Testamente Yekare 2022
Chikumi 6–12. Rute; 1 Samueri 1–3: “Mwoyo Wangu Unofara muna Ishe”


“Chikumi 6–12. Rute; 1 Samueri 1–3: ‘Mwoyo Wangu Unofara muna Ishe,’” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: Testamente Yekare 2022 (2021)

“Chikumi 6–12. Rute, 1 Samueri 1–3,” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: 2022

Mufananidzo
Rute naNaome

Whither Thou Goest (Uko Kwamunoenda), naSandy Freckleton Gagon

Chikumi 6–12

Rute; 1 Samueri 1–3

“Mwoyo Wangu Unofara muna Ishe”

Apo paunonzvera upenyu hwaRute, Naomi, Hana, uye navamwe vhiki ino, nyatsoteerera kuMweya uye wonyora pasi manzwiro api zvawo aunogamuchira. Chii chaunokurudzirwa kuita?

Nyora Pasi Manzwiro Ako

Dzimwe nguva tinofungidzira kuti upenyu hwedu hwunofanira kutevera gwara rakajeka kubva pokutanga kusvikira kumagumo. Nhambwe yakanyanyisa kupfupika pakati penzvimbo mbiri mutsetse wakarurama, mushure mazvose. Uye asi upenyu kazhinji hwuzere nezvinonotso uye nezvitsauso izvo zvinotiendesa nokumativi atanga tisingatarisiri. Tingangowana kuti upenyu hwedu hwakasiyana zvikuru kubva kune izvo zvataifunga kuti hwunofanira kuva.

Rute naHana zvirokwazvo vainzwisisa izvi. Rute aiva asiri muIsraeri, asi akachata nemuIsraeri, uye apo murume wake paakafa, akanga ane sarudzo yokuita. Aizodzokera here kumhuri yake neupenyu hwake hwakare, uhwo hwaaiziva, kana kuti aizotambira chitendero chechiIsraeri nemusha mutsva navamwene vake? (ona Ruth 1:4–18). Chirongwa chaHana choupenyu hwake chaiva chokuzvara vana, uye kushaya mbereko kwake kwakamusiya “ane shungu pamweya” 1 Samueri 1:1–10). Apo paunoverenga pamusoro paRute naHana, funga rutendo rwavanofanira kunge vaiva narwo kuisa upenyu hwavo mumaoko aIshe uye vofamba makwara avo avakanga vasina kutarisira. Zvino ungangofunga pamusoro perwendo rwako pachako. Unozoruona rwakasiyana kubva kune rwaRute uye nerwaHana—uye rwemumwe munhu zvake. Asi nomuzviedzo nezvishamiso pakati paiyezvino uye nokumagumo kwokusingaperi kwako, unokwanisa kudzidza kutaura pamwepo naHana kuti, “Mwoyo wangu unofara muna Ishe” (1 Samueri 2:1).

Kuti uwane pfupiso yamabhuku aRute uye 1 Samueri, ona “Rute” uye “Samueri mabhuku a” muNhungamiro kuMagwaro Matsvene.

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwako wega

Mazano eKunzvera Magwaro Matsvene Kwako Wega

Rute

Kristu anokwanisa kushandura njodzi kuita chikundo.

Apo murume waRute paakafa, njodzi yacho yakava nemigumisiro kwaari yakanga yakaipa zvikurusa kupfuura iyo ingatarisanwa nayo neshirikadzi nhasi. Mutsika yechiIsraeri panguva iyoyo, mudzimai aiva asina murume kana vanakomana akanga asina kodzero kuupfumi uye akanga asina nzira zvachose yokuwana zvokurarama nazvo. Apo paunoverenga nyaya yaRute, cherechedza mashanduriro akaita Ishe njodzi kuiita maropafadzo makuru. Chii chaunocherechedza pamusoro paRute icho chingange chakamubatsira? Basa raBoazi raiva rei mukununura Rute kubva mumamiriro ezvinhu ake aiva akaipa? (ona Rute 4:4–7). Ndehupi hunhu hwakafanana nehwaKristu hwaunoona muna Rute naBoazi?

Rute; 1 Samueri 1

Ndinokwanisa kuvimba kuti Mwari vanozonditungamirira nokundibatsira zvisinei nemamiriro ezvinhu angu.

Unokwanisa kuzviona here munyaya dzaRuth, Naome, uye Hana? Pamwe wakava nokurasikirwa kukuru, sezvakaitwa naRute naNaome, (ona Rute 1:1–5). Kana pamwe, saHana, unoshuvira maropafadzo ausati wagamuchira (ona 1 Samueri 1:1–10). Fungisisa zvidzidzo zvaunokwanisa kudzidza kubva mumienzaniso yamadzimai akatendeka aya. Ruth naHana vakataridza sei rutendo muna Mwari? Maropafadzo api avakagamuchira? Unokwanisa sei kutevera mienzaniso yavo? Funga kuti “wakasvika pakuvimba” naIshe sei (Rute 2:12) kunyangwe apo upenyu pahunenge hwakaoma.

Mufananidzo
Hana naSamueri

For This Child I Prayed (Mwana Uyu Ndakamunamatira), naElspeth Young

1 Samueri 2:1–10

Mwoyo wangu unofara muna Ishe.

Mushure mokunge Hana atora Samueri aiva mudiki kuenda naye kutemberi, akataura mashoko akanaka okurumbidza Ishe, ayo akanyorwa muna 1 Samueri 2:1–10. Mashoko aya anonyanya kubata mwoyo apo paunofunga kuti chinguva chipfupi mumashure, “akanga ane shungu pamweya, … uye akachema kwazvo” (1 Samueri 1:10). Apo paunonzvera ndima idzi, ndeapi mashoko aunowana anowedzera manzwiro ako erumbidzo uye kutenda kuna Ishe? Pamwe rumbo rwaHana runozokukurudzira kuti uwane nzira yakanyatsofungwa yokutaridza kutenda kwako kuna Ishe—rumbo, mufananidzo wokudhirowa, chiito chokushandira mumwe, kana chimwe chinhu chinotaura manzwiro ako kwaVari.

Chokwadi ndechokuti, haisi yose minamato yomwoyo wose inopindurwa nenzira iyo waHana yawakapindura nayo. Chii chinokubatsira kuramba wakatendeka apo minamato yako painenge isingapindurwi nenzira dzaunotarisira?

1 Samueri 3

Ndinokwanisa kunzwa nokuteerera inzwi raIshe.

Sesu tose, Samueri akafanira kudzidza maziviro okuita inzwi raIshe. Apo paunonzvera 1 Samueri 3; chii chaunodzidza kubva kumukomana wechidiki uyu pamusoro pokunzwa nokuteerera inzwi raIshe? Ndezvipi zviitiko zvawakava nazvo nokunzwa inzwi Ravo? Ndeipi mikana yaunayo, saEri, yokubatsira vamwe kuti vazive apo Ishe pavanenge vachitaura kwavari? (ona 1 Samueri 3:7).

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwemhuri

Mazano ekuNzvera Magwaro Matsvene kweMhuri uye eNguva yeMhuri Pamba Manheru

Rute 1:16–18; 2: 5–8, 11–12.Mhuri yako inokwanisa kutsvaga mienzaniso yetsitsi uye kutendeka mundima idzi. Tinotaridza sei tsitsi kumhuri yedu uye nokuna vamwe uye kutendeseka kuna Jesu Kristu? Chitsauko chinoti “Rute naNaome” (muna Nyaya dzeTestamente Yekare) chinokwanisa kubatsira mhuri yako kudzidza kubva kumuenzaniso waRute.

1 Samueri 1:15Pamwe unokwanisa kudira chimwe chinhu kubva mumudziyo kuitira kubatsira nhengo dzemhuri yako vaone izvo Hana zvaaireva apo paakati, “Ini…ndadurura mweya wangu pamberi paIshe.” Sei iyi iri nzira yakanaka yekutsanangura izvo zvinofanira kunge zvakaita minamato yedu? Tinokwanisa kunatsurudza sei minamato yedu pachedu uye yemhuri yedu?

1 Samueri 2:1–10Detembo raHana rerumbidzo kuna Ishe ringangokutungamira kufunga dzimbo dzaunoshandisa kurumbidza Ishe. Munokwanisa kuimba dzimwe pamwechete. Nhengo dzemhuri yako dzingangofungawo nezve dzimwe nzira dzokutaura manzwiro avo pamusoro paJesu Kristu. Somuenzaniso, vanokwanisa kudhirowa mifananidzo inoratidza kuti sei vachida Muponesi.

1 Samueri 3:1–11.Zvingangova zvinonakidza kuita mutambo wenyaya yaIshe vachidaidza kuna Samueri. Nhengo dzemhuri dzinokwanisa kutaura pamusoro penguva idzo dzavakanzwa Ishe vachitaura kwavari uye zvavakaita pamashoko aVo.

Kuti uwane mamwe mazano ekudzidzisa vana, ona chirongwa chevhiki ino chiri muHuyai, Munditevere—Bhuku reVana Vadiki.

Rumbo rwakapuwa: “Verenga Zvikomborero Zvako,” Nziyo neDzevana Vadiki, nhamba 14.

Kunatsurudza Kunzvera Kwako Wega

Ita kuti Mweya utungamirire kunzvera kwako. Namata kuti Mweya Mutsvene uzokutungamirira kuzvinhu izvo zvaunofanira kudzidza. Iva unoteerera kufemero Dzavo, kunyangwe kana izvi zvikakutungamirira kuti uverenge pamusoro pemusoro wenyaya wawanga usingatarisiri kana kuti unzvere nenzira yakasiyana.

Mufananidzo
mukomana Samueri ari mutende

Illustration of Samuel hearing the Lord (Mufananidzo waSamueri achinzwa Ishe), naSam Lawlor

Dhinda