Testamente Yekare 2022
Pfungwa dzeKuchengeta muNdangariro: Kuverenga Nhetembo muTestamente Yekare


“Pfungwa dzeKuchengeta muNdangariro: Kuverenga Nhetembo muTestamente Yekare,” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: Testamente Yekare 2022 (2021)

“Pfungwa dzeKuchengeta muNdangariro: Kuverenga Nhetembo muTestamente Yekare” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: 2022

Mufananidzo
mufananidzo wepfungwa

Pfungwa dzeKuchengeta muNdangariro

Kuverenga Nhetembo muTestamente Yekare

Mumabhuku eTestamente Yekare ayo anouya mushure maJobo, tinonyanyowana nyaya—rondedzero dzinotsanangura zviitiko zvakare nemumaonero ezvemweya. Noa akavaka areka, Mosesi akasunungura Israeri, Hana akanamata kuti ave nemwanakomana, uye zvichingodaro. Tichitanga naJobo, tinowana mhando dzemanyorero dzakasiyana, apo vanyori veTestamente Yekare pavakatanga kunyora nemutauro wenhetembo kuitira kuratidza manzwiro akadzama kana huporofita hwakakosha zvikurusa nenzira isingakanganikwi.

Takatoona mienzaniso mishoma yenhetembo yakaiswa nemumabhuku enhoroondo eTestamente Yekare. Uye kubva mubhuku raJobo zvichienda mberi, tinozoona zvakawanda zvadzo. Mabhuku aJobo, Mapisarema, uye Zvirevo inhetembo chete kunyanya, sezvakaita zvikamu zvezvinyorwa zvavaporofita vakaita saIsaya, Jeremia, uye naAmosi. Nokuda kwokuti kuverenga nhetembo kwakasiyana kubva mukuverenga nyaya, kudzinzwisisa kazhinji kunoda maverengero akasiyana. Hedzino dzimwe pfungwa dzingangoita kuti kuverenga kwako nhetembo dzeTestamente Yekare kuve kunonyanya kureva chinhu.

Kunzwisisa Nhetembo dzechiHeberu

Chokutanga, zvingangova zvinokubatsira kuchengeta mupfungwa kuti nhetembo dzechiHeberu muTestamente Yekare hadzina kumisirwa pamashoko anonzwika zvakafanana , sezvakaita mamwe marudzi enhetembo. Uye kunyangwe tsinhirano, madimikira, uye kudzokororwa kwemutinhimira zviri zvinhu zvinowanikwa kazhinji munhetembo dzechiHeberu dzechinyakare, kazhinji zvimwe zvedzazvinoreva hazvidudziriki zvakanaka kuisa mumimwe mitauro. Chimwe chinhu chaunozocherechedza, zvisinei, ndechekudzokororwa kwepfungwa kana mazano, uko dzimwe nguva kunonzi “wirirano.” Ndima iyi inobva muna Muporofita Isaya ine muenzaniso wakareruka.

  • Zvifukidze nesimba rako, Iwe Zioni;

  • fuka nguo dzako dzakaisvonaka, Iwe Jerusarema (Muporofita Isaya 52:1).

Pisarema rechimakumi maviri namapfumbamwe rine mitsetse inowirirana—heuno muenzaniso mumwechete:

Uye heuno muenzaniso umo kuziva kuti mutsetse wechipiri unowirirana nowokutanga pachokwadi kunoita kuti ndima ive nyore kunzwisisa:

  • Ndakakupaivo meno akachena pamaguta enyu ose,

  • uye nokushaiwa zvokudya panzvimbo dzenyu dzose (Muporofita Amosi 4:6).

Mumienzaniso iyi, pfungwa inodzokororwa nemutsauko mushomanana. Nzira iyi inokwanisa kusimbisisa pfungwa yakadzokororwa pamwepo nokushandisa mitsauko yacho kunyatsotsanangura zvakazara pfungwa yacho kana kuikudziridza.

Mune dzimwe nzvimbo, ndevo mbiri dzinowirirana dzacho dzinoshandisa mutauro wakafanana kutaura pfungwa dzakasiyana, semumuenzaniso uyu:

  • Mhinduro nyoro inodzora kutsamwa:

  • asi shoko rinorwadza mwoyo rinomutsa hasha (Zvirevo 15:1).

Wirirano iyi haina kungoitika yoga. Vanyori vakaiita nevavariro. Yaivabvumira kuti vataure manzwiro epamweya kana zvokwadi nenzira yairatidzika kwavari kuva zvose yakasimba uye yakanaka. Saka apo paunoona wirirano muzvinyorwa zveTestamente Yekare, zvibvunze mabatsiriro azvinokuita kunzwisisa shoko romunyori. Somuenzaniso, chii chingange chaiedzwa kutaurwa naMuporofita Isaya paaienzanisa “simba” “nenguvo dzakaisvonaka” uye “Zioni” “neJerusarema”? (Muporofita Isaya 52:1). Chii chatingafunga pamusoro pendevo inoti “mhinduro nyoro” kana tichiziva kuti “shoko rinorwadza mwoyo” ndiyo mhesano yayo.? (Zvirevo 15:1).

Mufananidzo
murume achinyora pabepa

He Restoreth My Soul (Anodzorera Mweya Wangu), naWalter Rane

Nhetembo dzechiHeberu seShamwari Itsva

Zvingangova zvinobatsira kuti uenzanise kuverenga nhetembo nokusangana nemunhu mutsva. Somuenzaniso, ungangoenzanisa kuverenga nhetembo dzeTestamente Yekare nokusangana nemumwe munhu anobva kune imwe nyika yokure uye ane tsika dzisingazikanwi uye asingatauri mutauro mumwechete watinotaura—uye uyo anenge ane makore zviuru zviviri pazera. Munhu uyu pamwe anozotaura zvinhu zvatisinganzwisisi pokutanga, asi izvi hazvirevi kuti haana chakakosha chokutitaurira. Nemwoyo murefu uye nemutsa, muzivikanwi wedu mutsva pokupedzisira anokwanisa kuva shamwari inodiwa. Tinongofanira kupedza nguva pamwechete, tichiedza kuona zvinhu nemumaonero ake iye. Tingangowana kunyangwe kuti mumwoyo yedu tinonzwisisana zvakanaka zvikuru.

Saka nguva yokutanga yaunoverenga ndima kubva muna Muporofita Isaya, somuenzaniso, ione sechisumo kumuzivikanwi mutsva. Zvibvunze, “Ndeapi manzwiro andinawo?” Ndima yacho inoita kuti unzwe sei—kunyangwe kana usinganzwisisi shoko roga roga ririmo? Zvino iverenge zvakare, kakawanda kana zvichikwanisika. Vamwe vanhu vanowana nzwisiso yakawedzerwa nokuverenga ndima vachidaidzira. Cherechedza mamwe mashoko akasarudzwa naMuporofita kunyanya mashoko ayo anoisa mufananidzo mufungwa mako. Mifananidzo iyoyo inoita kuti unzwe sei? Mifananidzo yacho inopa pfungwa dzipi pamusoro pamanzwiro akaitwa naMuporofita Isaya? Kunzvera kakawanda mashoko enhetembo idzi dzeTestamente Yekare kunozoita kuti unyanye kuona kuti vakasarudza vachida mashoko uye nzira dzokutaura shoko remweya rakadzama.

Nhetembo dzinokwanisa kuva shamwari dzakanaka zvikuru nokuda kwokuti dzinotibatsira kunzwisisa manzwiro edu uye zviitiko zvedu. Nhetembo dzeTestamente Yekare dzakanyanya kukosha, nokuda kwokuti dzinotibatsira kunzwisisa manzwiro edu uye zviitiko zvedu zvakakoshesesa—izvo zvine chokuita neukama hwedu naMwari.

Apo paunonzvera nhetembo muTestemante Yekare, rangarira kuti kunzvera magwaro matsvene kwakanyanya kukosha apo pakunotitungamirira kuna Jesu Kristu. Tsvaka zviratidzo, mifananidzo, uye zvokwadi izvo zvinovaka rutendo rwako maAri. Teerera kufemero dzinobva kuMweya Mutsvene apo paunonzvera.

Zvinyorwa zveUngwaru

Chimwe chikamu chenhetembo dzeTestamente Yekare ndeicho nyanzvi dzezvidzidzo chadzinodaidza kuti “zvinyorwa zveungwaru.” Jobo, Zvirevo, uye Muparidzi zvinyorwa zveungwaru zvinopinda muchikamu ichi. Apo mapisarema achitaura manzwiro erumbidzo, kuchema, uye kunamata, zvinyorwa zveungwaru zvinonangisa parairo isina magumo kana mibvunzo yakadzama uye youzivi. Bhuku raJobo, somuenzaniso, rinowongorora ruenzaniso rwaMwari uye zvikonzero zvekutambudzika kwevanhu. Bhuku raZvirevo rinopa rairo pamararamiro akanaka, kusanganisira ndevo dzeungwaru dzakaunganidzwa uye dzikapfuudzwa kubva kuzvizvarwa zvokutanga. Uye bhuku raMuparidzi rinobvunza chinangwa choupenyu pachezvahwo—apo zvinhu zvose pazvinotaridzika kuva zvinopfuura nekunguva dikidiki uye zvisina hurongwa, tinowana kupi kureva kwazvo kwechokwadi? Ungangofunga nezve zvinyorwa zveungwaru sehurukuro dzakafungisiswa nevarairidzi vakafemerwa avo vanoda kugovera zvimwe zvicherechedzo pamusoro paMwari uye nenyika yaVakasika—uye pamwe dzinokubatsira kunzwisisa zvinhu izvi zvirinani kupfuura zvawakaita kare.

Dhinda