Testamente Yekare 2022
Pfungwa dzeKuchengeta muNdangariro: Mabhuku eNhoroondo Ari muTestamente Yekare


“Pfungwa dzeKuchengeta muNdangariro: Mabhuku eNhoroondo yeChinyakare muTestamente Yekare,” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: Testamente Yekare 2022 (2021)

“Pfungwa dzeKuchengeta muNdangariro: Mabhuku eNhoroondo yeChinyakare muTestamente Yekare” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: 2022

Mufananidzo
mufananidzo wepfungwa

Pfungwa dzeKuchengeta muNdangariro

Mabhuku eNhoroondo yeChinyakare muTestamente Yekare

Mabhuku aJoshua kusvika kuna Estere anozivikanwa kubvira kare “samabhuku enhoroondo yechinyakare” eTestamente Yekare. Izvi hazvirevi kuti mamwe mabhuku muTestamente Yekare haana ukoshi hwenhoroondo. Panokudaro, mabhuku enhoroondo yechinyakare anodaidzwa saizvozvo nokuti vavariro huru yavanyori vawo yaiva yekuratidza ruoko rwaMwari munhoroondo yevanhu veIsraeri. Chinangwa chakanga chisiri chekutsanangura mutemo waMosesi, saRevitiko uye Deuteronomio zvaanoita. Chakanga chisiri chekuratidza rumbidzo kana kudetemba nemutoo wedetembo, sezvinoita Mapisarema uye Mariro aJeremia . Uye chakanga chisiri chekunyora mashoko evaporofita, sezvinoita mabhuku aMuporofita Isaya uye Muporofita Ezekieri . Panzvimbo pokudaro mabhuku enhoroondo yechinyakare anotaura nyaya.

Nyaya yeMaonero

Kazhinji, nyaya iyoyo inotaurwa kubva pane mamwe maonero ezvinhu—zvechokwadi, mamwe maonero ezvinhu. Sezvazvisingabviri kutarisa ruva, ibwe, kana muti kubva kudivi rinopfuura rimwechete panguva, zvinotoitika kuti tsananguro yenhoroondo yechinyakare inozoratidza maonero emunhu kana boka revanhu vari kuinyora. Maonero aya anosanganisira rudzi kana dzinza rinobviwa nemunyori uye tsika nezvitendero zvavo. Kuziva izvi kunokwanisa kutibatsira kunzwisisa kuti vanyori uye navaunganidzi vemabhuku enhoroondo yechinyakare aya vakanangisa pfungwa pane zvimwe zvinhu apo vachisiya zvimwe.1 Vakaita dzimwe fungidziro idzo dzingangova dzisina kuitwa nevamwe. Uye vakasvika pamhedzisiro dzakamisirwa pazvinhu izvozvo uye nepafungidziro idzodzo. Tinokwanisa kunyangwe koona maonero akasiyana-siyana nemumabhuku ose eBhaibheri (uye dzimwe nguva mukati mebhuku rimwechetero).2 Apo patinonyanya kuziva maonero aya, ndipo patinokwanisawo kunzwisisa zvirinani mabhuku enhoroondo. yechinyakare.

Mamwe maonero anonyanya kuwanikwa mumabhuku ose enhoroondo yechinyakare eTestamente Yekare maonero evana vaIsraeri, vanhu vechibvumirano vaMwari. Rutendo rwavo muna Ishe rwakavabatsira kuona ruoko Rwavo muupenyu hwavo uye rupindiro Rwavo munyaya dzenyika yavo. Apo mabhuku enhoroondo dzezvepanyama asingawanzi kuona zvinhu nenzira iyi, maonero ezvemweya aya chikamu cheizvo zvinoita kuti mabhuku enhoroondo yechinyakare eTestamente Yekare akoshe zvakanyanya kune avo vari kutsvaga kuvaka rutendo rwavo pachavo muna Mwari.

Zvinotsanangurwa neChimwe Chikamu Chose cheTestamente Yekare

Mabhuku enhoroondo yechinyakare anotangira panoperera bhuku raDeuteronomio nemakore ekutendereka murenje kwavaIsraeri ava kuda kupera. Bhuku raJoshua rinoratidza vana vaIsraeri vagadzirira kupinda muKanani, nyika yavo yechipikirwa, uye rinotsanangura matorero avakaiita. Mabhuku anotevera anoti, Vatongi kusvika kuna 2 Makoronike, anoratidza chiitiko cheIsraeri munyika yechipikirwa, kubva panguva yavakagaramo kusvikira panguva yavakakundwa neAsiria uye Babironi. Mabhuku aEzra uye Nehemia anotaura nezvekudzoka kwemapoka akati wandei evaIsraeri kuguta ravo guru, Jerusarema, makumi emakore pashure. Pokupedzisira, bhuku raEstere rinorondedzera nyaya yevaIsraeri vachigara muhutapwa pasi pehutongi hwePersia.

Uye ipapo ndipo panogumira nhevedzano yeTestamente Yekare. Vamwe vaverengi vokutanga veBhaibheri vanoshamiswa kuona kuti ivo vatopedza chaizvo kuverenga nyaya yeTestamente Yekare vasati vaverenga zvakawanda kupfuura hafu yemapeji ayo. Mushure maEstere, hatiwane ruzivo rwakawanda pamusoro penhoroondo yevaIsraeri. Panzvimbo pokudaro, mabhuku anotevera—kunyanya mabhuku evaporofita vacho—anoenderana nenguva yakapuwa nemabhuku enhoroondo yechinyakare.3 Hushumiri hwemuporofita Jeremia, semuenzaniso, hwakaitika munguva yezviitiko zvakanyorwa muna 2 Madzimambo 22–25 (uye tsananguro inoenderana neiri muna 2 Makoronike 34–36). Kuziva izvi kunokwanisa kushandura maverengero aunoita zvose nhoroondo uye mabhuku echiporofita.

Mufananidzo
ruoko rwakabata chidimbu chepazuru yejigiso nepazuru isina kupera patafura

Dzimwe ndima dzezvinyorwa zvitsvene dzinogona kuva sezvidimbu zvepazuru izvo zvatisingazive mabatanadziro okuzvita neimwe pazuru yese.

Kana Chimwe Chinhu Chisingaenderane

Apo paunoverenga Testamente Yekare, sezvinoita neipi zvayo nhoroondo, unokwanisa kuverenga pamusoro pevanhu vachiita kana kutaura zvinhu izvo, kumaziso emazuva ano, zvinoratidzika sezvisingazikanwi kana kunyangwe zvinonetsa. Tinofanira kutarisira izvi—vanyori veTestamente Yekare vakaona nyika kubva pamaonero aiva, nedzimwe nzira, akasiyana zvakanyanya needu. Chisimba, hukama hwemadzinza, uye nemabasa emadzimai ndedzimwe dzenyaya idzo vanyori vechinyakare dzavangangova vakaona zvakasiyana nezvatinoita nhasi uno.

Saka chii chatinofanira kuita apo patinosangana nezvikamu mumagwaro matsvene zvinoratidzika sezvinonetsa? Chokutanga, zvingangobatsira kufunga pamusoro pendima imwe neimwe mumanzwisisirwo ezvinhu . Inoenderana sei nechirongwa chaMwari cheruponeso? Inoenderana sei nezvaunoziva pamusoro pehunhu hwaBaba Vokudenga naJesu Kristu? Inoenderana sei nezvokwadi zvakazarurwa muna mamwe magwaro matsvene kana nedzidziso dzevaporofita vapenyu? Uye inoenderana sei nezevezero dzeMweya kumwoyo wako pachako nekupfungwa dzako pachako?

Pane dzimwe nguva, ndima yacho inogona kusaratidzika kuenderana zvakanaka nezvipi zvazvo zveizvi. Dzimwe nguva ndima yacho inogona kuita sechidimbu chepazuru chisingaratidzike sokunge chine nzvimbo pakati pezvimwe zvidimbu zvawanga waronga kare. Kuedza kumanikidzira chidimbu kuti chikwane haisiyo nzira yakanakisisa. Asiwo kuora mwoyo nepazuru yose haisiwo nzira yakanakisisa. Panzvimbo pokudaro, ungangoda kuisa chidimbu chacho parutivi kwenguva ino. Apo paunodzidza zvizhinji uye uchiisa pamwechete zvimwe zvidimbu zvizhinji zvepazuru, ungangogona kuona zvirinani mapindirano anoita zvidimbu zvacho pamwechete.

Zvinokwanisawo kubatsira kuyeuka kuti pamwepo nekuva nedivi rimwechete remaonero, nhoroondo dzemagwaro matsvene dzinokwanisa kushandurwa nezvikanganiso zvevanhu (ona Misimboti yeChitendero 1:8). Semuenzaniso, kwemazana emakore “zvinhu zvizhinji zvakajeka uye zvakakosha [zvakabviswa] kubva [muBhaibheri],” kusanganisira zvokwadi zvakakosha pamusoro pedzidziso nezvisungo (1 Nifai 13:28; onawo ndima 29,40). Panguva imwecheteyo, tinofanira kuva tinoda kubvuma kuti maonero edu pachedu anomuganhuwo: pachagara paine zvinhu zvatisinganzwisise zvizere uye mibvunzo yatisati tokwanisa kupindura.

Kutsvaga Matombo Akakosha

Asi panguva ino, mibvunzo isina kupindurwa haifanire kutidzivirira kubva kumatombo akakosha echokwadi chekusingaperi ayo anowanikwa muTestamente Yekare—kunyangwe kana matombo akakosha iwayo dzimwe nguva akavigwa parukarabwe rwezviitiko zvinonetsa uye musarudzo dzakaipa dzinoitwa nevanhu vasina kururama. Pamwe akakoshesesa eaya matombo anokosha inyaya uye ndima dzinopupura nezverudo rwaMwari—kunyanya idzo dzinonongedzera pfungwa dzedu kukuzvipira kwaJesu Kristu. Achitariswa kubva kudivi ripi zvaro, matombo akakosha akaita seaya anopenya zvakangojeka nhasi sezvaaiita kare ikako. Uye nokuti tsananguro idzi dzinotaura nezve vanhu vechibvumirano vaMwari—varume nemadzimai vaive nehutera hwevanhu asi zvakadaro vaida uye vaishandira Ishe—matombo akakosha echokwadi azere mumabhuku enhoroondo yechinyakare yeTestamente Yekare.

Zvinyorwa

  1. Tsananguro dzenhoroondo yechinyakare dzeBhaibheri dzatiinadzo nhasi dzinonyanya kuva dzebasa revanyori uye nevaunganidzi vasina kudomwa mazita , avo dzimwe nguva vakashanda makore mazhinji, kunyangwe mazana emakore, mushure menhambo dzenguva dzavanotsanangura. Vakavimba nemajerero enhoroondo yechinyakare akasiyana siyana uye vakaita sarudzo pamusoro peizvo zvekusanganisira mutsananguro dzavo uye neizvo zvekusiya.

  2. Semuenzaniso, kunyangwe zvazvo 1–2 Makoronike ichibatanidzira nguva ingangova imwecheteyo senguva ye1 Samueri31 kusvika kumagumo kwa2 Madzimambo, 1–2 Makoronike anosimbisisa zvinhu zvakasiyana uye anopa maonero akasiyana. Kusiyana na1Samueri–2 Madzimambo, 1–2 Makoronike anotarisa chete pane zveKumaodzanyemba kweHumambo hwaJuda uye kazhinji achisiya nyaya dzakaipa pamusoro paDavidi naSoromoni (enzanisa, semuenzaniso zvitsauko, 2 Samueri 10–12 nezvitsauko 1 Makoronike 19–20 uye 1 Madzimambo 10–11 nechitsauko 2 Makoronike 9). Huyai, Munditevere rinosimbisa kunzvera tsananguro iri mu1 ne2 Madzimambo, kunyangwe zvakakosha kuenzanisa tsananguro iyoyo neiri mu1 ne2 Makoronike. Zvingangobatsira kuziva kuti basa rokunyora 1 Samueri–2Madzimambo ringangodaro rakatanga hushe hweBabironi husati hwakunda Juda uye rakapedzwa panguva yehusungwa hwavo muBabironi. Rondedzero iyo yakazova 1-2 Makoronike, nerumwe rutivi, yakaunganidzwa mushure mekunge vaJuda vadzokera kuJerusarema vachibva muhusungwa hwavo. Apo paunoverenga, ungangofunga pamusoro pekuti mamiriro ezvinhu akasiyana aya angave akashandura sei maonero evaunganidzi vetsananguro dzakasiyana idzi.

  3. Nochekumavambo kwebhuku rino unozowana “Pfupiso yeTestamente Yekare,” mudorongodzwa wenguva yezviitiko unoratidza maenderano anoita hushumiri hwemuporofita woga woga nenhoroondo yeIsraeri (semanzwisisirwo azvinokwanisa kuitwa). Unozoona kuti mazhinji amabhuku ehuporofita eTestamente Yekare anotora nzvimbo pedyo nekumagumo kwemudorongodzwa wenguva iwoyo—chinguva chipfupi vana vaIsraeri vasati uye vachangokundwa, vatapwa, uye vaparadzirwa nevavengi vavo.

Dhinda