Testamente Yekare 2022
Kukadzi 14–20. Genesi 18–23: “Pane Chinhu Chakanyanya Kuomera Ishe Here?”


“Kukadzi 14–20. Genesi 18–23: ‘ Pane Chinhu Chakanyanya Kuomera Ishe Here?’“ Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: Testamende 2022 (2021)

“Kukadzi 14–20. Genesi 18–23,” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: 2022

Mufananidzo
Sara akabata Isaka mucheche

Sarah and Isaac (Sara naIsaka), naScott Snow

Kukadzi 14–20

Genesi 18–23

“Pane Chinhu Chakanyanya Kuomera Ishe Here?”

Verenga uye ufungisise Genesi 18–23, uye nyora pasi manzwiro ako. Unokwanisa kushandisa mazano ari muchirongwa chino kukubatsira kunzvera zvitsauko izvi, uye unokwanisawo kufemerwa kutsvaga mamwe mashoko mumagwaro matsvene ayo Ishe avainawo akanangana newe.

Nyora Pasi Manzwiro Ako

Upenyu hwaAbrahama, uhwo haiva hwakazadzwa nezviitiko zvose zvinorwadza uye zvinosimudzira, ndihwo umboo hwechokwadi chakadzidzwa naAbrahama muchiratidzo—kuti tiri pasi pano kuti tiedzwe, “kuona kana [isu] tichizoita zvinhu zvose zvipi Ishe Mwari [vedu] zvavachatiraira ” (Abrahama 3:25). Abrahama iye pachake aizoratidza kuva akatendeka here? Aizoenderera mberi here nekuva nerutendo muchivimbiso chaMwari chezvizvarwa zvakawanda, kunyangwe apo iye naSara vakanga vasati vave nemwana muukweguru hwavo? Uye apo Isaka paakangozvarwa, rutendo rwaAbrahama rwaizoshingirira here izvo zvisingafungidzirwe—murairo wekubayira iyeye Mwanakomana uyo kuburikidza naye Mwari vakanga vavimbisa kuzadzikisa chibvumirano ichocho? Abrahama akaratidza kuti akatendeka. Abrahama akavimba naMwari, uye Mwari vakavimba naAbrahama. Muna Genesi 18–23, tinowana nyaya kubva muupenyu hwaAbrahama nevamwe dzinokwanisa kutikurudzira kufunga pamusoro pekwaniso yedu pachedu yekutenda vimbiso dzaMwari, kutiza hunyangadzi uye kusambofa takatarisa shure, uye kuvimba naMwari zvisinei nekuzvipira kunodikanwa.

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwako wega

Mazano eKunzvera Magwaro Matsvene Kwako Wega

Genesi 18:9–14; 21:1–7

Ishe vanozadzikisa zvivimbiso Zvavo munguva Yavo.

Ishe vakaita zvivimbiso zvinoshamisa kune vakatendeka, asi dzimwe nguva mamiriro ezvinhu eupenyu hwedu anokwanisa kutikonzera kunetseka kuti zvivimbiso izvozvo zvinozokwanisa kuzadzikiswa sei. Abrahama naSara vangangova vakambonzwa saizvozvo pane dzimwe nguva. Chii chaunodzidza kubva pazviitiko zvavo? Zvingangobatsira kutanga kunzvera kwako nekuwongorora izvo Ishe zvavakanga vavimbisa Abrahama muna Genesi 17:4, 15–22. Abrahama naSara vakaita sei? (onawo Genesi 18:9–12. Cherechedza kuti Dudziro yaJoseph Smith inojekesa kuti Abrahama “akafara”). Ishe vakapindura sei kuvabatsira kuti vave nerutendo rukuru muzvivimbiso zvavo? (ona Genesi 18:14).

Chii chaunowana mundima idzi chinovaka rutendo rwako? Ndezvipi zvimwe zviitiko—muupenyu hwako kana hwemumwe munhu—zvakasimbisa rutendo rwako rwekuti Ishe vanozozadzikisa zvivimbiso Zvavo kwauri munguva uye nemunzira Yavo?

Onawo Dzidziso neZvibvumirano 88:68

Genesi 19:12–29

Ishe vanotiraira kuti titize hunyangadzi.

Zvidzidzo zvipi zvaunodzidza pamusoro pekutiza hunyangadzi apo paunoverenga pamusoro paRoti nemhuri yake? Semuenzaniso, chii chinokufadza pamusoro pezvakataurwa nezvakaitwa nengirozi kubatsira Roti nemhuri yake kutiza kuparadzwa? (ona Genesi 19:12–17). Ishe vanokubatsira sei nemhuri yako kutiza kana kuwana dziviriro kubva kurunziro yehuipi iri munyika?

Kuti uwane zvimwe pamusoro pezvivi zveSodoma neGomora, ona Ezekieri 16: 49-50 uye Judasi 1:7–8.

Mufananidzo
mufananidzo waRoti nemhuri yake vachitiza Sodoma neGomora

Fleeing Sodom and Gomorrah (Kutiza Sodoma neGomora), naJulius Schnorr von Carolsfeld

Genesi 19:26

Chii chakakanganiswa neMudzimai waRoti?

Gosa Jeffrey R. Holland vakadzidzisa kuti:

“Zvinoratidzika kuti, chakatadzwa nemudzimai waRoti ndechekuti akanga asiri kungotarisa chete kumashure; mumwoyo make aida kudzokera kumashure. Zvinoratidzika sekuti asati apfuura miganhu yeguta, akanga avakutosuwa izvo zvaakanga apuwa neSodoma neGomora. … Akanga asina rutendo. Aisatenda kwaniso yaIshe yekumupa chimwe chinhu chiri nani kupfuura chaaive nacho kare. …

“Kune vose [vanhu] vechizvarwa chose, ndinosimbisa kuti, ‘Rangarirai mukadzi waRoti’ [Ruka 17:32]. Rutendo nderwe ramangwana. Rutendo rwunovaka pane zvakapfuura asi harumboshuviri kugara ipapo. Rutendo runovimba kuti Mwari vane zvinhu zvikuru zvavakachengetera mumwe nemumwe wedu uye kuti Kristu zvirokwazvo ndiye ‘mupirisita mukuru wezvinhu zvakanaka zviri kuuya,’ (VaHeberu 9:11)” (“The Best Is Yet to Be,” Ensign, Ndira 2010, 24, 27).

Genesi 22:1–19

Chido chaAbrahama chekubayira Isaka muifananidzo waMwari neMwanakomana Wavo.

Hatizive zvikonzero zvose Mwari zvavakarairira Abrahama kuti ape Isaka sechibairo; tinoziva kuti kwaiva kuedzwa kwerutendo rwake muna Mwari (ona Genesi 22: 12–19). Apo paunoverenga Genesi 22:1–19, chii chaunodzidza kubva pachiitiko chaAbrahama?

Chido chaAbrahama chekubayira mwanakomana wake chakanga chiri “mufananidzo waMwari neMwanakomana wavo Mumwechete Wakaberekwa” (Jakobho 4: 5). Apo paunofungisisa nezvefanano pakati pekuedzwa kwaAbrahama uye nekupa kwaMwari Baba kweMwanakomana Wavo sechibairo kwatiri, chii chaunonzwa pamusoro paBaba vako Vokudenga?

Pane fananowo pakati paIsaka neMuponesi. Funga pamusoro pokuverenga Genesi 22:1–19 zvakare, uchitsvaga fanano idzi.

­ .

Mufananidzo
family study icon

Mazano ekuNzvera Magwaro Matsvene kweMhuri uye eNguva yeMhuri Pamba Manheru

Genesi 18:14.Pane nyaya here kubva mumagwaro matsvene, kubva kunhoroondo yemhuri yako, kana kubva muupenyu hwako pachako dzaungakwanisa kugovera dzakakudzidzisa kuti hapana chakanyanya kuomera Ishe?

Genesi 18:16–33.Chii chatinodzidza pamusoro pehunhu hwaAbrahama kubva mundima idzi? Tingatevera sei muenzaniso wake? (Onawo Aruma10:22–23.)

Genesi 19:15–17.Ndima idzi dzinokwanisa kubatsira nhengo dzemhuri yako kugadzirira nguva idzo dzavanofanira kutiza kubva mumamiriro ezvinhu akanyangara. Angava api mamwe emamiriro ezvinhu aya? Semuenzaniso, mungangova nehurukuro pamusoro penhepfenuro dzisina kukodzera kana muyedzo wekuita makuhwa. Tinokwanisa kutiza sei kubva mumamiriro ezvinhu akadaro?

Genesi 21:9–20.Chii chinoshamisa mhuri yako pamusoro penzira Mwari yavakabata Hagari naIshmaeri nayo mushure mokunge Sara naAbrahama vavadzinga?

Genesi 22:1–14.Ungabatsire sei mhuri yako kuona kuenderana kuri pakati penyaya yaMwari vachiraira Abrahama kuti abayire Isaka nenyaya yekuzvipira kwerudzikinuro kweMuponesi? Unokwanisa kuratidza mifananidzo yaAbrahama naIsaka uye neweMuchinjikwa (ona “Abraham and Isaac,” muOld Testament Stories)apo nhengo dzemhuri padzinenge dzichikurukura fanano dzavanoona pakati pezviitiko izvi. ­

Chii chatakakumbirwa kuti tizvipire semhuri? Kuzvipira uku kwakatiunza padyo naMwari sei?

Kuti uwane mamwe mazano ekudzidzisa vana, ona chirongwa chevhiki ino chiri muna Huyai, Munditevere—Bhuku reVana Vadiki.

Kunatsurudza Kunzvera Kwako Wega

Teerera kuMweya Apo paunonzvera, teerera kupfungwa dzako nemanzwiro ako, kunyangwe dai zvisingaenderani nezvauri kuverenga. Manzwiro iwayo angangova zvinhu izvozvo chaizvo Mwari zvavanoda kuti uzive.

Mufananidzo
Abraham naIsaka vachifamba

Mufananidzo waAbraham naIsaka, naJeff Ward

Dhinda