Testamente Yekare 2022
Pfungwa dzoKuchengeta muNdangariro: Vaporofita uye Uprofita


“Pfungwa dzeKuchengeta muNdangariro: Vaporofita uye Huporofita,” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: Testamente Yekare 2022 (2021)

“Pfungwa dzeKuchengeta muNdangariro: Vaporofita uye Huporofita” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: 2022

Mufananidzo
mufananidzo wepfungwa

Pfungwa dzeKuchengeta muNdangariro

Vaporofita uye Huporofita

Muchikamu chezvetsika yechiKristu cheTestamente Yekare, chikamu chekupedzisira (Muporofita Isaya kusvikira kuna Muporofita Maraki) chinodaidzwa kunzi “Vaporofita.”1 Chikamu ichi, chingangova chikamu chimwechete kubva muzvina cheTestamente Yakare, chine mashoko evaranda vane mvumo vaMwari, avo vakataura naIshe uye vakazotaura vakaVamiririra vachigoverana nevanhu shoko Ravo pakati pa900 na500 Kristu Asati Azvarwa.2

Vaporofita uye nehuporofita vane basa rakakosha muTestamente Yekare yose. Vanateteguru Abrahama, Isaka naJakobo vakaona zviratidzo uye vakataura nevatumwa vedenga. Mosesi akataura naMwari vakatarisana uye akazivisa chido Chavo kuvana vaIsraeri. Mabhuku eKutanga neeChipiri aMadzimambo anotsanangura mabasa asingakanganwikwe uye nemashoko evaporofita Eria naErisha. Testamente Yekare inotaurawo nezve vaporofitakadzi vakaita saMiriami (ona Eksodo 15:20) uye Debora (ona Vatongi 4), pamwepo nemamwe madzimai akaropafadzwa nemweya wehuporofita, vakaita saRebeka (ona Genesi 25:21–23) uye Hana (ona 1 Samueri 1:20–2:10). Uye kunyangwe zvazvo Mapisarema asina kunyorwa navaporofita vakagadzwa pamutemo, naiwoo azere nemweya wehuporofita, kunyanya apo paanotarisira kukuuya kwaMesiasi.

Hapana chimwe cheizvi chinouya sechishamiso kuVatendi vaMazuva Ekupedzisira. Chokwadi ndechekuti, vhangeri rakadzorerwa raJesu Kristu rinotidzidzisa kuti vaporofita havasi vanongova chikamu chenhoroondo chinonakidza asi chikamu chakakosha chechirongwa chaMwari. Apo vamwe pavangangoona vaporofita sevanowanikwa chete munguva dzeTestamente Yekare, isu tinovaona sechinhu chatakafanana nacho nenguva dzeTestamente Yekare.

Zvakadaro, kuverenga chitsauko kubva kuna Muporofita Isaya kana kuna Muporofita Ezekieri kungangonzwika sekwakasiyana nokuverenga shoko remusangano mukuru kubva kuMutungamiri weChechi wazvino. Dzimwe nguva zvinokwanisa kuva zvakaoma kuona kuti vaporofita vechinyakare vaiva nechimwe chinhu chekutaura kwatiri. Mushure mazvose, nyika yatiri kurarama mairi nhasi yakasiyana zvikuru kubva kune iyo yavaiparidza nekuporofita mairi. Uye chokwadi chekuti tine muporofita anorarama chinokwanisa kumutsa mubvunzo wekuti: sei zvakakodzera kuedza nesimba—uye zvinoda kuedza nesimba—kuverenga mashoko evaporofita vechinyakare?

Ane chimwe chinhu chekutaura kwatiri

Kazhinji kacho, vanhu vanhasi havasirivo vateereri vekutanga vavaporofita veTestamente Yekare. Vaporofita ivavo vakanga vaine zvinetso zvenguva iyoyo zvavaigadzirisa munguva yavo nemunzvimbo yavo—sekugadzirisa kunoita vaporofita vedu vemazuva ekupedzisira zvinetso zvedu zvenguva ino nhasi.

Panguva imwecheteyo, vaporofita vanokwanisawo kutarisa zvinopfuura zvinetso zvenguva iyoyo. Chokutanga, vanodzidzisa zvokwadi zvekusingaperi, zvinoenderana nenguva ipi zvayo. Uye, varopafadzwa nezvakazarurwa, vanoona nzwisiso yakadzama yemamiriro ezvinhu zvose, maonero makurusa ebasa raMwari. Semuenzaniso, Isaya aiva asingakwanisa kungoyambira chete vanhu venguva yake pamusoro pezvivi zvavo—aikwanisawo kunyora pamusoro perusununguko rwavaIsraeri vaizorarama makore mazana maviri mune ramangwana uye panguva imwecheteyo achidzidzisa nezve rusununguko urwo runotsvagwa nevanhu vose vaMwari. Pamusoro paizvozvo, aikwanisa kunyora huporofita uhwo, kunyangwe nanhasi, huchakamirira kuzadzikiswa kwahwo kuzere—sevimbiso “dzenyika itsva” (Muporofita Isaya 65:17) iyo “izere nokuziva Jehova” (Muporofita Isaya 11:9), iyo madzinza eIsraeri akarasika paakaunganidzwa uye iyo “marudzi” “havangazodzidzi kurwa” (Muporofita Isaya 2:4). Chikamu chemufaro uye kurudziro zvinouya kubva pakuverenga mashoko evaporofita veTestamente Yekare vakaita saIsaya ndeche kuziva kuti isu tine chinhanho muzuva rinoshamisa ravakafungidzira.3

Saka apo paunoverenga huporofita hwechinyakare, zvinobatsira kudzidza pamusoro pemamiriro ezvinhu umo mahwakanyorwa. Asi unofanirawo kuzviona uri mahuri, kana “kuhufananidza kwauri [iwe pachako],” sekutaura kwakaita Nifai (ona 1 Nifai 19:23–24). Dzimwe nguva izvi zvinoreva kuti uzive Babironi semucherechedzo wezvepanyika uye werudado, kwete chete seguta rechinyakare. Zvinokwanisa kureva kunzwisisa Israeri savanhu vaMwari munguva ipi zvayo uye kunzwisisa Zioni sechikonzero chamazuva ekupedzisira chinoita kuti vanhu vaMwari vagamuchire, panzvimbo pekungova rimwe shoko rekuti Jerusarema.

Tinokwanisa kufananidza magwaro matsvene nokuti tinonzwisisa kuti huporofita hunokwanisa kuzadzikiswa nenzira dzakawanda.4 Muenzaniso wakanaka weizvi ndewe huporofita huri muna Muporofita Isaya 40:3: “Inzwi rounodanidzira, achiti, Gadzirirai murenje nzira yaJehova.” KuvaJuda vaiva nhapwa muBabironi, chirevo ichi chingangova chaitaura Ishe vachipa nzira yekubuda muutapwa uye nekudzokera kuJerusarema. Kuna Mateo, Marko, naRuka, huporofita uhwu hwakazadzikiswa muna Johane Mubhabhatidzi, uyo akagadzirira nzira yehushumiri hweMuponesi hwepano pasi.5 Uye Joseph Smith akagamuchira zvakazarurwa zvekuti huporofita uhwu huchiri kuzadzikiswa mumazuva ekupedzisira mukugadzirira hushumiri hwaKristu hwemireniari.6 Munzira dzatichiri kusvika pakunzwisisa, vaporofita vechinyakare vakataura kwatiri. Uye vakadzidzisa zvokwadi zvekusingaperi zvizhinji zvakakosha, zvinoshanda kwatiri semashandiro azvaiita kuIsraeri yechinyakare.

Mufananidzo
muporofita wechinyakare achinyora

Fulness of Times (Kuzara kweNguva), naGregK. Olsen

Vakapupura nezva Jesu Kristu

Pamwe zvakatonyanyisa kukosha kupfuura kuzviona iwe pachako muhuporofita hweTestamente Yekare ndezve kuona Jesu Kristu mahwuri. Kana ukaMutsvaga, unozoMuwana, kunyangwe kana dai asina kutaurwa nezita. Zvingangobatsira kuchengeta mupfungwa kuti Mwari weTestamente Yekare, Ishe Jehova, ndiye Jesu Kristu. Nguva ipi zvayo apo vaporofita pavanotsanangura izvo zviri kuitwa naIshe kana izvo zvaVachaita, vanenge vachitaura nezve Muponesi.

Unozowanawo kutaurwa kweUyo Akazodzwa (ona Muporofita Isaya 61:1), Mununuri (ona Muporofita Hosea 13:14), uye Mambo weramangwana anobva mumutsetse waDavidi (ona Muporofita Isaya 9:6–7; Zekariya 9:9). Hwese uhwu huporofita pamusoro paJesu Kristu. Kazhinji, unozoverenga pamusoro perusununguko, ruregerero, rununuro, uye kudzorerwa. Uine Muponesi mupfungwa dzako uye mumwoyo mako, huporofita uhwu hunobva hwangokunongedzera kuMwanakomana waMwari. Mushure mazvose, nzira yakanakisisa yekunzwisisa huporofita ndeyo kuva “nemweya wekuporofita,” uyo Johane waanotitaurira kuti “kupupura kwaJesu” (Zvakazarurwa 19:10).

Zvinyorwa

  1. Isaya, Jeremiah, Ezekieri, naDanieri vanowanzotaurwa seVaporofita Vakuru nokuda kwehurefu hwemabhuku avo. Vamwe vaporofita (Hosea, Joere, Amosi, Obadia, Jona, Mika, Nahumi, Habakuki, Zefania, Hagai, Zekaria, naMaraki) vanodaidzwa kunzi Vaporofita Vaduku nokuti mabhuku avo mapfupi. Bhuku raMariro aJeremia rinorangarirwa sechikamu cheZvinyorwa, kwete Vaporofita.

  2. Hatizive maunganidzirwo akaitwa mabhuku ehuporofita. Mune dzimwe nguva, muporofita anogona kunge akatungamirira kuunganidzwa kwezvinyorwa zvake uye huporofita hwake. Pane dzimwe nguva, zvinogona kunge zvakanyorwa uye zvakaunganidzwa mushure merufu rwake.

  3. “Imbofunga nezve rufaro nekurumidzo yazvo zvose: muporofita woga woga kutanga naAdama akaona zuva redu. Uye muporofita woga woga akataura pamusoro pezuva redu, apo Israeri payaizounganidzwa uye nyika yaizogadzirirwa Kuuya Kwechipiri kweMuponesi. Zvifunge izvozvo! Pavanhu vose vakambofa vakararama panyika pano, isu ndisu tinowana mukana wokutora chinhano muchiitiko chekupedzisira chikuru ichi chekuunganidzwa. Zvinofadza sei izvozvo! ” (Russell M. naWendy W. Nelson, “Hope of Israel” [munamato wevechidiki wepasi rose, Chikumi 3, 2018] chiwedzerwa kuNew Era uye Ensign,8, ChurchofJesusChrist.org). Onawo Ronald A. Rasband, “Fulfillment of Prophecy,” Ensign kana Liahona, Chivabvu 2020, 75–78.

  4. Muponesi, achitaura nezvaIsaya, akati, “Zvinhu zvose zvaakataura zvakaitika uye zvichaitika, kunyangwe maererano namashoko ayo aakataura” (3 Nifai 23:3; runyoro rwakarereka rwakawedzerwa)

  5. Ona Mateo 3:1–3; Marko 1:2–4; Ruka 3:2–6.

  6. Ona Dzidziso neZvibvumirano 33:10; 65:3; 88:66.

Dhinda