Testamente Yekare 2022
Gumiguru 3–9. Muporofita Isaya 58–66: “Mudzikunuri Achasvika paZioni”


“Gumiguru 3–9. Muporofita Isaya 58–66: ‘Mudzikunuri Achasvika paZioni,’” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: Testamente Yekare 2022 (2021)

“Gumiguru 3–9. Muporofita Isaya 58–66,” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: 2022

Mufananidzo
Jesu achidzidzisa musinagoge

Jesus in the Synagogue at Nazareth, [Jesu ari muSinagoge kuNazareta] naGreg K. Olsen

Gumiguru 3–9

Muporofita Isaya 58–66

“Mudzikunuri Achasvika paZioni”

Apo paunonzvera Muporofita Isaya 58–66, funga pamusoro pokuti mashoko aIsaya anokuunzira sei mufaro uye tariro zveramangwana.

Nyora Pasi Manzwiro Ako

Pakutanga muhushumiri Hwake hwepanyika, Jesu Kristu akashanyira sinagoge muNazareta, musha uyo waAkarerwa. Ari ikoko Akamira kuti averenge kubva mumagwaro matsvene, akavhura bhuku raMuporofita Isaya, uye akaverenga izvo zvatinoziva saMuporofita Isaya 61:1–2. Zvino akazivisa kuti, “Nhasi rugwaro rutsvene urwu rwazadzikiswa munzeve dzenyu.” Ichi ndicho chaiva chimwe chezviziviso zveMuponesi zvakanyatsojeka zvokuti Ndiye aiva Iye Akazodzwa, uyo “aizoporesa vakatyorwa mwoyo” uye “kuzivisa vakatapwa kusunungurwa kwavo” (ona Ruka 4:16–21). Chinyorwa chitsvene ichi chakazadzikiswa zvechokwadi pazuva iroro. Uye, sehumwe huporofita hwakawanda hwaIsaya, chinoenderera mberi chichizadzikiswa muzuva redu. Muponesi ari kuenderera mberi nekuporesa vese vakatyorwa mwoyo avo vanouya kwaAri. Kuchine vakatapwa vazhinji avo kwavari rununuro runofanira kuparidzwa. Uye kune ramangwana rakanaka zvikurusa rekugadzirira—nguva apo Ishe pavanozosika “denga idzva nenyika itsva” (Muporofita Isaya 65:17) uye “achameresa kururama nokurumbidzwa pamberi pamarudzi ose” (Muporofita Isaya 61:11). Kuverenga Muporofita Isaya kunovhura maziso edu kune izvo Ishe zvavakatoita kare, zvaVari kuita, uye nezvaVanozoitira vanhu Vavo.

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwako wega

Mazano eKunzvera Magwaro Matsvene Kwako Wega

Muporofita Isaya 58:3–12

Kutsanya kunounza maropafadzo.

Ndima idzi dzinoratidza kuti kuvaIsraeri vakawanda vechinyakare, kutsanya kwainyanya kuva mutoro kupfuura kuva ropafadzo. Vazhinji vedu tinokwanisa kunzwisisa manzwiro iwayo pane dzimwe nguva. Kana uchida kuwana revo yakawedzerwa uye chinangwa pakutsanya kwako, verenga Muporofita Isaya 58:3–12 kuti uwane mhinduro dzaIshe kumubvunzo wekuti “Sei tichitsanya?” Kubva paruzivo rwako, kutsanya kunokwanisa sei “kusunungura zvisungo zvehunyangadzi” uye “kutyora majoko ese”? Muporofita Isaya 58:6. Kutsanya kwakakuunzira sei maropafadzo anotsanangurwa muna Muporofita Isaya 58:8–12? Muporofita Isaya 58:3–12 dzinoshandura sei mafungiro ako pamusoro pekutsanya?

Mushoko ravo “Uku Hakusiriko Kutsanya Kwandakasarudza Here?” (Liahona, Chivabvu 2015, 22–25), Mutungamiriri Henry B. Eyring vakagovera mienzaniso yakati wandei yokuti vanhu vakaropafadzwa sei kuburikidza nekutsanya uye nemipiro yekutsanya. Wakaona sei maropafadzo akafanana naaya muupenyu hwako?

Onawo Misoro yeNyaya yeVhangeri, “Kutsanya uye Mipiro yoKutsanya” (topics.ChurchofJesusChrist.org).

Muporofita Isaya 59:9–21; 61:1–3; 63:1–9

Jesu Kristu ndiye Muponesi uye Mununuri wangu.

Muna Muporofita Isaya 58–66 unozowana kurehwa kwakawanda kwebasa rorudzikinuro raJesu Kristu. Heino mienzaniso mishoma, pamwepo nemimwe mibvunzo kuikubatsira kufungisisa nezvazvo.

  • Muporofita Isaya 59:9–21. Ungapfupikisa sei mamiriro ezvepamweya zvevanhu vanotsanangurwa mundima 9–15? Chii chaunoyemura pamusoro petsananguro “yomurevereri” mundima 16–21 uye chibvumirano chaAnoita naavo vakatendeukira kwaAri?

  • Isaya 61:1–3. Jesu Kristu akakukomborera sei munzira dzakatsanangurwa mundima idzi? Ndeapi “mashoko akanaka” aAkakuunzira? Akakupa sei runako panzvimbo yemadota?

  • Muporofita Isaya 63:7–9. Ndedzipi “tsitsi dzorudo dzaIshe” dzaunokwanisa kutaura nezvadzo? Ndaapi manzwiro eMuponesi ayo ndima idzi aanokurudzira mumoyo mako?

Ndokupi kumwe kurehwa kweMuponesi kwaunowana muna Isaya 58–66?

Onawo Mosaya 3:7; Dzidziso neZvibvumirano 133:46–53.

Mufananidzo
mudzimai ari kubatidza rambi reivhu rine mafuta kubva parambi rakabatwa nemurume

“Ishe achava kwauri chiedza chisingaperi” (Isaya 60:19). A Gift of Light, [Chipo cheChiedza] naEva Timothy

Muporofita Isaya 60; 62

“Ishe achava kwauri chiedza chisingaperi.”

Muporofita Isaya 60 ne62 dzinotaura nezvechiedza nerima, maziso nekuona, kuitira kudzidzisa pamusoro pekuti vhangeri raJesu Kristu rinozokomborera sei nyika mumazuva ekupedzisira. Tsvaga pfungwa idzi kunyanya muna Muporofita Isaya 60:1–5, 19–20; 62:1–2. Apo paunenge uchiverenga zvitsauko izvi, fungisisa kuti Mwari vari kuunganidza sei vana Vavo kubva murima kuenda kuchiedza Chavo. Chikamu chako ndechei pabasa iri?

Onawo 1 Nifai 22:3–12; 3 Nifai 18:24; Dzidziso neZvibvumirano 14:9 ­

Muporofita Isaya 64:1–5; 65:17–25; 66

Kristu anozotonga panyika munguva yeMereniamu.

Isaya akataura nezve zuva iro “matambudziko okutanga akakanganikwa” (Muporofita Isaya 65:16). Apo huporofita uhwu hwuine kuzadzikiswa kwakati wandei, mumanzwisisirwo ahwo akazara, zuva iroro richiri kuuya—apo Jesu Kristu paanozodzoka panyika uye omisa nguva yerunyararo neururami inonzi Mereniamu. Isaya akatsanangura zuva ramagwana iri muna Muporofita Isaya 64:1–5; 65:17–25; 66. Cherechedza kuti akashandisa kakawanda zvakadii mashokoi akaita seekuti “fara” uye “kufara.” Fungisisa kuti sei kudzoka kweMuponesi kuchizova zuva rokufara kwauri. Chii chaungaita kugadzirira kuuya Kwake?

Onawo Misimboti yeChitendero 1:10. ­

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwemhuri

Mazano ekuNzvera Magwaro Matsvene kweMhuri uye eNguva yeMhuri Pamba Manheru

Muporofita Isaya 58:3–11.Nhengo dzemhuri dzingangonzwisisa zvirinani shoko raIsaya pamusoro pekutsanya kana vakaita mutambo werudzi rwokutsanya rwakatsanangurwa muna Muporofita Isaya 58:3–5 uye rudzi rwokutsanya rwakatsanangurwa muna Muporofita Isaya 58:6–8. Tingaite sei kuti kutsanya kwedu kunyanye kuva “sokutsanya uko [Mwari] kwavakasarudza ”? Maropafadzo api atakaona kubva pakutsanya?

Muporofita Isaya 58:13–14.Ndeupi musiyano uripo pakati “pokuwana mufaro [wedu] pachedu” uye nekuwana “kufara … muna Ishe” paSabata? Tingaita sei kuti Sabata rive “chinhu chinofadza”?

Muporofita Isaya 60:1–5.Apo pamunenge muchiverenga Muporofita Isaiah 60:1–3, nhengo dzemhuri dzinokwanisa kubatidza mwenje apo ndima padzinotaura chiedza uye voudzima apo ndima dzacho padzinotaura rima. Vhangeri raJesu Kristu rakafanana sei nechiedza kwatiri? Chii icho Isaya chaakafanoona kuti chaizoitika apo vanhu vaMwari pavaigovera chiedza chevhangeri? (ona Muporofita Isaya 60:3–5).

Isaya 61:1–3.Muponesi akazadzikisa sei huporofita hwaIsaya hwuri mundima idzi? Unokwanisa kukoka nhengo dzemhuri kuti dzitsvake mifananidzo yeMuponesi iyo yavanonzwa kuti inoratidza zvinhu izvi zvebasa Rake (mifananidzo inogona kuwanikwa mumagazini eChechi kana Bhuku reMifananidzo yeVhangeri). Munogonawo kuimba rumbo pamusoro pekuti Muponesi anotiropafadza sei, sezvakaita “Verenga Zvikomborero Zvako” (Nziyo neDzevana Vadiki, 14).

Kuti uwane mamwe mazano ekudzidzisa vana, ona chirongwa chevhiki ino chiri muHuyai, Munditevere—Bhuku reVana Vadiki.

­

Kunatsurudza Kunzvera Kwako Wega

Gadzirira zvakakukomberedza. Zvakatikomberedza zvinokwanisa kushandura kwaniso yedu yokudzidza. Wana nzvimbo yekunzvera magwaro matsvene iyo yaunokwanisa kunzwa rukurudziro rweMweya. (Ona Teaching in the Savior’s Way, 15.)

Mufananidzo
Jesu ari mudenga

“Simuka, uvheneke, nokuti chiedza chako chasvika, nokubwinya kwaIshe kwabuda pamusoro pako” (Muporofita Isaya 60:1). Light and Life, [Chiedza neUpenyu] naMark Mabry

Dhinda