Testamente Yekare 2022
Chikumi 20–26. 2 Samueri 5–7; 11–12; 1 Madzimambo 3; 8; 11: “Umambo Hwako Hwuchamiswa Nokusingaperi”


“Chikumi 20–26. 2 Samueri 5–7; 11–12; 1 Madzimambo 3; 8; 11: ‘Umambo Hwako Hwuchamiswa Nokusingaperi,’” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: Testamente Yekare 2022 (2021)

“Chikumi 20–26. 2 Samueri 5–7; 11–12; 1 Madzimambo 3; 8; 11,” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: Testamente Yekare 2022

Mufananidzo
Mambo Davidi akagara pachigaro choumambo.

King David Enthroned (Mambo Davidi Anogadzwa, naJerry Miles Harston

Chikumi 20–26

2 Samueri 5–7; 11–12; 1 Madzimambo 3; 8; 11

“Umambo Hwako Hwuchamiswa Nokusingaperi”

“Rugwaro rutsvene rwose runopiwa nefemero yaMwari, uye runobatsira pakudzidzisa, nokuraira, nokururamisa, nokuranga kuri mukururama”2 Timotio 3:16).

Nyora Pasi Manzwiro Ako

Hutongi hwaMambo Davidi hwakatanga nevimbiso huru. Rutendo rwake rwaiva rusina kutya mukukunda Goriati rwaiva nomukurumbira. Samambo, akatora Jerusarema seguta guru rake uye akabatanidza Israeri (ona 2 Samueri 5). Umambo hwakanga husina kumbenge hwakasimba kupfuura zvahwaiva ipapo. Asi Davidi akakundwa nechiedzo uye akarasikirwa nesimba rake remweya.

Utongi hwaSoromoni mwanakomana waDavidi saizvozvowo hwakatanga nevimbiso huru yokubudirira. Ungwaru nenzwisiso zvake izvo zvaaiva agamuchira nohumwari zvaiva nomukurumbira. Samambo, akawedzera miganhu yeIsraeri uye akavakira Ishe temberi yakanaka zvikurusa. Umambo hwakanga husina kumbenge hwakasimba kupfuura zvahwaiva ipapo. Asi zvakadaro Soromoni noupenzi akabvumira mwoyo wake kuti utendeukire kuna vamwe vamwari.

Chii chatinokwanisa kudzidza kubva kunyaya dzinosuwisa zvikurusa idzi? Pamwe chimwe chidzidzo ndechekuti zvisinei nezviitiko zvakare zvedu, simba repamweya redu rinoenderena nesarudzo dzatinoita nhasi. Tinokwanisawo kuona murondedzero idzi kuti harisi simba redu kana ushingi kana ungwaru hwedu zvinozotiponesa—ndezva Ishe zvinozotiponesa. Nyaya idzi dzinotiratidza kuti tariro yaIsraeri yechokwadi—uye yedu—haisi muna Davidi, Soromoni, kana upi zvake mumwe mambo, asi mune mumwe “mwanakomana waDavidi”: Jesu Kristu (Mateo 1:1), Mambo Wokusingaperi uyo “anozokanganwira zvivi zvavanhu [Vake]” kana “tikadzokerazve [kwaVari]” (1 Madzimambo 8:33–34).

Kuti uwane pfupiso yemabhuku a2 Samueri uye 1 Madzimambo, ona “Samueri, bhuku ra” uye “1 Madzimambo, bhuku ra” muNhungamiro kuMagwaro Matsvene.

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwako wega

Mazano eKunzvera Magwaro Matsvene Kwako Wega

2 Samueri 5:17–25

Ishe vanokwanisa kundipa rairo.

Apa Davidi paakanga akwanisa kubatanidza Israeri (ona 2 Samueri 5:1–5), akafanira kudzivirira vanhu vake kubva kuvaFiristia. Apo paunoverenga 2 Samueri 5:17–25, funga kuti muenzaniso waDavidi unokwanisa kukubatsira sei muzvinetso zvawakatarisana nazvo (onawo 1 Samueri 23:2, 10–11; 30:8; 2 Samueri 2:1). Uri kutsvaka sei nhungamiro yaIshe muupenyu hwako? Uri kuropofadza sei nokuita chinhu pazvakazarurwa zvaunogamuchira?

Onawo 1 Makoronike 12

2 Samueri 7

Ndeipi “imba” Ishe yavakavimbisa kuna Davidi?

Apo Davidi paakazvipira kuvaka imba, zvichireva temberi, yaIshe (ona 2 Samueri 7:1–3), Ishe vakapindura vakati chokwadi ndechokuti mwanakomana waDavidi ndiye aizoivaka (ona ndima 12–15; onawo 1 Makoronike 17:1–15). Ishe vakataurawo kuti Ivo vaizovakira Davidi “imba,” vachireva zvizvarwa, uye kuti chigaro choumambo chake chaizovapo narinhi narinhi (ona 2 Samueri 7:11, 16, 25–29; Mapisarema 89:3–4, 35–37). Vimbiso iyi yakazadzikiswa muna Jesu Kristu, Mambo wedu Wokusingaperi, uyo aiva ari chizvarwa chaDavidi (ona Mateo 1:1; Ruka 1:32–33; Johane 18:33–37).

2 Samueri 11; 12:1–14

Ndinofanira kuramba ndakachenjerera kudzivirira zvivi nguva dzose.

Kutendeka kwaDavidi kuna Ishe kwakare hakuna kumudzivirira kubva mukusangana nechiedzo apo “paakafamba pamusoro pedenga reimba yamambo” uye “akaona mukadzi wakanga achishamba” (2 Samueri 11:2). Funga pamusoro pekuti ndezvipi zvidzidzo zvaunokwanisa kudzidza kubva muchiitiko ichi. Mibvunzo yakaita seiyi ingangokubatsira kunzvera rondedzero iyi.

  • Ndedzipi sarudzo Davidi dzaakaita idzo dzakamutungamira kugwara rairamba richiwedzera kuzara nezvivi? Ndedzipi sarudzo dzakarurama dzaangadai akaita pachinzvimbo chedzaakaita?

  • Muvengi angange achiedza sei kukutungamirira kumakwara azere nezvivi muupenyu hwako pachako? Ndedzipi sarudzo dzaunokwanisa kuita iyezvino kuti udzokere kusina njodzi?

Onawo 2 Nifai 28: 20–24.

1 Madzimambo 3:1–15

Chipo chekwaniso yokunzwisisa chinondibatsira kuziva pakati pezvakanaka nezvakaipa.

Kana Ishe vakati kwauri, “Kumbira chaunoda kuti ndikupe” (1 Madzimambo 3:5), chii chaunozokumbira? Chii chinokuyemudza pamusoro pechikumbiro chaSoromoni? Fungisisa kuti sei “mwoyo unonzwisisa” kuti “uzive pakati pezvakanaka nezvakaipa” (ndima 9) uri chipo chakakosha. Chii chaunokwanisa kuita kuti utsvake chipo ichi?

Onawo 2 Makoronike 1; Moronai 7:12–19.

1 Madzimambo 8:12–61

Temberi imba yaIshe.

Kwemazana amakore, kuvapo kwaMwari kwaimiririrwa netabernakeri yaigona kutakurwa iyo Mosesi yaakavaka. Kunyangwe zvazvo Davidi akanga achida kuvakira Mwari nzvimbo yokugara isingabvi panzvimbo yayo, Mwari panokudaro vakasarudza mwanakomana waDavidi Soromoni kuti avake temberi yaIshe. Apo paunoverenga munamato waSoromoni uye mashoko aakataura kuvanhu vake mushure mokupedza temberi, cherechedza manzwiro aakaita pamusoro paIshe neimba Yavo. Unokwanisawo kuita mudorongodzwa wamaropafadzo ayo Soromoni aakakumbira mumunamato wake. Chii chaunocherechedza pamusoro pamaropafadzo aya? Wakaropafadzwa sei neimba yaIshe muzuva redu?

Onawo 2 Makoronike 6.

Mufananidzo
Temberi yeBarranquilla Colombia

Temberi yeBarranquilla Colombia

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwemhuri

Mazano ekuNzvera Magwaro Matsvene kweMhuri uye eNguva yeMhuri Pamba Manheru

2 Samueri 5:19, 23.Apo patinenge “takumbira kuna Ishe” kuti vatipe nhungamiro uye rairo? Vakatipindura sei?

1 Samueri 7:16Apo Ishe pavakaudza Davidi kuti, “chigaro choumambo hwako chichamiswa nokusingaperi,” Vaitaura pamusoro pamambo weramangwana mumutsetse wemhuri yaDavidi uyo aizotonga narinhi narinhi: Jesu Kristu. Pamwe mhuri yako inganakidzwa nokugadzira korona apo pamunenge muchikurukura kuti sei muchitenda nokuti Jesu Kristu ndiye Mambo Wokusingaperi.

2 Samueri 11.Kuverenga pamusoro pezvivi zvinosuwisa zvaDavidi kungangova mukana wakanaka wokukurukura njodzi dzeponogirafi, pfungwa dzisina kuchena, uye kusazvibata. Zvinyorwa zvinotevera zvinokwanisa kuva zvinobatsira muhurukuro dzenyu: chinyorwa chaGumiguru 2019 chemagazini reLiahona, the Church’s Addressing Pornography resources (ChurchofJesusChrist.org/addressing-pornography) Nhengo dzemhuri dzinokwanisa kuita chirongwa pamusoro peizvo zvavanozoita apo pavanosangana neponogirafi.

1 Madzimambo 11:9–11.Ndevapi “vamwe vamwari” (ndima 10) vanokwanisa kutendeutsira mwoyo yedu kure kubva kuna Ishe? Tingachengeta sei mwoyo yedu yakamisirwa pana Baba Vokudenga naJesu Kristu?

Kuti uwane mamwe mazano ekudzidzisa vana, ona chirongwa chevhiki ino chiri muHuyai, Munditevere—Bhuku reVana Vadiki.

Rumbo rwakapuwa: “Ita Zvitsvene,” Nziyo neDzevana Vadiki, nhamba. 124.

Kunatsurudza Kudzidzisa Kwedu

Nangisa pfungwa pamisimboti inozoropafadza mhuri yako. Apo paunonzvera shoko raMwari nomunamato, zvibvunze kuti “Chii chandinowana pano chinozonyanya kuva chakakosha kumhuri yangu?(ona Teaching in the Savior’s Way,17).

Mufananidzo
temberi yaSoromoni

Illustration of Solomon’s temple (Mufananidzo wetemberi yaSoromoni), naSam Lawlor

Dhinda