Testamente Yekare 2022
Gunyana 12–18 Muporofita Isaya 13–14; 24–30; 35: “Basa Rinoshamisa neChishamiso”


“Gunyana 12–18. Muporofita Isaya 13–14; 24–30; 35: ‘Basa Rinoshamisa neChishamiso,’” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: Testamente Yekare 2022 (2021)

“Gunyana 12–18. Muporofita Isaya 13–14; 24–30; 35,” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: 2022

Mufananidzo
Joseph Smith achiona Baba Vokudenga naJesu Kristu muChisango Chinoera

Sacred Grove [Chisango Chinoera], naBrent Borup

Gunyana 12–18

Muporofita Isaya 13–14; 24–30;35

“Basa Rinoshamisa neChishamiso”

Mutungamiri Bonnie H. Cordon vakadzidzisa kuti, “Magwaro matsvene anojekesa pfungwa dzedu, anogutsa mweya yedu, anopindura mibvunzo yedu, anowedzera ruvimbo rwedu muna Ishe, uye anotibatsira kumisira upenyu hwedu paVari” (“Trust in the Lord and Lean Not,” Liahona, Chivabvu 2017, 7).

Nyora Pasi Manzwiro Ako

Chimwe chezvinhu izvo Ishe zvavanokumbira vaporofita kuti vaite ndeche kuyambira pamusoro pemhedzisiro yechivi. Maererano nevaporofita veTestamente Yekare, izvi kazhinji zvaireva kutaurira vatongi vanesimba veumambo hukurusa kuti vanofanira kutendeuka kana kuti vaizoparadzwa. Raiva basa rine njodzi, asi Isaya aiva asingatyi, uye yambiro dzake kuumambo hwezuva rake—kusanganisira Israeri, Juda, nenyika dzakadzikomberedza—dzaiva dziri dzoushingi (ona Muporofita Isaya 13–23).

Zvisinei, Isaya aivewo neshoko retariro. Kunyangwe zvazvo ruparadzo rwaiva rwaporofitwa rwakazopedzisira rwauya pamusoro peumambo uhwu, Isaya akafanoona mukana wekudzorerwa uye nevandudzo. Ishe vanozokoka vanhu Vavo kuti vadzokere kwaVari. Vanozoita “jecha rinopisa … rishanduke kuva dziva, nevu rinenyota zvitubu zvemvura” (Muporofita Isaya 35:7). Vanozoita “basa rinoshamisa nechishamiso” (Muporofita Isaya 29:14), vachidzorera kuIsraeri maropafadzo aVakanga vavavimbisa. Kwete Isaya kana mumwe munhu zvake aiva mupenyu panguva iyoyo akararama kuti aone basa rinoshamisa iri. Asi tiri kuona kuzadzikiswa kwaro pokupedzisira nhasi. Chokwadi ndechekuti, tiri chikamu charo!

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwako wega

Mazano eKunzvera Magwaro Matsvene Kwako Wega

Muporofita Isaya 13:1–11, 19–22; 14:1–20

Umambo hwakanyangara hwepanyika nevatongi vahwo zvinozoputsika.

Muporofita Isaya 13–14 zvinodaidzwa kunzi “mutoro we” (shoko rehuporofita pamusoro) peBabironi (Muporofita Isaya 13:1). Pane imwe nguva yaiva umambo hukurusa iine mutongi ane simba, Babironi haichisipo uye zvino yavakungokurukurwa sechikamu chenhoroondo yechinyakare. Saka sei shoko kuBabironi rakakosha kwatiri nhasi? Mumagwaro matsvene, Babironi inomiririra rudado, zvepanyika, uye nechivi, uye nhasi takakomberedzwa nezvose izvi. Funga pamusoro pemucherechedzo uyu apo paunoverenga Muporofita Isaya 13:1–11, 19–22; 14:1–20. Ungangofungawo pamusoro pemibvunzo yakaita seiyi:

Mufananidzo
Jesu ari munguwo tsvuku

He Comes Again to Rule and Reign (Anouya zvakare Kuzotonga neKutungamira), naMaryR. Saucer

Muporofita Isaya 24:21–23; 25:6–8; 26:19; 28:16

Zvinyorwa zvaIsaya zvinondinongedzera kuna Jesu Kristu.

Dzidziso dzaIsaya kazhinji dzinotaura nezvebasa reMuponesi, kusanganisira rudzikinuro Rwake rwekuzvipira, Kumuka Kuvakafa, uye Kuuya Kwechipiri. Ndezvipi zvebasa Rake zvinouya mupfungwa apo paunoverenga ndima dzinotevera: Muporofita Isaya 24:21–23; 25:6–8; 26:19; 28:16? Ndedzipi dzimwe ndima dzaunowana dzinokuyeuchidza nezve Muponesi?

Onawo Muporofita Isaya 22:22–25.

Muporofita Isaya 24:1–12; 28:7–8; 29:7–10; 30:8–14

Kutsauka pachitendero kunoreva kubva pana Ishe nevaporofita Vavo.

Kuti ayambire pamusoro pemhedzisiro dzekubva pana Ishe uye nekuramba vaporofita Vavo, Isaya akashandisa madimikira akasiyana-siyana. Izvi zvinosanganisira nyika isina chinhu (Muporofita Muporofita Isaya 24:1–12), kuraradza (Muporofita Isaya 28:7–8), nzara uye nyota (Muporofita Isaya 29:7–10), uye rusvingo rwakapwanyika kana mudziyo wakapwanyika (Muporofita Isaya 30:8–14). Maererano nezvawaverenga mundima idzi, sei zvakakosha kuchengeta zvibvumirano zvedu? Funga pamusoro pezvauri kuita kuti urambe wakatendeka kuna Ishe uye nevaranda Vavo.

Muporofita Isaya 29; 30:18–26;35

Ishe vanokwanisa kudzorera zvinhu zvinenge zvarasika kana zvatyoka.

Apo vanhu kana nzanga padzinobva pana Ishe, Satani anoda kuti tifunge kuti mhedzisiro dzacho hadzigadzirike. Zvisinei, Isaya akatsanangura zvimwe zvezvinhu zvinoshamisa zvinozoitwa naIshe apo vanhu pavanotendeuka uye nekudzokera Kwavari. Chii chaunodzidza kubva kuna; Muporofita Isaya 29:13–24; 30:18–26;35 pamusoro paIshe, rudo Rwavo uye simba Ravo?

Imwe nzira iyo Ishe yavakaratidza nayo simba Ravo muzuva redu ndeye kuburikidza neKudzorerwa kwevhangeri Ravo. Muporofita Isaya 29 ine ndima dzakati wandei dzine zvinoenderana nezviitiko zveKudzorerwa ikoko. Semuenzaniso:

Ndedzipi pfungwa kana manzwiro auinawo pamusoro peKudzorerwa kwevhangeri apo paunoverenga ndima idzi?

Onawo “Kudzorerwa kweKuzara kweVhangeri raJesu Kristu: Chiziviso kuNyika cheMhemberero yeMakore Mazana Maviri” (ChurchofJesusChrist.org).

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwemhuri

Mazano ekuNzvera Magwaro Matsvene kweMhuri uye eNguva yeMhuri Pamba Manheru

Muporofita Isaya 25:4–9Mhuri yako yakambo wana here ropafadzo renzvimbo yakadzivirika panguva yedutu kana remumvuri pazuva rinopisa rezhizha? (ona ndima 4). Taurai pamusoro peizvi apo pamunoverenga ndima idzi uye nedzimwe tsanangudzo dzaIshe dzinowanikwa muna Muporofita Isaya 25:4–9. Ishe vakafanana sei nezvinhu izvi?

Muporofita Isaya 25:8–9; 26:19.Kuratidza mifananidzo yeMuponesi muGetsemane, pamuchinjikwa, uye mushure meKumuka Kuvakafa Kwake kunokwanisa kubatsira mhuri yako kuona kuenderana kuripo pakati pendima idzi naJesu Kristu.(ona Gospel Art Book, nhamba 56, 57, 58,59). Koka mhuri yako kuti igovere kuti sei “vachifarira ruponeso rwake” (Muporofita Isaya 25: 9).

Muporofita Isaya 29:11–18Ndima idzi dzinokwanisa kubatsira mhuri yako kukurukura “basa rinoshamisa nechishamiso” (ndima 14) reKudzorerwa kwevhangeri uye kuuya mberi kweBhuku raMormoni. Sei zvinhu izvi zvichishamisa uye zviri chishamiso kwatiri? Koka nhengo dzemhuri kuti dzitsvage zvinhu mumba menyu zvinomiririra maropafadzo anoshamisa eKudzorerwa.

Muporofita Isaya 35.Mhuri yako ingangofadzwa nekudhirowa mapikicha emifananidzo iri muchitsauko chino inotibatsira kunzwisisa mavakiro arikuita Jesu Kristu Zioni muzuva redu. Chii chatinodzidza kubva pamifananidzo iyi? Chii chatingakwanise kuita kubatsira kuvaka Zioni?

Kuti uwane mamwe mazano ekudzidzisa vana, ona chirongwa chevhiki ino chiri muHuyai, Munditevere—Bhuku reVana Vadiki.

Rumbo rwakapuwa: “Munamato Wekutanga waJoseph Smith”, Nziyo neDzevana Vadiki, 26.

Kunatsurudza Kudzidzisa Kwedu

Regai vana varatidze kwaniso yavo inouchenjeri. Apo vana pavanogadzira chimwe chinhu chinoenderarna nemusimboti wevhangeri, zvinovabatsira kunzwisisa zvirinani musimboti wacho. Vabvumire kuvaka, kudhirowa, kuisa ruvara, kunyora, uye kugadzira. ­

Mufananidzo
Maria naJohane vakatarisa Jesu pamuchinjikwa

“Tarirai, uyu ndiye Mwari wedu; takanga takamumirira, iye uchatiponesa ”(Muporofita Isaya 25: 9). James Tissot (French, 1836-1902). Woman, Behold Thy Son [Mai, Tarira Mwanakomana Wenyu] (Stabat Mater), 1896–1894. Opaque watercolor pamusoro pegraphite yakaiswa pabepa regray rakora, Hukuru hweMufananidzo: 11 11/16 x 6 in. (29.7 x 15.2 cm). Brooklyn Museum, Wakatengwa nemari dzakabviswa neruzhinji, 00.159.300

Dhinda