Testamente Yekare 2022
Gunyana 5–11. Muporofita Isaya 1–12: “Mwari Ndiye Ruponeso Rwangu”


“Gunyana 5–11. Muporofita Isaya 1–12: ‘Mwari Ndiye Ruponeso Rwangu,’” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: Testamente Yekare 2022 (2021)

“Gunyana 5–11. Muporofita Isaya 1–12,” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: 2022

Mufananidzo
muporofita wechinyakare achinyora

The Prophet Isaiah Foretells Christ’s Birth, [Muporofita Isaya Anofanotaura Kuzvarwa kwaKristu] naHarry Anderson

Gunyana 5–11

Muporofita Isaya 1–12

“Mwari Ndiye Ruponeso Rwangu”

Tsvaga hutungamiri hwapamweya apo paunenge uchinzvera. Mashoko aIsaya anonyatsonzwisisika apo patinenge “takazadzwa nemweya wehuporofita,” sekudzidzisa kwakaita Nifai (2 Nifai 25:4).

Nyora Pasi Manzwiro Ako

Kunyangwe kana iyi iri nguva yako yekutanga kuverenga bhuku raIsaya, unogona kuwana ndima dzinoita sedzaunoziva. Izvi zvinodaro nokuda kwokuti, pavaprofita vose veTestamente Yekare, Isaya ndiye anonyanya kutapwa kakawanda mune mamwe mabhuku amagwaro matsvene, kusanganisira neMuponesi paChake. Mashoko aIsaya anowanikwawo kakawanda munziyo uye mimwe mimhanzi inoera. Sei Isaya achitapwa kakawanda zvakadaro?

Zvirokwazvo chikamu chechikonzero chacho ndechekuti Isaya akanga aine chipo chekutaura shoko raMwari mumutauro wakajeka, usingakanganwiki. Asi zvinopfuura izvozvo. Isaya akakurudzira vaporofita kwezvizvarwa nokuda kwokuti zvokwadi zvaakadzidzisa zvakapfuura chizvarwa chenguva yake pachake—valsraeri vairarama pakati pa740 na701 Kristu Asati Azvarwa. Basa rake raiva rokuvhura maziso edu kubasa guru raMwari rerununuro, iro rakakura zvikuru kupfuura rudzi rumwechete kana nhambo imwechete yenguva. Kubva kuna Isaya, Nifai akadzidza kuti iye nevanhu vake, kunyange zvazvo vakaparadzaniswa kubva kune vamwe vaIsraeri vose, vaiva vachiri chikamu chavanhu vechibvumirano vaMwari. Muna Isaya, vanyori veTestamente Itsva vakawana huporofita pamusoro paMesiasi uhwo hwaizadzikiswa pamberi pamaziso avo chaipo. Uye muna Isaya, Joseph Smith akawana kurudziro yebasa ramazuva ekupedzisira rokuunganidzwa kweIsraeri uye nekuvakwa Zioni. Apo paunoverenga Muporofita Isaya, chii chaunozowana?

Kuti uwane zvimwe pamusoro paIsaya nezvinyorwa zvake, ona “Isaya” muNhungamiro Kumagwaro Matsvene. Kuti uwane ruzivo pamusoro penguva iyo Isaya yaairarama, ona 2 Madzimambo 15–20 uye 2 Makoronike 26–32.

Mufananidzo
Learn More image
Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwako wega

Mazano eKunzvera Magwaro Matsvene Kwako Wega

Muporofita Isaya 1–12

Ndinganzwisisa sei zviri nani dzidziso dzaIsaya?

Achitaura nezvezvinyorwa zvaIsaya, Muponesi akati, “Rondai zvinhu izvi noushingairi; nokuti makuru mashoko aIsaya” (ona 3 Nifai 23:1–3). Asi kune vakawanda, Isaya anogona kuva akaoma kunzwisisa. Heano mamwe mazano ekukubatsira kuwana nzwisisiyo huru yemashoko aIsaya:

  • Fungisisa zviratidzo nemadimikira zvakashandiswa naIsaya. Semuenzaniso, fungisisa zvaunofunga kuti Isaya aida kutaura paakanyora nezve munda wemizambiringa (ona Muporofita Isaya 5:1–7), mvura dzeShiro (ona Muporofita Isaya 8:5–10), mureza (ona Muporofita Isaya 5:26), uye Muporofita Isaya 11:10,12).

  • Kuchitsauko chese chaunoverenga, zvibvunze kuti, “Chii chandiri kudzidza pamusoro paJesu Kristu?”(ona 1 Nifai 19:23).

  • Tsvaga misoro yenyaya inonzwika seinoendera nezuva redu, sezvakaita upenyu neushumiri hwaJesu Kristu, kuparadzirwa nekuunganidzwa kwaIsraeri, mazuva ekupedzisira, uye Mereniamu. Unogonawo kuchengeta mudorongodzwa wemajerero kubva muna Muporofita Isaya ayo anodzidzisa pamusoro pemisoro yenyaya iyi.

  • Shandisa zvibatsiri pakunzvera kana zvichiwanikwa, sezvakaita duramazwi, mashoko emuzasi emuBhaibheri, misoro yenyaya yechitsauko, uye Nhungamiro Kumagwaro Matsvene.

Onawo 2 Nifai 25:1–8.

Muporofita Isaya 1; 3;5

“Regai kuramba muchiita zvakaipa.”

Isaya nguva dzose aiyambira Humambo hweJuda pamusoro pamamiriro avo ezvepamweya. Mushure mekuverenga Muporofita Isaya 1, 3, ne5, ungatsanangura sei mamiriro ezvepamweya avanhu vacho? Ndedzipi yambiro dzaunowana idzo dzaunonzwa kuti dzinoshanda mazuva redu?

Pamwepo neyambiro dzacho, unogonawo kunyora pasi mashoko etariro eIsraeri yaiita zvivi (ona, semuenzaniso, Muporofita Isaya 1:16–20, 25–27; 3:10). Chii chaunodzidza pamusoro paIshe kubva mundima idzi?

Muporofita Isaya 2; 4; 11–12

Mwari vanozoita basa rakakura mumazuva ekupedzisira.

Zvizhinji zvezvinyorwa zvaIsaya huporofita uhwo hwune zvimwe chaizvo zvahwunoreva muzuva redu. Ndedzipi tsananguro dzaIsaya dzemazuva ekupedzisira muzvitsauko 2; 4; 11–12 dzinonyanya kukukurudzira? (Dzidziso neZvibvumirano 113:1–6 inopa nzwisiso dzinobatsira pamusoro paMuporofita Isaya 11.) Chii chaunodzidza pamusoro pokuunganidzwa kweIsraeri uye rununuro rweZioni? Chii chaunonzwa kufemerwa kuti uite mushure mokuverenga zvitsauko izvi?

Onawo Muporofita Isaya 5:26; 10:20.

Muporofita Isaya 6

Vaporofita vaanodaidzwa naMwari.

Muna chitsauko 6, Isaya akarondedzera kudaidzwa kwake kuti ave muporofita. Apo paunoverenga chitsauko ichi, chii chaunoyemura pamusoro pezvakaitika kuna Isaya? Chitsauko ichi chinoshandura sei nzira yaunofunga nayo pamusoro paIshe, vaporofita Vavo, uye basa ravakadaidzwa kuti vaite?

Mufananidzo
mudzimai akabata mwana

“Nokuti takazvarirwa Mwana, takapiwa Mwanakomana” (Muporofita Isaya 9:6).

Muporofita Isaya 7–9

Isaya akaporofita nezva Jesu Kristu.

Pakutanga kwehushumiri hwaIsaya, Umambo hweIsraeri (hwaidaidzwawo kunzi Efraimi) hwakaumba mubatanidzwa neSiria kuti huzvidzivirire kubva kuAsiria. VaIsraeri nevaSiria vaida kumanikidza Ahazi, mambo weJuda, kuti abatane navo. Asi Isaya akaporofita kuti mubatanidzwa wacho waizokundikana uye akaraira Ahazi kuti avimbe naIshe (ona Muporofita Isaya 7–9, kunyanya Muporofita Isaya 7:7–9; 8:12–13).

Apo Isaya paairaira Ahazi, akaita huporofita wakati wandei hwunozivikanwa zvikuru, souhwo hwunowanikwa muna Muporofita Isaya 7:14; 8:13–14; 9:2, 6–7. Apo pazvisina kunyatsojeka kuti huporofita uhwu hwairevei panguva yaAhazi, zvakajeka kuti hwunoreva Jesu Kristu (onawo Mateo 1:21–23; 4:16; 21:44; Ruka 1:31–33). Chii chaunodzidza pamusoro peMuponesi kubva mundima idzi?

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwemhuri

Mazano ekuNzvera Magwaro Matsvene kweMhuri uye eNguva yeMhuri Pamba Manheru

Muporofita Isaya 1:16–18.Kubatsira nhengo dzemhuri kunzwisisa ndima idzi, munogona kuverenga chikamu chinonzi “Some of Us Feel We Can Never Be Good Enough” kubva mushoko raSisita Sharon Eubank rinoti “Christ: The Light That Shines in Darkness” (Ensign kana Liahona, Chivabvu 2019,75). Kana kuti munogona kuratidza kuti mavara etsvina anokwanisa kubviswa sei pazvipfeko. Shoko raIshe riri mundima idzi rakasiyana sei neizvo zvinodiwa naSatani kuti titende?

Muporofita Isaya 2:1–5.Nhengo dzemhuri dzinogona kusarudza imwe yendima idzi uye dzodhirowa zvainotsanangura. Tembere inotidzidzisei pamusoro penzira dzaIshe? Tinokomborerwa sei apo “patinofamba muchiedza chaIshe”? Muporofita Isaya 2:5.

Muporofita Isaya 4:5–6.Chii chatinovimbiswa naIshe mundima idzi? Vimbiso idzi dzingarevei? Vari kudzizadzikisa sei? (Onawo Eksodo 13:21–22.)

Muporofita Isaya 7:14; 9:1–7.Uchishandisa zvakadhirowewa kana mifananidzo kubva mumamagazini eChechi, unogona kugadzira posita uchiratidza zvimwe zvezvinhu zvatinodzidza pamusoro paJesu Kristu kubva mundima idzi.

Kuti uwane mamwe mazano ekudzidzisa vana, ona chirongwa chevhiki ino chiri muHuyai, Munditevere—Bhuku reVana Vadiki.

Rumbo rwakapiwa: “Pamusoro Pegomo,” Nziyo neDzevana Vadiki, nhamba 58.

Kunatsurudza Kunzvera Kwako Wega

Kumbira Ishe rubatsiro. Kuti tinzwisise magwaro matsvene, tinoda zvakazarurwa zvedu pachedu. Ishe vakavimbisa kuti, “Kumbirai, muchapiwa; tsvakai, muchawana; gogodzai, muchazarurirwa” (Mateo 7:7).

Mufananidzo
Temberi yekuIdaho Falls Idaho mudutu

Isaya akadzidzisa kuti tabernakeri inozova “utiziro” uye “chivando kana pane dutu nemvura” (Muporofita Isaya 4:6).Temberi yekuIdaho Falls Idaho

Dhinda