Testamente Yekare 2022
Mbudzi 7–13. Muprofita Hosea 1–6; 10–14; Muporofita Joere: “Ndichavada Nokuda Kwangu”


“Mbudzi 7–13. Muporofita Hosea 1–6; 10–14; Muporofita Joere: ‘Ndichavada Nokuda Kwangu,’” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: Testamente Yekare 2022 (2021)

“Mbudzi 7–13. Muporofita Hosea 1–6; 10–14; Muporofita Joere,” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: 2022

Mufananidzo
vachati pachivanze chetemberi

Mbudzi 7–13

Muporofita Hosea 1–6; 10–14; Muporofita Joere

“Ndichavada Nokuda Kwangu”

Koka Mweya kuti uve chikamu chekunzvera kwako Muporofita Hosea naMuporofita Joere. Nyora pasi mashoko ayo Mweya awunoisa mumwoyo wako uye nemupfungwa dzako.

Nyora Pasi Manzwiro Ako

Chibvumirano cheIsraeri naIshe chaifanira kunge chakadzama uye chakakosha zvikurusa zvekuti Ishe vakachienzanisa nemuchato. Chibvumirano ichi, semuchato, chaisanganisira kuzvipira kwekusingaperi, kuva nezvinangwa zvinoenderana, kuvaka upenyu pamwechete, kuvimbika kwakazara, uye pamusoro pezvose, rudo rwemwoyo wose. Rudzi urwu rwekuzvipira rwakauya netarisiro hurusa—uye nemhedzisiro dzakaipisisa kana munhu ainge asina kuvimbisika. Kuburikidza nemuporofita Hosea, Mwari vakatsanangura dzimwe mhedzisiro idzo vaIsraeri dzavakasangana nadzo nokuda kwekutyora chibvumirano chavo. Asi zvakadaro shoko Ravo raive risiri rokuti “Ndinozokuramba narinhi narinhi nokuda kwekusatendeka.” Pane kudaro raiva rokuti “Ndichakukoka zvakare” (ona Muporofita Hosea 2:14–15). “Ndichakunyenga uve wangu nokururama”, vakadaro Ishe (Muporofita Hosea 2:19). “Ndichaporesa kudzokera kwavo shure, ndichavada nokuda kwangu” (Muporofita Hosea 14:4). Iri ndiro shoko rimwechetero Ravanotipa nhasi apo patinotsvaga kurarama zvibvumirano zvedu nerudo uye nekuzvipira.

Joere akagovera shoko rimwechetero: “Mutendeukire kuna Jehova Mwari wenyu, nokuti une ngoni nenyasha, unononoka kutsamwa, une tsitsi zhinji” (Muporofita Joere 2:13). “Jehova uchava utiziro hwavanhu vake, nenhare yavana vaIsraeri” (Muporofita Joere 3:16). Apo paunoverenga Muporofita Hosea naMuporofita Joere, fungisisa hukama hwako pachako naIshe. Funga pamusoro pekuti kutendeseka kwaVo kunokukurudzira sei kuti uve wakatendeka kwaVari.

Kuti uwane pfupiso yemabhuku aMuporofita Hosea naMuporofita Joere, ona “Muporofita Hosea kana Hoshea” uye “Muporofita Joere” muNhungamiro Kumagwaro Matsvene.

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwako wega

Mazano eKunzvera Magwaro Matsvene Kwako Wega

Muporofita Hosea 1–3; 14

Ishe vanondikoka nguva dzose kuti ndidzokere kwaVari.

Mudzimai waHosea, Gomeri, aive asina kutendeka kwaari, uye Mwari vakanongedzera kuchiitiko chinosuwisa ichi kudzidzisa vaIsraeri manzwiro aVaiita pamusoro pavo uye nezvibvumirano zvavo naVo. Apo paunoverenga Muporofita Hosea 1–3, fungisisa maonero anoita Ishe hukama Hwavo nevanhu Vavo vechibvumirano. Ungangofungisisa nzira idzo iwe, savaIsraeri, dzaungangeusina kutendeka kuna Ishe uye kuti Vakananavira sei kwauri. Semuenzaniso, Muporofita Hosea 2:14–23 uye Muporofita Hosea 14 dzinokudzidzisa chii pamusoro perudo nengoni dzaIshe? UnoVaratidza sei rudo neruvimbiko rwako?

Mufananidzo
mudzimai akagara pasi nemurume akaisa ruoko pamusoro

Sinful Gomer, who represents Israel, was offered redemption by the Lord [Mutadzi Gomeri, anomiririra Israeri, akapuwa rununuro naIshe.] Mufananidzo naDeb Minnard, mvumo yekushandisa yakapuwa negoodsalt.com

Muporofita Hosea 6:4–7; Muporofita Joere 2:12–13

Kuzvipira kuna Mwari kunofanira kunzwika mukati memwoyo, kwete chete kuratidzwa kunze.

Ishe vakanga varaira vanhu Vavo kuti vape zvibairo zvemhuka. Asi kunyangwe zvazvo vanhu munguva yaHosea vaiteerera mutemo iwoyo, vaityora mirairo yakakosha zvikurusa (ona Muporofita Hosea 6:4–7). Unofunga zvinorevei kuti Ishe “vaida rudo, kwete chibairo; uye ruzivo rwaMwari kupfuura zvipiriso zvinopiswa”? (Muporofita Hosea 6:6). Unofunga zvinorevei kuti ururami huve segore kana sedova? Ururami hwedu hunofanira kunge hwakaita sei? (ona Muporofita Isaya 48:18; 1 Nifai 2:9–10).

Unokwanisawo kuverenga Mateo 9:10–13; 12:1–8 kuti uone mashandisiro akaita Muponesi Muporofita Hosea 6:6 panguva yehushumiri Hwake. Ndima idzi dzinokubatsira sei kunzwisisa mashoko aHosea?

Apo paunoverenga Muporofita Joere 2:12–13, zvingangobatsira kuziva kuti kutsemura kana kubvarura mbatya dzako yaiva tsika yechiratidzo chekunze chekuchema kana kuzvidemba (semuenzaniso, ona 2 Makoronike 34:14–21, 27). Kubvarura mwoyo yedu kwakasiyana sei nekubvarura nguwo dzedu?

Onawo Muporofita Isaya 1:11–17; Mateo 23:23; 1 Johane 3:17–18.

Muporofita Joere 2

“Ndichadurura mweya wangu pamusoro penyama yose.”

Apo Joeri paakaporofita nezve “zuva raJehova,” akaritsanangura “sezuva rerima nokusviba,” “guru rinotyisa kwazvo” (Muporofita Joere 2:1–2, 11). Israeri yakatarisana nemazuva makuru uye anotyisa mazhinji munhoroondo yayo yose, uye vanhu vechibvumirano vaMwari vanozotarisana neakawanda muneramangwara. Chii chinokufadza pamusoro perairo yakapuwa naIshe muna Muporofita Joere 2:12–17? Cherechedzawo maropafadzo aVakavimbisa muna Muporofita Joere 2:18-32. Sei maropafadzo akavimbiswa mundima 27–32 akakosha zvakanyanya mumazuva akafanana neayo akatsanangurwa muna Muporofita Joere 2, kusanganisira muzuva redu?

Unofunga zvinorevei kuti Ishe “vanozodurura Mweya [Wavo] pamusoro penyama yose ”? (Muporofita Joere 2:28). Huporofita huri muna Muporofita Joere 2:28–29 huri kuzadzikiswa sei? (Ona Mabasa AvaApostora 2:1–21; Nhoroondo—Joseph Smith 1:41.)

Ungangofungisisa mashoko aya kubva kuMutungamiri Russell M. Nelson: “Mumazuva arikuuya, zvinezenge zvisingagoneke kurarama pane zvemweya pasina kutungamirira, kuraira, kunyaradza, uye kushandura kwenguva dzose kweMweya Mutsvene” (“Zvakazarurwa zveChechi, Zvakazarurwa zveUpenyu Hwedu,” Liahona, Chivabvu 2018, 96). Sei zvakazarurwa zvakakosha pakurarama kwedu pane zvemweya? Ungakwanise kuwedzera sei kwaniso yako yekugamuchira zvakazarurwa zvako pachako?

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwemhuri

Mazano ekuNzvera Magwaro Matsvene kweMhuri uye eNguva yeMhuri Pamba Manheru

Muporofita Hosea 2:19–20.Ishe vakashandisa dimikira remuchato kutsanangura hukama hwavo hwechibvumirano neIsrael (onawo Nhungamiro kuMagwaro Matsvene, “Chikomba,,” scriptures.ChurchofJesusChrist.org). Mhuri yako inokwanisa kukurukura kuti sei muchato uchikwanisa kuva dimikira rakanaka kuzvibvumirano zvedu naMwari. Tinobatsirwa sei naMuporofita Hosea 2:19–20 kunzwisisa manzwiro aMwari pamusoro pedu? Tingakwanisa sei kuva takatendeka kuzvibvumirano zvedu Navo?

Muporofita Hosea 10:12.Vana vangangonakidzwa nekudhirowa wachi uye nekuronga nzira dzavanokwanisa kutsvaga nadzo Ishe panguva dzakasiyana nemuzuva rose.

Muporofita Joere 2:12–13.Kuti ubatsire mhuri yako kutaura pamusoro peMuporofita Joere 2:12–13, unokwanisa kuisa mufananidzo weMuponesi kune rimwe divi remupanda uye shoko rokuti chivi kune rimwe divi. Koka nhengo dzemhuri kuti dziite mijana yekutarisa kuchiratidzo chechivi uye zvino vozotendeukira kuMuponesi apo pavanogoverana zvinhu zvinokwanisa kutibatsira kutendeukira kwaAri “nemwoyo [yedu] yose.” Kurudzira nhengo dzemhuri kuti vafunge pamusoro pezvose zveupenyu hwavo, kusanganisira zviitiko, basa, chikoro, uye hukama.

Joere 2:28–29Zvinokwanisa kurevei kuti Mweya “udururirwe” pamusoro pedu? Zvimwe ungaratidza izvi nekudurura mvura zvino woienzanisa nemadonhwe kana neyerero shomanana.

Kuti uwane mamwe mazano ekudzidzisa vana, ona chirongwa chevhiki ino chiri muHuyai, Munditevere—Bhuku reVana Vadiki.

­

Kunatsurudza Kudzidzisa Kwedu

Dzidzisa dzidziso. “Usamborasikirwa nemukana wekuunganidza vana pamwechete kuti vadzidze nezve dzidziso yaJesu Kristu. Nguva dzakadai ishoma zvikuru mukuenzanisa nezvinoitwa nemuvengi ”(Henry B. Eyring, “The Power of Teaching Doctrine,” Ensign, Chivabvu 1999, 74).

Mufananidzo
Jesu akamira pamukova

Come unto Me [Huyai kwaNdiri], naKelly Pugh

Dhinda