Testamente Yekare 2022
Chivabvu 9–15. Numeri 11–14; 20–24: “Regai Kumukira Ishe, Uye Musatya”


“Chivabvu 9–15. Numeri 11–14; 20–24: ‘Regai Kumukira Ishe, Uye Musatya,’” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: Testamente Yekare 2022 (2012)

“Chivabvu 9–15. Numeri 11–14; 20–24,” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: 2022

Mufananidzo
nhika yemugwenga

Chivabvu 9–15

Numeri 11–14; 20– 24

“Regai Kumukira Ishe, Uye Musatya”

Chidzidzo chino chinosimbisisa mimwe yemisimboti mizhinji yakakosha iri mubhuku raNumeri. Iva wakasungunuka kutambira mimwewo misimboti iyo Mweya yaungakubatsira kuona.

Nyora Pasi Manzwiro Ako

Kunyangwe munhu achifamba netsoka, kazhinji hazvingatori makore 40 kufamba kubva murenje reSinai kuenda kunyika yechipikirwa muKanani. Asi ndiko kureba kwenguva iyo yaidikanwa nevana vaIsraeri, kwete chete kufamba rwendo rwacho chairwo asiwo kufamba parwendo rwezvomweya: hurefu hwechinhambwe pakati pavanhu vavaiva uye avo Ishe vavaida kuti vave sevanhu vechibvumirano Chavo.

Bhuku reNumeri rinotsanangura zvimwe zvezvinhu zvakaitika munguva yamakore 40 iwawo, kusanganisira zvidzidzo izvo vana vaIsraeri zvavaidikanwa kuti vadzidze vasati vapinda munyika yechipikirwa. Vakadzidza pamusoro pokuva vakatendeka kuvaranda vakasarudzwa vaIshe (ona Numeri 12). Vakadzidza pamusoro pokuvimba nesimba raIshe, kunyangwe apo ramangwana rairatidzika kuva risina tarisiro (ona Numeri 13–14). Uye vakadzidza kuti kusava nerutendo kana ruvimbo kunounza njodzi kumweya, asi kuti vaikwanisa kutendeuka uye votarisa kuna Muponesi kuti vawane ruporeso (ona Numeri 21:4–9).

Tose takafanana navaIsraeri nedzimwe nzira. Tose tinoziva zvazviri kuva murenje romweya, uye zvidzidzo zvimwechetezvo zvavakadzidza zvinokwanisa kutibatsira kugadzirira kupinda munyika yechipikirwa yedu pachedu: upenyu hwokusingaperi naBaba vedu Vokudenga.

Kuti uone pfupiso yebhuku raNumeri, ona “Numeri” muNhungamiro kuMagwaro Matsvene.

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwako wega

Mazano eKunzvera Magwaro Matsvene Kwako Wega

Numeri 11:11–17, 24–29; 12

Zvakazarurwa zvinowanikwa nemunhu wose, asi Mwari vanotungamirira Chechi Yavo kuburikidza nemuporofita Wavo.

Muna Numeri 11:11–17, 24–29, cherechedza dambudziko Mosesi raakatarisana naro uye gadziriso Mwari dzavakapa kwaari. Unofunga kuti Mosesi aireva chii apo paakati aishuvira “kuti dai vanhu vose vaJehova vaiva vaporofita”? (ndima 29). Apo paunofungisisa ndima idzi, funga mashoko aya aMutungamiri Russell M. Nelson: “Mwari zvechokwadi vanoda here kutaura kwauri? Hongu! … O, kune zvakawanda chaizvo izvo Baba vako vari Kudenga zvavanoda kuti uzive (“Revelation for the Church, Revelation for Our Lives,” Ensign kana Liahona, Chivabvu 2018, 95).

Zvisinei, kutaura kuti munhu wose anokwanisa kuva muporofita hazvirevi kuti vose vanokwanisa kutungamirira vanhu vaMwari nenzira yakaitwa naMosesi. Chiitiko chakanyorwa muna Numeri 12 chinojekesa izvi. Apo paunoverenga chitsauko ichi, ndedzipi yambiro dzaunowana? Chii chaunonzwa kuti Ishe vanoda kuti unzwisise pamusoro pezvakazarurwa zvako pachako uye nokutevera muporofita?

Onawo 1 Nifai 10:17; Dzidziso neZvibvumirano 28:1–7

Numeri 13–14

Nerutendo muna Ishe, ndinokwanisa kuva netariro mune ramangwana.

Apo paunoveranga Numeri 13–14, edza kuzviisa munzvimbo yavaIsraeri. Unofunga kuti sei vakanga vachida “kudzokera kuEgipita”? (Numeri 14:3). Unombova here saavo vaiva vasina tariro pamusoro pokupinda munyika yechipikirwa? Unozotsanangura sei mumwe “mweya” uyo Karebi waakanga anawo? (Numeri 14:24). Chii chaunoyemura pamusoro perutendo rwaKarebi naJoshua, uye ungashandisa mienzaniso yavo sei kumamiriro ezvinhu aunotarisana nawo?

Numeri 21:4–9

Kana ndikatarisa kuna Jesu Kristu nerutendo, Anokwanisa kundiporesa mumweya.

Vaporofita veBhuku raMormoni vaiziva nyaya yakanyorwa muna Numeri 21:4–9 uye vainzwisisa kukosha kwepamweya kwayo. Chii chinowedzerwa na1 Nifai 17:40–41; Aruma 33:18–22; uye Hiramani 8:13–15 kunzwisiso yako yenyaya iyi? Apo paunonzvera ndima idzi, funga pamusoro pekuporeswa kwepamweya kwaunotarisira. VaIsraeri vaifanira “[kutarisa] kunyoka yendarira” (Numeri 21:9) kuti vaporeswe. Chii chaunonzwa kukurudzirwa kuita kuti “utarise kune Mwanakomana waMwari nerutendo” zvakanyanya kuzara? (Hiramani 8:15).

Onawo Johane 3:14–15; Dzidziso neZvibvumirano 6:36.

Mufananidzo
nyoka yendarira

VaIsraeri vaiporeswa nokutarisa panyoka yendarira.

Numeri 22–24

Ndinokwanisa kutevera chido chaMwari, kunyangwe kana vamwe vakaedza kundinyengetedza kuti ndisaita kudaro.

Apo Baraki, mambo weMoabi, paakaziva kuti vaIsraeri vaiva vavakusvika pedyo, akadaidza Barami, murume aizikanwa nokuda kwekupa kwake maropafadzo nezvituko. Baraki aida kuti ashayise vaIsraeri simba kuburikidza nokuvatuka. Cherechedza maedzero akaita Baraki kunyengetedza Barami (ona Numeri 22:5–7, 15–17), uye funga pamusoro pezviedzo zvaunotarisana nazvo kuti upikise chido chaMwari. Chii chaunoyemura pamusoro pemhinduro yaBarami muna Numeri 22:18, 38; 23:8, 12, 26; 24:13?

Chinosuwisa ndechokuti, zvinoratidzika sokuti Barami pokupedzisira akabvuma kumanikidzwa uye akatengesa vaIsraeri (ona Numeri 31:16; Judasi 1:11). Fungisisa zvaungaita kuti urambe wakatendeka kuna Ishe zvisinei nekumanikidzwa kunobva kuna vamwe.

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwemhuri

Mazano ekuNzvera Magwaro Matsvene kweMhuri uye eNguva yeMhuri Pamba Manheru

Numeri 11:4–6.Mafungiro edu anombofanana here nemafungiro avaIsraeri akataurwa muna Numeri 11:4–6? Rairo iri muDzidziso neZvibvumirano 59:15– 21 inokwanisa kubatsira sei?

Numeri 12:3.Mosesi akaratidza sei kuti aiva “akapfava zvikuru” muna Numeri 12 kana mune dzimwe ndima dzemumagwaro matsvene dzawakaverenga? Ungangowongorora “Kupfava, Upfavi” muNhungamiro kuMagwaro Matsvene (scriptures.ChurchofJesusChrist.org). Chii chatinodzidza pamusoro pokuti tingava sei vakanyanya kupfava? Maropafadzo api anokwanisa kuuya apo patinoita kudaro?

Numeri 13–14.Nhengo mbiri (kana kupfuura) dzemhuri yako vanokwanisa kunyepedzera “kusora” (Numeri 13:17) chimwe chikamu chemba yenyu sokunge ndicho nyika yechipikirwa. Zvino mumwe nomumwe wavo anokwanisa kupa musumo zvinoenderana naNumeri 13:27–33 kana Numeri 14:6–9. Chii chatinodzidza pamusoro perutendo kubva kumisumo miviri yakasiyana iri mundima idzi? Tinganyanya sei kuva saKarebi naJoshua?

Numeri 21:4–9.Mushure mokuverenga Numeri 21:4–9, pamwepo na1 Nifai 17:40–41; Aruma 33:18–22; uye Hiramani 8:13–15, mhuri yenyu inokwanisa kugadzira nyoka kubva pabepa kana ivhu rokuumbisa uye monyora pairi kana pabepa zvimwe zvinhu zvakareruka zvamunokwanisa kuita kuti “mutarise kune Mwanakomana waMwari nerutendo” (Hiramani 8:15).

Kuti uwane mamwe mazano ekudzidzisa vana, ona chirongwa chevhiki ino chiri muHuyai, Munditevere—Bhuku reVana Vadiki.

­

Kunatsurudza Kudzidzisa Kwedu

Batsira mhuri yako kukudziridza kuzviriritira kwepamweya. “Pane kungogovera ruzivo, batsira [nhengo dzemhuri yako] kuti vazviwanire vega zvokwadi zvevhangeri mumagwaro matsvene uye mashoko avaporofita” (Teaching in the Savior’s Way,28).

Mufananidzo
Mosesi nenyoka yendarira

Moses and the Brass Serpent (Mosesi neNyoka yeNdarira), naJudith A. Mehr

Dhinda