Testamente Yekare 2022
Nyamavhuvhu 8–14. Mapisarema 1–2; 8; 19–33; 40; 46: “Ishe Ndiye Mufudzi Wangu”


“Nyamavhuvhu 8–14. Mapisarema 1–2; 8; 19–33; 40; 46: ‘ Ndiye Mufudzi Wangu,’” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: Testamente Yekare 2022 (2021)

“Nyamavhuvhu 8–14. Mapisarema 1–2; 8; 19–33; 40; 46,” Huyai, Munditevere —Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: 2022

Mufananidzo
Jesu achifamba nemakwai

The Lord Is My Shepherd (Ishe Ndiye Mufudzi Wangu), naYongsung Kim, havenlight.com

Nyamavhuvhu 8–14

Mapisarema 1–2; 8; 19–33; 4046

“Ishe Ndiye Mufudzi Wangu”

Usanzwe kuti unongofanira kugumira paMapisarema akasarudzwa aya kana misimboti inopuwa muchidzidzo chino. Rega Mweya ukutungamirire kuzvokwadi zvinokubatsira kuti unzwe kuva pedyo naIshe.

Nyora Pasi Manzwiro Ako

Hatizive zvechokwadi kuti ndiani akanyora Mapisarema. Mamwe akanzi akanyorwa naMambo Davidi, asi kune mazhinji acho, vanyori vawo vanoramba vasingazivikanwe. Asi mushure mokuverenga Mapisarema, tingangonzwa sekunge tinoziva mwoyo yaVanyori vaMapisarema, kunyangwe kana tisingazivi mazita avo. Chatinoziva ndechekuti Mapisarema aiva chikamu chakakosha chekunamata pakati pavaIsraeri, uye tinoziva kuti Muponesi aiatapa nguva zhinji. MuMapisarema, tinoona zvakajeka mukati memweya yavanhu vaMwari vechinyakare. Tinoona manzwiro avaiita pamusoro paMwari, zvavainetsekana nazvo, uye mawaniro avakaita runyararo. Savatenderi nhasi, pasi rose, tichiri kushandisa mashoko aya mukunamata kwedu Mwari. Vanyori vaMapisarema vanoratidzika savakanga vaine nzwisiso yemukati memweya yedu uye vanoratidzika sevakawana nzira yokutaura manzwiro atinoita pamusoro paMwari, zvatinonetsekana nazvo, uye mawaniro atinoita runyararo.

Kuti uwane pfupiso yebhuku raMapisarema, ona “Mapisarema” muNhungamiro kuMagwaro Matsvene.

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwako wega

Mazano eKunzvera Magwaro Matsvene Kwako Wega

Mapisarema 1; 23; 26–2846

Mapisarema anotidzidzisa kuvimba naIshe.

Ungangocherechedza apo paunoverenga Mapisarema kuti vanyori vanoratidza kakawanda zvakadini kutya, rusuwo, kana kushushikana. Manzwiro akadaro ndeamazuva ose, kunyangwe kuvanhu vorutendo. Asi chinoita kuti Mapisarema akurudzire igadziriso dzaanopa, kusanganisira ruvimbo rwakazara muna Ishe. Funga pamusoro pamashoko anokurudzira aya apo paunoverenga Mapisarema 1; 23; 26–2846. Tarisa zvinotevera, uye nyora pasi zvaunowana:

  • Kukokwa kuvimba naIshe:

  • Mashoko anotsanangura Ishe:

  • Mashoko anotsanangura runyararo, simba, nemamwe maropafadzo aVanopa:

  • Mashoko anotsanangura avo vanovimba Navo:

Mapisarema 222

Mapisarema anonangisa pfungwa dzedu kuupenyu nehushumiri hwaJesu Kristu.

MaPisarema akati wandei anotaura nezve upenyu hwenyama hwaJesu Kristu. VaKristu munguva dzeTestamente Itsva vakaonawo kufambirana uku—semuenzaniso, vakaona muPisarema 2 kutaurwa kwekutongwa kwaJesu pamberi paMambo Herode naPontio Pirato (ona Mabasa Avaapositira 4:24–30). Funga pamusoro pekuverenga Mapisarema 2 uye 22 pamwechete naMateo 27:35–46; Ruka 23:34–35; uye Johane 19:23–24. Tarisa kufambirana kuri pakati pemashoko ari mumapisarema aya neupenyu hweMuponesi, uye ramba uchitsvaga kufambirana kwakafanana apo paunonzvera bhuku reMapisarema nomukati memavhiki mashoma anotevera.

Fungidzira kuti uri muJuda munguva yaJesu aiziva nezve Mapisarema uye akaona kufambirana kwawo neupenyu hweMuponesi. Ruzivo urwu rungadai rwakava sei ropafadzo kwauri?

Onawo Mapisarema 31:5; 34:20; 41:9; Ruka 24:44; VaHeberu 2:9–12.

Mapisarema 8; 1933

“Panyika pazere nerunako rwaIshe. ”

Kuverenga Mapisarema 8; 19; uye 33 kunogona kukukurudzira kuti ufunge pamusoro pezvisikwa zvakawanda zvakanaka zvaIshe . Fungisisa nezve ndangariro dzako uye manzwiro ako paunoita kudaro. Zvisikwa zvaIshe “zvinozivisa kubwinya kwaMwari” sei kwauri? (Zisarema 19:1).

Mapisarema 19:7–1129

Shoko raIshe rakasimba, “richifadza mwoyo.”

MuMapisarema, mashoko seekuti uchapupu, mitemo yakatarwa, murairo, uye mitongo anokwanisa kureva shoko raIshe. Chengeta izvozvo mupfungwa apo paunoverenga Pisarema 19:7–11. Ndima idzi dzinotaura kuti kudii pamusoro peshoko raIshe? Ko Pisarema 29 inokudzidzisei pamusoro peinzwi Ravo? Muruzivo rwako, shoko kana inzwi raIshe rakafanana sei netsananguro idzi?

Mufananidzo
Temberi yeConcepción Chile

Tinofanira kuve takachena uye tiri vakarurama pane zvemweya kuti tipinde pamberi paIshe .

Mapisarema 24; 26–27

Kupinda pamberi paIshe kunoda rucheno.

Nokuda kwokuti temberi kuJerusarema yakavakirwa pachikomo, ndevo yekuti “gomo raIshe” (Pisarema 24:3) inogona kureva temberi kana kuvepo kwaMwari. Izvi zvinowedzerei panzwisiso yako yePisarema 24? Zvinorevei kwauri kuva “nemaoko akachena, nemwoyo wakarurama ”? (Zsarema 24:4).

Ko Mapisarema 26 uye 27 anokudzidzisei pamusoro peimba yaIshe?

Onawo Mapisarema 15.

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwemhuri

Mazano ekuNzvera Magwaro Matsvene kweMhuri uye eNguva yeMhuri Pamba Manheru

Pisarema 22.Apo nhengo yemhuri imwechete painenge ichiverenga pisarema iri, vamwe vanokwanisa kutsvaga fanano muna Mateo 27:35–46. Zvino vanokwanisa kugovera manzwiro avo pamusoro paJesu Kristu uye kuzvipira Kwake kwaakaitira isu.

Pisarema 23.­Mhuri yako ingangonakidzwa nekudhirowa mifananidzo yechimwe chinhu chavanowana mupisarema racho kana murwiyo uye vachiita kuti nhengo dzemhuri dzifungidzire ndima kana manzwi anoenderana nemifananidzo yacho. Ishe vakafanana nemufudzi sei kwatiri?

Pisarema 24:3–5.Kusimbisa kukosha kwekuva nemaoko akachena uye nemwoyo wakarurama, unokwanisa kuverenga Pisarema 24:3–5 apo nhengo dzemhuri padzinenge dzichigeza maoko adzo. Maoko angamiririrei mupisarema iri? Mwoyo ungava chiratidzo chei? Chii chatingakwanisa kuiita kuchenesa maoko edu pane zvemweya uye nekururamisa mwoyo yedu?

Pisarema 30:5, 11.Pisarema 30:5 rine vimbiso yekuti “kuchema kungavapo madekwana, asi mufaro unosvika mangwanani.” Ishe vakashandura sei rusuwo rwedu kurwuita mufaro? Dzimwe nhengo dzemhuri dzingangonakidzwa nekuita mutamboweizvo ndima 11 zvainotsanangura.

Pisarema 33.Cherechedza kuti mashoko ekuti zvose, ose, vose, dzose, yose akashandiswa kangani mupisarema iri. Tinodzidzei pamusoro paIshe kubva pakudzokororwa kwekushandiswa kwemashoko aya, kunyanya mundima 13–15?

Pisarema 46:10.Mungangoita chimwe chinhu pamwechete chinoda kuti nhengo dzemhuri “dzidzikame.” Kudzikama kunokwanisa kutibatsira sei kusvika pakuziva Mwari? Ndeipi mikana yatinayo yekudzikama uye tosvika pakuziva Mwari?

Kuti uwane mamwe mazano ekudzidzisa vana, ona chirongwa chevhiki ino chiri muHuyai, Munditevere—Bhuku reVana Vadiki.

Kunatsurudza Kunzvera Kwako Wega

Iva nemafungiro aneuchenjeri. Magwaro matsvene akaita seMapisarema anowanzokurudzira vanhu kuti varumbidze Ishe nenzira dzine mafungiro ane uchenjeri. Kana iwe uchinzwa kukurudzirwa kuratidza kuzvipira kwako kuburikidza nemumhanzi, nhetembo, hunyanzvi hwezvemifananidzo, kana imwe nzira, ita saizvozvo. Funga pamusoro pekugoverana nevamwe zvaunoita kuti ubatsire vamwe kuvaka rutendo muna Baba Vokudenga naJesu Kristu.

Mufananidzo
Jesu akatakura hwai pamafudzi

The Good Shepherd (Mufudzi Akanaka,) naKen Spencer

Dhinda