Testamente Yekare 2022
Chivabvu 2–8. Eksodo 35–40; Revitiko 1; 16; 19: “Mutsvene Kuna Ishe”


“Chivabvu 2–8. Eksodo 35–40; Revitiko 1; 16; 19: ‘Mutsvene Kuna Ishe,’” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: Testamente Yekare 2022 (2021)

“Chivabvu 2–8. Eksodo 35–40; Revitiko 1; 16; 19,” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: 2022

Mufananidzo
Temberi yekuSão Paulo Brazil

Chivabvu 2–8

Eksodo 35–40; Revitiko 1; 16; 19

“Hutsvene Kuna Ishe”

Apo paunonzvera magwaro matsvene, teerera manzwiro emweya aunogamuchira pamusoro penzira dzaungave nadzo saBaba Vokudenga naJesu Kristu.

Nyora Pasi Manzwiro Ako

Kubuda muEgipita—apo kwaiva kwakosha uye kuri chishamiso—ihakuna kuzadzikisa zvakazara zvinangwa zvaMwari zvevana veIsraeri. Kunyangwe kubudirira muneramangwana munyika yechipikirwa kwaiva kusiri chinangwa chekupedzisira chaMwari kwavari. Idzi dzaiva nhanho chete dzaiva dzakananga kune izvo Mwari zvavaida kuvanhu Vavo: “Ivai vatsvene nokuti ini Ishe Mwari wenyu ndiri mutsvene” (Revitiko 19:2). Mwari vakatsvaga sei kuti vaite kut vanhu Vavo vave vatsvene apo vakanga vasina chavaiziva kunze kweutapwa chete kwezvizvarwa nezvizvarwa? Vakavaraira kuti vagadzire nzvimbo yeutsvene kuna Ishe—tabernakeri murenje. Vakavapa zvibvumirano nemitemo yekutungamirira zviito zvavo uye, pokupedzisira, kushandura mwoyo yavo. Uye apo pavakakundikana mukuedza kwavo kuchengeta mitemo iyoyo, Vakavaraira kuti vaite zvibayiro zvemhuka kuratidza rudzikinuro rwezvivi zvavo. Zvese izvi zvaiitirwa kunangisa pfungwa dzavo, mwoyo yavo, neupenyu hwavo kuMuponesi uye nerununuro rwaAnopa. Ndiye nzira yechokwadi kuutsvene, hwevaIsraeri uye nehwedu. Tose takapedza imwe nguva tiri muutapwa hwechivi, uye tose tinokokwa kutendeuka—kusiya chivi shure uye totevera Jesu Kristu, uyo akavimbisa kuti, “Ndinokwanisa kukuitai vatsvene” (Dzidziso neZvibvumirano 60:7).

Kuti uwane pfupiso yebhuku raRevitiko, ona “Revitiko” muNhungamiro kuMagwaro Matsvene.

Mufananidzo
Learn More image
Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwako wega

Mazano eKunzvera Magwaro Matsvene Kwako Wega

Eksodo 35–40; Revitiko 19

Ishe vanoda kuti ndive mutsvene sezvaVari.

Eksodo 25-31 inorondedzera mirayiridzo yaIshe kuvaIsraeri pamusoro pamavakiro okuita tabernakeri, umo zvisungo zvinoera mazvaizovabatsira kuva vanhu vatsvene. Eksodo 35–40 inotsanangura kuedza kwavaIsraeri kutevera mirayiridzo iyi. Apo paunoverenga zvitsauko 35–40, tsvaga zvinhu izvo Ishe zvaVakakumbira vanhu vavo kuti vaise mutabernakeri, uye wofungisisa izvo zvingange zvichimirirwa nezvhinu izvi uye kuti zvinotaurei kwauri pamusoro pekuwedzera muutsvene. Funga kunyanya pamusoro pekuti zvinhu izvi zvinotendeutsira sei pfungwa dzako kuMuponesi. Tebhuru yezvinyorwa zvakadai zvingangokubatsira:

Chinhu chipi chawawana?

Chii chinokwanisa kumiririrwa nechinhu ichi?

Chinhu chipi chawawana?

Areka yechibvumirano (Eksodo 37:1–9; 40:20–21)

Chii chinokwanisa kumiririrwa nechinhu ichi?

Kuvapo kwaMwari; Zvibvumirano nemirairo Yavo

Chinhu chipi chawawana?

Artari yezvinonhuwira (Eksodo 40:26–27; onawo Eksodo 30:1, 6–8)

Chii chinokwanisa kumiririrwa nechinhu ichi?

Minamato ichikwira kuna Ishe

Chinhu chipi chawawana?

Chigadziko chekenduru kana chigadziko cherambi (Eksodo 37:17–24)

Chinhu chipi chawawana?

Artari yekubaira (Eksodo 38:1–7; onawo Eksodo 27:1; 29:10–14)

Chinhu chipi chawawana?

Mudziyo wokushambidzira (Eksodo 30:17–21)

Kana wakatora chinhano muzvisungo zvetemberi, chii chaunodzidza pamusoro petabernakeri kubva kuna Eksodo 35–40 icho chinokuyeuchidza nezve chiitiko chako ikoko? (onawo “Pfungwa dzeKuchengeta muNdangariro: Tabernakeri neChibayiro”). Fungisisa kuti zvibvumirano zvemutemberi zvinokubatsira sei kuti unyanye kuva mutsvene saBaba Vokudenga naJesu Kristu.

Chokwadi ndechekuti, kungova munzvimbo tsvene hakutiite vatsvene. Revitiko 19 inotsanangura mitemo nemirairo yakapuwa naIshe kubatsira vaIsraeri kuwedzera muutsvene. Chii chaunowana mumirairo iyi chinokwanisa kukubatsira kuti unyanye kuva mutsvene? Chii chaunokurudzirwa kuita kuti urarame misimboti iyi zvakanyanya kuzara?

­.

Eksodo 35:436:7

Ishe vanondikumbira kuti ndiite mipiro yangu nemwoyo unoda.

Mugore mushure mekubuda muEgipita, hukama hwevana vaIsraeri naJehova hunokwanisa kutsanangurwa sehwaishanduka nguva dzose. Asi zvakadaro, apo paunoverenga Eksodo 35:436:7, cherechedza mapinduriro akaitwa nevaIsraeri kumurairo wekuvaka tebanakeri. Chii chaunodzidza kubva kuvaIsraeri chinokwanisa kukubatsira kushandira Ishe zvirinani?

Mutungamiri Bonnie L. Oscarson vakadzidzisa kuti: “Nhengo yega yega inofanira kuziva kuti inodiwa zvakadii. Munhu wega wega ane chimwe chinhu chakakosha chekupa uye ane matarenda nekwaniso zvakasiyana nezvavamwe izvo zvinobatsira kufambisa mberi basa rakakosha iri” (“Young Women in the Work,” Liahona, Chivabvu 2018, 37). Apo paunoverenga Eksodo 36:1–4, fungisisa izvo “zvawakapiwa” naIshe. Funga pamusoro pekubvunza Baba Vokudenga zvavakakupa kuitira kuti ukwanise kutora chinhano mubasa Ravo.

Mufananidzo
vanhu vechinyakare vachiunza mipiro yekuvaka tabernakeri

Vana vaIsraeri vakapa mipiro yetabernakeri “nemwoyo unoda” (Eksodo 35:5). Mufananidzo naCorbert Gauthier, © Lifeway Collection/mvumo yekushandisa yakapuwa negoodsalt.com

Revitiko 1:1–9; 16

Kuburikidza neRudzikinuro rwaJesu Kristu, ndinokwanisa kuregererwa.

Zvizhinji zvebhuku raRevitiko zvingaratidzika sezvinhu zvatisingazivi—zvibayiro zvemhuka, tsika dzinosanganisira ropa nemvura, uye mitemo inotonga zvinhu zvidiki-diki zveupenyu. Asi tsika nemitemo iyi zvakaitirwa kudzidzisa misimboti iyo inozivikanwa—rutendeuko, utsvene, uye Rudzikinuro rweMuponesi. Kuti uwane misimboti iyi apo paunoverenga Revitiko 1:1–9; 16, funga pamusoro pemibvunzo yakaita seiyi: Chii chandinokwanisa kudzidza kubva pazvibayiro izvi pamusoro paJesu Kristu nerudzikinuro Rwake rwekuzvipira? Ndakafanana sei naavo varikuita zvibayiro izvi? Ungangofunga pamusoro pekuongorora “Pfungwa dzeKuchengeta muNdangariro: Tabernakeri neChibayiro” mubhuku rino uye “Chibayiro” muNhungamiro kuMagwaro Matsvene (scriptures.ChurchofJesusChrist.org).

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwemhuri

Mazano ekuNzvera Magwaro Matsvene kweMhuri uye eNguva yeMhuri Pamba Manheru

Eksodo 36:1–7.Muna Eksodo 36:1–7, chii chatinodzidza kubva pamadaviriro akaita vaIsraeri kurairo yekuti vavake tabernakeri? Semhuri, munokwanisa kufunga nzira idzo Ishe dzavakatikoka nadzo kuti titore chinhano mubasa Ravo. Tingatevera sei muenzaniso wavaIsraeri?

Eksodo 40.Apo pamunoverenga Eksodo 40 pamwechete, munokwanisa kukoka nhengo dzemhuri kuti dzisimudze maoko avo nguva yoga yoga yavanonzwa ndevo yakaita seyekuti “sekuraira kwakaitwa naIshe.” Chii chatinodzidza kubva muchitsauko chino pamusoro pekuteerera kuna Ishe?

Eksodo 40:1–34.Apo pamunoverenga pamusoro pokumiswa kwetabernakeri muna Eksodo 40, munokwanisa kushanda pamwechete kuti mudome zvikamu zvakasiyana zvetabernakeri, muchishandisa mufananidzo uri muchidzidzo chino. ­

Revitiko 19.Nhengo yemhuri yoga yoga inokwanisa kuwana ndima muchitsauko chino iyo yaanonzwa kuti inozomubatsira kuva “mutsvene” (Revitiko 19:2) uye oigoverana nemhuri.

Kuti uwane mamwe mazano ekudzidzisa vana, ona chirongwa chevhiki ino chiri muHuyai, Munditevere—Bhuku reVana Vadiki.

Rumbo rwakapuwa: “Ita Zvitsvene,” Nziyo neDzevana Vadiki, nhamba. 124.

Kunatsurudza Kunzvera Kwako Wega

Tsvaka Jesu Kristu. Magwaro matsvene ose, kunyangwe Testamente Yekare, anopupura nezva Jesu Kristu. Apo paunoverenga Testamente Yekare, funga pamusoro pezvaunokwanisa kudzidziswa pamusoro poMuponesi nezviratidzo, vanhu uye nezviitiko zvirimo.

Mufananidzo
tabernakeri

Tabernakeri yeChinyakare, naBradley Clark

Dhinda