Testamente Yekare 2022
Chivabvu 23–29. Joshua 1–8; 23–24: “Simba Utsunge Mwoyo”


“Chivabvu 23–29. Joshua 1–8; 23–24: ‘Simba Utsunge Mwoyo’” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: Testamente Yekare 2022 (2021)

“Chivabvu 23–29. Joshua 1–8; 23–24,” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: 2022

Mufananidzo
Mosesi achigadza Joshua

Mufananidzo waMosesi achigadza Joshua, naDarrell Thomas

Chivabvu 23–29

Joshua 1–8; 23–24

“Simba Utsunge Mwoyo”

Apo paunonzvera bhuku raJoshua, funga pamusoro pekuti zvinhu zvaunodzidza pamusoro pavaIsraeri zvinokwanisa kuwedzera sei rutendo rwako muna Jesu Kristu.

Nyora Pasi Manzwiro Ako

Zvakanga zvatora zvizvarwa zvakati wandei, asi vimbiso yaIshe yakanga yoda kuzadzikiswa: vana vaIsraeri vaiva vava padyosa nekugara nhaka yenyika yechipikirwa. Asi munzira yavo maiva mumire rwizi rweJoridani, masvingo eJeriko, uye vanhu vakanyangara asi vaiva nesimba avo vakanga varamba Ishe (ona 1 Nifai 17:35). Pamusoro pezvo, mutungamiri wavo anodiwa Mosesi akanga asisipo. Mamiriro ezvinhu aya angangova akaita kuti vamwe vaIsraeri vanzwe kusasimba uye kutya, asi Ishe vakati, “Simbai mutsunge mwoyo.” Sei vaifanira kunzwa seizvi? Kwete nokuda kwesimba ravo pachavo—kana kunyangwe raMosesi kana raJoshua—asi nokuda kwokuti “Ishe Mwari wako anewe kwese kwaunoenda” (Joshua 1:9). Apo patinenge tiine nzizi dzedu pachedu dzekuyambuka uye nemasvingo ekuputsa, zvinhu zvinoshamisa zvinokwanisa kuitika muupenyu hwedu, nokuti “Ishe [ndivo] vachaita zvishamiso pakati [pedu]” (Joshua 3:5).

Kuti uwane pfupiso yebhuku raJoshua, ona “Joshua, bhuku ra” muNhungamiro kuMagwaro Matsvene.

Mufananidzo
Learn More image
Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwako wega

Mazano eKunzvera Magwaro Matsvene Kwako Wega

Joshua 1:1–9

Mwari vachava neni kana ndakatendeka kwaVari.

Fungidzira kuti zvingange zvaiva zvakaita sei kuna Joshua kudaidzwa kuti atsive Mosesi. Cherechedza zvakataurwa naIshe muna Joshua 1:1–9 kumukurudzira. Funga pamusoro pezvinetso zvakaoma zvaunosangana nazvo; chii mundima idzi chinokupa ushingi?

Zvingava zvinonakidza kucherechedza kuti zita rokuti Joshua (Yehoshua kana Yeshua muchiHeberu) rinoreva kuti “Jehova anoponesa.” Uye zita rekuti Jesu rinobva pane rekuti Yeshua. Saka apo paunoverenga nezva Joshua, funga pamusoro pokuti basa rake rekutungamirira vana veIsraeri kupinda munyika yechipikirwa rinokuyeuchidza sei basa reMuponesi.

Joshua 2

Zvose rutendo nemabasa zvinodikanwa kuitira ruponeso.

VaKristu vekutanga vakaona Rakabi semuenzaniso wesimba rerutendo namabasa (ona VaHeberu 11:31; Jakobo 2:25). Apo paunoverenga Joshua 2, funga pamusoro pechikamu chaiva nerutendo namabasa aRakabi mukuzviponesa iye pachake, mhuri yake, uye navasori vechiIsraeri. Izvi zvinokudzidzisa chii pamusoro pekuti rutendo rwako muna Kristu uye namabasa ako zvinokwanisa kushandura sei vamwe?

Ungangofarira kuziva kuti Rakabi aiva teteguru wavose Mambo Davidi naJesu Kristu (ona Mateo 1:5). Ndezvipi zvidzidzo zvatinokwanisa kudzidza kubva pane izvi?

Mufananidzo
Rakabi

Rakabi ari pafafitera rake. Waiting for the Promise, (Kumirira Vimbiso) naElspeth Young.

Joshua 3–4

Ndinokwanisa kuona “zvishamiso” zvaMwari kana ndiine rutendo muna Jesu Kristu.

Ishe vanoda kuti “vanhu vese vapanyika vazive ruoko rwaIshe, kuti rune simba”(Joshua 4:24). Apo paunenge uchiverenga Joshua 3–4, fungisisa maziviro aunoita kuti ruoko rwaIshe rune simba. Ishe vakaita “zvishamiso” sei muupenyu hwako? (Joshua 3:5). Unokwanisa kuona—kana kuziva sei—zvishamiso izvozvo nguva zhinji? (semuenzaniso, ona Joshua 3:17).

Sei uchifunga kuti vaIsraeri vaifanira kuzvitsvenesa vasati vayambuka Rwizi rweJoridani? Chii chakakosha chaunowana muchokwadi chokuti rwizi rwakakamukana chete mushure mokunge “tsoka dzevapirisita … dzanyikwa mumucheto wemvura”? (Joshua 3:13, 15).

Kuwana zvimwe zviitiko zvakakosha zvakaitika paRwizi rweJoridani, ona 2 Madzimambo 2:6–15; 5:1–14; uye Marko 1:9–11. Apo paunofungisisa zvinyorwa zvitsvene izvi, ienderano dzipi dzaunoona pakati pezviitiko izvi?

Onawo zvakare Gérald Caussé, “Is It Still Wonderful to You?Liahona, Chivabvu 2015, 98–100; “Exercise Faith in Christ” (vhidhiyo), ChurchofJesusChrist.org.

Joshua 6–8

Kuteerera kunounza simba raMwari muupenyu hwangu.

Zvitsauko izvi zvinotaura nezvehondo dzakarwiwa pamusoro pokutonga nyika dzeJeriko neAi. Apo paunozviverenga, funga pamusoro pokuti unorwisa sei muyedzo muupenyu hwako (semuenzaniso, ona Joshua 7:10–13). Chii chaunodzidza pamusoro pemabatsirirwo aunokwanisa kuitwa naMwari uye izvo zvaunofanira kuita kuti uwane simba Ravo? Semuenzaniso, chii chinokufadza pamusoro pemirairidzo yaIshe yekutora Jeriko? (ona Joshua 6:1–5). Pamwe rondedzero iri muna Joshua 7 inozokukurudzira kuti uone kana “paine chinhu chakayeriswa” muupenyu hwako chaunofanira kubvisa (Joshua 7:13).

Joshua 23–24

“Namatirai kuna Ishe Mwari wenyu.”

Mushure mekugovanisa nyika yechipikirwa pakati pemarudzi gumi nemaviri eIsraeri (ona Joshua 13–21), Joshua akavapa dzidziso dzake dzekupedzisira. Apo paunoverenga dzidziso idzi muna Joshua 23–24, unogona kuchengeta udorongodzwa hwechenjedzo, rairo, uye nemaropafadzo akavimbiswa zvaunowana. Tichifunga pamusoro pezvose zvakanga zvasanganwa nazvo navaIsraeri, unofunga kuti sei Joshua akasarudza kuvaudza zvinhu izvi kumagumo kweupenyu hwake? Chii chaunowana chinokukurudzira “kunamatira kuna Ishe”? (Joshua 23:8).

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwemhuri

Mazano ekuNzvera Magwaro Matsvene kweMhuri uye eNguva yeMhuri Pamba Manheru

Joshua 1:8.Ndima iyi inotaurei pamusoro pokuti tinofanira kunzvera sei magwaro matsvene, zvese somunhu pachake uye semhuri? Magwaro matsvene akaita kuti “nzira yedu ibudirire” sei uye akatiunzira sei “pundutso yakanaka”?

Joshua 4:3, 6–9.Mushure mokuverenga zvaidikanwa naIshe kuti vaIsraeri vaite nemabwe akabva muRwizi rweJoridani, mhuri yenyu inokwanisa kutaura pamusoro pezvimwe zvezvinhu zvikuru zvamakaitirwa naIshe. Zvino unokwanisa kupa nhengo yoga yoga yemhuri ibwe uye wovakoka kuti vanyore kana kudhirowa pariri chimwe chinhu chavakaitirwa naIshe.

Joshua 6:2–5.Mhuri yenyu inogona kunakidzwa nekuita mutambo wekuratidza mirayiridzo iyo Ishe yavakapa kuvaIsraeri kuitira kuti vakurire Jeriko. Chii chingangodiwa naIshe kuti tidzidze kubva munyaya iyi?

Joshua 24:15.Mushure mokuverenga ndima iyi, nhengo dzemhuri dzinokwanisa kugoverana zviitiko izvo zvavakasarudza kushandira Ishe kunyangwe zvazvo zvaiva zvakaoma. Sei zvakakosha kuita sarudzo yekuVashandira “zuva ranhasi” panzvimbo pokumira kusarudza kusvikira chimwe chinhu chaitika.? Tinokwanisa sei kutsigira nhengo “dzeimba” yedu apo patinovavarira “kushandira Ishe”?

Kuti uwane mamwe mazano ekudzidzisa vana, ona chirongwa chevhiki ino chiri muHuyai, Munditevere—Bhuku reVana Vadiki.

Rumbo rwakapuwa: “Ita Zvakanaka,” Nziyo neDzevana Vadiki, nhamba 66.

Kunatsurudza Kudzidzisa Kwedu

Ipa uchapupu hwako nguva zhinji. Uchapupu hwechokwadi hwako hwemwoyo wose hunokwanisa kushandura zvinesimba mhuri yako. Hahwusi hwunofanira kuva hwakatsetsenuka kana hwakareba. Uchapupu hune simba gurusa kana hwakanangisa uye huri hwemwoyo wese. (Ona Teaching in the Savior’s Way, 11.)

Mufananidzo
Masvingo eJeriko achiputsika

The Lord caused the walls of Jericho to fall (Ishe vakakonzera kuti masvingo eJeriko aputsike). © Providence Collection/mvumo yekuushandisa yakapiwa kubva kugoodsalt.com

Dhinda