Testamente Yekare 2022
Pfungwa dzoKuchengeta muNdangariro: Tabernakeri uye Chibayiro


“Pfungwa dzoKuchengeta muNdangariro: Tabernakeri uye Chibayiro,” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: Testamente Yekare 2022 (2021)

“Pfungwa dzoKuchengeta muNdangariro: Tabernakeri uye Chibayiro,” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: 2022

Mufananidzo
mufananidzo wepfungwa

Pfungwa dzeKuchengeta muNdangariro

Tabernakeri uye Chibayiro

Apo patinoverenga Testamente Yekare, dzimwe nguva tinowana ndima dzakareba pamusoro pezvinhu izvo zviri pachena kuti zvaiva zvakakosha kuna Ishe asi zvinokwanisa kusanzwika sezvinoenderana nesu nhasi. Eksodo 25–30; 35–40; Revitiko 1–9; 16–17 mienzaniso. Zvitsauko izvi zvinotsanangura zvakadzama tabernakeri murenje uye zvibairo zvemhuka zvaifanira kuitwamo.1 Tabernakeri yaiva temberi yaikwanisa kutakurwa, nzvimbo yaigarwa naIshe pakati pavanhu Vavo.

Temberi dzedu dzazvino dzine zvinhu zvakafanana netabernakeri yeIsraeri, asi zvirokwazvo hadzienderani netsananguro yayo muna Eksodo. Uye hatiurayi mhuka mumatemberi edu—Rudzikinuro rweMuponesi rwakagumisa kubairwa kwemhuka makore anopfuura 2,000 akapfuura ayo. Asi zvisinei nemisayano iyi, zvakakosha zvikuru nhasi kuverenga pamusoro pemitoo yokunamata yeIsraeri yechinyakare, kunyanya kana tikavaona nenzira iyo vanhu vaMwari muBhuku raMormoni yavakaita—senzira “yokusimbisa rutendo rwavo muna Kristu” (Aruma 25:16; onawo Jakobo 4:5; Jaromu 1:11). Apo patinonzwisisa zvinomiririrwa netabernakeri uye nekubairwa kwemhuka, tinokwanisa kuwana nzwisiso yomweya iyo inozosimbisawo rutendo rwedu muna Kristu.

Mufananidzo
vanhu vachiunza gwayana kuvapirisita patabernakeri

Mufananidzo wevaIsraeri vachiunza gwayana kutabernakeri, naRobert T. Barrett

Tabernakeri Inosimbisa Rutendo muna Jesu Kristu

Apo Mwari pavakaraira Mosesi kuvaka tabernakeri mumusasa wavaIsraeri, Vakataura chinangwa chayo vachiti: “kuti ndigare pakati pavo” (Eksodo 25:8). Mukati metabernakeri, kuvapo kwaMwari kwaimiririrwa neareka yechibvumirano—bhokisi ramapango, yaiva yakafukidzwa negoridhe, iine rondedzero yakanyorwa yechibvumirano chaMwari nevanhu Vake (ona Eksodo 25:10–22). Areka yaichengetwa mumupanda waiva uri mutsvenesa, uye wemukati-kati, waiva wakaparadzaniswa kubva kune nzvimbo dzose dzetabernakeri nechidzitiro. Chidzitiro chaimiririra kuparadzaniswa kwedu kubva pamberi paMwari nokuda kweKuputsika.

Kunze kwaMosesi, tinoziva mumwe munhu mumwechete uyo akakwanisa kupinda imomo ‟munzvimbo tsvene-tsvene” (Eksodo 26:34)—mupirisita mukuru. Sevamwe vapirisita, akafanira kutanga ashambidzwa nokuzodzwa (ona Eksodo 40: 12–13) uye nokupfekedzwa zvipfeko zvinoera zvaiva mucherechedzo wechigaro chake (ona Ekisodo 28). Kamwechete pagore, pazuva raidaidzwa kuti Zuva roRudzikinuro, mupirisita mukuru aipira zvibairo akamiririra vanhu asati apinda ari oga mutabernakeri. Pachidzitiro, aizopisa zvinonhuwirira (ona Revitiko 16:12). Chiutsi chainhuwirira chaikwira kudenga chaimiririra minamato yevanhu inokwira kuna Mwari (ona Pisarema 141:2). Zvino mupirisita mukuru, akatakura ropa raiva rabva mumhuka yechibayiro, aizopfuura nomuchidzitiro uye oenda kuchigaro choumambo chaMwari, chaimiririrwa neareka yechibvumirano (ona Revitiko 16: 14–15).

Nokuziva izvo zvaunoziva pamusoro paJesu Kristu uye basa Rake muchirongwa chaBaba Vokudenga, unokwanisa kuona here kunongedzerwa kwatinoitwa netabernakeri kuMuponesi? Sokumiririra kwaiita tabernakeri, uye areka yaiva mukati mayo, kuvapo kwaMwari pakati pevanhu Vavo, Jesu Kristu ndiye aiva kuvapo kwaMwari pakati pavanhu Vavo (ona Johane 1:14). Semupirisita mukuru, Jesu Kristu ndiye Muyananisi pakati pedu naMwari Baba. Akapfuura nemuchidzitiro kuitira kuti atiitire ruyananiso kuburikidza neropa rekuzvipira Kwake pachake (ona VaHeberu 8–10).

Zvimwe zvinhu zvetabernakeri yeIsraeri zvingangoratidzika kuva zvinhu zvaunoziva, kunyanya kana wakaenda kutemberi kunotambira zvisungo zvako pachako. Senzvimbo yetabernakeri yakanyanyisa kuva tsvene, mupanda weseresitiyaro wetemberi unomiririra kuvapo kwaMwari. Kuti tipindemo, tinofanira kutanga tashambidzwa nokuzodzwa. Tinopfeka zvipfeko zvinoera. Tinonamata paaritari iyo kubva pairi minamato inokwira kuna Mwari Uye pokupedzisira tinopfuura nemuchidzitiro kupinda pamberi paMwari.

Pamwe fanano yakanyanyisa kukosha pakati pamatemberi anhasi uye netabernakeri yechinyakare ndeyokuti dzose, kana dzikanzwisiswa nomazvo, dzinosimbisa rutendo rwedu muna Jesu Kristu uye nokutizadza nokutenda kwekuzvipira kwerudzikinuro Rwake. Mwari vanoda kuti vana Vavo vose vapinde pamberi Pavo; Vanoda “umambo hwevapirisita” navapirisitakadzi (Ekisodo 19:6). Asi zvivi zvedu zvinotidzivirira kubva mukuwana ropafadzo iroro, nokuti “hakuna chinhu chisina kuchena chinokwanisa kugara naMwari” (1 Nifai 10:21). Saka Mwari Baba vakatuma Jesu Kristu “mupirisita mukuru wezvinhu zvakanaka zvinozouya” wedu (VaHeberu 9:11). Anotivhurira chidzitiro uye anopa simba kuvana vose vaMwari kuti “tiswedere tisingatyi kuchigaro choushe chenyasha, kuti tinzwirwe ngoni” (VaHeberu 4:16).

Nhasi, chinangwa chematemberi chinopfuura kungowana kusimudzirwa kumusoro-soro kwedu pachedu. Mushure mokutambira zvisungo zvedu pachedu, tinokwanisa kumira munzvimbo yamadziteteguru edu, tichigamuchira zvisungo zvavo takavamiririra. Neimwe nzira, tinokwanisa kuva chimwe chinhu semupirisita mukuru wechinyakare—uye Mupirisita Mukuru waPamusoro—tichivhurira vamwe nzira inoenda pamberi paMwari.

Kuzvipira Kunosimbisa Rutendo muna Jesu Kristu

Misimboti yerudzikinuro uye yeruyananiso inodzidziswa zvakasimba zvikuru mutsika yechinyakare yokubayira mhuka, iyo yaivapo kare-kare mutemo waMosesi usati wavapo. Nokuda kwevhangeri rakadzorerwa, tinoziva kuti Adama naEva vaipa zvibairo, vainzwisisa mucherechedzo wazvaireva kukuzvipira kweMuponesi, uye vakadzidzisa izvi kuvana vavo (ona Mosesi 5:4–12; onawo Genesi 4:4).

Mucherechedzo wechibayiro chemhuka ungangova wakaratidzika kubata mwoyo zvakanyanya paZuva roRudzikinuro reIsraeri yechinyakare (“Yom Kippur” muChiHeberu). Kudikanwa kwemhemberero yegore roga roga iyi kwakataurwa muna Revitiko 16:30: “nokuti munofanira kuyananisirwa nezuva iro, kuti munatswe; kuti mugonatswa pazvivi zvenyu zvose pamberi paIshe.” Nokudaro kuvapo kwaMwari kwaikwanisa kuramba kuripo pakati pavanhu. Ruyananiso urwo rwaibudirirwa parwuri kuburikidza nemhemberero dzakasiyana siyana. Mune mumwe wayo, mbudzi yaiuraiwa semupiro wezvivi zvavanhu, uye mupirisita mukuru aitora ropa rembudzi oenda naro munzvimbo yaiva iri tsvene zvikurusa. Pashure, mupirisita mukuru aizoisa maoko ake pambudzi mhenyu uye oreurura zvivi zvevana vaIsraeri—mumucherechedzo achibvisa zvivi izvozvo ozviendesa kumbudzi. Mbudzi zvino yaizotandaniswa kubudiswa mumusasa waIsraeri.

Mumuteuro uyu, mbudzi dzaimiririra Jesu Kristu, dzichitora chinzvimbo chavanhu vane zvivi. Chivi hachifaniri kubvumirwa pamberi paMwari. Asi pane kuparadza kana kutandanisira kure vatadzi, Mwari vakapa imwe nzira—mbudzi yaizouraiwa kana kutandanisirwa kunze pachinzvimbo chavatadzi. “Uye mbudzi inofanira kutakurira zvakaipa zvavo zvose” (Revitiko 16:22).

Mucherechedzo wemiteuro iyi wainongedzera kunzira iyo Mwari yavakapa kuitira kutidzosera pamberi Pavo—Jesu Kristu noRudzikinuro Rwake. Muponesi “akatakura kurwadziwa kwedu, uye akatakura kusuwa kwedu,” kunyangwe .“kuipa kwedu tose” (Muporofita Isaya 53:4, 6). Akamira muchinzvimbo chedu, akapa upenyu Hwake kuripira chirango chechivi, uye zvino akakunda rufu kuburikidza noKumuka Kuvakafa Kwake (ona Mosiah 15:8–9). Kuzvipira kwaJesu Kristu ndiko kwaiva “chibairo chikuru uye chokupedzisira, kwete chibairo chemunhu, kana chemhuka” asi “chibairo chisina mugumo uye chokusingaperi” (Aruma 34:10). Ndiye aiva zadzikiso yezvinhu zvose izvo zvibairo zvechinyakare zvazvainongedzera kwazviri.

Nokuda kwechikonzero ichi, mushure mokunge kuzvipira Kwake kwapera, Akati “Imi haumuchazopiri kwandiri zvakare kudeurwa kweropa; hongu, zvibairo zvenyu … zvicharegerwa. … Uye muchapira chibairo kwandiri chomwoyo wakatyoka nemweya wekuzvidemba” (3 Nifai 9:19–20).

Saka apo paunowana ndima muTestamente Yakare pamusoro pezvibairo uye petabernakeri (kana pashure, temberi)—uye unozowana dzakawanda dzadzo—rangarira kuti chinangwa chikuru chazvo zvose ndechekusimbisa rutendo rwako muna Mesiasi, Jesu Kristu. Ita kuti mwoyo wako nepfungwa dzako zvitendeukire kwaAri. Fungisisa izvo zvaAkaita kukudzosa pamberi paMwari—uye izvo zvaunozoita kuMutevera.

Chinyorwa

  1. Eksodo 33:7–11 inotaura “tabernakeri yokusongana,” umo Mosesi maaitaurirana naIshe, asi iyi yakanga isiriyo nzvimbo yezvibayiro yakatsanangurwa muna Eksodo uye nemuna Revitiko. Zvibairo izvi zvaiitwa mutabernakeri yakatsanangurwa muna Eksodo 25–30, iyo Mwari yavakaraira Mosesi kuti avake uye iyo vana vaIsraeri yavakavaka (ona Eksodo 35–40). Tabernakeri iyi, iyo Aroni navanakomana vake yavaiitira zvibairo zvemhuka, kazhinji yaidaidzwawo kunzi “tabernakeri yekusongana” (ona, somuenzaniso, Eksodo 28:43; 38:30; Revitiko 1:3).

Dhinda