Testamente Yekare 2022
Nyamavhuvhu 22–28. Mapisarema 102–103; 110; 116–119; 127–128; 135–139; 146–150: “Zvinhu Zvose Zvinofema, Ngazvirumbidze Ishe”


“Nyamavhuvhu 22–28. Mapisarema 102–103; 110; 116–119; 127–128; 135–139; 146–150: ‘Zvinhu Zvose Zvinofema, Ngazvirumbidze Ishe,’” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: Testamente Yekare 2022 (2021)

“Nyamavhuvhu 22–28. Mapisarema 102–103; 110; 116–119; 127–128; 135–139; 146–150, ” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri:2022

Mufananidzo
Kristu akapfeka nguwo tsvuku akakomberedzwa nevanhu vakapfugama

Every Knee Shall Bow (Ibvi Rose Richapfugama), naJ. Kirk Richards

Nyamavhuvhu 22–28

Mapisarema 102–103; 110; 116–119; 127–128; 135–139; 146–150

“Zvinhu Zvose Zvinofema, Ngazvirumbidze Ishe”

Pisarema 119:105 inodzidzisa kuti shoko raMwari “chiedza kugwara [rako].” Apo paunoverenga Mapisarema, nyora pasi ndevo uye mazano anokukurudzira uye anobatsira kuvhenekera gwara rako rokudzokera kuna Baba Vokudenga.

Nyora Pasi Manzwiro Ako

Zita rechinyakare rechiJuda rebhuku raMapisarema ishoko rechiHeberu rinoreva kuti “rumbidzo.” Shoko iroro, Tehillim, rinoenderanawo nedaidziro yekuti “hareruya” (zvinoreva kuti “rumbidzai Jehova” kana kuti “rumbidzai Ishe”). Dai wakanga uchifanira kusarudza shoko rimwechete rekupfupikisa shoko guru raMapisarema, “rumbidzo” raizova sarudzo yakanaka. Mamwe amaMapisarema ane kukoka kwakananga kwekuti “rumbidzai imi Ishe ” (ona kunyanya Mapisarema 146–50), uye ose anokwanisa kukurudzira manzwiro ekunamata nekurumbidza. Mapisarema anotikoka kuti tifunge nezvesimba raIshe, netsitsi Dzavo, uye nezve zvinhu zvikuru zvaVakaita. Hatimbofa takakwanisa kuVaripa nezvinhu zvose izvi , asi tinokwanisa kuVarumbidza nokuda kwazvo. Rumbidzo iyoyo inogona kuratidzwa nenzira dzakasiyana kuvanhu vakasiyana—inogona kusanganisira kuimba, kunamata, kana kupa uchapupu. Kazhinji inotungamirira kukuzvipira kwakadzama kuna Ishe uye kukutevera dzidziso Dzavo. Zviri zvipi zvazvo zvingareva “rumbidzai imi Ishe” muupenyu hwako, unokwanisa kuwana imwe kurudziro yakawedzerwa yokuzviita apo paunoverenga nekufungisisa Mapisarema.

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwako wega

Mazano eKunzvera Magwaro Matsvene Kwako Wega

Mapisarema 102–3116

Ishe vanokwanisa kundinyaradza mukutambudzika kwangu.

Cherechedza matsananguriro anoita Pisarema 102:1–11 manzwiro eshuhsikano uye ekusurukirwa ayo anowanzouya panguva yekutambudzika. Zvimwe wakambova nemanzwiro akadai, uye tsanangudzo idzi dzinokubatsira kuti unzwisise zviitiko zvako zvirinani. Kana kuti ndima idzi dzingakubatsira kunzwisisa manzwiro evamwe vari kutambura.

Apo paunoverenga Mapisarema 102:12–28; 103116, tsvaga ndevo dzinokupa chivimbo chekuti unokwanisa “kudana zita raIshe” mumiyedzo yako (Pisarema 116:13). Ungangoda kumaka, kuziva nemusoro, kana kugoverana nevamwe ndevo dzinokupa tariro maVari.

Onawo Muporofita Isaya 25:8; 2 VaKorinte 1:3–7; VaHeberu 2:17–18; Aruma 7:11–13

Mufananidzo
Jesu achiporesa

Healing (Kuporesa), naJ. Kirk Richards

Mapisarema 110118

Mapisarema anokwanisa kundinongedzera kuMuponesi.

Mapisarema ane ndima dzinonongedzera kuupenyu nehushumiri hwaJesu Kristu. Heino mienzaniso mishoma:

Ndezvipi zvokwadi zvaunodzidziswa nendima idzi pamusoro paJesu Kristu? Kuziva zvokwadi izvi kunokuropafadza sei?

Apo paunoverenga Mapisarema vhiki rino, ramba uchinyora pasi dzimwe ndima dzinokudzidzisa pamusoro peMuponesi. Ungangoverengawo kana kuteerera kune dzimwe nziyo dzaunofarira dzinokubatsira kufunga pamusoro Pavo.

Pisarema 119

Shoka raMwari rinozondichengeta ndiri munzira Yavo.

Pisarema iri rine ndevo zhinji dzinoenzanisa upenyu hwedu kurwendo rwekudzokera kuna Baba Vokudenga. Apo paunoverenga, tsvaga mashoko akaita safamba, gwara, nzira, tsoka, uye pembereka. Fungisisa rwendo rweupenyu hwako pachako—kwawakange uri, kwauri ikozvino, uye nedivi rawakananga kwariri. Chii chaunodzidza kubva kupisarema rino pamusoro perwendo rwako rwekudzokera kumba? Maererano nepisarema iri, chii chakapuwa naMwari kuti chikukubatsire kuramba uri mugwara rakarurama?

Unngangofarira kuziva kuti muchiHeberu chekutanga, ndima sere dzokutanga muPisarema 119 dzinotanga nevara rekutanga muarufabheti yechiHeberu. Ndima sere dzinotevera dzinotanga nevara rinotevera, zvichingodaro kusvika kumagumo earufabheti.

Onawo Muporofita Isaya 42:16; 2 Nifai 31:17–21; Aruma 7:19–20.

Mapisarema 134–36

Ishe vane simba kupfuura chifananidzo chipi zvacho.

Cherechedza zvikonzero zvakapuwa muPisarema 135:15–18 pamusoro pokuti sei huri hupenzi kuvimba navanamwari venhema. Chii chaungaedzwa kuti uvimbe nacho chakafanana nezvifananidzo zvinotsanangurwa mundima idzi?

Ungangoita mudorongodzwa wezvinhu zvine simba zvinokwanisa kuitwa naIshe, sekutsanangurwa kwazvakaitwa muna Mapisarema 134–36. Ndezvipi zvinhu zvine simba zvaVakakuitira?

Mapisarema 146 –50

“Rumbidzai imi Ishe.”

Apo paunoverenga mapisarema aya ekupedzisira erumbidzo, funga pamusoro pezvikonzero zvaunazvo zvekurumbidza Ishe. Sei zvakakosha kuti tiVarumbidze? Ndedzipi nzira dzaungakwanise kuVarumbidza nadzo?

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwemhuri

Mazano ekuNzvera Magwaro Matsvene kweMhuri uye eNguva yeMhuri Pamba Manheru

Pisarema 119:105.Pamwe mhuri yenyu inokwanisa kugadzira gwara uye vofamba nepariri murima, vachishandisa mwenje kuvhenekera nzira iri pamberi. Apo pamunofamba, unokwanisa kubvunza mibvunzo yakaita sekuti “Chii muupenyu hwedu chakaita serima rino? ”Kana kuti “Shoko raMwari rakafanana sei nechiedza? ” Kuimba rwiyo pamusoro pechiedza chaMwari, sezvakaita “Ndidzidzisei Kufamba Muchiedza” (Nziyo neDzevana Vadiki, 128), kunokwanisa kukubatsirai kunyatsosimbisa musimboti unodzidziswa muPisarema 119:105.

Mapisarema 127–28.Zvinorevei kuti Ishe vatibatsire “kuvaka imba [yedu]”? (Pisarema 127:1). Tingakwanise sei kuVabatanidzira zvirinani mukuedza kwedu kuvaka imba yakarurama? Kubatsira mhuri yako kupindura mubvunzo uyu, ungangodhirowa imba pachidimbu chebepa woicheka kuita zvidimbu zvepazuru. Kumashure kwechidimbu chimwe nechimwe, nhengo dzemhuri dzinokwanisa kunyora kana kudhirowa nzira dzekuita nadzo Ishe chikamu cheimba yenyu. Zvino munokwanisa kuisa pazuru yacho pamwechete. Ndezvipi zvimwezve zvatinowana mumapisarema aya zvinotikurudzira kufamba munzira dzaIshe?

Pisarema 139.Mushure mokuverenga ndima 1–4, nhengo dzemhuri dzinokwanisa kutaura pamusoro pamasvikiro avakaita pakuziva kuti Mwari vanovaziva ivo pachezvavo (onawo ndima 14–15, 23–24).

Mapisarema 146–50.Ungangokoka mhuri yako kuti iverenge ndima shoma dzeMapisarema 146–50 zvinonzwika, vachiedza kuratidza manzwiro emunyori. Tingakwanise sei kuratidza rumbidzo yedu kuna Ishe? Nhengo dzemhuri dzingangonakidzwa nekunyora mapisarema avo pachavo erumbidzo uye nokuagoverana pakati pavo.

Kuti uwane mamwe mazano ekudzidzisa vana, ona chirongwa chevhiki ino chiri muHuyai, Munditevere—Bhuku reVana Vadiki.

Rumbo rwakapuwa: “Ndidzisei Kufamba Muchiedza,” Nziyo neDzevana Vadiki, 128.

Kunatsurudza Kudzidzisa Kwedu

Mufananidzo
nzira musango

“Ndifambisei munzira yemirairo yenyu; nokuti ndinoifarira kwazvo” (Pisarema 119:35).

Dhinda