Testamente Yekare 2022
Gumiguru 24–30. Muporofita Ezekieri 1–3; 33–34; 36–37; 47: “Ndichaisa Mukati Menyu Mweya Mutsva”


“Gumiguru 24–30. Muporofita Ezekieri 1–3; 33–34; 36–37; 47: ‘Ndichaisa Mukati Menyu Mweya Mutsva,’” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: Testamente Yekare 2022 (2021)

“Gumiguru 24–30. Muporofita Ezekieri 1–3; 33–34; 36–37; 47,” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: 2022

Mufananidzo
Jesu achitungamirira makwai

Come, Follow Me, [Huyai, Munditevere] naScott Sumner

Gumiguru 24–30

Muporofita Ezekieri 1–3; 33–34; 36–37; 47

“Ndichaisa Mukati Menyu Mweya Mutsva”

Ezekieri akakokwa kuti sechiratidzo “adye” shoko raMwari—kuitira kuti azvizadze naro (ona Muporofita Ezekieri 2:9–3:3,10). Unozozvizadza sei neshoko raMwari vhiki rino?

Nyora Pasi Manzwiro Ako

Ezekieri aiva muporofita aiva muutapwa. Pamwechete navamwe vaIsraeri, akanga atapwa uye aendeswa kuBabironi makore akati wandei Jerusarema risati razoparadzwa. MuJerusarema, Ezekieri angadai akazova mupirisita aishandira mutembere. KuBabironi, aiva pakati paavo “vaiva pakutapwa,” uye “akagara pavakanga vagere” (Muporofita Ezekieri 3:15), mazana emamaira kubva kutembere uye aine tarisiro shoma yekudzokera kuimba yaidikanwa yaMwari. Zvino rimwe zuva Ezekieri akava nechiratidzo. Akaona “kubwinya kwaIshe” (Muporofita Ezekieri 1:28)—kwete achiri mutembere kuJerusarema asi imomo muBabironi pakati pevatapwa. Hunyangadzi muJerusarema, akaziva kudaro, hwakanga hwava hwakanyanyisa zvekuti kuvapo kwaMwari kwakange kusisipo (ona Muporofita Ezekieri 8–11; 33:21).

Rimwe remabasa aEzekieri raiva rokuyambira vaIsraeri pamusoro pemhedzisiro yehupanduki hwavo—yambiro iyo isina kumbonyanya kuteererwa. Asi shoko raEzekieri raireva zvimwe zvakawanda: akaporofita kuti, zvisinei nokuti zvinhu zvainge zvakaipa zvakadii, paiva nenzira yokudzoka. Kana vanhu vaMwari vakabvuma kukokwa kuti “vanzwe shoko raIshe” (Muporofita Ezekieri 37:4), izvo zvaimbova zvakafa zvaikwanisa kumutswa. “Mwoyo webwe” waikwanisa kutsiviwa “nemwoyo mutsva” (Muporofita Ezekieri 36:26). “Ndichaisa mweya wangu mukati menyu,” Ishe vakavaudza kudaro, “murarame” (Ezekieri 37:14). Uye mumazuva ekupedzisira, Ishe vanozomisa tembere itsva uye Jerusarema idzva, uye “zita reguta kubva pazuva iro rinofanira kunzi, Ishe uripo” (Ezekieri 48:35).

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwako wega

Mazano eKunzvera Magwaro Matsvene Kwako Wega

Muporofita Ezekieri 1–3

“Iwe unofanira kuvavudza mashoko angu.”

Kuverenga pamusoro pedaidzo yaEzekieri kuhushumiri muna Muporofita Ezekieri 1–3 kunogona kukukurudzira kuti ufunge pamusoro pemikana iyo Mwari yavakakupa kuti “utaure mashoko [Avo]” kune vamwe (Muporofita Ezekieri 3:4). Muna Muporofita Ezekieri 2–3, cherechedza mashoko Avo ekurudziro nerairo kuna Ezekieri. Kunyangwe zvazvo vanhu vaunoshandira pamwe vasiri vanoupanduki savanhu vaEzekieri, funga pamusoro pokuti mashoko aMwari kuna Ezekieri anoshandura sei nzira yaunoona nayo kushandira kwako kuChechi, kumba, nekumwewo.

Onawo Muporofita Ezekieri 33:1–9;

Muporofita Ezekieri 33:10–19

Ishe vanoda kuregerera.

“Zvirokwazvo, … zvivi zvedu zviri pamusoro pedu,” vaIsraeri vaiva nhapwa vakazvibvunza, “zvino tichararama seiko?” (Muporofita Ezekieri 33:10). Mukupindura, Ishe vakavadzidzisa chokwadi chakakosha pamusoro porutendeuko uye ruregerero. Mibvunzo iyi inogona kukubatsira kufungisisa zvokwadi izvozvo:

Muporofita Ezekieri34

Ishe vanondikoka kuti ndifudze makwai aVo.

Muna Muporofita Ezekieri 34, Ishe vanotaura nezve vatungamiriri vavanhu Vavo “savafudzi.” Paunenge uchiverenga, funga pamusoro pokuti zita iri rinoratidzei kwauri pamusoro pezvazvinoreva kuva mutungamiri. Ndivanaani “makwai” ayo Ishe avanoda kuti ufudze? Ungatevera sei muenzaniso unomiswa neMuponesi somufudzi wedu? (ona ndima 11–31).

Onawo Johane 21:15–17.

Mufananidzo
renje neGungwa Rakafa

Ezekieri akaona muchiratidzo rwizi rwuchiyerera kubva mutembere uye rukaporesa Gungwa Rakafa.

Muporofita Ezekieri 37

Ishe vari kuunganidza vanhu Vavo uye vachivapa upenyu hutsva.

Kuunganidzwa kweIsraeri kunoratidzwa muna Muporofita Ezekieri 37 kuburikidza nezviratidzo zviviri. Apo paunenge uchiverenga pamusoro pechokutanga—mapfupa akafa achidzoswa kuupenyu (ona ndima 1–14)—fungisisa zvaunodzidza pamusoro pokuunganidzwa kweIsraeri kumativi ese echidzitiro (onawo Ezekieri 36:24–30).

Chiratidzo chechipiri (ona ndima 15–28) chinosanganisira matanda maviri, ayo vadzidzi vakawanda avanodudzira samabhodhi ekunyorera amapango akabatanidzwa nehinji. Rutanda rwaJuda runokwanisa kumiririra Bhaibheri (sezvo zvizhinji zveBhaibheri zvakanyorwa nezvizvarwa zvaJuda), uye rutanda rwaJoseph runokwanisa kumiririra Bhuku raMormoni (sezvo mhuri yaRihai yaive zvizvarwa zvaJosefa weEgipita). Uine izvozvo mupfungwa, ndima idzi dzinokudzidzisei pamusoro pebasa remagwaro matsvene pakuunganidzwa kweIsraeri? 2 Nifai 3:11–13 (huporofita pamusoro paJoseph Smith uye neBhuku raMormoni) hwunowedzera chii kunzwisiso yako?

Onawo 2 Nifai 29:14

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwemhuri

Mazano ekuNzvera Magwaro Matsvene kweMhuri uye eNguva yeMhuri Pamba Manheru

Muporofita Ezekieri 33:1–5.Kuratidza ndima idzi, imwe nhengo yemhuri inokwanisa kunyepedzera kuva “nharirire” nekutarisa kunze nepahwindo uye achiudza vamwe vese vemhuri zviri kuitika kunze. Muporofita wedu anorarama akaita sei senharirire kwatiri?

Muporofita Ezekieri 33:15–16.Ndima idzi dzinotidzidzisei pamusoro poruregerero rwatinokwanisa kugamuchira kuburikidza naJesu Kristu?

Muporofita Ezekieri 36:26–27.Ratidza mhuri yako mabwe apo pamunenge muchikurukura zvazvinoreva kuva “nemwoyo webwe.” Ita kuti vataure mashoko anotsanangura “mwoyo mutsva ” uye “mweya mutsva ” uyo Muponesi waunotipa (ona Mosaya 3:19; 5:2).

Muporofita Ezekieri 37:15–28.Nhengo dzemhuri dzinokwanisa kuwana matanda maviri uye vonyora pane rimwechete kuti RaJuda (Bhaibheri) uye pane rimwe racho RaJosefa (Bhuku raMormoni) (ona ndima 16–19). Vanokwanisa zvino kugoverana nyaya kana zvinyorwa zvitsvene kubva muBhaibheri neBhuku raMormoni izvo zvinovabatsira kuti vanzwe kuva pedyo neMuponesi uye vozova “vanhu [Vake] ” (ndima 23).

Muporofita Ezekieri 47:1–12.Ndima idzi dzinotsanangura chiratidzo chaEzekieri chemvura inoyerera kubva mutembere uye ichiporesa Gungwa Rakafa—gungwa rine munyu muzhinjisa zvekuti hove nezvirimwa hazvikwanisi kuraramo. Vana vanogona kunakidzwa nekudhirowa mufananidzo wechiratidzo ichi. Mvura inoyerera kubva mutembere inomiririra chii? Tembere inobatsira sei kutiporesa? (ona Muporofita Ezekieri 47:8–9,11).

Kuti uwane mamwe mazano ekudzidzisa vana, ona chirongwa chevhiki ino chiri muHuyai, Munditevere—Bhuku reVana Vadiki.

­

Kunatsurudza Kudzidzisa Kwedu

Usaedza kudzidzisa musoro wenyaya wose. Unogona kusakwanisa kuwongorora chokwadi chose chiri muna Muporofita Ezekieri nemhuri yako. Tsvaga nhungamiro yapamweya kuti uzive izvo zvokunangisa pazviri. (Ona Teaching in the Savior’s Way, 7.)

Mufananidzo
mufananidzo werwizi rwunoyerera kubva mutembere

“Ndikaona mvura zhinji ichibuda pasi pechikumbaridzo cheimba.… Uye zvose zvichararama pose panosvika rwizi” (Ezekieri 47:1,9). Mufananidzo wakashandiswa nemvumo kubva kushutterstock.com.

Dhinda