Testamente Yekare 2022
Nyamavhuvhu 29–Gunyana 4. Zvirevo 1–4; 15–16; 22; 31; Muparidzi 1–3; 11–12: “Kutya Ishe Ndiko Kuvamba Kwezivo”


“Nyamavhuvhu 29–Gunyana 4. Zvirevo 1–4; 15–16; 22; 31; Muparidzi 1–3; 11–12: ‘Kutya Ishe Ndiko Kuvamba Kwezivo’” Huyai, Munditevere—Bhuku raVanhu Pachavo neMhuri: 2022 (2021)

“Nyamavhuvhu 29–Gunyana 4. Zvirevo 1–4; 15–16; 22; 31; Muparidzi 1–3; 11–12,” Huyai, Munditevere—Bhuku raVanhu Pachavo neMhuri: 2022

Mufananidzo
murume ari kunzvera magwaro

Nyamavhuvhu 29–Gunyana 4

Zvirevo 1–4; 15–16; 22; 31; Muparidzi 1–3; 11–12

“Kutya Ishe Ndiko Kuvamba Kwezivo”

Funga kuti kunzvera kwako Zvirevo uye naMuparidzi kunokwanisa kukubatsira sei kuti “urerekere nzeve yako iteerere uchenjeri, uye kushandise mwoyo wako kuti unzwisise” (Zvirevo 2:2).

Nyora Pasi Manzwiro Ako

Muchitsauko chekutanga chebhuku raZvirevo, tinowana mashoko aya: “Mwanakomana wangu, inzwa kurairira kwababa vako; Usarasha kudzidzisa kwamai vako” (Zvirevo 1:8). Zvirevo rinogona kutorwa semuunganidzwa wemashoko eungwaru kubva kumubereki ane rudo, uyo shoko guru riri rokuti maropafadzo erunyararo nebudiriro anouya kune avo vanotsvaga uchenjeri—kunyanya rudzi rweuchenjeri hunopuwa naMwari. Asi Zvirevo rinoteverwa nebhuku raMuparidzi, iro rinoita serinotaura kuti, “Hazvisi zviri nyore kudaro.” Muparidzi uyo anopatwa muna Muparidzi akacherechedza kuti “akarwadziwa moyo [wake] kuti azive uchenjeri ” asi akangowana ‘kudzigana nemweya’ uye “kuchema kuzhinji” (Muparidzi 1:17–18). Munzira dzakasiyana-siyana, bhuku racho rinobvunza kuti, “Panogona kuva nerevo chaiyo here munyika umo zvinhu zvese zvinotaridzika sezvisina maturo, zvenguva pfupi, uye zvisinganzwisisiki kwazvakananga?”

Uye kunyange zvakadaro, apo mabhuku maviri aya anotarisa paupenyu kubva mumaonero akasiyana, anodzidzisa zvokwadi zvakafanana. Muparidzi rinozivisa kuti: “Zvino shoko guru pazvose zvatanzwa heri: Itya Mwari, uchengete mirairo yake; nokuti ndizvo zvakafanira vanhu vose.” (Muparidzi 12:13). Uyu ndiwo musimboti mumwechetewo unowanikwa nomuna Zvirevo mese wekuti: “Vimba naIshe nomwoyo wako wose. … Usazviti wakachenjera; Itya Ishe” (Zvirevo 3:5,7). Zvinesi nezvingaitika muhupenyu hwako, kunyangwe apo pazvinotaridzika sezvinovhiringidza uye zvinongoitika pasina chikonzero, nguva dzese zvinovanani apo patinovimba naIshe Jesu Kristu.

Kuti uwane pfupiso yamabhuku aya, ona “Zvirevo” uye “Muparidzi” muNhungamiro Kumagwaro Matsvene.

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwako wega

Mazano eKunzvera Magwaro Matsvene Kwako Wega

Zvirevo 1–4; 15–16

“Urerekere nzeve yako iteerere uchenjeri.”

Bhuku raZvirevo rakazara noruzivo pamusoro pouchenjeri Funga pamusoro pokutara shoko rinoti “uchenjeri ” uye nemamwe mashoko akafanana, saanoti “ruzivo” uye “kunzwisisa,” apo paunoawana muzvitsauko 1–4 uye 15–16. Ndima idzi dzinoshandura sei mafungiro aunoita pamusoro peuchenjeri? Kubva pane izvo zvaunowana, ungatsanangura sei uchenjeri uhwo “Ishe hwavanopa”? (Zvirevo 2:6). Funga pamusoro pamatsvagiro auri kuita rubatsiro rwaIshe kuti uve “anomoyo wakachenjera” (Zvirevo 16:21). Maropafadzo api anouya kubva pauchenjeri hwaMwari?

Onawo Zvirevo 8–9; Mateo 7:24–27; 25:1–13.

Zvirevo 1:7; 2:5; 16:6; 31:30; Muparidzi 12:13

Chii chinonzi “kutya Ishe”?

Gosa David A. Bednar vakatsanangura kuti: “Pakusiyana nekutya kwenyika uko kunoita kuti uvhunduke uye unetsekane, kutya kwehumwari kunopa rugare, rusimbiso, uye ruvimbo. … Kunobatanidzira kunzwa kwakadzama kweruremekedzo, rukudzo, uye ruyemuro rwaIshe Jesu Kristu; kuteerera kumirairo Yake; uye kutarisira Mutongo Wekupedzisira uye noruenzaniso runobva kwaVari. … Kutya Mwari ndiko kuda uye nokuvimba maVari” (“Therefore They Hushed Their Fears,” Liahona, Chivabvu 2015, 48–49).

Onawo Zvirevo 8:13.

Zvirevo 4

“Gadzirira tsoka dzako gwara.”

Zvirevo 4 chinotsanangura uchenjeri uye ururami “segwara” kana kuti “nzira” (Onawo Zvirevo 3:5–6). Apo paunoverenga chitsauko ichi, unogona kuwana ndima dzinokubatsira kufungisisa ‘gwara retsoka dzako’ (ndima 26) uye kuti nhanho dzako dziri kukuswededza sei pedyo naIshe. Semuenzaniso, ndima 11–12 uye 18–19 dzinodzidzisei pamusoro pamaropafadzo ekutevera gwara kwaro? Ndima 26 uye 27 dzinorevei kwauri?

Onawo 2 Nifai 31:18–21.

Zvirevo 15:1–2, 4, 18, 28; 16:24–32

“Mhinduro nyoro inodzora kutsamwa.”

Zvimwe zvirevo zviri muzvitsauko 15 ne16 zvinogona kukukurudzira kuti unatsurudze matauriro aunoita nevamwe, kunyanya vadikanwi. Semuenzaniso, funga pamusoro pedzimwe nguva apo paungadai wakashandisa “mhinduro nyoro” pane kushandisa “mashoko anorwadza” (Zvirevo 15:1). Rairo iri muna Zvirevo 16:24–32 inokubatsira sei kufunga pamusoro pamashoko aunoshandisa?

Funga pamusoro pamafungiro aya kubva kuna Gosa W. Craig Zwick: “‘Mhinduro nyoro’ inosanganisira mhinduro yanyatsofungisiswa—mashoko akapfava anobva pamwoyo unozvininipisa. Hazvirevi kuti tisambotaura chokwadi chakajeka kana kuti tideredze dzidziso dzechokwadi. Mashoko angangova akakomba muruzivo rwawo anokwanisa kuva manyoro mumataurirwe awo” (“What Are You Thinking?Liahona, Chivabvu 2014, 42).

Mufananidzo
mudzimai achipa zvokudya kushiri dzomugungwa

Who Can Find a Virtuous Woman? [Ndiani Angawana Mukadzi Anohunhu Hwakanaka?]II, naLouise Parker

Zvirevo 31:10–31

“Mukadzi anotya Ishe, ndiye anofanira kurumbidzwa”

Zvirevo 31:10–31 dzinorondedzera “mukadzi anohunhu hwakanaka,” kana kuti mukadzi ane simba, kwaniso uye neshanduro huru panezvemweya. Unogona kuedza kupfupisa mumashoko ako pachako zvinotaurwa neimwe neimwe yendima idzi pamusoro pake. Ndehupi humwe hunhu hwake hwaungatevedzera?

Muparidzi 1–3;12

Hupenyu hwepanyika ndohwechinguva chipfupi.

Sei zvakakosha kuti urangarire kuti zvakawanda munyika ino, sekutaura kunoitaMuparidzi 1–2, “hazvina maturo ” (kana kuti ndezvechinguva chidiki uye kazhinji hazvina kukosha)? Chii chaunowana muchitsauko 12 icho chinopa upenyu kukosha kwokusingaperi?

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwemhuri

Mazano ekuNzvera Magwaro Matsvene kweMhuri uye eNguva yeMhuri Pamba Manheru

Zvirevo.Mhuri yenyu ingangonakidzwa nekugadzira “bhuku reZvirevo” renyu pachenyu—muunganidzwa werairo dzouchenjeri kubva mumagwaro matsvene navaporofita vamazuva ekupedzisira.

Zvirevo 1:7; 2:5; 16:6; Muparidzi 12:13–14.Kubatsira nhengo dzemhuri kunzwisisa Zvirevo 1:7; 2:5; 16:6; Muparidzi 12:13, zvingangobatsira kuchinjanisa shoko rekuti kutya namashoko akaita saruremekedzo, rudo, kana rukudzo (onawo VaHeberu 12:28). Izvi zvinoshandura sei nzira yatinofunga nayo pamusoro pendima idzi? Tinoratidza sei kuti tinotya Ishe?

Zvirevo 3:5–7.Kubatsira nhengo dzemhuri kufungidzira izvo zvinodzidziswa nendima idzi, unogona kuvakoka kuti vasendamire pane chimwe chinhu chakasimba uye chakatsiga, chakaita semadziro. Zvino vanogona kuedza kusendamira pane chimwe chinhu chisina kusimba, semutsvairo. Sei tisingafaniri “kusendama panjere [dzedu]”? Tingaratidza sei kuti tinovimba naJesu Kristu nemwoyo yedu yese?

Zvirevo 15:1–2,18; 16:24,32.Mashoko edu anoshandura sei mweya mumba medu? Pamwe nhengo dzemhuri dzinogona kudzidzira kupa “mhinduro nyoro” kune “shoko rinorwadza” uye voedza kushandisa zvavanodzidza muhurukuro pakati pavo. Rumbo rwakaita serwekuti “Tsitsi Dzinotanga Neni” (Nziyo neDzevana Vadiki,123) runogona kuita kuti musimboti uyu unyatsopinda mupfungwa.

Kuti uwane mamwe mazano ekudzidzisa vana, ona chirongwa chevhiki ino chiri muHuyai, Munditevere—Bhuku reVana Vadiki.

Rumbo rwakapuwa: “Rudo Mumba,” Nziyo neDzevana Vadiki, 86.

Kunatsurudza Kunzvera Kwako Wega

Mashoko emagwaro matsvene anoshanda kune vese. Dzimwe ndima dzemagwaro matsvene dzinoreva varume chete kana vakadzi chete (sezvakaita Zvirevo 3:13; 31:10). Asi kakawanda misimboti iri mundima idzi inoshanda kumunhu wese.

Mufananidzo
Jesu achitungamira makwai maviri musango

“Umutende panzira dzako dzose, Agoruramisa makwara ako ose.” (Zvirevo 3:6). He Leadeth Me, [Anonditungamirira] naYongsung Kim, havenlight.com

Dhinda