Testamente Yekare 2022
Gunyana 19–25 Muporofita Isaya 40–49: “Nyaradzai Vanhu Vangu”


“Gunyana 19–25. Muporofita Isaya: ‘Nyaradzai Vanhu Vangu,’” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: Testamente Yekare 2022 (2021)

“Gunyana 19–25. Muporofita Isaya,” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: 2022

Mufananidzo
Jesu achiporesa murume bofu

Healing the Blind Man [Kuporesa Murume Bofu], naCarl Heinrich Bloch

Gunyana 19–25

Muporofita Isaya 40–49

“Nyaradzai Vanhu Vangu”

Isaya kazhinji aishandisa mutauro wezviratidzo. Teerera kupfungwa uye manzwiro anounzwa nezviratidzo izvi kundangariro uye kumwoyo wako. Izvi zvingangokubatsira kunzwisisa zvirinani zvaakadzidzisa.

Nyora Pasi Manzwiro Ako

“Nyaradza” ndiro shoko rekutanga raIsaya chitsauko 40. Rinoratidza mavambo ekushandiswa kwemazwi akasiyana, simbiso yakasiyana mushoko remuporofita. Kunyangwe zvinyorwa zvekutanga zvaIsaya zvaiyambira Israeri neJuda pamusoro peruparadzo neutapwa zvaizouya nokuda kwezvivi zvavo, huporofita hwakazouya pashure uhwu hwaiva nechinangwa chekunyaradza vaJuda mumakore eramangwana anopfuura zana nemakumi mashanu—mushure mekunge Jerusarema yaparadzwa , temberi yakasvibiswa, uye vanhu vakatorwa senhapwa neBabironi. Asi huporofita uhwu hune shanduro kunyangwe kune avo vari mberi mberi mune remangwana kupfuura kuvaIsraeri vakakundwa uye vakaodzwa mwoyo. Hunotaura kwatiri, isuwo dzimwe nguva vanonzwa kukundwa, kuodzwa mwoyo, uye kunyangwe kurasika.

Shoko raIsaya kwavari uye kwatiri riri nyore: “Musatya” (Muporofita Isaya 43:1). Zvose hazvina kurasika. Ishe havana kukukanganwai, uye Vane simba pamusoro pamamiriro ezvinhu anoratidzika seasiri mumaoko ako. Ishe havasi here “iye wakasika denga rose, uye … iye wakatambanudza nyika, uye … iye unopa vanhu varimo kufema”? (Muporofita Isaya 42:5). Havana simba guru here kupfuura Babironi, kupfuura chivi, kupfuura chipi zvacho chiri kukubata senhapwa? “Dzokera kwandiri,” Vanoteterera, “nokuti ndakakudzikinura” (Muporofita Isaya 44:22). Vanokwanisa kuporesa, kudzorera, kusimbisa, kuregerera, uye nekunyaradza—chipi zvacho chinodiwa kwauri, pauri iwe, kuti ununurwe.

Kuti udzidze mafananidziro akaita Nifai naJakobo Muporofita Isaya 48–49 kuvanhu vavo, ona 1 Nephi 22 uye 2 Nephi 6.

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwako wega

Mazano eKunzvera Magwaro Matsvene Kwako Wega

Muporofita Isaya 40–49

Jesu Kristu anokwanisa kundinyaradza uye kundipa tariro.

Zvinofanira kunge zvaiodza mwoyo, kunyangwe kurwadza pamwoyo zvikurusa, kuvaIsraeri kuzviwana vari nhapwa muBabironi. Vazhinji vanogona kunge vakanetseka kana vakanga varasa zvachose nzvimbo yavo sevanhu vaMwari vakasarudzwa uye vechibvumirano. Apo paunoverenga Muporofita Isaya 40–49, tsvaga ndima dzingangova dzakapa nyaradzo netariro. Pandima imwe neimwe yaunowana, fungisisa uye wonyora pasi izvo Ishe zvavangange vachitaura kwauri mundima idzi. Hedzino ndima shoma dzaungangotanga nadzo.

Ungakwanise sei kugoverana mashoko aya nemumwe munhu anoda kurudziro kana tariro? (ona Muporofita Isaya: 40:1–2).

Onawo Jeffrey R. Holland, “A Perfect Brightness of Hope,” Ensign kana Liahona, Chivabvu 2020, 81–84.

Mufananidzo
rwizi rwuri musango

Nekuteerera Ishe, tinokwanisa kuva “nerugare … sorwizi” (Muporofita Isaya 48:18).

Muporofita Isaya 40:3–8, 15–23; 42:15–16; 47:7–11

Simba raMwari rakakura kupfuura simba repanyika.

Isaya akadzokorora kuyeuchidza vanhu vake nezvesimba risingaenzaniswi raMwari, kunyangwe kuenzaniswa nesimba reudzvinyiriri renyika rakavakomberedza Tsaka shoko iri apo paunoverenga Muporofita Isaya 40:3–8, 15–23; 42:15–16; uye 47:7–11 (cherechedza kuti chitsauko 47 chinotaurwa kumutapi weIsraeri, Babironi). Chii chaunodzidziswa nendima idzi pamusoro pezvinhu zvenyika? Chii chadzinokudzidzisa pamusoro paMwari? Fungisisa kuti sei shoko iri ringangova rakanga rakakosha kuvaJuda muutapwa. Sei rakakosha kwauri?

Onawo “Abide with Me!Hymns, nhamba 166.

Muporofita Isaya 41:8–13; 42:1–7; 43:9–12; 44:21–28; 45:1–4; 48:10; 49:1–9

“Uri muranda wangu.”

Nemose muna Muporofita Isaya 40–49 Ishe vanotaura nezve “muranda” Wavo uye “zvapupu” Zvavo. Mune dzimwe ndima mashoko aya anoratidzika seanotaura Jesu Kristu (ona Muporofita Isaya 42:1–7), mamwe anotaura imba yaIsraeri (ona Muporofita Isaya 45:4) asi zvakadaro mamwe anotaura Mambo Koreshi, uyo akabvumira vaJuda kuti vadzokere kuJerusarema uye vagovakezve temberi (ona 44:26–45:4). Munyaya imwe neimwe, zvisinei, ungangofungisisawo mashandiro anoita ndima idzi kwauri semuranda uye chapupu chaIshe. Semuenzaniso, fungisisa mibvunzo yakaita seiyi:

Muporofita Isaya 41:8–13; 42:6; 44: 21. Chii chawakadaidzwa naIshe kuti uite? Funga pamusoro pedaidzo dzeChechi dzepamutemo pamwepo nemamwe mabasa echibvumirano ekuVashandira. Vanokutsigira sei uye “nokubata ruoko [rwako]” (Muporofita Isaya 42:6) apo paunoshandira? “Vakakuumba” sei kuti uve muranda Wavo? (onawo Muporofita Isaya 48:10).

Muporofita Isaya 43:9–12 Uri chapupu chaJesu Kristu nenzira ipi? Zviitiko zvipi muupenyu hwako zvakakuratidza kuti Ndiye Muponesi?

Muporofita Isaya 49:1–9 Ndeapi mashoko aunowana mundima idzi anokwanisa kukubatsira apo kuedza kwako uye kushandira kwako pakunoratidzika sekunge “pasina, uye kusina maturo”? (ndima 4).

Onawo Mosaya 18:9 ­

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwemhuri

Mazano ekuNzvera Magwaro Matsvene kweMhuri uye eNguva yeMhuri Pamba Manheru

Muporofita Isaya 40:3–4Kuti uone zvazvingangoreva “kugadzira … nzira yaIshe,” mhuri yako inokwanisa kutwasanudza chimwe chinhu chakakombama, kubvisa ungwanda-ngwanda pasi, kana kugadzira nzira yakatsetseka muvhu rine matombo. Unokwanisawo kuratidza mifananidzo yaJohane Mubhabhatidzi uye Joseph Smith (ona muGospel Art Book, nhamba 35,ne87). Vakagadzira sei nzira kuitira kuuya kwaIshe? (ona Ruka 3:2–18; Dzidziso neZvibvumirano 135:3). Tinobatsira sei kugadzira nzira Yavo? (semuenzaniso, ona Dzidziso neZvibvumirano 33:10).

Muporofita Isaya 40:28; 43:14–15; 44:6.Ndeapi mazita kana mamwe madaidzirwo aJesu Kristu atinowana mundima idzi? Zita rimwe nerimwe rinotidzidzisei pamusoro Pake?

Muporofita Isaya 41:10; 43:2–5; 46:4.Ndima idzi dzinowanikwa murwiyo rwunoti “Hwaro Hwakasimba” (Nziyo neDzevana Vadiki nhamba 10). Mhuri yako ingangofadzwa nekuimba rwiyo rwacho pamwechete uye nekutsvaga ndevo marwuri dzakafanana nendevo dziri mundima idzi. Ndevo idzi dzinotidzidzisei pamusoro paJesu Kristu?

Muporofita Isaya 44:3–4; 45:8Mushure mekuverenga ndima idzi, mhuri yako inokwanisa kudiridza chirimwa apo pamunotaura nezve maropafadzo ayo Ishe avakadurura pavari. Chii chinoitika kuchirimwa kana tichichidiridza? Chii chinotarisirwa naIshe kubva kwatiri apo pavanotiropafadza?

Muporofita Isaya 48:17–18.Funga pamusoro pekuratidza mifananidzo kana mavhidhiyo enzizi uye masaisai egungwa. Runyararo rwunokwanisa sei kuva serwizi? Ururami hunokwanisa sei kuva semasaisai?

Kuti uwane mamwe mazano ekudzidzisa vana, ona chirongwa chevhiki ino chiri muHuyai, Munditevere—Bhuku reVana Vadiki.

Rwiyo rwakapuwa: “Hwaro Hwakasimba,” Nziyo neDzevana Vadiki, nhamba 10.

Kunatsurudza Kunzvera Kwako Wega

Tsanangura mashoko. Edza kutsvaga tsananguro dzemashoko ausinganzwisise mumagwaro matsvene—uye kunyangwe mashoko aunofunga kuti unonzwisisa. Dzimwe nguva tsananguro dzinokwanisa kukubatsira kuverenga ndima zvakasiyana uye ugowana nzwisiso itsva dzemweya.

Mufananidzo
Jesu aine musikana nemurume

“Jehova wakanyaradza vanhu vake, uye uchanzwira tsitsi vanotambudzika” (Muporofita Isaya 49:13)Balm of Gilead [Barsami yeGireadi], naAnn Adele Henrie

Dhinda