Testamente Yekare 2022
Chikumi 27–Chikunguru 3. 1 Madzimambo 17–19: “Kana Ishe Vari Mwari, Vateverei”


“Chikumi 27–Chikunguru 3. 1 Madzimambo 17–19: ‘Kana Ishe Vari Mwari, Vateverei,’” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: Testamente Yekare 2022 (2021)

“Chikumi 27–Chikunguru 3. 1 Madzimambo 17–19: Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: 2022

Mufananidzo
Eria akamira padivi pearitari irikupfuta

Elijah Contends against the Priests of Baal (Eria Anokakavadzana naVapirisita vaBaari,) naJerry Harston

Chikumi 27–Chikunguru 3

1 Madzimambo 17–19

“Kana Ishe Vari Mwari, Vateverei”

Apo paunoverenga zvinyorwa zvitsvene, uri kuratidza rutendo, urwo rwunogadzirira mwoyo wako nepfungwa dzako kuti zvinzwe “inzwi diki rakadzikama” roMweya (1 Madzimambo 19:12).

Nyora Pasi Manzwiro Ako

Imba yaIsraeri yaiva yakanyongana. Kubatana uye nebudiriro zvaiva zvaitika pasi paDavidi naSoromoni zvakanga zvapfuura kare, uye hukama hwechibvumirano pakati perudzi urwu naIshe hwakanga hwava ndangariro yekure kuvanhu vazhinji. Humambo hweIsraeri hwakanga hwakamukana, madzinza gumi achiumba Humambo hweKuchamhembe hweIsraeri uye madzinza maviri achiumba Humambo hweKumaodzanyemba hweJuda. Humambo hwuviri uhwu hwese hwaiva hwusina kugadzikana panezvemweya, huchitungamirirwa namadzimambo akatyora zvibvumirano zvawo naIshe uye akarunzira vamwe kuti vaitewo saizvozvo (ona 1 Madzimambo 11–16). Asi kutsauka uku kwaiva kwakanyanya kuipa muHumambo hweKuchamhembe, uko Mambo Ahabu kwaakakurudzira vaIsraeri kuti vanamate mwari wenhema Baari.

Makanga muri mumamiriro ezvinhu aya umo makadaidzwa muporofita Eria kuti aparidze. Rondedzero yehushumiri hwake inojekesa kuti rutendo rwemunhu pachakeega muna Ishe rwunokwanisa kubudirira pakati pavakarurama kunyangwe mumamiriro ezvinhu akanyangara. Dzimwe nguva Ishe vanopindura kurutendo rwakadaro nezvishamiso zvinokahadzisa, uye zvinoonekwa neruzhinji, semoto unodonha kubva kudenga. Asi Vanoitawo zvishamiso zvechinyararire, zvakavanzika, sekuzadzikisa zvidikanwi zvechirikadzi yakatendeka nemwanakomana wayo. Uye kazhinjisa zvishamiso Zvavo ndezvemunhu pachezvake zvekuti zvinozikanwa newe chete—semuenzaniso, apo Ishe pavanozviratidza Ivo pachavo uye nechido Chavo kuburikidza “neinzwi diki rakadzikama” (1 Madzimambo 19:12).

Kuti uwane zvimwe pamusoro paEria, ona “Eria” muNhungamiro kuMagwaro Matsvene.

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwako wega

Mazano eKunzvera Magwaro Matsvene Kwako Wega

1 Madzimambo 17:1–16

Kukokwa kuti ndizvipire ndivo mukana wekuratidza rutendo rwangu.

Pakutanga zvingaita sezvakaoma kunzwisisa kuti sei muporofita Eria akakumbira shirikadzi yekuZarefati kuti imupe zvokudya nemvura iye nemwanakomana wake aiva ari kuziya nenzara vasiti vadya. Asi chikumbiro chaEria chaikwanisawo kuonekwa seropafadzo kumhuri diki iyi. Vaida maropafadzo aIshe, uye kuzvipira kazhinji kunounza maropafadzo—kusanganisira ropafadzo rerutendo rwakanyanya kusimba.

Apo paunoverenga nyaya iyi, zviise muchinzvimbo cheshirikadzi inoshamisa iyi. Chii chinokuyemudza pamusoro payo? Funga pamusoro pemikana yauinayo yokushandisa rutendo rwako—kusanganisira mikana yekuzvipira. Ungaita sei kuti unyanye kuva seshirikadzi iyi ?

Onawo Mateo 6:25–33; Ruka 4:24–26.

1 Madzimambo 18

“Kana Ishe vari Mwari, vateverei.”

VaIsraeri vanogona kunge vakanzwa kuti vakanga vaine zvikonzero zvakanaka zvekunamata Baari zvisinei nerairo yaIshe yokuti, “Usava nevamwe vamwari kunze kwangu” (Ekisodo 20:3). Baari aizivikanwa samwari wemadutu nemvura inonaya, uye mushure memakore matatu ekusanaya kwemvura, vaidia zvikurusa dutu remvura. Kunamatwa kwaBaari kwakagamuchirwa munzanga yavanhu uye kwakatsigirwa namambo uye namambokadzi. Apo paunoverenga 1 Madzimambo 18, funga pamusoro peapi zvawo mamiriro ezvinhu muupenyu hwako anokwanisa kuenzaniswa nezvainge zvakaita mamiriro ezvinhu evaIsraeri. Unombozviwana here uine mwoyo miviri pamusoro pokutevera Ishe nokuda kwokuti mamwe maitiro anoratidzika sepfungwa yakanaka uye nokugombedzera? (ona 1 Madzimambo 18:21). Muzviitiko zvinowanikwa muchitsauko chino, chii chaunofunga kuti Ishe vaiedza kudzidzisa vanhu pamusoro Pavo uye pamusoro paBaari? Zvii zviitiko zvakakudzidzisa zvokwadi zvimwechetezvo?

Zvingangova zvinofadza kucherechedza zvinhu zvakataurwa uye zvakaitwa naEria muchitsauko chino zvinoratidza rutendo rwake muna Ishe. Unodzidzei kubva kuna Eria pamusoro perutendo?

Onawo Joshua 24:15; 2 Nifai 2:26–28.

Mufananidzo
Eria akamira padombo

Mufananidzo wechiratidzo 1 Madzimambo 19:11–12. The Prophet (Muporofita), © Robert Booth Charles/Bridgeman Images

1 Madzimambo 19:1–18

Ishe vanowanzotaura nenzira dzakanyarara, dziri nyore.

Apo Mambokadzi Jezeberi paakanzwa pamusoro pezvakanga zvaitika kuvapirisita vake paGomo reKarimeri, haana kutendeutswa—akatsamwiswa. Achityira upenyu hwake, Eria akatizira kurenje uye akatsvaka utiziro mubako. Ari ikoko, achinetseka nokusurukirwa uye nokuora mwoyo, akava nechiitiko naIshe chakanga chakasiyana zvikuru kubva kune zvakanga zvaitika paGomo reKarimeri. Zvakaitika kuna Eria muna 1 Madzimambo 19:1–18 zvinokudzidzisei pamusoro pamatauriro anoita Ishe newe munguva dzako dzekuda rubatsiro? Fungisisa nguva muupenyu hwako apo pawakanzwa inzwi Ravo. Chii chaunofanira kuita kuti ugamuchireanhungamiro Yavo nguva zhinji?

Fungisisa mashoko nendevo zvakashandiswa mundima dzinotevera kutsanangura matauriro anoita Ishe nesu: Heramani 5:30; 3 Nifai 11:3–7; Dzidziso neZvibvumirano 6:22–23; 8:2–3; 9:8–9; 11:12–14; 36:2.

Onawo Mapisarema 46:10; 1 Nifai 17:45; Russell M. Nelson, “Munzwei,” Liahona, Chivabvu 2020, 88–92.

1 Madzimambo 19:19–21

Kushandira Ishe kunouya pokutanga kudarika zvinhu zvepanyika.

Chokwadi chekuti Erisha aiva nezvipani 12 zvenzombe chinoratidza kuti anogona kunge aiva murume mupfumi. Chii chinokuyemudza pamusoro pezviito zvake zvakanyorwa muna 1 Madzimambo 19:19–21? Ungakwanise sei kutevera muenzaniso waErisha?

Onawo Mateo 4:18–22.

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwemhuri

Mazano ekuNzvera Magwaro Matsvene kweMhuri uye eNguva yeMhuri Pamba Manheru

1 Madzimambo 17:1–16.Mufananidzo uri muchidzidzo chino unokwanisa kubatsira mhuri yenyu kufungidzira rondedzero iri muna 1 Madzimambo 17:1–16. Mushure mokuverenga ndima idzi uye nokutarisa pamufananidzo uyu, nhengo yoga yoga yemhuri inokwanisa kudorongodza hunhu hunokurudzira hwakanga huine shirikadzi iyi. Chii chatiri kukumbirwa naIshe kuti tiite kuratidza rutendo rwedu?

1 Madzimambo 18.Rondedzero “yaEria naVapirisita vaBaari” (iri muNyaya dzeTestamente Yekare) inokwanisa kubatsira mhuri yenyu kudzidza nyaya iri muna 1 Madzimambo 18. Pane zvinhu zviri kutitadzisa kuzvipira zvizere kuna Ishe here? Tingaratidza sei chido chedu chekuVasarudza? (ona ndima 21).

1 Madzimambo 19:11–12.Chii chingabatsira mhuri yako kuti inzwisise kukosha kwekuteerera “inzwi diki kakadzikama”? Munokwanisa kuverenga 1 Madzimambo 19:11–12 pamwechete neinzwi rakapfava kana kuimba zvinyoro-nyoro rwiyo rwunotaura pamusoro peMweya, rwakaita “saMweya waMwari” (Nziyo neDzevana Vadiki, 54). Munogona kuwedzera ruzha runovhiringidza kuratidza maedzero anoita Satani kutitadzisa kunzwa inzwi diki, rakadzikama. Nhengo dzemhuri dzinokwanisa kugoverana zvadzinoita kuti dzinzwe femero dzeMweya.

Kuti uwane mamwe mazano ekudzidzisa vana, ona chirongwa chevhiki ino chiri muHuyai, Munditevere—Bhuku reVana Vadiki.

Rumbo rwakapuwa: “Mweya waMwari,” Nziyo neDzevana Vadiki, 54.

Kunatsurudza Kunzvera Kwako Wega

Nyora pasi manzwiro ako Paunonzwa Mweya uchitaura newe, funga pamusoro pokunyora pasi zvaunonzwa kuti Uri kukutaurira. Pfungwa yazvinotora kuisa manzwiro aya mumashoko inokwanisa kukubatsira kuzvifungisisa nekuzvikoshesa.

Mufananidzo
mudzimai nemwana

Widow of Zarephath (Shirikadzi yeZarefati,) naRose Datoc Dall

Dhinda