Testamente Yekare 2022
Gumiguru 31–Mbudzi 6. Muporofita Danieri 1–6: “Hakuno Mumwe Mwari Anogona Kurwira”


“Gumiguru 31–Mbudzi 6. Muporofita Danieri 1–6: ‘Hakuno Mumwe Mwari Anogona Kurwira,’” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: 2022 Testamente Yekare 2022 (2021)

“Gumiguru 31–Mbudzi 6. Muporofita Danieri 1–6,” Huyai, Munditevere—Bhuku raVanhu Pachavo neMhuri: 2022

Mufananidzo
Danieri achidudzira chiroto chamambo

Daniel Interprets Nebuchadnezzar’s Dream,[Danieri Anodudzira Chiroto chaNebukadnezari] naGrant Romney Clawson

Gumiguru 31–Mbudzi 6

Muporofita Danieri 1–6

“Hakuno Mumwe Mwari Anogona Kurwira”

Gosa Richard G. Scott vakatsanangura kuti kunyora pasi kurudziro “kunoratidza Mwari kuti kutaura Kwavo kunoyera kwatiri. Kunyora pasi kunozowedzerawo kwaniso yedu yokurangarira zvakazarurwa” (“How to Obtain Revelation and Inspiration for Your Personal Life,” Ensign kana Liahona, Chivabvu 2012, 46).

Nyora Pasi Manzwiro Ako

Pamwe hapana anombozokutyisidzira kuti anokukanda muvira remoto kana gomba reshumba nekuda kworutendo rwako muna Jesu Kristu. Asi hapana mumwe wedu anorarama nomuupenyu huno asina chiedzo chorutendo. Tose tinokwanisa kuwana pundutso kubva kumuenzaniso wavanhu vakaita saDanieri, Shadraki, Meshaki, naAbedi‑nego, avo vakatorwa senhapwa vari majaya neHutongi hweBabironi hwaiva namasimba makuru (ona 2 Madzimambo 24:10–16). Vechidiki ava vaiva vakakomberedzwa netsika nemagariro avaiva vasingazivi avanhu vaiva nehunhu hwakasiyana nehwavo, uye vakasangana nemiedzo mikuru yekusiya zvitendero zvavo uye tsika dzakarurama dzavo. Asi vakaramba vakatendeka kuzvibvumirano zvavo. SaJosefa muEgipitaa naEsteri muPersia, Danieri neshamwari dzake muBabironi vakachengeta rutendo rwavo muna Mwari, uye Mwari vakaita zvishamiso izvo zvichiri kukurudzira vatendi nanhasi.

Vakawana sei simba rekuramba vakavimbika kudaro? Vakaita zvinhu izvo zvidiki uye zvakareruka izvo Mwari zvavatikumbira isu tese kuti tiite—kunamata, kutsanya, kusarudza shamwari dzakanaka, kuvimba muna Mwari, uye nokuva chiedza kune vamwe. Apo patinosimbiswa nokuita zvinhu zvidiki uye zvakareruka izvi, isu tinokwanisa kutarisana neshumba uye namavira emoto muhupenyu hwedu pachedu norutendo.

Kuti uwane pfupiso yebhuku raMuporofita Danieri, ona “Muporofita Danieri, bhuku ra” muNhungamiro kuMagwaro Matsvene.

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwako wega

Mazano eKunzvera Magwaro Matsvene Kwako Wega

Muporofita Danieri 1; 3; 6

Ndinokwanisa kuvimba muna Ishe apo rutendo rwangu parunoedzwa.

Neimwe nzira, tose tinogara muBabironi. Nyika yakatikomberedza izere nemiedzo mizhinji yokuderedza hunhu hwedu nokusava nechokwadi murutendo muna Jesu Kristu. Paunenge uchiverenga Muporofita Danieri 1, 3, uye 6, ona nzira idzo Danieri, Shadraki, Meshaki, naAbedi‑nego dzavakamanikidzwa nadzo kuita zvinhu zvavaiziva kuti zvakanga zvisiri kwazvo. Wakambonzwa uchimanikidzwa kuti uderedze zvitendero zvako here? Chii chaunodzidza kubva kuvarume ava chinokwanisa kukubatsira kuvimba muna Ishe apo paunotarisana nerupikiso?

Bhuku raMuporofita Danieri nezvimwe zvinyorwa zvitsvene zvakawanda zvinotaridza zviitiko apo rutendo rukuru rwakatungamirira kuzvishamiso zvikuru. Asi ko kana rutendo rwedu rwukasatungamirira kuzvishamiso zvatinotsvaga? (ona, semuenzaniso, Aruma 14:8–13). Kubva pane zvawaverenga muna Muporofita Danieri 3:13–18, unofunga kuti Shadraki, Meshaki, naAbedi‑nego vangadai vakapindura sei mubvunzo uyu? Muenzaniso wavo unoshandura sei zvaunoita paunosangana nemiedzo yerutendo?

Bhuku raMuporofita Danieri rinoratidzawo kuti sarudzo dzemunhu dzakarurama dzinokwanisa sei kutungamirira vamwe kurutendo rukurusa muna Ishe. Ndeipi mienzaniso yeizvi yaunowana muzvitsauko 1, 3, ne6? Fungisisa nezve shanduro dzirikuitwa panavamwe nesarudzo dzako (ona Mateo 5:16).

Mufananidzo
vakomana vana vari patafura vachiramba nyama yavapuwa nemurume

Mufananidzo waDanieri neshamwari dzake vachiramba zvokudya zvamambo , naBrian Call

Muporofita Danieri2

Chechi yaJesu Kristu yaVatendi vaMazuva Ekupedzisira ndihwo humambo hwaMwari panyika.

Kuburikidza nezvakazarurwa, Danieri akaona kuti chiroto chaNebukadnezari chakafanotaura umambo hwapanyika hwomune ramangwana, pamwepo neumambo hwomune ramangwana hwaMwari, uhwo “hwusingatongozoparadzwi” (Danieri 2:44). “Chechi ndiyo umambo hwemazuva ekupedzisira uhwo hwakaporofitwa,” Gosa D.Todd Christofferson vakadzidzisa, “hahwusi hwakasikwa nemunhu asi hwakamiswa naMwari vekudenga uye hwunokunguruka mberi seibwe ‘rakavezwa mugomo zvisingaitwi nemaoko’ kuzadza panyika” (“Why the Church,” Ensign kana Liahona, Mbudzi. 2015,111). Funga pamusoro peumambo hwaMwari hwemazuva ekupedzisira apo paunenge uchiverenga tsananguro dzeimbwe muna Muporofita Danieri 2:34–35, 44–45. Ndezvipi zvakafanana zvaunoona pakati peibwe uye neumambo? Unoona sei umambo hwaMwari hwuchizadza panyika nhasi?

Muporofita Danieri 3:19–28

Muponesi anozonditsigira mumiedzo yangu.

Ndedzipi nzwisiso dzinouya kwauri apo paunoverenga pamusoro pomunhu wechina anoonekwa muvira remoto naShadraki, Meshaki, naAbedi‑nego? Nhoroondo iyi ingakubatsira sei mumiedzo yaunotarisana nayo? Unogona kuwana dzimwe nzwisiso muna Mosaya 3:5–7; Aruma 7:11–13; Dzidziso neZvibvumirano 61:36–37; 121:5–8.

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwemhuri

Mazano ekuNzvera Magwaro Matsvene kweMhuri uye eNguva yeMhuri Pamba Manheru

Muporofita Danieri 1–2.Apo pamunenge muchiverenga Muporofita Danieri 1 ne2 pamwechete, munokwanisa kutsvaga maropafadzo akagamuchirwa naDanieri neshamwari dzake kuburikidza nokuramba kudya nyama newaini yamambo. ­ Munokwanisa kufananidza maropafadzo iwayo kuvimbiso dzaIshe kwatiri apo patinochengeta mirairo Yavo, sezvakaita Shoko roUngwaru (ona Dzidziso neZvibvumirano 89:18–21). Ishe vakatiropafadza sei nekurarama Shoko roUngwaru?

Muporofita Danieri 3.Ungabatsira sei mhuri yako kudzidza pamusoro penyaya iri muna Muporofita Danieri 3? “Shadraki, Meshaki, naAbedi‑negomuNyaya dzeTestamente Yekare inogona kubatsira. Chii chinotiyamura pamusoro paShadraki, Meshaki, naAbedi‑nego? Ndeapi mamiriro ezvinhu atinotarisana nawo anoedza rutendo uye anoda kuti tiratidze kuti tinovimba naMwari?

Muporofita Danieri 6:1–23.Mhuri yenyu inogona kunakidzwa nekuedzesera zvikamu zvenyaya iyi muna Muporofita Danieri 6:1–23 (somuenzaniso, ndima 10–12 kana 16–23). Chii chatinodzidza kubva pamuenzaniso waDanieri? Chii chatingaite kuti tiwedzere kufanana naye?

Muporofita Danieri 6:25–27.Maererano nendima idzi, Mambo Dariusi akashandurwa sei apo Ishe pavakanunura Danieri kubva kushumba? Unokwanisawo kuverenga muna Muporofita Danieri 2:47; 3:28–29 pamusoro pokuti Mambo Nebukadnezari akashandurwa sei nenzira imwecheteyo. Ndeipi mikana yatinayo yekuti tishandure vamwe? Kurukurai mienzaniso yamakaona yekuti rutendo rwavamwe vanhu, kusanganisira nhengo dzemhuri, rwakashandura vamwe mune zvakanaka sei.

Kuti uwane mamwe mazano ekudzidzisa vana, ona chirongwa chevhiki ino chiri muHuyai, Munditevere—Bhuku reVana Vadiki.

Kunatsurudza Kudzidzisa Kwedu

Dzidzisa dzidziso. Vhangeri raIshe rakanaka pakuva nyore kwaro (ona Dzidziso neZvibvumirano 133:57). Zviitiko zviri nyore uye hurukuro dzakanangana nedzidziso zvinokwanisa kukoka Mweya Mutsvene kuti utakure shoko revhangeri kuriisa mumwoyo yemhuri yenyu.

Mufananidzo
Danieri mugomba reshumba

Daniel in the Lion’s Den, (Danieri Mugomba reShumba) 1872. Rivière, Briton (1840–1920). Ruvongo: kuWalker Art Gallery, National Museums Liverpool/Bridgeman Images

Dhinda