Testamente Yekare 2022
Kurume 14–20. Genesi 42–50: “Mwari Vakafunga Kuti Zvive Zvakanaka”


“Kurume 14–20. Genesi 42–50: “Mwari Vakafunga Kuti Zvive Zvakanaka,” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: Testamente Yekare 2022 (2021)

“Kurume 14–20. Genesi 42–50,” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: 2022

Mufananidzo
Josefa weEgipita

Mufananidzo waJosefa weEgipita, naRobert T. Barrett

Kurume 14–20

Genesi 42–50

“Mwari Vakafunga Kuti Zvive Zvakanaka”

Kuverenga magwaro kunokoka Mweya. Teerera kukurudziro Dzavo apo paunoverenga, kunyangwe kana zvisingaite sekunge zvine chekuita nezvauri kuverenga.

Nyora Pasi Manzwiro Ako

Kwakanga kwapfuura makore 22 kubvira pakatengeswa Josefa kuEgipita nemadzikoma ake. Akatambura miyedzo mizhinji, kusanganisira kupomedzerwa zvenhema uye kuiswa mujere Paakazoona madzikoma ake zvakare, Josefa akanga ava gavhuna weEgipita yese, ari wechipiri kubva kuna Farao pamasimba. Zvaikwanisika kuva nyore chaizvo kuti atsive zvavakamuitira, uye tikafunga pamusoro pezvavakanga vaita kuna Josefa, kutsiva kunotaridzika sechinhu chinonzwisisika. Kunyange zvakadaro, Josefa akaregerera madzikoma ake. Kwete izvozvo chete, asi akavabatsira kuona chinangwa chehumwari pakutambura kwake. “Mwari Akafunga Kuti Zvive Zvakanaka” (Genesi 50:20), akavaudza kudaro, nekuti zvakaita kuti akwanise kuponesa “vose veimba yababa vake” (Genesi 47:12) kubva munzara.

Munzira dzakawanda, hupenyu hwaJosefa hwakafanana nehwaJesu Kristu. Kunyangwe zvazvo zvivi zvedu zvakakonzera marwadzo makurusa kwaAri, Muponesi anopa ruregerero, achitinunura tose kubva kumugumo wakaipisisa kupfuura nzara. Kunyangwe tichifanira kutambira ruregerero kana kurupa—pane imwe nguva tose tinotofanira kuita zvose — muenzaniso waJosefa unotinongedzera kuMuponesi, uyo anova manyuko echokwadi eruporeso neruyananiso.

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwako wega

Mazano eKunzvera Magwaro Matsvene Kwako Wega

Genesi 45:1–8; 50:20

“Mwari vakandituma pamberi penyu kuti ndikuchengetei.”

Sezvawaverenga pamusoro paJosefa, wacherechedza here dzimwe fanano pakati penyaya yake nebasa rerudzikinuro raJesu Kristu? Unogona kufungisisa kuti basa raJosefa mumhuri yake rakafanana sei nebasa reMuponesi mumhuri yaMwari. Ndezvipi zvakafanana zvaunoona pakati pezviitiko zvaJosefa nebasa reMuponesi, uyo akatumwa “kuzotiponesa kuburikidza nerununuro rukuru”? (Genesi 45:7).

Genesi 45; 50:15–21

Ruregerero runounza ruporeso.

Kuverenga pamusoro paJosefa achiregerera madzikoma ake nekuda kwezvinhu zvakaipa zvavakaita kwaari kunogona kukukurudzira kuti ufunge pamusoro pemumwe munhu wauri kunetseka kukanganwira parizvino. Kana kuti pamwe muyedzo wakaoma weruregerero uri mune ramangwana rako. Chero zvazvingava, zvinogona kubatsira kufungisisa kuti sei Josefa akakwanisa kuregerera. Ndezvipi zvinoratidza hunhu nemafungiro aJosefa zvaunowana muna Genesi 45; 50:15–21? Zvakaitika kwaari zvingava zvakamubatsira sei kuti ave munhu anonyanya kuregerera? Muenzaniso waJosefa unopa zano ripi pamusoro pekuti ungava sei munhu anonyanya kuregerera nerubatsiro rwaMuponesi?

Cherechedzawo maropafadzo akauya kumhuri yaJoseph nokuda kweruregerero rwake. Maropafadzo api awakaona kubva mururegerero? Unonzwa here kukurudzirwa kuti unanavire kune mumwe munhu akakutadzira?

Onawo Genesi 33:1–4; Dzidziso neZvibvumirano 64:9–11.

Genesi 49

Chiratidzo chemaropafadzo aJakobo chinorevei?

Maropafadzo aJakobo kuzvizvarwa zvake ane mifananidzo yakajeka, asi vamwe vaverengi vangawanawo ari anonetsa kunzwisisa. Chakanaka ndekuti vhangeri rakadzorerwa rinotipa imwe nzwisiso. apo paunoverenga ropafadzo yaJosefa muna Genesi 49:22–26, verengawo ndima dzinotevera, uye woona kuti inzwisiso dzipi dzadzinopa: 1 Nifai 15:12; 2 Nifai 3:4–5; Jakobo 2:25; Dzidziso neZvibvumirano 50:44.

Apo paunenge uchiverenga pamusoro peropafadzo raJuda muna Genesi 49:8–12, yeuka kuti Mambo Davidi naJesu Kristu zvizvarwa zvaJuda. Ndeapi mashoko nendevo mundima idzi zvinokuyeuchidza nezve Muponesi? Apo paunonzvera ropafadzo yaJuda, zvingangobatsira kuverengawo Zvakazarurwa 5:5–6, 9; 1 Nifai 15:14–15; Dzidziso neZvibvumirano 45:59; 133:46–50.

Kana uchida kudzidza zvakawanda pamusoro pevanakomana vaJakobo uye namadzinza aIsraeri ayo akabva kwavari, mumwe nemumwe wavo akaiswa pa Nhungamiro kuMagwaro Matsvene (scriptures.ChurchofJesusChrist.org).

Genesi 50:24–25; Dudziro yaJoseph Smith, Genesi 50:24–38 (muNhungamiro kuMagwaro Matsvene)

“Ishe Mwari vangu vachasimudza muoni.”

Kuburikidza nezviroto zvaJosefa (ona Genesi 37:5–11) uye nedudziro yake yezviroto zvevamwe (ona Genesi 40–41), Ishe vakazarura zvinhu zvaizoitika mumazuva kana makore akawanda aitevera. Asi Ishe zvakare vakazarura kuna Josefa izvo zvaizoitika mumazana emakore aitevera. Kunyanya, akadzidza pamusoro pemabasa ehuporofita aMosesi naJoseph Smith. Apo paunoverenga mashoko aJosefa muna Genesi 50:24–25 uye muDudziro yaJoseph Smith, Genesi 50:24–38 (Nhungamiro kuMagwaro Matsvene), zvibvunze kuti kuziva zvinhu izvi kungava kwakaropafadza sei Josefa nevana vaIsraeri. Sei uchifunga kuti zvaiva zvakakosha kuti Ishe vadzorere huporofita uhwu kubudikidza naJoseph Smith? (onawo 2 Nifai 3).

Joseph Smith akazadzisa sei huporofita hwacho muDudziro yaJoseph Smith, Genesi 50: 27–28, 30–33? (ona Dzidziso neZvibvumirano 1:17–23; 20:7–12; 39:11; 135:3).

Mufananidzo
Josefa weEgipita achiona chiratidzo chaJoseph Smith achigamuchira mahwendefa egoridhe

Mufananidzo waJosefa weEgipita, naPaul Mann

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwemhuri

Mazano ekuNzvera Magwaro Matsvene kweMhuri uye eNguva yeMhuri Pamba Manheru

Genesi 42–46.Mhuri yako inogona kunakidzwa nekuita mutambo wenyaya yaJosefa achisangana zvakare namadzikoma ake. ­ Nakidzwai nemutambo uyu—shandisai zvipfeko zvakafanana nezvaipfekwa kare uye zvimwe zvinhu zvamungawedzera kana muchida. Kurudzirai nhengo dzemhuri kuti dziedze kunzwisisa manzwiro nemaonero evanhu varikumiririrwa mumutambo. Munogona kunangisisa pamanzwiro aJosefa kumadzikoma ake uye manzwiro avangave vakaita apo paakavaregerera. Izvi zvinogona kutungamira kuhurukuro pamusorop ekuti ruregerero runoropafadza sei - mhuri yenyu .

Apo Josefa paakasangana namadzikoma ake zvakare mushure memakore akawanda, vakaratidza sei kuti vakanga vachinja kubva paakanga apedzisira kuvaona? Tinodzidzei pamusoro perutendeuko kubva kuzviitiko zvavo?

Genesi 45:3–11; 50:19–21.Josefa akaziva kuti kunyange zvazvo chiitiko chake muEgipita chakanga chakaoma, “Mwari akafunga kuti zvive zvakanaka” (Genesi 50:20). Mhuri yako yakambosangana here nemimwe miyedzo iyo yakashandurwa naMwari kuva maropafadzo?

Rwiyo rwuri pamusoro pekunaka kwaMwari munguva dzemuyedzo (sezvakaita “Hwaro Hwakasimba” [Nziyo, nhamba. 10]) rwunokwanisa kusimbisa hurukuro iyi. Nderupi ruzivo kubva kune zvakaitika kuna Josefa rwunotaridza izvo zvinodzidziswa nerwiyo urwu?

Genesi 49:9–11, 24–25.Chii chatinowana mundima idzi chinotidzidzisa nezvebasa nemushando waJesu Kristu? (Kuti uwane rubatsiro rwekunzwisisa ndevo dziri mundima idzi, ona zvinyorwa pamusoro peGenesi 49 “muMazano eKunzvera Magwaro Matsvene Kwako Wega.”)

Kuti uwane mamwe mazano ekudzidzisa vana, ona chirongwa chevhiki ino chiri muna Huyai, Munditevere—Bhuku reVana Vadiki.

Rwiyo rwamungaimba: “Hwaro Hwakasimba,” Nziyo, nhamba. 10.

Kunatsurudza Kudzidzisa Kwedu

Shandisa mumhanzi. Batsira nhengo dzemhuri kuwana zvokwadi zvevhangeri mumashoko enziyo uye dzimbo dzeBato reVana Vadiki. Tsvaga nzira dzekuita kuti mumhanzi unoyera uve chikamu chenguva dzese chekunzvera kwenyu vhangeri.

Mufananidzo
Jakobo achiropafadza vanakomana vake

Jacobo Blessing His Sons (Jakobo Achiropafadza Vanakomana Vake), naHarry Anderson

Dhinda