Testamente Yekare 2022
Chikunguru 4–10. 2 Madzimambo 2–7: “Muporofita Uripo Pakati paIsraeri”


“Chikunguru 4–10. 2–7 ‘Muporofita Uripo Pakati paIsraeri,’” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: Testamente Yekare 2022 (2021)

“Chikunguru 4–10; 2 Madzimambo 2–7,” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: 2022

Mufananidzo
Erisha achitaridza muranda ngoro dzomoto

Illustration of Elisha showing his servant the chariots of fire (Mufananidzo waErisha achiratidza muranda wake ngoro dzomoto), © Wongororo & Herald Publishing/mvumo yekuushandisa yakabva kugoodsalt.com

Chikunguru 4–10

2 Madzimambo 2–7

“Muporofita Uripo Pakati paIsraeri”

Apo paunoverenga magwaro matsvene, Mweya ungangounza mupfungwa dzako dzimwe ndevo kana ndima. Funga pamusoro pokunyora pasi kuti sei ndima idzodzo dzakakosha kwauri.

Nyora Pasi Manzwiro Ako

Basa guru remuporofita nderekudzidzisa nokupupura nezve Muponesi Jesu Kristu. Rondedzero yedu yamuporofita Erisha, zvisinei, haisanganisiri zvakawanda zvekudzidzisa kana kupupura kwake. Chinosanganisirwa nerondedzero zvishamiso izvo zvakaitwa naErisha, kusanganira kumutsa mwana kubva kuvakafa (ona 2 Madzimambo 4:18–37), kugutsa mhomho nezvokudya zvishomanana (ona 2 Madzimambo 4:42–44), uye kuporesa munhu aiva namaperembudzi (ona 2 Madzimambo 5:1–14). Saka apo tisina mashoko aErisha achipupura umboo hwaKristu, kuburikidza nehushumiri hwaErisha, tinezviratidzo zvakasimba zvesimba raIshe rinopa upenyu, rinogutsa, uye rinoporesa. Zviratidzo zvakadaro zvakanyanya kuwanda muupenyu hwedu kupfuura zvatinoziva dzimwe nguva. Kuzviona, tinofanira kutsvaka chishamiso icho Erisha chaakatsvaka apo paakanamata akamiririra muranda wechidiki wake uyo aiva azere nokutya achiti, “Ishe, ndinokukumbirai, svinudzai henyu meso ake, avone” (2 Madzimambo 6:17).

Kuti uwane rumwe ruzivo pamusoro pa2 Madzimambo, ona “Madzimambo, bhuku ra” muNhungamiro kuMagwaro Matsvene.

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwako wega

Mazano eKunzvera Magwaro Matsvene Kwako Wega

2 Madzimambo 2–6

Mwari vanokwanisa kuita zvishamiso muupenyu hwangu.

Zvishamiso kazhinji zvinotibatsira kukunda zvinetso zvoupenyu hwenyama hwuno—munguva yaErisha, nyika yaiva isingabereki chinhu yaida mvura yakachena uye demo rakarasika raida kuwanikwa (ona 2 Madzimambo 2:19–22; 6:4–7). Asi zvishamiso zvinotendeutsirawo mwoyo yedu kuna Ishe uye zvinotidzidzisa zvidzidzo zvemweya. Apo paunoverenga 2 Kings 2–6, funga kuita mudorongodzwa wezvishamiso zvaunowana, uye funga pamusoro pezvidzidzo zvemweya zvaunodzidza kubva kune chimwe nechimwe chazvo. Zvishamiso izvi zvinokudzidzisa chii pamusoro paIshe uye izvo zvaVanokwanisa kuita muupenyu hwako?

Onawo 2 Nifai 26:12–13; 27:23; Mormoni 9:7–21; Moronai 7:35–37; ­Liahona, Mbudzi 2017, 88– 90.

2 Madzimambo 4 8–17; 7:1–16

Mashoko aIshe kuburikidza navaporofita Vavo anozozadzikiswa.

Sokunyorwa kwazvakaitwa muna 2 Madzimambo 4:8–17; 7:1–16, Ishe vakafemera Erisha kuporofita nezve zvinhu zvinozouya—zvino zvairatidzika, kubva kunzwisiso yavamwe, sezvaisakwanisika kuitika. Apo paunoverenga ndima idzi, funga pamusoro pokuti unotevedza sei shoko raIshe rinouya kuburikidza navaporofita Vavo nhasi. Ndezvipi zvidzidzo, huporofita, kana zvivimbiso zvawakanzwa kubva kuvaporofita vanorarama? Chii chauri kuita kuti uite zvinhu murutendo pazvivimbiso izvi?

Onawo 3 Nifai 29:6; Dzidziso neZvibvumirano 1:37–38.

2 Madzimambo 5

Kana ndichizvininipisa uye ndichiteerera, Jesu Kristu anokwanisa kundiporesa.

Dzimwe nguva zvirinyore kuwana zvakakosha zvako pachako mumagwaro matsvene apo paunoenzanisa zvinhu zvenyama munyaya nezvinhu zvomweya. Somuenzaniso, apo paunoverenga 2 Madzimambo 5, ungangoenzanisa maperembudzi aNaamani nechinetso chepamweya chawakatarisana nacho iyezvino. SaNaamani, pamwe wakatarisira kuti Ishe “vanozoita chimwe chinhu chikuru” (ndima 13) kukubatsira. Chiitiko chaNaamani chinokudzidzisa chii? Muupenyu hwako, chii chingava chakafanana nokutevera rairo yakareruka yokuti “shamba, uve wakachena”?

Cherechedza kuti chiitiko chaNaamani chakashandura sei rutendo rwake muna Mwari waIsraeri (ona ndima 15). Ndezvipi zviitiko zvakasimbisa rutendo rwako muna Mwari?

Onawo Ruka 4:27; 1 Petro 5:5–7; Aruma 37:3–7; Eta 12:27

2 Madzimambo 6:8–23

“Avo vari kwatiri vanopfuura vari kwavari pakuwanda.”

Wakambonzwa here kupfuurwa pahuwandu uye kutya, uchifunga, sokufunga kwakaitwa nomuranda wechidiki waErisha kuti, “Tichadiniko?”(ona 2 Madzimambo 6:8–23). Chii chinokukurudzira pamusoro pemhinduro yaErisha? Rondedzero iyi inoshandura sei nzira yaunofunga nokunzwa pamusoro pezviedzo zvako, mabasa ako, kana kuedza kwako kurarama vhangeri?

Apo paunofungisisa, funga pamusoro pemashoko aMutungamiri Henry B. Eyring anoti: “Semuranda iyeye waErisha, kuna vakawanda vanewe kupfuura avo vaunokwanisa kuona kuti vanokupikisa. Vamwe avo vanenge vanewe vanezenge vasingaonekwi namaziso ako enyama. Ishe vazokutsigira uye pane dzimwe nguva vanozozviita nokudaidza vamwe kuti vamire newe” (“O Ye That Embark,” Liahona, Mbudzi 2008, 58).

Onawo Mapisarema 121; Dzidziso neZvibvumirano 84:88.

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwemhuri

Mazano ekuNzvera Magwaro Matsvene kweMhuri uye eNguva yeMhuri Pamba Manheru

2 Madzimambo 2:1–14Funga pamusoro pavanhu avo vakaona kuti Erisha “akatora” jasi raEria (kana ovhakoti—chiratidzo chedaidzo yake) Izvi zvingadai zvakashandura sei nzira yavaidavira nayo kuhushumiri hwaErisha? (Onawo 1 Madzimambo 19:19.) Pamwe nhengo dzemhuri dzinokwanisa kutora zvijano kupfeka “jasi” uye vopupura nezve nzira dzavakaona Ishe vatsigira nokusimbisa avo vakadaidzwa kushandira muChechi Yavo.

2 Madzimambo 4Unokwanisa kukoka nhengo dzemhuri kuverenga pamusoro pechimwe chezvishamiso zviri muna 2 Madzimambo 4 (ona ndima 1–7, 14–17, 32–35, 38–41, 42–44) uye nyora rimwe shoko rinobatsira dzimwe nhengo dzemhuri kufembera kuti ndechipi chishamiso icho chiri kutsanangurwa neanenge ari kuverenga. Chii chatinodzidza pamusoro paIshe nezvishamiso Zvavo kubva muchitsauko ichi? Ndezvipi zvishamiso—zvikuru kana zvidiki—zvatakaona muupenyu hwedu?

2 Madzimambo 5:1–15.Apo paunoverenga ndima idzi uye wofungisisa chinhu chakareruka icho Naamani chaakakumbirwa kuti aite, funga zvinhu zvakareruka izvo muporofita wedu zvakatikumbira kuti tiite. Mhuri yedu ingatevera sei zvirinani rairo yavo?

Mhuri yenyu inokwanisawo kuverenga “Erisha Anoporesa Naamani” (mubhuku reNyaya dzeTestamente Yakare)

2 Madzimambo 5:20–27.­Kusavimbika kunotikuvadza sei? Tinoropafadzwa sei nokuva vakavimbika?

2 Madzimambo 6:13–17Nhengo dzemhuri dzingangonakidzwa nokudhirowa mufananidzo wechiitiko chaErisha nemuranda wake chakatsanangurwa mundima idzi. Ndima idzi dzinokwanisa kutibatsira sei apo patinonzwa kuva tiri toga kana patinonzwa kukurirwa?

Kuti uwane mamwe mazano ekudzidzisa vana, ona chirongwa chevhiki ino chiri muna Huyai, Munditevere—Bhuku reVana Vadiki.

Rumbo rwakapuwa: “Verenga Zvikomborero Zvako,” Nziyo neDzevana Vadiki, nhamba 16

Kunatsurudza Kudzidzisa Kwedu

Kurudzira mibvunzo. Mibvunzo kubva kuvana chiratidzo chokuti vagadzirira kudzidza. Kana usingazivi mhinduro kumibvunzo yavo, tsvaka mhinduro dzacho navo. (Ona Teaching in the Savior’s Way, 25– 26.)

Mufananidzo
Naamani achishamba murwizi

Illustration of Naaman being healed of leprosy (Mufananidzo waNaamani achiporeswa pamaperembudzi), naPaul Mann

Dhinda