Testamente Yekare 2022
Chikunguru 11–17. 2 Madzimambo 17–25: “Akavimba muna Ishe Mwari waIsraeri”


“Chikunguru 11–17. 2 Madzimambo 17–25: ‘Akavimba muna Ishe Mwari waIsraeri,’” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: Testamente Yekare 2022 (2021)

“Chikunguru 11–17. 2 Madzimambo 17–25,” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: 2022

Mufananidzo
vanhu vachibuda muguta rakaparadzwa

The Flight of the Prisoners (Kutiza kweVasungwa,) naJames Tissot nevamwe

Chikunguru 11–17

2 Madzimambo 17–25

“Akavimba muna Ishe Mwari waIsraeri”

Apo Josia paakanzwa mashoko kubva mubhuku remutemo, akadaira murutendo. Unokwanisa kudaira sei murutendo kune zvaunoverenga muna 2 Madzimambo 17–25?

Nyora Pasi Manzwiro Ako

Zvisinei nehushumiri hunoshamisa hwemuporofita Erisha, kusimba pane zvemweya kweUmambo Hwekuchamhembe hweIsraeri kwaakaramba kuchidzikira pasi. Madzimambo akanyangara akakurudzira kunamata zvifananidzo, uye hondo nokutsauka pachitendero zvakawanda. Pakupedzisira Hushe hweAsiriya hwakakurira uye hukaparadzira madzinza gumi eIsraeri.

Panguva iyoyo, Umambo Hwekumaodzanyemba hweJuda hwaiva husiri kuita zvirinani; kunamata zvifananidzo kwaiva kwakapararirawo zvikuru ikoko. Asi pakati pehuori uhwu hwese hwezvepamweya, rondedzero dzezvinyorwa zvitsvene dzinotaura pamusoro pamadzimambo maviri akarurama avo, kwechinguva, vakambotendeutsira vanhu vavo kuna Ishe. Mumwe wacho aiva Hezekia. Munguva yekutonga kwake, vaAsiria, vachangobva mukukunda kwavo kuchamhembe, vakakurira chikamu chikuru chekumaodzanyemba. Asi Hezekia navanhu vake vakaratidza rutendo muna Ishe, uyo akanunura Jerusarema nenzira inoshamisa. Pashure, mushure meimwe nguva yekutsauka pachitendero, Josia akatanga kutonga. Achikurudzirwa muchikamu nekuwanikwazve kwebhuku remutemo, Josia akaunza shanduro idzo dzakamutsidzira upenyu hwechitendero hwavazhinji vevanhu vake.

Chii chatinodzidza kubva kuzviitiko zviviri izvi zvakanaka zvakaitika mumakore emamiriro akanga akaipa enhoroondo yeJuda? Pakati pezvimwe zvinhu, unogona kufungisisa pamusoro pesimba rorutendo uye nereshoko raMwari muupenyu hwako. SeIsraeri neJuda, tose tinoita sarudzo dzose dzakanaka nedzakaipa. Uye apo patinonzwa kuti shanduro dzinodikanwa muupenyu hwedu, pamwe mienzaniso yaHezekia naJosia inokwanisa kutikurudzira “kuvimba muna Ishe Mwari wedu” (2 Madzimambo 18:22).

Onawo 2 Makoronike 29–35; chikamu “chePfungwa dzeKuchengeta muNdangariro” “Jesu Anozoti kuIsraeri Yose, ‘Huyai Kumba.’”

Mufananidzo
Learn More image
Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwako wega

Mazano eKunzvera Magwaro Matsvene Kwako Wega

2 Madzimambo 18–19

Ndinokwanisa kuramba ndiri pachokwadi kuna Ishe munguva dzakaoma.

Vazhinji vedu takasangana nenguva dzinoedza rutendo rwedu. Kuna Hezekia navanhu vake, imwe yenguva idzodzo yakauya apo mauto eAsiria paakapinda muJuda, akaparadza maguta mazhinji, uye akasvika kuJerusarema. Apo paunoverenga 2 Madzimambo 18–19, fungidzira kuti waigara muJerusarema munguva iyi. Ungadai wakanzwa sei, somuenzaniso, kunzwa kunyomba kwavaAsiria sokunyorwa kwazvakaitwa muna 2 Madzimambo 18:28–37 uye 19:10–13? Unodzidzei pane zvakaitwa naHezekia mukupindura? (ona 2 Madzimambo 19:1–7, 14–19). Ishe vakatsigira sei Hezekia? (ona 2 Madzimambo 19:35–37). Fungisisa kuti Vakakusimbisa sei munguva dzakaoma.

Ungangofungisisawo tsanangudzo yaHezekia iri muna 2 Madzimambo 18:5–7. Ndima idzi dzinotaurei pamusoro pekuti sei Hezekia akakwanisa kuramba akatendeka apo pakauya matambudziko? Ungatevera sei muenzaniso wake?

Onawo 3 Nifai 3–4.

2 Madzimambo 19: 20–37

Zvinhu zvose zviri mumaoko aIshe.

Sanheribi, mambo weAsiria, akanga aine chikonzero chakanaka chokutenda kuti mauto ake aizokurira Jerusarema. Asiria yakanga yakurira marudzi mazhinji, kusanganisira Israeri—Jerusarema yaizova yakasiyana sei? (ona 2 Madzimambo 17; 18:33–34; 19:11–13). Asi Ishe vaiva neshoko kuna Sanheribi, rakataurwa kuburikidza nemuporofita Isaya, uye rakanyorwa muna 2 Madzimambo 19:20–34. Ungazopfupisa sei shoko iri? Ndezvipi zvokwadi zvaunowana mundima idzi zvinokubatsira kuti uve nerutendo muna Ishe uye nemuchinangwa Chavo?

Onawo Hiramani 12:4–23; Dzidziso neZvibvumirano 101:16.

2 Madzimambo 21–23

Magwaro matsvene anokwanisa kutendeutsira mwoyo wangu kuna Ishe.

Wakambonzwa kuti unoshaiwa chimwe chinhu panezvemweya here? Zvimwe wakanzwa kuti hukama hwako naMwari hunokwanisa kuva hwakanyanya kusimba. Chii chakakubatsira kuti udzokere kwaVari? Fungisisa mibvunzo iyi apo paunoverenga pamusoro pokuti Umambo hweJuda hwakatsauka sei kubva kuna Ishe huri pasi paMambo Manase (ona 2 Madzimambo 21) uye kuti Mambo Josia akavabatsira sei kuti vazvipire zvakare kuna Ishe (ona 2 Madzimambo 22–23). Chii chakakurudzira Josia navanhu vake? Rondedzero iyi inogona kukukurudzira kuti uvandudze kuzvipira kwako “pakufamba uchitevera Ishe … nomwoyo [wako] wose, nomweya [wako] wose” (2 Madzimambo 23:3).

Mutungamiri Spencer W. Kimball vakataura kuti nyaya yaMambo Josia “ndeimwe yenyaya dzakanakisa mumagwaro matsvene ose” chapter 6 mubhuku Teachings of Presidents of the Church: Spencer W. Kimball ([2006], 62)(peji 62). Sei Mutungamiri Kimball vangadaro vakanzwa saizvozvo? Chii chaunowana mumashoko aMutungamiri Kimball, kunyanya zvavakataura pamusoro paMambo Josia, izvo zvinokubatsira kushandisa 2 Madzimambo 22-23 muupenyu hwako?

Onawo Aruma 31:5.

Mufananidzo
mhuri ichinzvera magwaro matsvene

Magwaro matsvene anokwanisa kubatsira kutendeutsira mwoyo yedu kuna Ishe.

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwemhuri

Mazano ekuNzvera Magwaro Matsvene kweMhuri uye eNguva yeMhuri Pamba Manheru

2 Madzimambo 19:14–19.Chii chatinokwanisa kudzidza kubva pamuenzaniso waHezekia chinokwanisa kutibatsira apo patinenge tiine matambudziko akaoma kana mibvunzo yakaoma? Ishe vakapindura sei minamato yedu yekukumbira rubatsiro? Pamwe nhengo yoga yoga yemhuri inokwanisa kugadzira chimwe chinhu chekuisa mumba chinovayeuchidza kutendeukira kuna Ishe.

2 Madzimambo 22:3–7.Vashandi vakatsanangurwa muna 2 Madzimambo 22:3–7 vakavimbwa navo nemari yakashandiswa kuvaka zvakare temberi “nokuti vaibata vakatendeka” (ndima 7). Mushure mokuverenga ndima idzi, unokwanisa kukumbira nhengo dzemhuri kuti dzidome zvinhu zvavakavimbwa nazvo. Tingava sei vanhu vakavimbika sevashandi vari mundima idzi?

2 Madzimambo 22:8–11, 19; 23:1–3.Chii chinotiyemudza pamusoro pemadaviriro akaitwa naJosia nevanhu vake pavakanzwa shoko raMwari? Isu tinodavira sei kushoko raMwari mumagwaro matsvene? Nhengo dzemhuri yako dzinokwanisa kugovera ndima dzezvinyorwa zvitsvene kana nyaya dzakawedzera chido chavo chekutevera Baba Vokudenga naJesu Kristu.

2 Madzimambo 23:25.Chii chinonyanya kukosha kwatiri pamusoro petsanangurirwo akaitwa Josia mundima iyi? Mhuri yako inokwanisa kudhirowa pamwoyo yemapepa zvinhu zvavanokwanisa kuita vhiki rino kuti vatendeukire kuna Ishe nemwoyo yavo yose.

Kuti uwane mamwe mazano ekudzidzisa vana, ona chirongwa chevhiki ino chiri muHuyai, Munditevere—Bhuku reVana Vadiki.

Kunatsurudza Kunzvera Kwako Wega

Tsvaka mashoko nendevo zvinokurudzira. Apo paunoverenga, Mweya ungangounza mamwe mashoko kana ndevo mupfungwa dzako. Angangokukurudzira uye kukupa simba; angangoratidzika kunge akanyorerwa iwe chete.

Mufananidzo
murume achiunza mumoneredzwa wezvinyorwa kuna mambo

Illustration of a scribe bringing a scroll of scripture to King Josiah, (Mufananidzo wemunyori achiunza mumoneredzwa wezvinyorwa zvitsvene kuna Mambo Josia,) naRobert T. Barrett

Dhinda