Testamente Yekare 2022
Mbudzi 14–20. Muporofita Amosi; Muporofita Obadia: “Tsvakai Ishe, Murarame”


“Mbudzi 14–20. Muporofita Amosi; Muporofita Obadia: ‘Tsvakai Ishe, Murarame,’” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: Testamente Yekare 2022 (2021)

“Mbudzi 14–20. Muporofita Amosi; Muporofita Obadia,” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: 2022

Mufananidzo
kumeso kwaJesu kwakavhenekwa namakenduru mukamuri rine rima

Bread of Life,[Chingwa cheUpenyu] naChris Young

Mbudzi 14–20

Muporofita Amosi; Muporofita Obadia

“Tsvakai Ishe, Murarame”

Mweya Mutsvene unokwanisa kuvhura pfungwa dzako nemoyo wako kumashoko ari mushoko raMwari ayo akaitirwa iwe chete. Chii chaunonzwa kuti Ishe vanoda kuti udzidze vhiki rino?

Nyora Pasi Manzwiro Ako

Mwari akasarudza zvibereko zvaAbrahama kuti zvive vanhu vechibvumirano vavo kuitira kuti vagova “chikomborero” kuvanhu vese (ona Genesi 12:2–3). Asi panzvimbo paizvozvo, panguva yehushumiri hwaAmosi , vazhinji vavanhu vechibvumirano vaidzvinyirira varombo uye vasingateerere vaporofita, zvichiita kuti zviito zvavo zvokunamata zvive kusina maturo uye kusingarevi chinhu. (ona Muporofita Amosi 2:6–16). Chokwadi,, nyika dzaiva dzakavakomberedza dzaivawo nemhosva yezvivi zvikuru (ona Amosi 1; 2:1–5), asi izvi hazvina kumbova pembedzo yavanhu vaMwari (see Amos 3:2). Saka Mwari vakatuma mufudzi kubva kuJuda ainzi Amosi kunoparidza rutendeuko kuUmambo hweIsraeri. Pashure, Mwari vakazivisawo pachena kuburikidza nemuporofita Obadia kuti kunyangwe zvazvo Umambo hweJuda hwakanga hwaparadzwa, Ishe vaizounganidza nokuropafadza vanhu Vavo zvakare. Vanhu vechibvumirano vakanga vatsauka kubva kuna Ishe, Vaporofita vose vari vaviri vakapupura, , asi havaisazoraswa narinhi narinhi. Apo Mwari pavanozarura zvakavanzika zvaVo kuvaranda Vavo vaporofita (ona Amosi 3:7), tinokwanisa kuzvitora sechiratidzo chekuti Vachiri kuda kutibatsira kurarama maererano nezvibvumirano zvatakaita naVo.

Kuti uwane zvimwe pamusoro pamabhuku aMuporofita Amosi naMuporofita Obadiya, ona “Muporofita Amosi” uye “Muporofita Obadia” muNhungamiro Kumagwaro Matsvene.

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwako wega

Mazano eKunzvera Magwaro Matsvene Kwako Wega

Muporofita Amosi 3:1–8; 7:10–15

Ishe vanozarura chokwadi kuburikidza navaporofita Vavo.

Muna Muporofita Amosi 3:3–6, muporofita Amosi akapa mienzaniso yakawanda yezvikonzero nemhedzisiro: nokuda kwokuti shumba inowana chayavhima, shumba inodzvova; nokuda kwokuti musungo werugombe unoteyerwa shiri, shiri inobatwa. (Cherechedza kuti muDudziro yaJoseph Smith yendima 6, shoko rokuti “kuzviita” rakachinjwa kuva “kuzviziva [muna Amosi 3:6, mashoko omuzasi b].) Mundima 7–8, Amosi akashandisa mafungiro kwawo aya kuvaporofita. Chii chinokonzera muporofita kuti aporofite? Ndezvipi zvimwe zvaunodzidza pamusoro pavaporofita apo paunenge uchiverenga Muporofita Amosi 7:10–15? Fungisisa kuti sei uchivonga kuti Ishe vachiri “kuzarura zvakavanzika zvavo kuvaranda vavo vaporofita” (Muporofita Amosi 3:7). Chokwadi ichi chinotaurei kwauri pamusoro paMwari?

Onawo Dzidziso neZvibvumirano 1:38; 21:4–8; 35:13–14.

Amosi 4–5

“Tsvakai Ishe, murarame.”

Apo paunenge uchiverenga Muporofita Amosi 4:6–13, cherechedza mitongo iyo Ishe yavakanga vatuma pavanhu veIsraeri. Ndima idzi dzinotaurei pamusoro pezvaitarisirwa naIshe kuti zvaizoitika mushure mechimwe nechimwe chezviitiko izvi? (onawo Hiramani 12:3). Funga pamusoro pomuedzo wauchangobva kusangana nawo. Apo muedzo wako ungange usina kutumwa naMwari, fungisisa kuti ungakupa sei mikana yekuVatsvaga.

Verenga Amosi 5:4, 14–15, uye fungisisa kuti Ishe vakakuitira “nyasha ” sei (ndima 15) apo pawaiVatsvaga, kunyangwe munguva dzako dzemuedzo.

­ ­

Muporofita Amosi 8:11–12

Shoko raIshe rinokwanisa kugutsa nzara nenyota zvapamweya.

Isu tese tinosangana nenguva dzenzara nenyota zvapamweya, asi hapana chikonzero chekuti isu “tidzungaire tichibva kugungwa tichienda kugungwa ” (Muporofita Amosi 8:12) tichitsvaga chimwe chinhu chingatigutsa. Tinoziva kuti chii chinozogutsa nzara yezvapamweya iyoyo, uye takakomborerwa neshoko raIshe rakawanda zvikuru. Apo paunenge uchiverenga Muporofita Amosi 8:11–12, funga pamusoro pokuti sei nzara iri muenzaniso wakanaka wekurarama usina shoko raMwari. Ndedzipi dzimwezve nzwisiso dzaunowana muna Mateo 5:6; Johane 6:26–35; 2 Nifai 9:50–51; 32:3; Enosi 1:4–8?

­ ­

Mufananidzo
boka revechidiki vakamira pamberi petemberi

Tinokwanisa kuva vaponesi paGomo reZioni nokuita basa remutemberi uye renhoroondo yemhuri.

Muporofita Obadia 1:21

Ndivanaani “vaponesi … pagomo reZioni”?

Mutungamiriri Gordon B. Hinckley vakapa imwe dudziro inobvira yechirevo chekuti “vaponesi pagomo reZioni,” vachibatanidza chirevo ichi nebasa remutemberi uye renhoroondo yemhuri: “[Mutemberi] isu tinova vaponesi chaivo paGomo reZioni. Zvinorevei izvi? Sokupa kwakaita Mununuri wedu hupenyu hwake sechibairo chinomiririra vanhu vese, uye mukuita kudaro akava Muponesi wedu, kunyangwe isu, mumwero mudiki, apo patinoita basa takamiririra vamwe mutemberi, tinova savaponesi kuna avo vari kune rimwe divi avo vasina nzira yekufambira mberi kunze kwekunge chimwe chinhu chaitwa pachinzvimbo chavo naavo vari pasi pano” (“Closing Remarks,” Ensign kana Liahona, Mbudzi. 2004,105).

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwemhuri

Mazano ekuNzvera Magwaro Matsvene kweMhuri uye eNguva yeMhuri Pamba Manheru

Muporofita Amosi 3:7.Munokwanisa kuwongorora mashoko akati wandei enguva ichangopfuura akabva kuMutungamiri weChechi uye mokurukura zviri kuzarurwa naIshe kumhuri yenyu kuburikidza naye. Sei zvakakosha kuva nomuporofita anotungamirira Chechi? Takasvika sei pakuziva kuti muporofita wechokwadi? Chii chatiri kuita kuti titevere rairo yake?

Muporofita Amosi 5:4.Mhuri yenyu inogona kugadzira posita yokuturika mumba menyu nendima iyi yakanyorwa pairi. Zvinorevei kutsvaga Ishe? Tinovatsvaga sei? Tinogamuchira maropafadzo api apo patinodaro? Munokwanisa kukoka nhengo dzemhuri kuti dzigoverane nekukurukura dzimwe ndima dzinodzidzisa pamusoro pokutsvaga Ishe, sezvakaita Mateo 7:7–8; Eta 12:41; uye Dzidziso neZvibvumirano 88:63.

Muporofita Amosi 8:11–12Vana vadiki vanogona kunakidzwa nekuedzesera zviito zvinoenderana nendevo dziri mundima idzi. Kana miviri yedu ine nzara kana nyota, chii chatinoita? Kana mweya yedu ine nzara kana nyota, chii chatinoita? Kudzorerwa kwevhangeri kunogutsa sei nzara yedu yemweya?

Muporofita Obadia 1:21.Zvinokwanisa kurevei kuva “vaponesi … pagomo reZioni”? (Kuti uwane tsananguro imwechete inobvira, ona shoko reMutungamiri Gordon B. Hinckley “muMazano eKunzvera Magwaro Matsvene Kwako Wega.”) Ndeapi amadzitateguru edu anoda zvisungo zvinoponesa? Chii chatichaita kuvabatsira?

Kuti uwane mamwe mazano ekudzidzisa vana, ona chirongwa chevhiki ino chiri muHuyai, Munditevere—Bhuku reVana Vadiki.

Rumbo rwakapiwa: “Tinokutendai, Mwari, neMuporofita,” Nziyo neDzevana Vadiki, nhamba.70.

Kunatsurudza Kunzvera Kwako Wega

Shandisa mumhanzi kukoka Mweya uye kudzidza dzidziso. Kuteerera kana kuverenga rwiyo kunokwanisa kukubatsira kudzidza misimboti yevhangeri. Somuenzaniso, unokwanisa kuteerera kana kuverenga “Tinokutendai, Mwari, neMuporofita” (Nziyo neDzevana Vadiki, nhamba.70) kukurudzira mamuri rutendo rukurusa muvaporofita vanorarama. (Ona Teaching in the Savior’s Way, 22.)

Mufananidzo
Temberi yeSanto Domingo Dominican Republic

Temberi yeSanto Domingo Dominican Republic

Dhinda