Testamente Yekare 2022
Chivabvu 16–22. Deuteronomio 6–8; 15; 18; 29–30; 34: “Chenjera Kuti Urege Kukanganwa Ishe”


“Chivabvu 16–22. Deuteronomio 6–8; 15;18; 29–30; 34: ‘Chenjera Kuti Urege Kukanganwa Ishe,’” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: Testamente Yekare 2022 (2012)

“Chivabvu 16–22. Deuteronomio 6–8; 15; 18; 29–30; 34,” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: 2022

Mosesi akamira pagomo.

Mufananidzo waMosesi paGomo reNebo, © Providence Collection/mvumo yekuushandisa yakapuwa kubva negoodsalt.com

Chivabvu 16–22

Deuteronomio 6–8; 15; 18; 29–30; 34

“Chenjera Kuti Urege Kukanganwa Ishe”

Mosesi akaraira vana vaIsraeri kuti vadzidzise mashoko aIshe kuvana vavo (ona Deuteronomio 6:7). Apo paunonzvera Deuteronomio vhiki ino, tsvaga nzira dzokugovera zvaunodzidza nenhengo dzemhuri yako.

Nyora Pasi Manzwiro Ako

Hushumiri hwaMosesi hwepanyika hwakatanga pagomo, apo Mwari pavakataura naye kubva mugwenzi raipfuta (ona Eksodo 3:1–10). Hwakagumirawo pagomo, mushure memakore anopfuura 40, apo Mwari pavakataridza Mosesi chidimbu chenyika yechipikirwa kubva pamusoro peGomo reNebo (ona Deuteronomio 34: 1–4). Mosesi akanga apedza upenyu hwake hwose achigadzirira vana vaIsraeri kupinda munyika yechipikirwa, uye bhuku raDeuteronomio rinopa mirairidzo, zviyeuchidzo, kurudziro, uye teterero dzake dzokupedzisira navaIsraeri. Kuverenga mashoko ake kunojekesa kuti chinangwa chaicho chehushumiri hwaMosesi—gadziriro yaidikanwa navanhu—chakanga chisiri pamusoro pokurarama murenje, kukunda marudzi, kana kuvaka nzanga. Chakanga chiri pamusoro pokudzidza kuda Mwari, kuVateerera, uye kuramba vakatendeka kwaVari. Ndiyo gadziriro yatinoda tose kuitira kupinda munyika yechipikirwa yeupenyu hwokusingaperi. Saka apo Mosesi asina kuzombopinda “munyika inoyerera mukaka neuchi” (Eksodo 3:8), nokuda kwerutendo norutendeseko rwake, akapinda munyika yechipikirwa iyo Mwari yavakagadzirira avo vose vanoVatevera.

Kuti uwane pfupiso yaDeuteronomio, ona “Deuteronomio” muNhungamiro kuMagwaro Matsvene.

mufananidzo wekunzvera kwako wega

Mazano eKunzvera Magwaro Matsvene Kwako Wega

Deuteronomio 6:4–7; 8:2–5, 11–17; 29:18–20; 30:6–10, 15–20

Ishe vanoda kuti ndiVade nomwoyo wangu wose.

Mudzidziso dzake dzokupedzisira, Mosesi akayeuchidza vana vaIsraeri kuti, “Jehova Mwari wako wakava newe makore awa makumi mana; haunakushaiwa chinhu,” kunyangwe apo pavaiva murenje (Deuteronomio 2:7). Zvino nokuti vaIsraeri vakanga vava kupinda munyika yechipikirwa, yaiva “namaguta, ayo avasina kuvaka [ivo], nedzimba dzizere nezvinhu zvose zvakanaka, dzavasina kuzadza [ivo]” (Deuteronomio 6:10–11), Mosesi aitya kuti vaizoomesa mwoyo yavo uye vokanganwa Ishe.

Funga mamiriro emwoyo wako pachako apo paunoverenga rairo yaMosesi. Ungangoda kunangisa pandima dzinotevera uye wonyara pasi manzwiro ako:.

Chii chaungaita kudzivirira mwoyo wako kubva mukuomarara uye kuti ude Ishe nemwoyo wako wose? Ndeipi enderano yaunoona pakati pendima idzi Deuteronomio 6:5–6 uye Mateo 22:35–40? (onawo Revikito 19:18).

Deuteronomio 6:4–12, 20–25

“Chenjera Kuti Urege Kukanganwa Ishe.”

Vakawanda vechizvarwa chavaIsraeri avo vaizopinda munyika yechipikirwa vakanga vasina kuona matambudziko muEgipita kana kuyambuka Gungwa Dzvuku. Mosesi aiziva kuti ivo—uye nezvizvarwa zvaitevera—vaizofanira kurangarira zvishamiso zvaMwari uye mitemo yaMwari kana vaizofanira kuramba vari vanhu vaMwari.

Irairo ipi inopuwa naMosesi muna Deuteronomio 6:4–12, 20–25 inokwanisa kukubatsira kurangarira zvinhu zvikuru Mwari zvavakakuitira? Chii chaunofemerwa kuita kuitira kuti shoko raIshe “rizova mumwoyo mako”? zuva nezuva (ndima 6).

Unozopfuudza sei rutendo rwako kuzvizvarwa zvichatevera?

Onawo Deuteronomio 11:18–21.

Deuteronomio 15:1–15

Kubatsira vanoshaya kunosanganisira maoko asina rutsuta uye mwoyo inoda kutevera chido chaIshe.

Deuteronomio 15:1–15 inopa rairo pamusoro pokubatsira varombo uye vanoshaya, kusanganisira dzimwe tsika idzo dzisingatevedzwi nhasi. Asi cherechedza izvo ndima idzi zvadzinodzidzisa pamusoro pokuti sei tichifanira kubatsira varombo uye kuti mafungiro edu pamusoro pokuvabatsira akakosha sei kuna Ishe. Chii chaunonzwa kuti Ishe vanoda kuti udzidze kubva mundima idzi pamusoro pokushandira vamwe?

Onawo Russell M. Nelson, “Murairo Mukuru weChipiri,” Liahona, Mbudzi 2019, 96–100

Deuteronomio 18:15–19

Jesu Kristu ndiye Muporofita anozomutswa zvakafanana naMosesi.

Petro, Nifai, Moronai, uye noMuponesi Pachake vose vakataura pamusoro pohuporofita huri muna Deuteronomy 18:15–19 (ona Mabasa aVaapositora 3:20–23; 1 Nifai 22:20–21; Joseph Smith—Nhoroondo 1:40; 3 Nifai 20:23). Chii chatinodzidza pamusoro peMuponesi kubva mundima idzi? Muponesi “akafanana” naMosesi sei?Deuteronomio 18:15).

Jesu akagwadama akabata murume

Jesu Kristu muporofita akafanana naMosesi.

Deuteronomio 34:5–8

Chii chakaitika kuna Mosesi?

Kunyangwe zvazvo Deuteronomio 34:5–8 ichitaura kuti Mosesi akafa, nzwisiso yamazuva ekupedzisira inotsanangura kuti akashandurwa, kana kupindurwa kuitira kuti asatambura marwadzo kana rufu kusvikira amutswa kuvakafa (ona Aruma 45:18–19; Nhungamiro kuMagwaro Matsvene, “Mosesi”; Nhungamiro kuMagwaro Matsvene, “Vanhu Vakashandurwa,” scriptures.ChurchofJesusChrist.org). Zvaiva zvakafanira kuti Mosesi ashandurwe nokuda kwokuti aifanira kuva nomuviri wenyama kuitira kuti agopa makiyi ehupirisita kuna Petro, Jakobo, naJohane paGomo roKushandurwa (ona Mateo 17:1–13).

mufananidzo wekunzvera kwemhuri

Mazano ekuNzvera Magwaro Matsvene kweMhuri uye eNguva yeMhuri Pamba Manheru

Deuteronomio 6:10–15.Ndima idzi dzinokwanisa kukurudzira nhengo dzemhuri yako kufunga nezve nzira idzo mhuri yenyu yadzakaropafadzwa nadzo. Tingatevera sei rairo yokuti: “Chenjera Kuti Urege Kukanganwa Ishe”?Deuteronomio 6:12). Mungangoda kunyora pasi manzwiro enyu pamusoro pamaropafadzo enyu, pamwe mujenari kana paFamilySearch.

Deuteronomio 6:13, 16; 8:3.Ndima idzi dzakabatsira Muponesi panguva yakakosha muupenyu Hwake, kuti muone kuti dzakamubatsira sei, verengai pamwechete Mateo 4:1–10. Ndedzipi ndima dzemumagwaro matsvene dzakatibatsira munguva dzekudikanwa kwerubatsiro?

Deuteronomio 7:6–9Ita chimwe chinhu kubatsira nhengo dzemhuri yako kunzwa kuti vakakosha, sezvakaita kubika chokudya chinonyanya kufarirwa. Zvino munokwanisa kuverenga Deuteronomio 7:6–9 uye mokurukura izvo zvamunonzwa kuti zvinoreva kuva “vanhu vakakosha” (ndima 6) kuna Ishe.

Deuteronomio 29:12–13Kutaura pamusoro paDeuteronomio 29:12–13 kunopa mukana wenhengo dzemhuri yako kukurukura zvibvumirano zvavanozoita kana zvavakaita naBaba Vokudenga. Zvinorevei kuva vanhu vaMwari? Zvibvumirano zvedu “zvinotimisa [isu] … savanhu [vaMwari]” sei? (ndima 13)

Kuti uwane mamwe mazano ekudzidzisa vana, ona chirongwa chevhiki ino chiri muna Huyai, Munditevere—Bhuku reVana Vadiki.

Rumbo rwakapuwa: “Ndinofunga Pandinoverenga Nyaya Iyi,” Nziyo neDzevana Vadiki, 116

Kunatsurudza Kunzvera Kwako Wega

Tsvaka nzwisiso yako pachako yezvemweya. Chidzidzo chino chinopa ndima uye misimboti yokunangisa pairi, asi usarega izvozvo zvichikudzivirira kunzvera zvimwewo. Apo paunonzvera, ungangodzidza pamusoro pemusimboti uyo usina kutaurwa pano. Rega Mweya ukutungamirire kune izvo zvaunofanira kudzidza.

Mosesi akamira pagomo.

The Lord Shewed Him All the Land (Ishe Vakamuratidza Nyika Yose), naWalter Rane