Testamente Yekare 2022
Chikunguru 25–31 Estere: “Iwe Wakasvika … nokuda Kwenguva Inenge seIno”


“Chikunguru 25–31 “Iwe Wakasvika … nokuda Kwenguva Inenge seIno” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: Testamente Yekare 2022 (2021)

“Chikunguru 25–31 Estere,” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: 2022

Mufananidzo
Estere achinamata

Esther (Estere), naJames Johnson

Chikunguru 25–31

Estere

“Iwe Wakasvika … nokuda Kwenguva Inenge seIno”

Apo paunoverenga Estere, tsvaka femero kubva kuMweya iyo inoenderana newe, uye wonyora pasi manzwiro aunotambira.

Nyora Pasi Manzwiro Ako

Zviitiko zvizhinji mubhuku raEstere zvingangotaridzika sezvakaitika nerombo rakanaka kana kuti zvakangoitikawo. Nokuti ungazvitsanangura sei kuti musikana wechiJuda aiva nherera akava sei mambokadzi wePersia panguva kwayo chaiyo yokuti aponese vanhu vake kubva mukuuraiwa vose? Mikana yokuti Mordekai hanzvadzi yaEstere aizonzwa zano rokuuraya mambo richirongwa yaiva mishoma zvikurasa. Izvi zvaiva zvinhu zvaingoitika here, kana kuti zvaiva chikamu chechirongwa chohumwari? Gosa Ronald A. Rasband vakataura kuti: “Izvo zvingangotaridzika sezvinhu zvangoitikawo, chokwadi chaicho ndechokuti, zvinenge zvatarisirwa naBaba vari Kudenga vane rudo. … Ishe varipo muzvinhu zvidiki diki zveupenyu hwedu” (“By Divine Design,” Liahona, Mbudzi 2017, 56). Dzimwe nguva tingangotadza kuona shanduro yaIshe “muzvinhu zvidiki.” izvi Asi tinodzidza kubva kuchiitiko chaEstere kuti Vanokwanisa kutungamirira gwara redu uye kutigadzirira “kwenguva inenge seiyoyo” (Estere 4:14) apo patinokwanisa kuva midziyo mumaoko Avo kuzadzikisa zvinangwa Zvavo.

Kuti uwane pfupiso yebhuku raEstere, ona “Estere, bhuku ramuNhungamiro kuMagwaro Matsvene.

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwako wega

Mazano eKunzvera Magwaro Matsvene Kwako Wega

Estere

Ishe vanokwanisa kundiita mudziyo wokuropafadza vamwe.

Sisita Anne C. Pingree vakadzidzisa kuti: “Kuva mudziyo mumaoko aMwari iropafadzo hurusa uye ibasa rinoyera. Uko kupi zvako kwatinogara, ayo api zvawo mamiriro ezvinhu edu, zvisinei nokuti takachata here kana zera redu, Ishe vanoda mumwe nomumwe wedu kuti tizadzikise chikamu [chedu] isu pachedu mukuvaka umambo Hwavo mumukuwo uno wokupedzisira” (“Knowing the Lord’s Will for You,” Liahona, Mbudzi 2005, 112).

Apo paunoverenga nyaya yaEstere, fungisisa kuti chirevo ichi chinoshanda sei kwaari. Tsvaka nzira idzo Ishe dzavakaita nadzo kuti zvikwanisike kwaari kuponesa vaJuda (ona, somuenzaniso, Estere 2:21–23; 3:10–14; 4:14–16). Zvino fungisisa matungamiriro aVakaita upenyu hwako munzira dzinokubvumidza kuropafadza vamwe. Ndeapi mamwe mamiriro ezvinhu kana humwe hukama hwaunonzwa kuti Vakakutungamirira kwahwuri “kwenguva inenge seino”? (Estere 4:14). Kana uine ropafadzo yapatiriyaki, funga pamusoro pekuiverenga kuti udzidze zvimwe zvakawanda pamusoro pebasa iro Ishe ravanaro rokuti uite.

Estere 3; 5:9–147

Rudo uye ukasha zvinokwanisa kutungamira kuruparadzo.

Mubhuku raEstere, tinodzidza kubva kurutendeko rwaEstere naMordekai pamwepo nokubva kurudado uye ukasha hwaHamani. Apo paunoverenga Estere 3; 5:9–14, funga pamusoro pekucherechedza manzwiro, mashoko, uye nezviito zvaHamani. Izvi zvinotaridza chii pamusoro pake uye kurudziro dzake? Ndeipi migumisiro yaakatarisana nayo? (ona Estere 7). Kuverenga pamusoro paHamani kungangokuita kuti uwongorore manzwiro ako nezviito zvako. Unofemerwa here kuita shanduro dzipi zvadzo? Ungatendeukira sei kuna Baba Vokudenga kuitira rubatsiro?

Onawo Zvirevo 16:32; Aruma 5:28.

Estere 3–4; 5: 2–3; 8:11–12

Kutsanya kunotaridza kuvimba kwangu pana Ishe.

Cherechedza mamiriro ezvinhu akatungamirira Estere uye vamwe vaJuda vose kuti vatsanye (ona Estere 3:13; 4:1–3, 10–17). Kutsanya kwaiva ropafadzo kwavari sei (ona Estere 5:2–3; 8:11–12). Sei Ishe vachitikumbira kuti titsanye? (Misoro yeNyaya yeVhangeri, “Kutsanya uye Mipiro yoKutsanya,” topics.ChurchofJesusChrist.org). Funga zvaunokwanisa kuita kuti uite kutsanya ropafadzo gurusa muupenyu hwako.

Onawo Isaya 58:6–12; Mateo 4:1–4; 17:14–21.

Estere 3:1–11; 4:10 -17; 5: 1–5

Kuita chinhu chakarurama kazhinji kunoda ushingi hukuru.

Apo Mordekai naEstere pavakadzivirira zvitendero zvavo, vakaisa upenyu hwavo munjodzi. Sarudzo dzedu dzine migumisiro iyo ingava isina kunyanya kukomba, asi kuita chinhu chakarurama kunokwanisa kuda ushingi. Chii chaunodzidza kubva muna Estere 3:1–4; 4:10–17 pamusoro pokuva neushingi hwekuita zvakarurama? Cherechedza migumisiro yakasiyana iyo Mordekai naEstere yavakasangana nayo mushure mokutaridza ushingi (ona Estere 3:5–11; 5:1–4). Chii chingafanira kuzivikanwa nemunhu pamusoro paMwari kuitira kuti aite sarudzo idzo Estere naMordekai dzavakaita—kuita izvo zvakarurama zvisinei nemigumisiro?

Nguva inotevera yaunofunga migumisiro yokuita icho chakanaka, ungangoshandisa mashoko oushingi aEstere ari muna Estere 4:16 kumamiriro ezvinhu ako. Semuenzaniso, ungangozviudza kuti, “Apo pandinosarudza zvakarurama, kana [ndikarasikirwa neshamwari], [ndarasikirwa neshamwari].”

Mufananidzo
Estere namambo

Estere before the King (Estere ari pamberi paMambo, naMinerva K. Teichert

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwemhuri

Mazano ekuNzvera Magwaro Matsvene kweMhuri uye eNguva yeMhuri Pamba Manheru

Estere 1–10.Mushure mokuwongorora nyaya yaEstere (ona “Mambokadzi Estere” Nyaya dzeTestamente Yekare mhuri yenyu ingangonakidzwa nokugadzira zvidhori zvakareruka zvevamwe vanhu vari munyaya iyi (ona peji yechiito chevhiki rino muna Huyai, Munditevere—Bhuku reVana Vadiki). Vanokwanisa zvino kuzvishandisa kutaura zvakare nyaya yacho. Munokwanisawo kuimba rumbo pamusoro pokuva vanhu vakashinga uye vari pachokwadi, sezvakaita “Ita Zvitsvene” (Nziyo neDzevana Vadiki, 124) kana “Ita Zvakanaka” (Nziyo neDzevana Vadiki, nhamba 66). Ndeapi mashoko murumbo urwo anokuyeuchidza Estere?

Estere 2:5–7.Zvii zvatingadzidza kubva kumuenzaniso waMordekai pamusoro pokubatsira nhengo dzemhuri munguva dzezviedzo? Ndiani mumhuri yedu anoda tsigiro? Itai chirongwa chokumubatsira.

Estere 4:15–17.Ushingi hwaEstere hwunokwanisa kukurudzira mhuri yako kukurukura kuti mungakudziridza sei ushingi hwokumiririra chokwadi mumamiriro ezvinhu avanotarisana nawo. Chii chairehwa naEstere paakati “kana ndikaparara, ndaparara”? Mashoko ake anoshanda sei kwatiri apo patinenge tichifanira kushinga? ­

Estere 9:26–32.Mabiko echiJuda ePurimi akamiswa kuitira kurangarira nyaya yaEstere. Panguva yokudya vhiki rino, funga kugovera nyaya dzeapo nhengo dzemhuri, kusanganisira madziteteguru, pavakaropafadza vamwe nokumiririra zvakarurama sezvakaitwa naEstere.

Kuti uwane mamwe mazano ekudzidzisa vana, ona chirongwa chevhiki ino chiri muHuyai, Munditevere—Bhuku reVana Vadiki.

Rumbo rwakapuwa: “Ita Zvakanaka,” Nziyo neDzevana Vadiki, 66.

Kunatsurudza Kudzidzisa Kwedu

Tevedzera upenyu hweMuponesi. “Simba reMuponesi rekudzidzisa nekubatsira vamwe raibva panzira yaAirarama nayo uye rudzi rwemunhu rwaAiva. Kuedza zvakasimba kwaunoita pakushingirira kurarama saJesu Kristu kunozoita kuti unyanye kukwanisa kudzidzisa saIye” (Teaching in the Savior’s Way, 13).

Mufananidzo
Estere

Queen Esther (Mambokadzi Estere), naMinerva K. Teichert, © William uye Betty Stokes

Dhinda