Testamente Yekare 2022
Chivabvu 30–Chikumi 5 Vatongi 2–4; 6–8; 13–16: “Ishe Vakamutsa Mununuri”


“Chivabvu 30–Chikumi 5. Vatongi 2–4; 6–8; 13–16: ‘Ishe Vakamutsa Mununuri,’” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: Testamente Yekare 2022 (2021)

“Chivabvu 30–Chikumi 5. Vatongi 2–4; 6–8; 13–16,” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: 2022

Mufananidzo
Debora aine mauto

Mufananidzo waDebora achitungamira mauto eIsraeri, © Providence Collection/mvumo yekushandisa yakapuwa kubva kugoodsalt.com

Chivabvu 30–Chikumi 5

Vatongi 2–4; 6–8; 13–16

“Ishe Vakamutsa Mununuri”

Magwaro Matsvene anopupura nezva Jesu Kristu. Fungisisa kuti nyaya dzaunoverenga muna Vatongi dzinokubatsira sei kuswedera pedyo Naye.

Nyora Pasi Manzwiro Ako

Tose tinoziva kuti zvakaita sei kuita chikanganiso, haunzwi zvakanaka pamusoro pacho, uye zvino wotendeuka uye wotsidzira kushandura nzira dzako. Asi mune dzimwe nguva tinokanganwa tsidziro dzatakamboita, uye, apo patinotarisana nechiedzo, tingangozviwana tichiita chikanganiso chacho zvakare. Mutoo unenjodzi uyu ndiwo mucherechedzo wezviitiko zvavaIsraeri zvakatsanangurwa mubhuku raVatongi. Vachinyengerwa nezvitendero uye tsika dzokunamata dzavaKanani—avo vavaifanira kutandanisa kubva munyika—vaIsraeri vakatyora zvibvumirano zvavo naIshe uye vakafuratira kubva mukuVanamata. Somugumisiro, vakarasikirwa nedziviriro Yavo uye vakawira muutapwa. Uye asi nguva yoga yoga izvi yazvaiitika, Ishe vaivapa mukana wekutendeuka uye vomutsa mununuri, mutungamiri wamauto aidaidzwa kuti “mutongi.” Havasi vatongi vose vemubhuku raVatongi vaiva vakarurama, asi vamwe vavo vaishandisa rutendo rukuru mukusunungura vana vaIsraeri uye nokuvadzorera kuukama hwechibvumirano hwavo naIshe. Nyaya idzi dzinotiyeuchidza kuti zvisinei nokuti chii chatitungamirira kubva pana Jesu Kristu, Ndiye Mununuri waIsraeri uye nguva dzose anoda kutinunura uye kutitambira zvakare kwaAri.

Kuti uwane pfupiso yebhuku raVatongi, ona “Vatongi, bhuku ra” muNhungamiro kuMagwaro Matsvene.

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwako wega

Mazano eKunzvera Magwaro Matsvene Kwako Wega

Vatongi 2:1–19; 4:1–16

Ishe vanopa rununuro apo pandinorasika.

Bhuku raVatongi rinokwanisa kushanda seyambiro kwatiri: kunyangwe mushure mokunge tawana simba raIshe muupenyu hwedu, nguva dzose zvinokwanisa kutsaukira kure. Bhuku raVatongi rinokwanisawo kupa kurudziro kuna avo vanotsauka, nokuti Ishe vanopa nzira yokudzoka nayo. Semuenzaniso, apo paunoverenga Vatongi 2:1–19, tsvaga zviito izvo zvakatungamirira vaIsraeri kuti vatsauke kubva pana Ishe uye manunurirwo avakaitwa naIshe. Ndima idzi dzinokudzidzisa chii pamusoro paIshe? Chii chaungakwanisa kuita kuti urambe wakatendeka nguva dzose kwaVari?

Unozowana kuti mutoo weupanduki, rusuwo, uye rununuro wakadzokororwa nemubhuku rose raVatongi (ona kunyanya zvitsauko 3, 4, 6, uye 13). Apo paunoverenga bhuku raVatongi, fungisisa izvo vatongi zvavakaita kununura Israeri uye mabatsirirwo aunoitwa neMuponesi apo paunoda rununuro.

Mumwe muenzaniso wakakosha kucherechedza wemumwe munhu akabatsira kununura Israeri ndiDebora. Verenga pamusoro pake muna Vatongi 4:1–16, uye cherechedza hurudziro yaakanga ainayo pavanhu vaiva vakamukomberedza. Ndeapi mashoko kana zviito zvaDebora zvinokutaridza kuti akanga ane rutendo muna Ishe? Chii chaunonzwa kuti Debora aireva nomubvunzo wake mundima 14: “Jehova haana kukutungamirira here?”

Onawo Aruma 7:13; Dzidziso neZvibvumirano 84: 87–88.

Vatongi 2:13

Baari naAshtaroti vaiva vanaani?

Baari aiva mwari wemvura wechiKanani, uye Ashtaroti aiva mwarikadzi wembereko wechiKanani. Kunamatwa kwevamwari vaviri ava kunoratidza kukosha kwaiva kwakaita mbereko yemunyika uye yevanhu kuvaKanani. Nzira idzo vanhu dzavainamata nadzo vamwari venhema ava uye vamwewo—kusanganisira, pane dzimwe nguva, hupombwe uye kubayirwa kwevana—zvaiva zvinhu zvainyanya kutsamwisa Ishe.

Vatongi 6–8

Ishe vanokwanisa kuita zvishamiso apo pandinovimba nenzira Dzavo.

Kuti tigamuchire zvishamiso zvaIshe muupenyu hwedu, tinofanira kuvimba nenzira Dzavo, kunyangwe apo nzira Dzavo padzinoratidzika sedzisiri dzemazuva ose. Nyaya yaGideoni, inowanikwa muna Vatongi 6–8, muenzaniso wakanaka weizvi. Ishe vakaita sei chishamiso chaiva chisingafungirwi kuti chinokwanisika apo mauto aGideoni paakakunda vaMidiani. Chii chaunonzwa kuti Ishe varikuedza kukudzidzisa? Wakaona sei Ishe vachiita basa Ravo munzira dzairatidzika sedzisingakwanisiki?

­

Vatongi 13–16

Simba rinouya kubva mukutendeka kuzvibvumirano zvangu naMwari.

Samsoni akarasikirwa nerose simba rake rapanyama nesimba rake rezvepamweya nokuda kwokuti akatyora zvibvumirano zvake naMwari, kusanganisira izvo zvaiva maererano navaNaziri (kuti uwane rumwe ruzivo pamusoro pavaNaziri, ona Numeri 6:1–6; Vatongi 13:7). Apo paunoverenga nyaya yaSamsoni muna Vatongi 13–16, fungisisa chibvumirano choga choga chawakaita. Wakaropafadzwa sei nesimba nokuda kwokuti wakachengeta zvibvumirano izvozvo? Chii chaunodzidza kubva munyaya yaSamsoni chinokukurudzira kuramba uri muchokwadi kuzvibvumirano zvako naMwari?

Mufananidzo
Samsoni achisunda mbiru

Samson Puts Down the Pillars (Samsoni Anoputsira Pasi Mbiru, naJames Tissot navamwe

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwemhuri

Mazano ekuNzvera Magwaro Matsvene kweMhuri uye eNguva yeMhuri Pamba Manheru

Vatongi 2:10.Mushure mokunge Joshua afa, chizvarwa chakatevera chavaIsraeri “chakanga chisingazivi Ishe.” Taura nemhuri yako pamusoro pamaziviro avanoita Ishe uye “mabasa ayo avakavaitira”. Unoziva sei chokwadi chokuti ruzivo urwu runozochengetedzwa kuitira zvizvarwa zvinotevera?

Vatongi 3:7–10.Ndima idzi dzinopfupisa mutoo uyo unoonekwa kazhinji nemubhuku rose raVatongi. Apo nhengo dzemhuri yako padzinoverenga ndima idzi, vanokwanisa kudoma izvo vaIsraeri zvavakaita kuti vatsauke kubva kuna Ishe uye izvo Ishe zvavakaita kuvanunura. Chii chingatitungamira kukanganwa Ishe? Vangatinunura sei? Tingava sei vakanyanya kutendeka nguva dzose kwaVari?

Vatongi 6:13–16, 25–30.Gideoni akaratidza ushingi hukuru mukuteerera Ishe, kunyangwe zvazvo zviito zvake zvaiva zvisingafarirwi navakawanda. Chii chatakakumbirwa kuti tiite naIshe icho vamwe vanhu chavangange vasingabvumirani nacho? Mashoko aIshe kuna Gideoni mundima 13–16 angatikurudzira sei kuita chinhu chakanaka?

Vatongi 7.Unokwanisa here kushandisa mutambo kana chimwe chiitwa kubatsira mhuri yako kudzidza kubva muchiitiko chamauto aGideoni chakatsanangurwa muchitsauko ichi? Mashoko aIshe muchitsauko chino (ona, somuenzaniso, ndima 2 ne15) angashanda sei kuupenyu hwedu?

Vatongi 13:5.Zvibvumirano zvaSamsoni naIshe zvakamupa simba, sokutipa simba kunoita zvibvumirano zvedu. Mhuri yako ingangonakidzwa nokuita zviitwa zvokugwinyisa muviri uye vozokurukura kuti zviitwa izvozvo zvinokwanisa kubatsira sei kuti tive vanhu vakasimba. Chii chatingaite kutibatsira kuti tive takanyanya kusimba pamweya? Kuti muwane mamwe mazano, nhengo dzemhuri dzinokwanisa kuverenga Mosaya 18: 8–10; Dzidziso neZvibvumirano 20:77, 79. Kuchengeta zvibvumirano zvedu kunoitipa simba repamweya sei?

Kuti uwane mamwe mazano ekudzidzisa vana, ona chirongwa chevhiki ino chiri muna Huyai, Munditevere—Bhuku reVana Vadiki.

Rumbo rwakapuwa: “Mununuri waIsraeri,” Nziyo neDzavana Vadiki, nhamba. 8.

Kunatsurudza Kunzvera Kwako Wega

Ita izvo zvaunenge wadzidza. Apo paunenge uchinzvera, zvibvunze kuti ungashandisa sei izvo zvaurikudzidza, uye zvino wotsidzira kuzviita. Ita kuti Mweya Mutsvene ukutungamirire. (Ona Teaching in the Savior’s Way, 35.)

Mufananidzo
Gideoni namauto

Gideon’s Army (Mauto aGideoni), naDaniel A. Lewis

Dhinda