Testamente Yekare 2022
Nyamavhuvhu 15–21. Mapisarema 49–51; 61–66; 69–72; 77–78; 85–86: “Ndichakududzirai Zvaakaitira Mweya Wangu”


“Nyamavhuvhu 15–21. Mapisarema 49–51; 61–66; 69–72; 77–78; 85–86: ‘Ndichakududzirai Zvaakaitira Mweya Wangu,’” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: Testamente Yekare 2022 (2021)

“Nyamavhuvhu 15–21. Mapisarema 49–51; 61–66; 69–72; 77–78;–78,” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: 2022

Mufananidzo
Jesu akabata mwenje

Saving That Which Was Lost (Kuchengetedza Izvo Zvakanga Zvakarasika), naMichael T. Malm

Nyamavhuvhu 15–21

Mapisarema 49–51; 61–66; 69–72; 77–78; 85–86

“Ndichakududzirai Zvaakaitira Mweya Wangu”

Chirongwa chechidzidzo chino chinodoma mimwe misoro yenyaya yedzidziso iyo yakataurwa mumapisarema aya. Apo paunonzvera, mamwe mashoko, mifananidzo, kana pfungwa zvinokwanisa kutaridzika kuva zvakakosha. Chii chaunonzwa kuti Ishe varikuedza kukudzidzisa?

Nyora Pasi Manzwiro Ako

Vanyori vaMapisarema vaigoverana manzwiro akadzama avo pachavo munhetembo dzavo. Vainyora pamusoro pokunzwa kuora mwoyo, kutya, uye kuzvidemba. Pane dzimwe nguva, vaitaridzika kunzwa kuti vakasiiwa naMwari, uye mamwe mapisarema ane manzwiro okushungurudzika kana kupererwa. Kana wakambova namanzwiro akafanana naaya, kuverenga Mapisarema kunokwanisa kukubatsira kuziva kuti hausiri iwe chete. Asi unozoonawo mapisarema ayo anokwanisa kukukurudzira apo paunenge uine manzwiro akadaro, nokuda kwokuti vanyori vemapisarema acho vakarumbidzawo Ishe nokuda kwerunako Rwavo, vakakahadzika pasimba Ravo, uye vakafara mungoni Dzavo. Vaiziva kuti nyika yakaremerwa nezvakaipa uye nezvivi asi kuti Ishe “vakanaka, vanofarira kukanganwira” (Pisarema 86:5). Vainzwisisa kuti kuva norutendo muna Ishe hazvirevi kuti hauzombofi wakatambura nekushushikana, chivi, kana kutya. Zvinoreva kuti unoziva Uyo wokutendeukira kwaari apo paunotambura nazvo.

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwako wega

Mazano eKunzvera Magwaro Matsvene Kwako Wega

Mapisarema 49; 62: 5–12

Rununuro runouya chete kuburikidza naJesu Kristu.

Pisarema 49 rine shoko “ravaduku navanokudzwa, vapfumi navarombo pamwechete” (ndima 2). Ungazoti shoko iri chii? Unonzwa kuti Pisarema 62:5–12 rinowedzera chii kushoko iroro?

Kuverenga mapisarema aya kunokwanisa kukukurudzira kufungisisa nzira idzo vamwe vanhu dzavanoisa ruvimbo rwavo mune chimwe chinhu kunze kwaMwari kuwana rununuro (ona Pisarema 49:6–7). Upenyu hwako hwunoshandurwa sei neuchapupu hwako hwokuti “Mwari vachanunura mweya [wako] pasimba reguva”? (ndima 15).

Onawo Zvirevo 28:6; Aruma 34 8–17.

Pisarema 51; 85–86

Nokuda kwengoni dzeMuponesi, ndinokwanisa kuregererwa pazvivi zvangu.

Teterero dzengoni muna Pisarema 51 dzakaitirwa Mambo Davidi, uyo aiva nemhosva yechoupombwe uye yokuponda (ona 2 Samueri 11). Kunyangwe apo zvivi zvedu pazvinenge zvisina kunyanya kukomba, tinokwanisa kunzwisisa kudikanwa kwenyasha dzakataurwa mupisarema iri. Tinokwanisa kudzidza chimwe chinhu pamusoro pezvazvinoreva kutendeuka. Somuenzaniso, ndeapi mashoko kana ndevo muna Pisarema 51 zvinokudzidzisa pamusoro pehunhu hwatinofanira kuva nahwo kuti titendeuke? Chii chaunodzidza pamusoro peshanduro iyo Rudzikinuro rweMuponesi yarunokwanisa kuva nayo muupenyu hwako?

Ungangobvunza mibvunzo mimwecheteyo apo paunoverenga Pisarema 85–86. Unokwanisawo kutsvaka ndevo idzo dzinotsanangura Ishe. Ndevo idzi dzinosimbisa sei rutendo rwako rwokuti Vanozokuregerera? (ona, somuenzaniso, Pisarema 86:5, 13, 15).

Onawo Aruma 36

Mapisarema 51:13–15; 66:16–17; 71:15–24

Uchapupu hwangu hwaJesu Kristu hwunokwanisa kubatsira vamwe kuuya Kwaari.

Fungisisa mawaniro aungaita uchapupu hwako hwaJesu Kristu uye simba rorudzikinuro Rwake. Zvino, apo paunonzvera Mapisarema 51:13–15; 66:16–17; 71:15–24, funga pamusoro pamakokero aungaita vamwe kuti “vauye uye vaone mabasa aMwari” (Pisarema 66:5). Zvinorevei kwauri “kutaura zuva rose nezve ururami [Hwake]”? (Zisarema 71:24). Unozoudza vamwe sei “zvaakaitira mweya [wako]”? (Zisarema 66:16).

Onawo Mosaya 28:1–4; Aruma 26.

Mufananidzo
vakomana vechidiki vaviri vachitaurirana

Tinokwanisa kugoverana navamwe uchapupu hwedu hweizvo Ishe zvavakatiitira.

Mapisarema 63; 69; 77–78

Ishe vanozondibatsira munguva yangu yokuda rubatsiro nokukurumidza.

Mapisarema akati wandei anotsanangura, nemutauro unopa manzwiro akasimba, kuti zvakaita sei kunzwa kuva kure naMwari uye kuda zvikurusa rubatsiro Rwavo. Ungangofunga kutsvaka tsananguro dzakaita sedziri muna Mapisarema 63:1, 8; 69:1–8, 18–21; 77:1–9. Chii chaunowana muna Mapisarema 63; 69; 77–78 icho chakapa vanyori vamapisarema vimbiso zvakare?

Apo paunenge uchishungurudzika, zvinokubatsira sei “kurangarira mabasa aIshe” uye “zvishamiso zvakare” Zvavo? (Pisarema 77:11). Zvimwe zvezvishamiso izvozvo zvakatsanangurwa muPisarema 78. Apo paunoverenga pamusoro pazvo, fungisisa nezve izvo zvinokubatsira “kumisira tariro [yako] kuna Mwari” (ndima 7). Ndezvipi zviitiko zvinobva munhoroondo yemhuri yako zvinokukurudzira?

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwemhuri

Mazano ekuNzvera Magwaro Matsvene kweMhuri uye eNguva yeMhuri Pamba Manheru

Pisarema 51:17.Funga pamusoro pamadzidzisiro aungaita mhuri yako zvazvinoreva kuva nemwoyo wakatyoka. Somuenzaniso, nhengo dzemhuri dzinokwanisa kuita zvijano kupwanya chimwe chinhu chine demhe rakaomarara, sezvakaita zai kana nzungu. Mwoyo yedu dzimwe nguva yakafanana sei nedemhe? Tingazarura sei mwoyo yedu kunaIshe? Kuverenga Pisarema 51 pamwechete zvingangopa mamwe mazano.

Pisarema 61: 2–3.Nhengo dzemhuri dzingangonakidzwa nokudhirowa mifananidzo yezviratidzo zviri mundima idzi uye kukurukura kuti Jesu Kristu akafanana sei “nedombo,” rakakwirira “utiziro [hwedu],” uye “shongwe yakasimba.”

Mapisarema 71:17; 78: 5–7.Chii chinodiwa naIshe “kuti … uzivise kuvana [vako] ”? (Pisarema 78:5). Pamwe nhengo yemhuri yoga yoga inokwanisa kugovera muenzaniso “wamabasa anoshamisa,” aIshe sezvakaita nyaya yemumagwaro matsvene, chiitiko, kana uchapupu hwake pachake, ayo anovabatsira “kumisira tariro dzavo kuna Mwari,” (Mapisarema 71:17; 78:7).

Pisarema 72.Pisarema 72 rakanyorwa naDavidi pamusoro pemwanakomana wake Soromoni, asi zvizhinji zvaro zvinokwanisawo kushanda kuna Jesu Kristu. Apo mhuri yako painoverenga pisarema iri, vanokwanisa kusimudza mufananidzo weMuponesi apo pavanowana ndima dzinovayeuchidza nezva Jesu Kristu. Tingabatsira sei kuzadzikisa chishuviro chokuti “pasi pose ngapazadzwe nekubwinya kwake,” ? (Zisarema 72:19; onawo Dzidziso neZvibvumirano 65:2).

Pisarema 85:11.Ndima iyi inokwanisa kukurudzira hurukuro pamusoro pezviitiko zveKudzorerwa kwevhangeri—kuti sei Bhuku raMormoni riri chokwadi “[chakamera] kubva pasi” uye kuti vatumwa vokudenga “vakadzika kubva kudenga” sei (onawo Mosesi 7:62). ­

Kuti uwane mamwe mazano ekudzidzisa vana, ona chirongwa chevhiki ino chiri muHuyai, Munditevere—Bhuku reVana Vadiki.

Rumbo rwakapuwa: “Ndinokudai Nguva Dzose,” Nziyo neDzevana Vadiki, nhamba 22.

Kunatsurudza Kudzidzisa Kwedu

Shandisa nzira dzakasiyana siyana. “Tsvaka nzira dzaunokwanisa kuwedzera zvakasiyana siyana mukuedza kwako kudzidzisa vhangeri. Kuita izvozvo kunozowedzera udzamu uye runako kuchiitiko chacho. … Funga kuti kushandisa mumhanzi, nyaya, mifananidzo, uye dzimwe mhando dzeati kunokwanisa kukoka Mweya sei” (Teaching in the Savior’s Way, 22).

Mufananidzo
murume akagwadama pamberi paJesu

Doubt Not, Thomas (Usashaya Chokwadi, Tomasi), naJ. Kirk Richards

Dhinda