Testamente Yekare 2022
Kubvumbi 25–Chivabvu 1. Eksodo 24; 31–34: “Ini Ndimene Ndichaenda Newe”


“Kubvumbi 25–Chivabvu 1. Eksodo 24; 31–34: “Ini Ndimene Ndichaenda Newe,” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: Testamente Yekare 2022 (2021)

“Kubvumbi 25–Chivabvu 1. Eksodo 24; 31–34” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: 2022

Mufananidzo
Jehova achizviratidza kuna Mosesi uye kumagosa aIsraeri

Mufananidzo waJehova achizviratidza kuna Mosesi uye kumagosa 70 aIsraeri, naJerry Harston

Kubvumbi 25–Chivabvu 1

Exodus 24; 31–34

“Ini Ndimene Ndichaenda Newe”

Hausi musimboti wose wakakosha mumagwaro matsvene unokwanisa kusimbisiswa muzvirongwa zvezvidzidzo zvino. Teerera kuMweya kuti ukubatsire kunangisa pfungwa pazvokwadi zvaunoda.

Nyora Pasi Manzwiro Ako

Paiva nechikonzero chokuvimba kuti vana vaIsraeri vaizoramba vari pachokwadi kuna Mwari mushure mokunge Vazarura mutemo Wavo kwavari (ona Eksodo 20–23). Kunyangwe zvazvo vakanga vambogununʼuna nokuzungunuka kare, apo Mosesi paakaverenga mutemo pazasi peGomo reSinai, vakaita chibvumirano ichi: “Zvose zvarehwa naJehova tichazviita, uye tichateerera” (Eksodo 24:7). Mwari zvino vakadaidza Mosesi kugomo, vachimutaurira kuti avake tabernakeri kuitira “kuti ndigare pakati pavo” (Eksodo 25:8; ona zvitsauko 25–30).

Asi apo Mosesi paaiva pamusoro pegomo achidzidza kuti vaIsraeri vangakwanisa sei kuva naMwari pakati pavo, vaIsraeri vaiva vari pazasi pegomo vachigadzira chimufananidzo chegoridhe chokuti vagonamata panzvimbo paMwari. Vakanga vachangovimbisa “kusava navamwe vamwari,” “asi vakakurumidza kutsauka” kubva kumirairo yaMwari (Eksodo 20:3; 32:8; onawo Eksodo 24:3). Kwaiva kushanduka kwaishamisa, asi tinoziva kubva muzviitiko kuti rutendo nokuzvipira dzimwe nguva zvinokwanisa kukurirwa nekusava nemwoyo murefu, kutya, kana kusava nechokwadi. Apo patinotsvaka kuvapo kwaIshe muupenyu hwedu, chinhu chinokurudzira kuziva kuti Ishe havana kuoma mwoyo neIsraeri yechinyakare uye haVazoori mwoyo nesu—nokuti Vane “ngoni nenyasha, vanononoka kutsamwa, vanetsitsi huru nezvokwadi” (Eksodo 34:6).

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwako wega

Mazano eKunzvera Magwaro Matsvene Kwako Wega

Eksodo 24:1–11

Zvibvumirano zvangu zvinoratidza chido changu chokuteerera mutemo waMwari.

Apo paunoverenga muna Eksodo 24:3–8 pamusoro pavaIsraeri vachiita chibvumirano chokuteerera mutemo waMwari, pfungwa dzako dzingangotendeukira kuzvibvumirano zvawakaita naMwari. Chibvumirano chaIsraeri chaisanganisira miteuro iyo yakasiyana kubva kune iyo inodikanwa naMwari nhasi, asi ungangocherechedza dzimwe fanano, kunyanya kana ukafunga zvokwadi zvokusingaperi zvinoratidzwa nemiteuro iyi.

Somuenzaniso, ndima 4, 5, uye 8 dzinotaura aritari, zvibairo zvemhuka, uye ropa. Chii chinokwanisa kumiririrwa nezvinhu izvi, uye zvinoenderana sei nezvibvumirano zvako? Zvibvumirano zvako zvinokwanisa kukubatsira sei kuita ‟zvose zvarehwa naIshe”? (ndima 7).

Onawo Mosesi 5:4–9; Becky Craven, “Kuchenjerera Pane Kushaya HanyaLiahona, Chivabvu 2019, 9–11.

Eksodo 32–34

Chivi chinoreva kutendeukira kure kubva kuna Mwari, asi Vanopa nzira yokudzoka.

Nokufungisisa kuti vaIsraeri vakakurumidza sei zvakadaro “kuzvitadzira” (Eksodo 32:7) nokutyora zvibvumirano zvavo, isu tinokwanisa kudzivirira zvikanganiso zvakafanana naizvozvo. Apo paunoverenga Eksodo 32:1–8, edza kuzviisa munzvimbo yavaIsraeri—uri murenje, Mosesi akaenda kwemazuva 40 , hauzivi kuti achazodzoka here kana kuti riinhi, uye kurwisana navaKanani pamusoro penyika yechipikirwa kunozoitika mune ramagwana rako (onawo Eksodo 23:22–31). Sei uchifunga kuti vaIsraeri vaida chimufananidzo chegoridhe? Sei chivi chavaIsraeri chaiva chakakomba zvikuru kudaro? Ndima idzi dzingangokukurudzira kufungisisa nzira dzaungaedza nadzo kuisa ruvimbo rwako mune mumwe munhu kana chimwe chinhu kunze kweMuponesi. Pane chimwe chinhu here chaunonzwa kufemerwa kuita kuitira kuti ugoisa Mwari pokutanga zvakanyanya kuzara muupenyu hwako? Chii chinokukurudzira pamusoro pechiteterero chaMosesi kuna Ishe muna Eksodo 33: 11–17?

Nepo chivi chavaIsraeri chaiva chakakomba zvikuru , nyaya iyi inosanganisirawo shoko rengoni noruregerero rwaMwari. Chii chaunodzidziswa kubva muna Eksodo 34:1–10 pamusoro peMuponesi? Zviito zvaMosesi akamiririra vaIsraeri zvinokuyeuchidza sei pamusoro peizvo Jesu Kristu zvaakaitira vanhu vose? (ona Eksodo 32:30–32; Mosaya 14:4–8; 15:9; Dzidziso neZvibvumirano 45:3–5).

Dudziro yaJoseph Smith, Eksodo 34:1–2 (muNhungamiro kuMagwaro Matsvene)

Mutsauko wakanga uri wei pakati pamapoka maviri amahwendefa amabwe akagadzirwa naMosesi?

Apo Mosesi paakadzika kubva mugomo, akaunza mutemo wakanyora pamahwendefa amabwe. Mushure mokuziva kuti vaIsraeri vakanga vatyora chibvumirano chavo, Mosesi akaputsa mahwendefa acho (ona Eksodo 31:18; 32: 19). Pashure, Mwari vakaraira Moses kugadzira mamwe mahwendefa maviri amabwe uye agodzokera nawo kugomo (ona Eksodo 34:1–4). Dudziro yaJoseph Smith, Eksodo 34:1–2 (muNhungamiro kuMagwaro Matsvene) inotsanangura kuti mahwendefa maviri okutanga anosanganisira “hurongwa hutsvene,” hwaMwari kana kuti Hupirisita hwaMerkizedeki. Mahwendefa maviri echipiri anosanganira “mutemo wemurairo wenyama.” Uyu waiva murairo muduku waishandiswa “nehupirisita huduku” (ona Dzidziso neZvibvumirano 84:17–27), uyo waifanira kugadzirira vaIsraeri kumutemo mukuru uye kuhupirisita hukuru kuitira kuti vagopinda zvakanyanya kuzara pamberi paMwari

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwemhuri

Mazano ekuNzvera Magwaro Matsvene kweMhuri uye eNguva yeMhuri Pamba Manheru

Eksodo 31: 12–13, 16–17.Mushure mokuverenga ndima idzi, pamwe mhuri yenyu ingangokurukura mubvunzo waMutungamiri Rusell M. Nelson pamusoro pamaitiro edu paSabata: “Ndechipi chiratidzo chaunozopa kuna Ishe kuratidza rudo rwako kwaVari?” (“Zuva reSabata Rinofadza,” Liahona, Chivabvu 2015, 130). Mhuri yenyu inokwanisa kugadzira zviratidzo zvokuisa mumba kukuyeuchidzai maratidziro amunozoita rudo rwaIshe paSabata. ­

Mufananidzo
vanhu vachifamba pamberi pechechi

Nokukudza Sabata, tinoratidza rudo rwedu rwaIshe?

Eksodo 32:1–8.Kuti ubatsire mhuri yako kukurukura kuti vaIsraeri vakatendeukira kure kubva kuna Mwari sei, funga kugadzira nzira pauriri (kana kuti wana nzira iri pedyo napamba penyu). Apo pavanenge vachifamba panzira iyi, nhengo dzemhuri dzinokwanisa kutaura pamusoro pezviedzo zvatinotarisana nazvo kuti titsauke “panzira iyo [Ishe] yavakaraira.” Tingaramba tiri munzira sei? Kana takatsauka, tingadzokera kwairi sei? Muponesi anotibatsira sei?

Eksodo 32:26.Mushure mokunge vaIsraeri vawanikwa vachinamata chimufananidzo, Mosesi akabvunza kuti, “Ndiani ari kurutivi rwaIshe?” Tinoratidza sei kuti tiri kurutivi rwaIshe?

Eksodo 33: 14–15.Nhengo dzemhuri dzinokwanisa kugovera zviitiko apo pavakanzwa izvo Mwari zvavakavimbisa Mosesi: “Ini ndimene ndichaenda newe, ndikupe zororo.” Munokwanisa kuimba rwiyo pamusoro pokuvimba kwedu panaMwari, sezvakaita “Ndinokudai Nguva Dzose!” (Nziyo neDzevana Vadiki, nhamba 22).

Kuti uwane mamwe mazano ekudzidzisa vana, ona chirongwa chevhiki ino chiri muHuyai, Munditevere—Bhuku reVana Vadiki.

­ ­

Kunatsurudza Kudzidzisa Kwedu

Koka Mweya Funga pamusoro pokuti mumhanzi unoyera, mifananidzo yakadhirowewa, uye kutaurwa kwerudo zvinokurudzira sei mamiriro okunzwa mweya mumba mako apo paunodzidzisa mhuri yako (ona Teaching the Savior’s Way, 15).

Mufananidzo
Mosesi achiputsa mahwendefa

Worship of the Calf, (Kunamatwa kweMhuru) naW.C. Simmonds

Dhinda