Testamente Yekare 2022
Pfungwa dzeKuchengeta muNdangariro: “Jesu Anozoti kuIsraeri Yose, ‘Huyai Kumba’”


“Pfungwa dzeKuchengeta muNdangariro: ‘Jesu Anozoti kuIsraeri Yose,“Huyai Kumba,”’” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: 2022 (2021)

“Pfungwa dzeKuchengeta muNdangariro: ‘Jesu Anozoti kuIsraeri Yose,“Huyai Kumba,”’” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: 2022

Mufananidzo
mufananidzo wepfungwa

Pfungwa dzeKuchengeta muNdangariro

“Jesu Anozoti kuIsraeri Yose, ‘Huyai Kumba’”

Mugwenga reSinai, Mosesi akaunganidza vana vaIsraeri pazasi pegomo. Ipapo Ishe vakazivisa pachena kuti vaida kushandura boka iri renhapwa dzakanga dzichangobva mukusunungurwa kuvaita vanhu vane simba. “Muchava kwandiri, ” Ishe vakadaro, “umambo hwavapirisita, norudzi rutsvene ” (Eksodo 19:6). Vakavimbisa kuti vaizowanda uye nokubudirira, kunyangwe apo pavanenge vakakomberedzwa nevavengi vakawanda zvikuru uye vane simba gurusa (ona Deuteronomio 28:1–14).

Zvose izvi zvaizoitika kwete nokuda kwokuti vaIsraeri vaiva vakawanda kana vakasimba kana vaine hunyanzvi. Ishe vakatsanangura kuti zvaizoitika, “kana mukateerera inzwi rangu nomwoyo wose, uye mukachengeta chibvumirano changu” (Eksodo 19:5). Raiva simba raMwari, raizovaita mhare, kwete ravo.

Asi zvakadaro vaIsraeri vakanga vasingateereri nguva dzose kuinzwi Ravo, uye nokufamba kwenguva vakarega kuchengeta chibvumirano Chavo. Vazhinji vakatanga kunamata vamwe vanamwari uye vachitevedzera tsika dzamarudzi ainge akavapoteredza. Vakaramba chinhu icho chaicho chakavaita rudzi, rwakasiyana kubva kunavamwe vose—hukama hwavo hwechibvumirano naIshe. Pasina simba raMwari raivadzivirira (ona 2 Madzimambo 17:6 –7), pakanga pasina chaimisa vavengi vavo (ona 2 Makoronike 36:12–20).

Kuparadzirwa

Nguva dzakati wandei mungangova muna 735 na720 Kristu Asati Azvarwa, vaAsiria vakapindira Umambo hweKuchamhembe hweIsraeri, uko kwaigara gumi ramadzinza gumi namaviri, uye vakatora zviuru zvavaIsraeri senhapwa kuenda navo munzvimbo dzakasiyana dzeHushe hweAsiria (ona 2 Madzimambo 17:1–7).1 VaIsraeri ava vakazozivikanwa “samadzinza akarasika,” muchikamu nokuda kwokuti vakabviswa munyika yavo uye vakapararadzirwa pakati pamamwe marudzi. Asi vakarasikawo munzira yakadzama: nekufamba kwenguva vakarasikirwa namazivikanirwo avo savanhu vaMwari vechibvumirano.

Nokuda kwokuti Umambo hweKumaodzanyemba hweJuda, dzimwe nguva, hwaiva hwanyanya kururama kupfuura Umambo hweKuchamhembe, hwakavapo kwenguva refu.2 Asi pokupedzisira vanhu veko vakafuratirawo kubva pana Ishe. VaAsiria vakarwisa uye vakakurira nzvimbo zhinji dzeUmambo hweKumaodzanyemba; Jerusarema chete ndiyo yakachengetedzwa nechishamiso (ona 2 Madzimambo 19; Isaya 10:12–13). Pashure, pakati pa597 na580 Kristu Asati Azvarwa, vaBabironi vakaparadza Jerusarema, kusanganisira temberi, uye vakatakura senhapwa vazhinji vavagari veguta iroro (ona 2 Madzimambo 24–25; 2 Makoronike 36; Jeremia 3952). Angova makore 70 pashure, vakasara vavaJuda vakabvumidzwa kudzokera kuJerusarema kunovakazve temberi. Vazhinji, zvisinei, vakasara muBabironi.3

Apo zvizvarwa pazvaipfuura, vaIsraeri kubva kumarudzi ose “vakaparadzirwa … nechamupupuri pakati pemarudzi ose avaisaziva ” (Zekaria 7:14; onawo Amosi 9:8–9). Vamwe vakanga vatungamirirwa naIshe kuenda kune dzimwe nyika (ona 2 Nifai 1:1–5; Omuni 1:15–16). Vamwe vaiva vabuda muIsraeri kuitira kutiza kutapwa (ona 2 Madzimambo 25:22–26; Jeremia 42:13–19; 43:1–7) kana kuti nezvikonzero zvematongerwo enyika kana zveupfumi.4

Tinodaidza zviitiko izvi kuti kuparadzirwa kweIsrael. Uye zvakakosha kuziva pamusoro pokuparadzirwa nekuda kwezvikonzero zvakati wandei. Chokutanga, musoro wenyaya mukuru weTestamente Yekare: Vaporofita vazhinji veTestamente Yekare vaiva zvapupu pakudzikira panezvemweya kwakaramba kuchiwedzera uko kwakazotungamirira kukuparadzirwa kwavaIsraeri. Vakafanoona kuparadzirwa uye vakayambira pamusoro pako, uye vamwe vavo vakararama nemukuitika kwako.5 Izvi zvakakosha kuyeuka apo paunoverenga mabhuku aIsaya, Jeremia, Amosi, uye namamwe amabhuku mazhinji muchikamu chokupedzisira cheTestamente Yekare. Uine ruzivo urwu mupfungwa, apo paunoverenga huporofita hwavo pamusoro peAsiria neBabironi, kunamata zvifananidzo uye hutapwa, kuva dongo uye pakupedzisira kudzoserwa, unozoziva zvavari kutaura nezvazvo.

Kunzwisisa kuparadzirwa kweIsraeri kunozokubatsira kuti unzwisise Bhuku raMormoni zvirinaniwo, nokuda kwokuti Bhuku raMormoni irondedzero yebazi ravaIsraeri vakaparadziirwa (ona 1 Nifai 15:12). Rondedzero iyi inotanga nemhuri yaRihai ichitiza Jerusarema mungangova muna 600 Kristu Asati Azvarwa, chinguva chipfupi vaBabironi vasati varwisa. Rihai aive mumwe wavaporofita avo vakaporofita pamusoro pokuparadzirwa kweIsraeri.6 Uye mhuri yake yakabatsira kuzadzikisa huporofita ihwohwo, vachitora bazi ravo reimba yaIsraeri uye vachinoridyara kune rimwe divi renyika, mumaAmerica.

Mufananidzo
vanhu vachibuda muguta riri kutsva

The Destruction of Jerusalem by Nebuzar-adan (Kuparadzwa kweJerusarema naNebuzaradani), naWilliam Brassey Hole, © Providence Collection/mvumo yekuushandisa yakapuwa kubva kugoodsalt.com

Kuunganidzwa

Kuparadzirwa kweIsrael, zvisinei, chikamu chete chenyaya yacho. Ishe havakanganwi vanhu Vavo, kana kuvasiya zvachose, kunyangwe apo ivo vanhu pavanenge vaVasiya. Huporofita huzhinji hwekuti Israeri yaizoparadzirwa hwakaitwa pamwechete nevimbiso zhinji dzekuti Mwari rimwe zuva vaizovaunganidza.7

Zuva iroro ndinhasi—zuva redu. Kuunganidzwa ikoko kwakatotanga kare. Muna 1836, zviuru zvemakore mushure mokunge Mosesi aunganidza vana vaIsraeri pazasi peGomo reSinai, Mosesi akazviratidza muTemberi yeKirtland kuti ape kuna Joseph Smith “kiyi dzokuunganidzwa kweIsraeri kubva kumativi mana apasi ” (Dzidziso neZvibvumirano 110:11). Iyezvino, pasi pehutungamiri hwaavo vane makiyi aya, madzinza eIsraeri ari kuunganidzwa kubva kunyika dzose idzo dzinokwanisa kuendwa navaranda vaIshe .

Mutungamiri Russell M. Nelson vakadaidza kuunganidzwa uku kuti “chinhu chakakoshesesa chiri kutora nzvimbo pasi pano nhasi. Hapana chimwe chinhu chinofananidzwa nako muhukuru, hapana chimwe chinhu chinofananidzwa nako muukoshi, hapana chimwe chinhu chinofananidzwa nako mukuremerera. Uye kana ukasarudza kuitawo basa iri, kana uchida, unokwanisa kuva chikamu chikuru charo. ”8

Unozviita sei? Zvinorevei kuunganidza Israeri? Zvinoreva here kudzorera madzinza gumi nemaviri kwakare kunyika yavaimbogara? Chokwadi chaicho ndechokuti, zvinoreva chimwe chinhu chikurusa, chakanyanyisa kuva chokusingaperi. Sekutsanangura kwakaita Mutungamiri Nelson:

“Apo patinotaura nezve kuunganidzwa, tiri kungotaura chokwadi chakakosha ichi: mumwe nemumwe wavana vaBaba vedu Vokudenga, kumativi ose echidzitiro, anokodzera kunzwa shoko revhangeri rakadzorerwa raJesu Kristu. …

Nguva ipi zvayo yaunoita chinhu chipi zvacho chinobatsira munhu upi zvake—kumativi ose echidzitiro—kutora danho rekuita zvibvumirano naMwari nokutambira zvisungo zvavo zvakakosha zverubhabhatidzo uye zvemutemberi, uri kubatsira kuunganidza Israeri. Zviri nyore saizvozvo.”9

Izvi zvinoitika, sekutaura kwakaita Isaya, “mumwe nemumwe ” (Isaya 27:12) kana kuti, sezvakafanotaurwa naJeremia, “mumwe paguta rimwe, uye vaviri vemhuri imwe ” (Jeremia 3:14).

Kuunganidza Israeri kunoreva kuunza vana vaMwari kwakare kwaVari. Zvinoreva kuvadzorera kuhukama hwavo hwechibvumirano Navo. Zvinoreva kumisazve “rudzi rutsvene” rwaVakaronga kumisa kare kare (Eksodo 19:6).

Huyai Kumba

Semuchengeti wechibvumirano, iwe uri chikamu cheimba yaIsraeri.10 Wakaunganidzwa, uye uri muunganidzi. Nyaya yakare yenhoroondo yamazana amakore iyo yakatanga nechibvmirano pakati paMwari naAbrahama yava kusvika kumagumo ayo, uye iwe uri munhu anokosha mairi. Iyezvino ndiyo nguva apo “Jesu paanozoti kuIsraeri yose, ‘Huyai kumba.’”11

Iri ndiro shoko ravaunganidzi: Huyai kumba kuchibvumirano. Huyai kumba kuZioni. Huyai kumba kuna Jesu Kristu, Mutsvene waIsraeri, uye Anozokuunzai kumba kuna Mwari, Baba venyu.

Dhinda