Testamente Yekare 2022
Chikunguru 18–24. Ezra 1; 3–7; Nehemia 2; 4–6; 8: “Ndiri Kuita Basa Guru ”


“Chikunguru 18–24. Ezra 1; 3–7; Nehemia 2; 4–6; 8: ‘Ndiri Kuita Basa Guru’” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: Testamente Yekare 2022 (2021)

“Chikunguru 18–24. Ezra 1; 3–7; Nehemia 2; 4–6; 8,” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: 2022

Mufananidzo
temberi yaZerubaberi

Mufananidzo wetemberi yaZerubaberi, naSam Lawlor

Chikunguru 18–24

Ezra 1; 3–7; Nehemia 2; 4–6; 8

“Ndiri Kuita Basa Guru ”

Mutungamiri Ezra Taft Benson vakadzidzisa kuti, “Shoko raMwari … rine simba rekusimbisa Vatendi uye nekuvashongedza neMweya kuti vakwanise kudzivirira zvakaipa, vabatirire zvakasimba pane zvakanaka, uye vawane mufaro muupenyu huno ” (Teachings of Presidents of the Church: Ezra Taft Benson [2014], 118).

Nyora Pasi Manzwiro Ako

Vanhu vechiJuda vakanga vakabatwa muutapwa muBabironi kwemakore angangoita 70 . Vakange varasikirwa neJerusarema netemberi, uye vazhinji vakanga vakanganwa kuzvipira kwavo kumutemo waMwari. Asi Mwari vakanga vasina kuvakanganwa. Chokwadi ndechekuti, Vakanga vazivisa pachena kuburikidza nemuporofita Wavo kuti, “Ndinozokushanyirai nokukusimbisirai shoko rangu rakanaka, ndichikudzosersi kunzvimbo ino” (Jeremia 29:10). Mukuva pachokwadi kuhuporofita uhwu, Ishe vakaita nzira yokuti vaJuda vadzokere, uye Vakasumudza varanda avo vakazadzikisa “basa guru” ravanhu Vavo (Nehemia 6:3). Varanda ava vaisanganisira gavhuna ainzi Zerubaberi, aiona nezvekuvakwa kweimba yaIshe; Ezra, mupirisita uye munyori uyo akatendeutsira mwoyo yavanhu kumutemo waIshe ; uye naNehemia, akazova gavhuna weJuda akatungamirira basa rekuvakwazve kwemasvingo edziviriro aikomberedza Jerusarema. Chokwadi, vakasangana nerupikiso , asiwo vakagamuchira rubatsiro kubva kunzvimbo dzaiva dzisingatarisirwe. Zviitiko zvavo zvinokwanisa kudzidzisa uye kukurudzira zviitiko zvedu, nokuti nesuwo tiri kuita basa guru. Uye seravo, basa redu rine chekuita zvikuru neimba yaIshe, mutemo waIshe, uye dziviriro yemweya yatinowana maVari.

Kuti uwane pfupiso yemabhuku aEzra naNehemia, ona “Ezra” uye “Nehemia” muNhungamiro Kumagwaro Matsvene.

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwako wega

Mazano eKunzvera Magwaro Matsvene Kwako Wega

Ezra 1

Ishe vanokurudzira vanhu kuti vazadzikise zvinangwa Zvavo.

Mushure mokunge Persia yakurira Babironi, mambo wePersia, Koreshi, akafemerwa naIshe kutumira boka revaJuda kuJerusarema kunovakazve temberi. Apo paunoverenga Ezra 1, cherechedza izvo Koreshi zvaaida kuita kuitira kutsigira vaJuda mubasa rakakosha iri. Unoona sei Ishe vachishanda kuburikidza navarume navakadzi vakakukomberedza, kusanganisira avo vasiri nhengo dzeChechi Yavo? Izvi zvinotaurei kwauri pamusoro paIshe nebasa Ravo?

Onawo Isaya 44:24–28.

Ezra 3:8–13; 6:16–22

Matemberi anokwanisa kundiunzira mufaro.

VaBabironi pavakapinda muJerusarema, vakapamba zvinhu zvinokosha zvaiva mutemberi uye vakaipisa ikaparadzwa nemoto (ona 2 Madzimambo 25:1–10; 2 Makoronike 36:17–19). Unofunga kuti ungadai wakanzwa sei dai wakanga uri pakati pavaJuda vakaona izvi? (ona Mapisarema 137). Cherechedza kuti vaJuda vakanzwa sei, makumi emakore akazotevera, apo pavakabvumirwa kuti vadzokere uye vazovakazve temberi (ona Ezra 3:8–13; 6:16–22). Fungisisa manzwiro ako pachako pamusoro petemberi. Sei matemberi ari manyuko emufaro? Ungataridza sei kutenda kwako kuna Ishe nokuda kwematemberi?

­

Mufananidzo
mhuri ichifamba pachivanze chetemberi

Temberi inokwanisa kuva manyuko erufaro muupenyu hwedu.

Ezra 4–6; Nehemia 2; 46

Ndinokwanisa kubatsira kufambisa mberi basa raMwari zvisinei nerupikiso.

Basa raIshe hariwanzorega kupikiswa, uye izvi zvakava chokwadi chaizvo pakuedza kwakatungamirirwa naZerubaberi naNehemia. Muzviitiko zvese izvi, “mhandu dzeJuda” (Ezra 4:1) dzaive vaSamaria—zvizvarwa zvevaIsraeri zvaive zvasangana nevaGentairi. Kuverenga pamusoro perupikiso rwavo kukuvaka temberi (ona Ezra 4–6) kungangokukuita kuti ufungisise rupikiso rwunosangana nebasa raMwari nhasi uye madaviriro aungaita apo rupikiso parwunouya.

Saizvozvowo, kuverenga pamusoro pebasa raNehemia rokugadzirisa masvingo eJerusarema (ona Nehemia 2; 46) kungangokonzera kuti ufunge nezvebasa iro Mwari ravanoda kuti uite. Unodzidzei pamuenzaniso waNehemia ?

Ezra 7; Nehemia 8

Ndinoropafadzwa apo pandinoverenga magwaro matsvene.

Kunyangwe mushure mekuvakwa kwetemberi, vanhu veJerusarema vakatambura pane zvemweya, muchikamu nokuda kwokuti, kwezvizvarwa zvizhinji,vakanga vasingakwanisi kuwana “bhuku remutemo waMosesi ” nguva dzose (Nehemia 8:1). Munyori Ezra akagamuchira mvumo kubva kuna mambo wePersia kuti aende kuJerusarema, uko kwaakaunza “mutemo pamberi pegungano” (Nehemia 8:2). Ungatevera sei muenzaniso waEzra sekutsanangurwa kwawakaitwa muna Ezra 7:10? Apo paunoverenga Nehemia 8, iyo inopa rondedzero yaEzra achiverengera vanhu mutemo, ipfungwa dzipi dzauinadzoi pamusoro pesimba reshoko raMwari muupenyu hwako?

Onawo Teachings: Ezra Taft Benson, 115–24.

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwemhuri

Mazano ekuNzvera Magwaro Matsvene kweMhuri uye eNguva yeMhuri Pamba Manheru

Ezra 3:8–13; 6:16–22.VaJuda vakaratidza sei mufaro wavo nokuda kwetemberi apo payakanga ichivakwa uyezve apo payakazokumikidzwa? Chii chatiri kuita kuratidza mufaro wedu nokuda kwetemberi? Pamwe mhuri yenyu inokwanisa kutarisa pamifananidzo yematemberi uye motaura pamusoro pekuti matemberi anounza sei mufaro kwamuri (ona temples.ChurchofJesusChrist.org).

Ezra 7:6, 9–10, 27–28.Nguva dzakati wandei mundima idzi, Ezra akanyora kuti ruoko rwaIshe rwaive pamusoro pake apo paaienda kuJerusarema. Ndevo iyi ingarevei? Takanzwa sei ruoko rwaIshe pamusoro pedu? Pamwe nhengo dzemhuri dzinokwanisa kugovera mienzaniso kubva paupenyu hwavo.

Nehemia 2; 46.Nyaya yaNehemia inokwanisag kukurudzira nhengo dzemhuri apo pavanotarisana nerupikiso pavanenge vachiita “basa guru” (Nehemia 6:3). Nhengo dzemhuri dzinokwanisa kuvaka rusvingo kubva pazvinhu zvamuinazvo mumba menyu apo pamunenge muchiverenga pamwechete ndima dzakakosha (dzakaita saNehemia 2:17–20; 4:13–18; 6:1–3). Tinodzidzei kubva kuna Nehemia pamusoro pokutarisana norupikiso? Nderipi basa guru iro Ishe ravanoda kuti tiite? Ishe vakatisimbisa sei kuti tikunde rupikiso kubasa iri?

Nehemia 8:1–12.Muna Nehemia 8, Ezra akaverenga mutemo waMosesi kuvanhu vaiva nechido chikuru chekunzwa shoko raMwari. Kuverenga ndima 1–12 kunokwanisa kubatsira kudzamisa kukoshesa kwemhuri yenyu shoko raMwari. Vanhu vakanzwa sei pamusoro pemutemo waMwari? Tingabatsirana sei “kunzwisisa chiverengo”? (ndima 8).

Kuti uwane mamwe mazano ekudzidzisa vana, ona chirongwa chevhiki ino chiri muHuyai, Munditevere—Bhuku reVana Vadiki.

Rumbo rwakapuwa: “Ishe Vakandipa Temberi,” Nziyo neDzevana Vadiki, 120.

Kunatsurudza Kudzidzisa Kwedu

Goveranai zvinyorwa zvitsvene semhuri. Munguva yekunzvera magwaro matsvene kwenyu kwemhuri, bvumirai nhengo dzemhuri kuti dzigovere kubva mukunzvera kwavo pachavo ndima dzinonyanya kureva chinhu kwavari.

Mufananidzo
Ezra achiverengera vanhu magwaro matsvene

Illustration of Ezra reading scriptures to the people at Jerusalem, (Mufananidzo waEzra achiverenga magwaro matsvene kuvanhu paJerusarema), by Hillard Ortlip, © Providence Collection/mvumo yekuushandisa yakapuwa kubva kugoodsalt.com

Dhinda