Testamente Yekare 2022
Gumiguru 17–23. Muporofita Jeremia 30–33; 36; Mariro aJeremia 1; 3: “Ndichashandura Kuchema Kwavo uve Mufaro”


“Gumiguru 17–23. Muporofita Jeremia 30–33; 36; Mariro aJeremia 1; 3: ‘Ndichashandura Kuchema Kwavo uve Mufaro,’” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: Testamene Yekare 2022 (2021)

“Gumiguru 17–23. Muporofita Jeremia 30–33; 36; Mariro aJeremia 1; 3, Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: 2022

Mufananidzo
chivezero chaJeremia muporofita

Kuchema kwaJeremia Muporofita, kubva pachivezerwa neNyanzvi dzezveMifananidzo dzeSangano reNazarene

Gumiguru 17–23

Muporofita Jeremia 30–33; 36; Mariro aJeremia 1; 3

“Ndichashandura Kuchema Kwavo uve Mufaro”

Apo paunonyora manzwiro ako, funga pamusoro pekuti misimboti iri muna Jeremia uye muMariro aJeremia inoenderana sei nezvimwe zvinhu zvawakadzidza muTestamente Yekare.

Nyora Pasi Manzwiro Ako

Apo Ishe pavakatanga kudaidza Jeremia kuti ave muporofita, Vakamuudza kuti basa rake raizova “rekudzura, nekukoromora” (Muporofita Jeremia 1:10)—uye muJerusarema, maive nehunyangadzi huzhinji hwekudzura nekukoromora. Asi izvi zvaiva chikamu chete chebasa raJeremia—akadaidzwawo “kuvaka, nokurima” (Muporofita Jeremia 1:10). Chii chinokwanisa kuvakwa kana kurimwa mumatongo akaparadzwa ayo akasiiwa neupanduki hwavaIsraeri? Saizvozvowo, apo chivi kana dambudziko zvasiya upenyu hwedu hwaparara, tingakwanise sei kuvakazve nekurima zvakare? Mhinduro yacho inokwanisa kuwanikwa “muDavi roururami” (Muporofita Jeremia 33:15), Mesiasi akavimbiswa. Mesiasi anounza “sungano itsva” (Muporofita Jeremia 31:31)—iyo inoda zvinopfuura kuzvipira kwekunyengedza kana kwekungoda kuonekwa nevanhu. Mutemo wake unofanira kuva “uri mukati [medu]” wakanyorwa “mumwoyo [yedu].” Ndizvo zvazvinoreva chaizvo kuti Ishe “vave Mwari [wedu]” uye kuti isu “tive vanhu [Vavo]” (Muporofita Jeremia 31:33). Ichi chiitiko choupenyu hwose, uye tinozoramba tichiita zvikanganiso uye tigova nechikonzero chekuchema nguva nenguva. Asi apo patinodaro, tine vimbiso kubva kuna Ishe yokuti: “Ndichashandura kuchema kwavo uve mufaro” (Muporofita Jeremia 31:13).

Kuti uwane pfupiso yeMariro aJeremia, ona “Mariro aJeremia Bhuku re” muNhungamiro kuMagwaro Matsvene (scriptures.ChurchofJesusChrist.org).

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwako wega

Mazano eKunzvera Magwaro Matsvene Kwako Wega

Muprofita Jeremia 30–31; 33

Ishe vanozoburitsa Israeri kubva muutapwa uye vovaunganidza.

Muna Muporofita Jeremia 30–31; 33 Ishe vakabvumira “kuwungudza nokuchema kukuru” (Muporofita Jeremia 31:15) uko vaIsraeri kwavaizosangana nako apo pavakaenda muutapwa. Zvisinei, Vakapawo mashoko enyaradzo netariro. Indevo dzipi muzvitsauko izvi dzaunofunga kuti dzaizopa vaIsraeri nyaradzo netariro? Ivimbiso dzipi dzaunowana kubva kuna Ishe kuvanhu Vavo? Vimbiso idzi dzingangokwanisa kushanda sei kwauri nhasi?

Muporofita Jeremia 31:31–34; 32:37–42

“Ivo vachava vanhu vangu, neni ndichava Mwari wavo.”

Kunyangwe zvazvo vaIsraeri vakanga vatyora chibvumirano chavo naIshe, Jeremia akaporofita kuti Ishe vaizomisa zvakare “sungano isingaperi” uye “itsva” nevanhu Vavo (Muporofita Jeremia 31:31; 32:40). Chibvumirano chitsva uye chisingaperi ndicho “kuzara kwevhangeri raJesu Kristu [ona Dzidziso neZvibvumirano 66: 2]. Chinova chitsva nguva yose yachinozarurwa patsva mushure menguva yekutsauka pachitendero. Chinogara nekusingaperi mukuti chibvumirano chaMwari uye chakawanikwa mumikuwo yose yevhangeri umo vanhu mavaiva nechido chekuchigamuchira” (Nhungamiro kuMagwaro Matsvene,“Chibvumirano Chitsva uye Chisingaperi,” scriptures.ChurchofJesusChrist.org; runyoro rwakarereka rwakawedzerwa).

Apo paunoverenga Muporofita Jeremia 31:31-34; 32:37–42, fungisisa zvazvinoreva kwauri kuva chikamu chevanhu vechibvumirano vaMwari. Ndima idzi dzinoshandura sei maonero aunoita hukama hwako hwechibvumirano naMwari? Zvinorevei kuva nemutemo wavo wakanyorwa mumwoyo mako? (ona Muporofita Jeremia 31:33).

Onawo Muporofita Jeremia 24:7; VaHeberu 8:6–12.

Mufananidzo
musikana achinzvera magwaro matsvene

Magwaro matsvene anokwanisa kutikurudzira kuti titendeuke uye titendeukire kuna Ishe.

Muporofita Jeremia 36.

Magwaro matsvene ane simba rekundibvisa pane zvakaipa.

Ishe vakaraira Jeremia kuti anyore huporofita hwake “murugwaro rwakapetwa,” kana mupumburu, vachitsanangura kuti kana vanhu vaizonzwa huporofita uhwu, “zvimwe … vangadzoke mumwe nemumwe kubva panzira yake yakaipa; kuti ndivakanganwire zvivi zvavo” (Muporofita Jeremia 36:2–3). Apo paunoverenga Muporofita Jeremia 36, funga pamusoro pekunyora pasi manzwiro akaita vanhu vanotevera pamusoro huporofita uhwu:

Ishe:

Jeremia:

Baruki:

Jehudi naMambo Jeoiakimi:

NaErnatani, naDeraia, naGemaria:

Fungisisa manzwiro aunoita pamusoro pemagwaro matsvene uye nebasa rawo muupenyu hwako. Akakubatsira sei kubva pane zvakaipa?

Mariro aJeremia 1; 3

Ishe vanokwanisa kurerutsa rusuwo rwatinosangana narwo nokuda kwechivi.

Bhuku reMariro aJeremia muunganidzwa wenhetembo dzakanyorwa mushure meruparadzo rweJerusarema netemberi yaro. Sei uchifunga kuti zvakakosha kuti kudetemba uku kwakachengetedzwa uye kukasanganisirwa muTestamente Yekare? Funga izvo madimikira ari muMariro aJeremia 1 na3 zvaanokubatsira kunzwisisa pamusoro perusuwo rwakanzwikwa neIsraeri. Ndeapi mashoko etariro muna Kristu aunowana? (ona kunyanya Mariro aJeremia 3:20–33; onawo Mateo 5:4; Jakobo 4:8–10; Aruma 36:17–20).

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwemhuri

Mazano ekuNzvera Magwaro Matsvene kweMhuri uye eNguva yeMhuri Pamba Manheru

Muprofita Jeremia 31:3Baba Vokudenga naJesu Kristu vakaratidza sei “Rudo Rwavo rusingaperi” kwatiri? Kuratidza mifananidzo yezvinhu izvo Kristu zvaakatisikira kana zvaakaita panguva yehushumiri Hwake hwepanyika zvinokwanisa kubatsira mhuri yako kunzwa “tsitsi dzine rudo” Dzake.

Muporofita Jeremia 31:31–34; 32:38–41.Funga pamusoro pekuita mudorongodzwa wezvinhu zviri mundima idzi izvo zvinovimbiswa naIshe apo patinoita zvibvumirano naVo. Ndima idzi dzinotidzidzisa chii pamusoro pekukosha kwezvibvumirano zvedu?

Nhengo dzemhuri dzinokwanisawo kunyora (kana kudhirowa) pamwoyo yemapepa chimwe chinhu chinoratidza manzwiro avanoita pamusoro peMuponesi. Zvinorevei kuva nemutemo Wavo wakanyorwa mumwoyo yedu? (ona Muporofita Jeremia 31:33). Tinoratidza sei Ishe kuti tinoda kuva vanhu Vavo?

Muporofita Jeremia 36.Ungashandise sei Muporofita Jeremia 36 kubatsira mhuri yako kudzidza pamusoro pekukosha kwemagwaro matsvene? (ona, semuenzaniso, ndima 1–6, 10, 23–24, 27–28, 32). Ungangokumbira nhengo imwechete yemhuri kuti iverenge ndima kubva muchitsauko ichi apo imwe nhengo yemhuri ichiinyora pasi, sezvakaitirwa Jeremia naBaruki. Sei tichitenda nekuedza kwevanhu vakaita saBaruki, uyo akachengetedza mashoko evaporofita? Chii chatinokwanisa kuita kuratidza Ishe kuti tinokoshesa mashoko Avo ari mumagwaro matsvene?

Mariro aJeremia 3:1–17, 21–25, 31–32.Semhuri, mungangotaura pamusoro pekuti manzwiro akataurwa muna Mariro aJeremia 3:1–17 anokwanisa kuenderana sei nemanzwiro atinova nawo apo patinotadza. Mashoko ari mundima 21–25, 31–32 anokwanisa kushandura upenyu hwedu sei?

Kuti uwane mamwe mazano ekudzidzisa vana, ona chirongwa chevhiki ino chiri muHuyai, Munditevere—Bhuku reVana Vadiki.

Rumbo rwakapuwa: “Hungwaru neRudo Rukurusa,” Nziyo neDzevana Vadiki, 36.

Kunatsurudza Kunzvera Kwako Wega

Tsvaga zvakazarurwa. Apo paunofungisisa muswere wose wezuva, ungangogamuchira mamwe mazano nemanzwiro pamusoro pezvinyorwa zvitsvene zvawanzvera. Usafunge nezve kunzvera vhangeri sechimwe chinhu chaunorongera nguva asi sechimwe chinhu chaunogara uchiita. (Ona Teaching in the Savior’s Way, 12).

Mufananidzo
Murume mubako achitaridza kusuwa apo guta richitsva panze.

Jeremiah Lamenting the Destruction of Jerusalem [Jeremia Achichema Ruparadzo rweJerusarema], naRembrandt van Rijn

Dhinda