Testamente Yekare 2022
Chikumi 13–19. 1 Samueri 8–10; 13; 15–18: “Kurwa NdokwaIshe”


“Chikumi 13–19. 1 Samueri 8–10; 13; 15–18: ‘Kurwa NdokwaIshe,’” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: Testamente Yekare 2022 (2021)

“Chikumi 13–19. 1 Samueri 8–10; 13; 15–18,” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: 2022

Mufananidzo
mujaya Davidi nechipfuramabwe

David and Goliath, (Davidi naGoriati) naSteve Nethercott

Chikumi 13–19

1 Samueri 8–10; 13; 15–18

“Kurwa NdokwaIshe”

Mazano ari muchidzidzo chino anokwanisa kukubatsira kuona mimwe yemisimboti yakakosha iri muzvitsauko izvi. Unogona kuwana mimwe misimboti apo paunenge uchinzvera.

Nyora Pasi Manzwiro Ako

Kubvira pakagara madzinza avaIsraeri munyika yechipikirwa, vaFiristia vakanga vari tyisidziro yairamba iripo kuruchengeteko rwavo. Kazhinji munguva dzaiva dzapfuura, Ishe vakanga vanunura vaIsraeri kubva kuvavengi vavo. Asi zvino vakuru veIsraeri vakati ivo, “Tinozova namambo… [kuti] aende pamberi pedu, uye anorwa hondo dzedu” (1 Samueri 8:19–20). Ishe vakazobvuma, uye Sauro akagadzwa kuva mambo. Asi zvakadaro apo hofori inotyisa Goriati payakataura nechisimba achisvosva mauto evaIsraeri, Sauro—sevamwe vose vamamwe mauto ake— “akatya zvikurusa” (1 Samueri 17:11). Pazuva iroro, akanga asiri Mambo Sauro akaponesa Israeri asi mukomana mufudzi akaninipa ainzi Davidi, uyo aiva asina kupfeka nguwo dzehondo asi aiva akapfeka rutendo rusingakundike muna Ishe. Hondo iyi yakaratidza kuIsraeri, uye kune upi zvake munhu ane hondo dzomweya dzokurwisa, kuti “Ishe havaponese nebakatwa kana nepfumo” uye kuti “kurwa ndekwaIshe” (1 Samueri 17:47).

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwako wega

Mazano eKunzvera Magwaro Matsvene Kwako Wega

1 Samueri 8

Jesu Kristu ndiye Mambo wangu.

Apo paunoverenga 1 Samueri 8, cherechedza manzwiro akaita Ishe pamusoro pechido chevaIsraeri chekuva nemumwe mambo kunze kwaIvo chete. Zvinorevei kusarudza Ishe kuti “vatonge pamusoro [pako]”? (1 Samueri 8:7). Unogonawo kufunga pamusoro penzira dzaunoedzwa nadzo kuti utevere maitiro asina kururama enyika pachinzvimbo chokutevera Ishe. Ungakwanisa kuratidza sei kuti unoda kuti Jesu Kristu ave Mambo wako Wokusingaperi?

Onawo Vatongi 8:22–23; Mosaya 29:1–36.

1 Samueri 9:15–17; 10:1–12; 16:1–13

Mwari vanodaidza vanhu nehuporofita kuti vashandire muhumambo Hwavo.

Mwari vakasarudza Sauro naDavidi kuti vave madzimambo kuburikidza nehuporofita nezvakazarurwa (ona 1 Samueri 9:15–17; 10:1–12; 16:1–13). Ayawo ndiwo madaidziro aVanoita varume nevakadzi kuti vashandire muChechi Yavo nhasi. Unodzidzei kubva murondedzero idzi pamusoro pezvazvinoreva “kudaidzwa naMwari, kuburikidza nehuporofita”? (Misimboti yeChitendero 1:5 Maropafadzo api anouya kubva mukudaidzwa uye nokutsaurwa navaranda vaIshe vane mvumo?

Mufananidzo
Samueri achizodza Sauro

Mufananidzo waSamueri achizodza Sauro, © Lifeway Collection/mvumo yekuushandisa yakabva kugoodsalt.com

1 Samueri 13:5–14; 15

“Kuteerera kurinani pane kuzvipira.”

Kunyangwe zvazvo Sauro aiva ari murefu pamumhu, akanzwa “semudiki mukuona [kwake] pachake” apo paakava mambo (1 Samueri 15:17). Zvisinei, apo paakaropafadzwa nebudiriro, akatanga kuvimba nemaari iye pachake zvakanyanya uye nokuvimba naIshe zvishoma. Umboo hupi hwaunoona hweizvi muna 1 Samueri 13:5–14; 15? Dai waiva naSauro ipapo, chii chaungadai wakataura kwaari chingangodai chakamubatsira kukunda “hupanduki” uye “nokuomesa musoro”? (1 Samueri 15:23).

Onawo 2 Nifai 9:28–29; Hiramani 12:4–5; Dzidziso neZvibvumirano 121:39–40

1 Samueri 16:7

“Ishe vanotarisa pamwoyo.”

Ndedzipi dzimwe nzira idzo vanhu dzavanotonga nadzo vamwe “namatarisiko okunze”? Zvinorevei kutarisa “pamwoyo,” sezvinoita Ishe? (1 Samueri 16:7). Funga pamusoro pamashandisiro aungaite musimboti uyu kumaonero aunoita vamwe—uye aunozviita iwe pachako. Kuita izvi kungashandura sei ufambidzani kana hukama hwako nevamwe?

1 Samueri 17

Nerubatsiro rwaIshe, ndinokwanisa kukunda chipi zvacho chinetso.

Apo paunoverenga 1 Samueri 17, fungisisa mashoko evanhu vakasiyana-siyana vari muchitsauko chino (ona mudorongodzwa uri pazasi). Mashoko avo anoratidzei pamusoro pavo? Mashoko aDavid anoratidza sei ushingi hwake uye rutendo rwake muna Ishe?

Fungisisa hondo dzako pachako dzauri kutarisana nadzo. Chii chaukwanisa kuwana muna 1 Samueri 17 chinosimbisa rutendo rwako rwekuti Ishe vanokwanisa kukubatsira?

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwemhuri

Mazano ekuNzvera Magwaro Matsvene kweMhuri uye eNguva yeMhuri Pamba Manheru

1 Samueri 9:15–21; 16:7.Kuverenga ndima idzi pamwechete namashoko anotevera aGosa Dieter F. Uchtdorf kunokwanisa kukurudzira hurukuro pamusoro pekuti sei Ishe vakasarudza Sauro naDavidi: “Kana tikazvitarisa pachedu chete nemaziso edu enyama, tingangotadza kuzviona setakakodzera. Asi Baba vedu Vokudenga vanotiona sezvatiri pachokwadi uye avo vatinokwanisa kuzova” (“It Works Wonderfully!Liahona, Mbudzi 2015, 23). Pamwe nhengo dzemhuri dzinokwanisa kuita zvijano zvekutaura pamusoro pehunhu hwakanaka hwavanoona mumwoyo yemumwe nemumwe wavo (ona 1 Samueri 16:7).

1 Samueri 10:6–12.Ndepapi apo patakaona Mwari vachiropafadza mumwe munhu nesimba romweya kuti azadzikise basa kana daidzo sokuropafadza kwaVakaita Sauro? Ndezvipi zviitiko zvatinokwanisa kugoverana apo “Mwari pavakatipa mumwe mwoyo” kana apo “Mweya waMwari pawakauya pamusoro [pedu]” mubasa Ravo? (ndima 9–10).

1 Samueri 17:20–54.Mhuri yenyu inogona kunakidzwa nokuverenga pamwechete nyaya yaDavidi naGoriati (“Davidi Goriati” iri muNyaya dzeTestamente Yekare inokwanisa kubatsira). Izvi zvinokwanisa kutungamirira kuhurukuro pamusoro pezvinetso zvatinosangana nazvo izvo zvatingangonzwa sezvakafanana “naGoriati” kwatiri. Munokwanisa kana kunyora zvimwe zvezvinetso izvi pachipfuro kana pamufananidzo wakadhirowiwa waGoriati moita zvijano zvekukanda zvinhu (zvakaita semabhora ebepa) pauri.

Zvingangovawo zvinonakidza kuverenga pamusoro penguwo dzehondo uye nezvombo zvakanga zviina naGoriati (ona ndima 4–7). Davidi aiva nei? (ona ndima 38–40, 45–47). Chii chakapuwa naIshe kutibatsira kukunda vana Goriati vedu?

1 Samueri 18:1–4.Davidi naJonatani vaiva shamwari dzakanakirana sei? Shamwari dzakanaka dzakatiropafadza sei? Chii chatingaita kuti tive shamwari dzakanaka—kusanganisira kunhengo dzemumhuri yedu?

Kuti uwane mamwe mazano ekudzidzisa vana, ona chirongwa chevhiki ino chiri muHuyai, Munditevere—Bhuku reVana Vadiki.

Rumbo rwakapuwa: “Ngatishingei”, Nziyo neDzevana Vadiki, 18.

Kunatsurudza Kudzidzisa Kwedu

Ipa uchapupu hwako nguva zhinji. “Uchapupu hwechokwadi chezvemweya hwako hwakareruka, hwemwoyo wose hunokwanisa kuva neshanduro yakasimba [kumhuri yako]. Uchapupu hune simba gurusa kana hwakanangisa uye huri hwemwoyo wese. Hausi hwunofanira kuva hwakatsetsenuka kana kurebesa” (Teaching in the Savior’s Way, 11).

Mufananidzo
Davidi

Illustration of David (Mufananidzo waDavidi), naDilleen Marsh

Dhinda