Testamente Yekare 2022
Nyamavhuvhu 1–7. Jobo 1–3; 12–14; 19; 21–24; 38–40; 42: “Asi Ndinozovimba Naye”


“Nyamavhuvhu 1–7. Jobo 1–3; 12–14; 19; 21–24; 38–40; 42: ‘Asi Ndinozovimba Naye,’” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: Testamente Yekare 2022 (2021)

“Nyamavhuvhu 1–7. Jobo 1–3; 12–14; 19; 21–24; 38–40; 42, ” Huyai, Munditevere —Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: 2022

Mufananidzo
varume vatatu vachitaura nemurume ari pasi

The Judgments of Job, (Kutongwa kwaJobo,) naJoseph Brickey

Nyamavhuvhu 1–7

Jobo 1–3; 12–14; 19; 21–24; 38–4042

“Asi Ndinozovimba Naye ”

Apo paunoverenga pamusoro paJobo, Mweya unozokutungamirira kuti uwane zvokwadi zvakakosha zvinoenderena newe. Nyora pasi zvaunowana, uye wofungisisa kuti zvokwadi izvi zvinoshanda sei kwauri.

Nyora Pasi Manzwiro Ako

Chinhu chinoitika nguva dzose kunetseka kuti sei zvinhu zvakaipa zvichiitika kuvanhu vakanaka—kana kuti, sei zvinhu zvakanaka zvichiitika kuvanhu vakaipa. Sei Mwari, avo vanova muenzanisi, vachibvumira izvozvo? Mibvunzo yakaita seiyi inoongororwa kuburikidza nechiitiko chaJobo, mumwe wevanhu vakanaka uyo kwaari zvinhu zvakaipa zvakaitika. Nekuda kwemiedzo yaJobo, shamwari dzake dzakanetseka kanai aive munhu akanaka zvechokwadi. Jobo akachengetedza ururami hwake pachake uye akanetseka kana Mwari vaiva muenzanisi zvechokwadi. Asi zvisinei nekutambudzika kwake uye nekunetsekana,i Jobo akachengeta kuvimbika kwake uye rutendo rwake muna Jesu Kristu. Mubhuku raJobo, rutendo rwunopokanwa narwo uye nokuyedzwa asi harumbosiyiwi zvachose. Izvi hazvireve kuti mibvunzo yose inopindurwa. Asi bhuku raJobo rinodzidzisa kuti kudzamara yapindurwa, mibvunzo nerutendo zvinokwanisa kuwanikwa pamwechete, uye zvisinei nezvinoitika panguva iyoyo, tinokwanisa kuti nezva Ishe wedu, “Asi ndinozovimba Naye” (Jobo 13:15).

Kuti uwane pfupiso yebhuku raJobo, ona “Jobo” muNhungamiro kuMagwaro Matsvene (scriptures.ChurchofJesusChrist.org).

Mufananidzo
Learn More image
Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwako wega

Mazano eKunzvera Magwaro Matsvene Kwako Wega

Jobo 1–3; 12–13

Kuvimba kwangu muna Baba Vokudenga uye naJesu Kristu kunokwanisa kundibatsira kuti ndirambe ndakatendeka mumamiriro ose ezvinhu.

Zvitsauko zvokutanga zvaJobo zvakaitirwa kusimbisisa basa raSatani somuvengi kana mupomeri, kwete kutsanangura mataurirano chaiwo anoita Mwari naSatani. Apo paunoverenga zvinotaurwa naSatani pamusoro paJobo (ona Jobo 1:9–11; 2:4–5), ungangokufungisisa kana zvimwechetezvo zvichikwanisa kutaurwa pamusoro pako. Unogona kuzvibvunza kuti, Ndezvipi zvikonzero zvangu zvekuramba ndakatendeka kuna Mwari? Fungisisa miedzo yakapuwa Jobo uye nemhinduro dzake (ona Jobo 1:20–22; 2:9–10). Chii chaunodzidza kubva kwaari chingangokubatsira kutarisana nematambudziko ako?

Kunyangwe zvazvo Jobo aiyedza kuramba akatendeka, miyedzo yake nekutambura kwake zvakaramba zvichienderera mberi (cherechedza kuchema kwake muchitsauko 3). Chokwadi ndechekuti, kutambura kwake kwakaratidzika sekwaiwedzera, uye shamwari dzake dzakataura kuti Mwari vaiva vachimuranga (ona Jobo 4–5; 8; 11). Apo paunoverenga chikamu chemhinduro yaJobo muzvitsauko 12–13, funga pamusoro peizvo Jobo zvaaiziva pamusoro paMwari zvakamugonesa kuti arambe achivimba, zvisinei nokutambura kwake uye nemibvunzo isina kupindurwa. Chii chaunoziva pamusoro paMwari chinokubatsira kusangana nematambudziko? Wakasvika sei pakuziva zvokwadi izvi, uye zvakasimbisa sei rutendo rwako?

Jobo 19

Jesu Kristu ndiye Mununuri wangu.

Dzimwe nguva zvokwadi zvakakoshesesa zvinoratidzwa kwatiri pakati pamarwadzo edu akadzamisa. Fungisisa miyedzo yakatsanangurwa naJobo muna Jobo 19:1–22 uye chokwadi chaakaparidza muna Jobo 19:23–27. Zvino fungisisa maziviro aunoita kuti Mununuri wako anorarama. Ruzivo urwu rwunoita mutsauko wakadii apo paunosangana nemiyedzo yakaoma?

Onawo Dzidziso neZvibvumirano 121:1–12; 122.

Mufananidzo
murume akatarisa mudenga

Jobo, naGary L. Kapp

Jobo 21–24

“Paanondiyedza, ndichabuda ndakaita sendarama.”

Apo paunoverenga gakava pakati paJobo neshamwari dzake pamusoro pezvikonzero zvekutambura kwaJobo , ungangofungisisa mapinduriro aungaita mubvunzo waiva pakati pegakava ravo wekuti: Sei vakarurama dzimwe nguva vachitambura uye vakanyangara dzimwe nguva vasingarangwi? Funga pamusoro peizvi apo paunoverenga Jobo 21–24. Chii chaunoziva pamusoro paBaba Vokudenga uye chinangwa chavo icho chinokwanisa kubatsira kupa mhinduro? Ona, somuenzaniso, 2 Nifai 2:11–13; Mosaya 23:21–23; 24:10–16; Abrahama 3:22–26. Dallin H. Oaks, “Rupikiso muZvinhu Zvose,” Liahona, Chivabvu 2016, 114–17.

Jobo 38; 40; 42

Maonero aMwari akakura kupfuura angu.

Ashungurudzika nekupomerwa neshamwari dzake (ona Jobo 16:1–5; 19:1–3), Jobo akachema achemazve kuna Mwari achitsvaga tsananguro yekutambura kwake (ona Jobo 19:6–7; 23:1–931). Gosa Neal A. Maxwell vakacherechedza kuti “apo patinotadza zvakanyanya kuva nemwoyo murefu nenguva yaMwari avo vanoziva zvinhu zvose, ” sezvakaratidzika kuita Jobo, “tiri kutaura zvechokwadi kuti tinoziva zvakatinakira. Zvinoshamisa handiti—kuti isu vanhu vanopfeka wachi dzemumaoko tinotsvaga kuraira Iye anotungamirira wachi nemakarenda zvepasi nekudenga” (“Hope through the Atonement of Jesus Christ,” Ensign, Mbudzi 1998, 63). Fungisisa mashoko aya apo paunoverenga mhinduro yaMwari kuna Jobo muzvitsauko 38 uye 40. Ndezvipi zvokwadi zvaVaidzidzisa Jobo ? Sei zvokwadi izvi zvakakosha kuti tizvizive apo patinonetsekana nematambudziko nemibvunzo muupenyu hwenyama? Chii chinokufadza pamusoro pemhinduro yaJobo muna Jobo 42:1–6?

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwemhuri

Mazano ekuNzvera Magwaro Matsvene kweMhuri uye eNguva yeMhuri Pamba Manheru

Jobo 1:20–22.Kuti munzwisise manzwiro angangova akaita Jobo, sekutsanangurwa kwazvakaitwa mundima idzi, mhuri yenyu inokwanisa kuverenga “Jobo” muNyaya dzeTestamente Yekare kana kuita mutambo wemuna Jobo 1:13–22. Chii chatinokwanisa kudzidza kubva kumuenzaniso waJobo ?

Jobo 14:14.Tingapindura sei mubvunzo waJobo mundima iyi? Ndima dzaAruma 11:42–44 dzinokwanisa kutibatsira sei? ­

Jobo 16:1–5.Tinomboitawo seshamwari dzaJobo here, idzo dzakatonga nekushoropodza Jobo panguva yaaida nyaradzo? (ona Jobo 16:1–4; onawo Johane 7:24). Mashoko edu anokwanisa kusimbisa vamwe seimukurwadziwa kwavo? (ona Jobo 16:5).

Jobo 19:23–27.Mushure mokuverenga ndima idzi, nhengo dzemhuri dzinokwanisa kugoverana maziviro avanoita kuti Mununuri wedu anorarama. Mungangoshanda pamwechete kuisa mashoko enyu euchapupu (kana mifananidzo yevana yoMuponesi) mubhuku, rakaita sejenari remhuri (ona ndima 23). Munokwanisawo kuimba rwiyo runotaura nezve Muponesi, sezvakaita “Ndinoziva Mununuri Wangu Mupenyu” (Nziyo neDzevana Vadiki, nhamba 74), uye mogoverana ndevo dzinosimbisa rutendo rwenyu maAri.

Jobo 23:8–11.Zvinorevei “kubuda” kubva mumiyedzo yedu “sendarama”? Ndivanaani vatinoziva vakaita izvi? Vana vanogona kufadzwa nekugadzira chimwe chinhu chine mashoko anobva pandima 10 akonyorwa pachiri. Munogonawo kukurukura makundiro akaita Jesu Kristu miyedzo Yake (ona Ruka 22:41–44; Dzidziso neZvibvumirano 19:16–19).

Kuti uwane mamwe mazano ekudzidzisa vana, ona chirongwa chevhiki ino chiri muHuyai, Munditevere—Bhuku reVana Vadiki.

Rumbo rwakapuwa: “Ndinoziva Mununuri Wangu Mupenyu,” Nziyo neDzevana Vadiki, nhamba 74.

Kunatsurudza Kunzvera Kwako Wega

Fungidzira. Nzwisiso dzinoreva chinhu dzinokwanisa kuuya apo patinoedza kuzviisa isu pachedu mumagwaro matsvene. Somuenzaniso, kuzviisa iwe pachako mumamiriro ezvinhu aJobo kunokwanisa kukubatsira kufungisisa nezvehukama hwako naBaba Vokudenga naJesu Kristu.

Mufananidzo
varume vachitaura nemurume ari pasi

Job and His Friends (Jobo Neshamwari Dzake), naIlya Repin

Dhinda