Ishe” (Mateo 5: 5; Mapisarema7: 9, 11; onawo Dzidziso neZvibvumirano 88: 17–20). Uye apo paunoverenga pamusoro pechivimbiso chekuti vanhu vechibvumirano vaMwari vacharopafadza “mhuri dzose dzepanyika” (Abrahama 2:11), usafunga chete pamusoro pehushumiri hwaAbrahama kana vaporofita vakazvarwa kubva kwaari. Fungawo pamusoro peizvo iwe zvaungakwanisa kuita—semuteveri wechibvumirano waJesu Kristu—kuti uve ropafadzo kumhuri dzakakukomberedza.

Zvinyorwa

  1. Russell M. Nelson, “Covenants,” Liahona, Mbudzi 2011, 88.

  2. Russell M. Nelson, “Drawing the Power of Jesus Christ into Our Lives,” Liahona, Kubvumbi 2017, 41. Mutungamiri Linda K. Burton vakati: “Kuita nokuchengeta zvibvumirano zvinoreva kusarudza kuzvisunganidza kuna Baba vedu Vokudenga naJesu Kristu. Kuzvipira kutevera Muponesi” (“The Power, Joy, and Love of Covenant Keeping,” Liahona, Mbudzi 2013, 111).

Dhinda