Testamente Yekare 2022
Kurume 7–13. Genesi 37–41: “Ishe Vaiva naJosefa”


“Kurume 7–13. Genesi 37–41: “Ishe Vaiva naJosefa,” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: Testamente Yekare 2022 (2021)

“Kurume 7–13. Genesi 37–41,” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: 2022

Mufananidzo
Josefa Egipita ari mujere

Mufananidzo waJosefa weEgipita ari mujere, naJeff Ward

Kurume 7–13

Genesi 37–41

“Ishe Vaiva naJosefa”

Apo paunoverenga Genesi 37–41, nyengetera kuti Mweya Mutsvene ukubatsira kuona kuti ndima dzemagwaro matsvene idzi dzinoenderana sei neupenyu hwako. Nyora pasi nzwisiso dzaunotambira.

Nyora Pasi Manzwiro Ako

Dzimwe nguva zvinhu zvakaipa zvinoitika kuvanhu vakanaka. Upenyu hunotidzidzisa chidzidzo ichocho zvakajeka, sezvinoita upenyu hwaJosefa, mwanakomana waJakobo. Aiva mugari wenhaka kuchibvumirano icho Mwari chavanga vaita nemadzibaba ake, asi aivengwa nemadzikoma ake uye vakamutengesa muutapwa. Akaramba kukundwa nemuyedzo paakavingwa nemukadzi waPotifari uye akabva akandwa mujere. Zvairatidzika sekuti paainyanya kuramba akatendeka, zvinhu zvainyanyawo kumuomera. Asi matambudziko ese aya akanga asi chiratidzo chekuti aisadiwa naMwari. Chokwadi ndechekuti, nemukati mazvo zvose, “Ishe vaiva naye” (Genesi 39:3). Upenyu hwaJosefa hwaiva chiratidzo chechokwadi ichi chinokosha: Mwari havazotisiyi. “Kutevera Muponesi hakuzobvisi miyedzo yako yese,” Mutungamiriri Dieter F. Uchtdorf vakadzidzisa kudaro. “Zvisinei, kunozobvisa zvidziviriro pakati pako nerubatsiro urwo Baba vako Vokudenga rwavanoda kukupa. Mwari vanozova newe” (“A Yearning for Home,” Liahona, Mbudzi 2017, 22).

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwako wega

Mazano eKunzvera Magwaro Matsvene Kwako Wega

Genesi 37:1–28; 39; 41:9–45

“Ishe vaiva naJosefa” mumatambudziko ake.

Nguva nenguva, rombo rakanaka raitaridzika kusiya Josefa, asi Ishe havana kumbobvira vamusiya. Apo paunoverenga nyaya yaJosefa, funga nezve mibvunzo yakakaita seiyi: Josefa akaitei kuti arambe ari pedyo naIshe panguva dzake dzemiyedzo? Ishe vaiva “naye” sei? (Genesi 39:2–3, 21, 23).

Unogonawo kubvunza mibvunzo yakadaro pamusoro peupenyu hwako. Uchapupu hupi hwawakaona hwekuti Ishe havana kukusiya munguva dzako dzekuyedzwa? Funga kuti ungagovera sei zviitiko zvako nenhengo dzemhuri uye zvizvarwa zvichatevera (ona 1 Nifai 5:14). Chii chaungaita iyezvino kuti ugadzirire kuramba wakatendeka apo paunosangana nemiyedzo mune ramangwana?

Onawo Johane 14:18; VaRoma 8:28; Aruma 36:3; Dzidziso neZvibvumirano 121:7–8.

Genesi 37:5–11; 40; 41:1–38

Kana ndakatendeka, Ishe vanonditungamira uye vanondikurudzira.

Gosa David A. Bednar vakadzidzisa kuti, “Zvakazarurwa zvinopuwa nenzira dzakasiyana siyana, kusanganisira, semuenzaniso, zviroto, zviratidzo, hurukuro nevatumwa vokudenga, uye femero” (“The Spirit of Revelation,” Liahona, Chivabvu 2011, 88). Ishe vakashandisa zviroto kuzarura chokwadi kuna Josefa, mubiki mukuru waFarao uye kuna Farao. Ishe vakazarurawo kuna Josefa madudziriro ekuita hope idzi. Unodzidzei kubva muna Genesi 37:5–11; 40:5–8; 41:14–25, 37–38 pamusoro pekugamuchira uye kunzwisisa zviratidzo zvinobva kuna Ishe? Semuenzaniso, chii chaungadzidza kubva pamuenzaniso waJosefa apo chakazarurwa pachinenge chichiratidzika sechakaoma kunzwisisa? (ona Genesi 40:8; 41:16).

Mufananidzo
Josefa ari mujere achidudzira zviroto

Joseph Interpreting the Bulter and Baker’s Dreams (Josefa Achidudzira Hope dzeMubiki Mukuru), naFrançois Gérard

Fungisisa kuti Ishe vari kuzarura sei kuda Kwavo kwauri. Chii chauri kuita kuti uite maererano nechakazarurwa chawakapuwa naIshe? Uri kutsvaga sei nhungamiro yakawedzera kubva kwaVari?

Onawo Russell M. Nelson, “Zvakazarurwa zveChechi, Zvakazarurwa Zveupenyu Hwedu,” Liahona, Chivabvu 2018.

Genesi 38; 39:7–20

Nerubatsiro rwaIshe, ndinokwanisa kutiza muyedzo.

Apo paunenge uchiyedzwa, muenzaniso waJosefa unokwanisa kukupa kurudziro uye simba. Apo paunenge uchiverenga pamusoro pechiitiko chake muna Genesi 39, cherechedza zvinhu zvakaitwa naJosefa kuti akunde muyedzo. Semuenzaniso:

  • “Akaramba” kukwezva kwaiitwa nemukadzi waPotifari (ndima 8).

  • Akaziva kuti kuita zvivi kwaizogumbura Mwari nevamwe (mavhesi 8–9).

  • “Haana kuteerera” kumuyedzo, kunyange zvazvo wairamba uchiuya “zuva nezuva” (vhesi 10).

  • “Akasiya nguo yake… akatiza, uye akabuda panze” (ndima 12).

Uine muenzaniso waJosefa mupfungwa, funga kuronga nzira yokudzivirira uye nokukunda nayo muyedzo. Semuenzaniso, unogona kufunga nezve muyedzo wawakatarisana nawo, wonyora pasi mamiriro ezvinhu ekudzivirira, uye woita chirongwa chokuvimba naBaba Vokudenga apo muyedzo wacho paunouya. (ona 2 Nifai 4:18, 27–33).

Muyedzo:

Mamiriro ezvinhu ekudzivirira:

Nzira yekudaira nayo:

Rondedzero iyi yeushingi hwaJosefa apo paakatarisana nemuyedzo inotangirwa nerondedzero yakasiyana zvikuru iyo inotaura pamusoro pemukoma wake Juda, inowanikwa muna Genesi 38. Chii chaunodzidza kubva mukuwongorora pamwechete zvitsauko 37, 38, uye 39, pamusoro pekuzvibata?

Onawo 1 VaKorinte 10:13; 1 Nifai 15:23–24; 3 Nifai 18:17–18.

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwemhuri

Mazano ekuNzvera Magwaro Matsvene kweMhuri uye eNguva yeMhuri Pamba Manheru

Genesi 37.Dai wakanga uri mumwe wemadzikoma aJosefa, chii chaungadai wakaita kudzivirira kuti godo risanganisa hukama hwako naye? Zvinozotibatsira sei kana “tikataura zvinerunyararo” kune mumwe nemumwe wedu? (ndima 4).

Genesi 39.­ ­ Apo pamunenge muchikurukura miyedzo yaJosefa muimba yaPotifa, munokwanisa kubvunza nhengo dzemhuri rairo dzavaizogoverana naJoseph apo paaitarisana nemiyedzo yake.

Genesi 39:7–12.Kuverenga ndima idzi kunogona kupa mukana wekukurukura mutemo wekuzvibata nemhuri yako. Hezvino zviwanikwa zvinogona kubatsira panyaya iyi: Jakobho 2:28; Aruma 39:3–9; “” (in For the Strength of Youth [2011], 35–37); “Sexual Intimacy Is Sacred and Beautiful (in Help for Parents [2019], AddressingPornography.ChurchofJesusChrist.org).

Genesi 41:15–57.Tinodzidzei kubva pandima idzi pamusoro pekuropafadza kwakaita Ishe vanhu veEgipita kuburikidza naJosefa? Chii chatinogona kudzidza pamusoro pekugadzirira zviitiko zvenjodzi zvemune ramangwana? Tauriranai zvamunokwanisa kuita kuti mugadzirira zvirinani semhuri. ­

Kuti uwane mamwe mazano ekudzidzisa vana, ona chirongwa chevhiki ino chiri muna Huyai, Munditevere—Bhuku reVana Vadiki.

­

Kunatsurudza Kunzvera Kwako Wega

Fananidza magwaro muatsvene nepenyu hwako. Apo paunenge uchiverenga, funga kuti nyaya nedzidziso zviri mumagwaro matsvene zvinoshanda sei muupenyu hwako. Semuenzaniso, rutendeko rwaJosefa muEgipita runokwanisa kukurudzira sei kuti urambe wakatendeka kuna Ishe zvisinei nematambudziko?

Mufananidzo
Madzikoma aJosefa vachimutorera jasi rake

Mufananidzo wemadzikoma aJosefa vachimutorera jasi rake naSam Lawlor

Dhinda