Testamente Yekare 2022
Gumiguru 10–16. Muporofita Jeremia 1–3; 7; 16–18; 20: “Ndakakuziva Ndisati Ndakuvumba muDumbu”


“Gumiguru 10–16. Muporofita Jeremia 1–3; 7; 16–18; 20: ‘Ndakakuziva Ndisati Ndakuvumba muDumbu,’” Huyai, Munditevere —Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: Testamente Yekare 2022 (2021)

“Gumiguru 10–16. Muporofita Jeremia 1–3; 7; 16–18; 20,” Huyai, Munditevere —Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: 2022

Mufananidzo
muporofita achitaura kuvarume

Jeremia naWalter Rane

Gumiguru 10–16

Muporofita Jeremia 1–3; 7; 16–18; 20

“Ndakakuziva Ndisati Ndakuvumba muDumbu”

Gosa David A. Bednar vakati “Imwe yenzira dzandinonzwa nayo [Ishe] ndeyo mumagwaro matsvene. Magwaro matsvene inzwi raIshe rakafanorekodhwa kare” (“‘Hear Him’ in Your Heart and in Your Mind,” ChurchofJesusChrist.org).

Nyora Pasi Manzwiro Ako

Pakutanga, Jeremia haana kufunga kuti aizova muporofita akanaka. “Tarirai, handikwanisi kutaura,” akaramba apo Ishe pavakatanga kumudaidza (Muporofita Jeremia 1:6). Ishe vakamusimbisa vachiti, “Ndaisa mashoko angu mumuromo mako” (ndima 9). Jeremia ainzwa sekuti aiva “mwanana” asina ruzivo (ndima 6), asi Ishe vakatsanangura kuti pachokwadi aiva akagadzirira kupfuura zvaaiziva—akanga agadzwa kudaidzo iyi kunyange asati azvarwa (ona ndima 5). Saka Jeremia akaisa parutivi kutya kwake uye akagamuchira daidzo yacho. Akayambira madzimambo uye nevapirisita veJerusarema kuti hutsvene hwokunyepedzerwa hwavo hahwaizovaponesa kubva kuruparadzo. “Mwanana” uyo aifunga kuti aiva asingakwanisi kutaura akasvika pakunzwa shoko raMwari “mumwoyo [wake] semoto unopfuta” uye haana kuzokwanisa kunyarara (Muporofita Jeremia 20:9).

Nyaya yaJeremia inyaya yeduwo. Mwari vaitiziva, isuwo, tisati tazvarwa uye vakatigadzirira kuti tiite basa Ravo panyika. Pakati pezvimwe zvinhu, basa iroro rinosanganisira chimwe chinhu chakafanoonekwa naJeremia: kuunganidza vanhu vaMwari, mumwe nemumwe, “kuvaisa kuZioni” (Muporofita Jeremia 3:14). Uye kunyangwe tisingazivi chaizvo zvokuita kana kutaura, hatifanire “kutya nokuti ini ndinewe, …ndizvo zvinotaura Ishe” (Muporofita Jeremia 1:8,19).

Kuti uwane pfupiso yebhuku raJeremia, ona “Muporofita Jeremia” muNhungamiro kuMagwaro Matsvene.

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwako wega

Mazano eKunzvera Magwaro Matsvene Kwako Wega

Muporofita Jeremia 1:4–19; 7:1–7; 20:8–10

Vaporofita vanodaidzwa kuti vataure shoko raIshe.

Apo paunenge uchiverenga muna Muporofita Jeremia 1:4–19 pamusoro pedaidzo yaJeremia kuti ave muporofita, fungisisa nezve basa revaporofita muhupenyu hwako. Unodzidzei pamusoro pavaporofita kubva pamashoko aIshe kuna Jeremia? (onawo Muporofita Jeremia 7:1–7). Kuparidza kwaJeremia kwaigara kuchirambwa (ona Muporofita Jeremia 20:8,10). Unodzidzei kubva pamashoko aJeremia ari muna Muporofita Jeremia 20:9? Chengeta pfungwa idzi mundangariro nomukunzvera kwako kwese dzidziso dzaJeremia. Chii chaunowana mudzidziso idzi chinokukurudzira kuti utevere vaporofita vedu vemazuva ekupedzisira?

Muporofita Jeremia 1:5

Mwari vaindiziva ndisati ndazvarwa.

Jeremia asati azvarwa, Mwari vaimuziva uye vakamusarudza, kana kufanomugadza, kuti azadzikise rimwe basa chairo panyika (ona Muporofita Jeremia 1:5). Sei iwe uchifunga kuti zvaive zvakakosha kuti Jeremia azive izvi?

Mwari vakakuzivawo iwe usati wazvarwa uye vakafanokugadza kuti uite mamwe mabasa chaiwo (ona Aruma 13:1–4; Dzidziso neZvibvumirano 138:53–56; Abrahama 3:22–23). Ndoupi musiyano uyo ruzivo urwu waunoita muhupenyu hwako? Kana wakagamuchira ropafadzo yapatiriyaki yako, unokwanisa kuiongorora nomunamato uye wobvunza Mwari mabudiriro aungaita pane izvo zvavakafanokugadza kuti uite.

Onawo Nhungamiro Kumagwaro Matsvene, “Kufanogadzwa,” “Upenyu hwokudenga uhwo hwenyama husati hwavepo,” topics.ChurchofJesusChrist.org.

Mufananidzo
Munhu akamira muchirongo chakavakwa chechinyakare

Vanhu muIsraeri yechinyakare vaishandisa zvirongo zvakavakwa kuchengetera mvura yakakosha.

Muporofita Jeremia2; 7

“Vakandisiya ini tsime remvura mhenyu.”

Munzvimbo yaiva isina mvura iyo yaigara vaIsraeri, vanhu vaichengetera mvura yakakosha mumigodhi yakacherwa pasi yainzi zvirongo. Sei kugamuchira mvura kubva mutsime kuri nani pane kuvimba nezvirongo zvakavakwa? Zvinorevei kusiya “tsime remvura mhenyu”? Unofunga kuti “zvirongo zvakaputsika” zvakataurwa muna Muporofita Jeremia 2:13 zvingamiririra chii? Apo paunenge uchiverenga Muporofita Jeremiah 2 uye7, cherechedza kuti vanhu vaiva vachisiya sei mvura mhenyu yaIshe, uye funga pamusoro pokuti uri kugamuchira sei mvura mhenyu muhupenyu hwako.

Muporofita Jeremia 7 chinotaura kuna avo vaipinda “napamusuwo weimba yaIshe … kuzonamata Ishe” (Muporofita Jeremia 7:2). Asi zvisinei nekuratidzika kwekunze uku kwekuzvipira, vaiva vaine mhosva yehunyangadzi hukuru (ona ndima 2–11). Mashoko api aunonzwa kuti Ishe angava navo kwauri mundima 21–23?

Muporofita Jeremia 3:14–18; 16:14–21

Ishe vanozounganidza vanhu Vavo.

Apo Jeremia paakaporofita nezvekuunganidzwa kweIsraeri yakapararadzirwa, akati kwaizova kukuru zvikurusa kupfuura Kubuda kubva kuEjipita (ona Muporofita Jeremia 16:14–15). Mumweya mumwetechewo, Mutungamiri Russell M. Nelson vakati: “Wakatumirwa panyika panguva ino chaiyo … kuzobatsira kuunganidza Israeri. Hapana chiri kuitika panyika pano iyezvino chakanyanya kukosha kudarika [kuunganidzwa] ikoko. … Kuunganidzwa uku kunofanira kureva zvinhu zvese kwauri” (Russell M. Nelson naWendy W. Nelson, “Hope of Israel” [ worldwide youth devotional, Chikumi3, 2018], supplement to the New Era uye Ensign, Nyamavhuvhu. 2018,12, ChurchofJesusChrist.org).

Apo paunenge uchinzvera Muporofita Jeremia 3:14–18; 16:14–21, chii chinokukurudzira pamusoro pekuunganidzwa kweIsraeri kwamazuva ekupedzisira? Ndima idzi dzinotaurei pamusoro pokuti kuunganidzwa ikoko kunoitika sei? Ndedzipi dzimwe nzwisiso dzaunowana mushoko rose raMutungamiri Nelson iro rataurwa pamusoro?

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwemhuri

Mazano ekuNzvera Magwaro Matsvene kweMhuri uye eNguva yeMhuri Pamba Manheru

Muporofita Jeremia 1:5.Unokwanisa kushandisa ndima iyi kutaura pamusoro poupenyu hwedu naBaba Vekudenga tisati tazvarwa. Chinyorwa chakaita sechichi “Chisumo: Chirongwa chaBaba Vedu Vokudenga” (muna Nyaya dzeTestamente Yakare, 1–5) chinokwanisa kubatsira. Kuziva pamusoro pohupenyu hwedu kwokudenga hwepanyika hwuno husati hwavepo kunokwanisa kushandura sei mararamiro atinoita hupenyu hwedu hwunofa?

Muporofita Jeremia 2:13; 17:13–14.Kubatsira nhengo dzemhuri kufungidzira ndima idzi, unokwanisa kuratidza zvinoitika apo paunoisa mvura mumudziyo wakatsemuka kana wakaputsika. Chii chingamiririrwa “netsime remvura mhenyu” uye “zvirongo zvakaputsika”? (Muporofita Jeremia 2:13). Tinonwa sei kubva kumvura mhenyu yaIshe?

Muporofita Jeremia 16:16.Mutungamiriri Russell M. Nelson vakafananidza varedzi uye vavhimi vari mundima ino navashumiri vamazuva ekupedzisira. Nhengo dzemhuri dzinokwanisa “kuvhima” zvinhu zvakapoteredza imba yenyu uye motaura kuti mungabatsira sei “kuredza” uye “kuvhima” Israeri yakaparadzirwa.

Muporofita Jeremia 18:1–6.Kuti muongorore ndima idzi, munokwanisa kukurukura kana kuratidza kuti zviumbwa zveivhu zvinoumbwa sei. Ishoko ripi iro Ishe vanaro kuIsraeri muna Muporofita Jeremia 18:1–6? Zvinorevei kuva ivhu rokuumbisa mumaoko aIshe? (onawo Muporofita Isaya 64:8). ­ ­

Kuti uwane mamwe mazano ekudzidzisa vana, ona chirongwa chevhiki ino chiri muHuyai, Munditevere—Bhuku reVana Vadiki.

Rumbo rwakapihwa: “Mununuri weIsrael,” Nziyo neDzevana Vadikinhamba.10.

Kunatsurudza Kudzidzisa Kwedu

Shandisa nyaya. Muponesi kazhinji aidzidzisa achishandisa nyaya. Funga nezve nyaya kubva muupenyu hwako pachako idzo dzinokwanisa kuita kuti musimboti wevhangeri uve mupenyu. (Ona Teaching in the Savior’s Way, 22.)

Mufananidzo
ivhu rokuumbisa riri pavhiri romuumbi

“Tarirai, ivhu sezvarakaita muruoko rwomuumbi wehari, ndizvo zvamakaita muruoko rwangu, imi imba yaIsiraeri” (Muporofita Jeremia 18:6).

Dhinda