Testamente Yekare 2022
Mbudzi 21–27. Muporofita Jona; Muporofita Mika: “Unofarira Kuva neNyasha”


“Mbudzi 21–27. Muporofita Jona; Muporofita Mika: ‘Unofarira Kuva neNyasha,’” Huyai, Munditevere—Bhuku raVanhu Pachavo neMhuri: Testamente Yekare 2022 (2021)

“Mbudzi 21–27. Muporofita Jona; Muporofita Mika,” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: 2022

Mufananidzo
murume achikambaira pamhenderekedzo nehove huru iri mugungwa kumashure kwake

Jonah on the Beach at Nineveh, [Jona ari paMhenderekedzo yeGungwa kuNinive] naDaniel A. Lewis

Mbudzi 21–27

Muporofita Jona; Muporofita Mika

“Unofarira Kuva neNyasha”

Apo paunenge uchinyora pasi manzwiro ako, funga pamusoro pokuti misimboti iri muna Muporofita Jona naMuporofita Mika inoenderana sei neizvo zvawanga uchidzidza mumagwaro matsvene.

Nyora Pasi Manzwiro Ako

Muporofita Jona aiva muchikepe chaienda kuTashishi. Hapana chakaipa nokuenda kuTashishi muchikepe, kunze kwokuti kure zvikuru kubva kuNinive, uko Jona kwaaifanira kuenda kunosvitsa shoko raMwari. Saka apo chikepe pachakasangana nedutu guru, Jona akaziva kuti zvakaitika nokuda kwokusateerera kwake. Vamanikidzwa naJona, vamwe vake vafambisi vechikepe vakamukanda muudzamu hwegungwa kuitira kudzikamisa dutu. Zvaitaridzika kunge magumo aJona nehushumiri hwake. Asi Ishe vakanga vasina kuora mwoyo naJonah—sokusaora mwoyo kwavakanga vaita navanhu veNinive uyewo sokusaora mwoyo kwavanoita pana ani zvake wedu. Sokudzidzisa kwakaita Mika, Ishe havawani mufaro mukutipa mhosva, asi “vanofara mukuva nenyasha. ” Apo patinotendeukira kwaVari, “vanotendeuka zvakare, vachatinzwira tsitsi; vachakundisa zvakaipa zvedu; uye [Achakandira] zvivi zvedu zvose mukudzika kwegungwa” (Micah 7:18–19).

Kuti uwane pfupiso yamabhuku aMuporofita Jona naMuporofita Mika, ona “Muporofita Jona” uye “Muporofita Mika” muNhungamiro kuMagwaro Matsvene.

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwako wega

Mazano eKunzvera Magwaro Matsvene Kwako Wega

Muporofita Jona 1–4; Muporofita Mika 7:18–19

Ishe vanonzwira ngoni vese avo vanotendeukira kwaari.

Bhuku raMuporofita Jona rinoratidza, pakati pezvimwe zvinhu, kuti Ishe vane ngoni zvakadii apo patinotendeuka. Apo paunenge uchiverenga Muporofita Jona, tsvaga mienzaniso yengoni dzavo. Fungisisa kuti wakaona sei ngoni idzodzo muupenyu hwako. Chii chaunodzidza icho chinokwanisa kukubatsira kuti uve nengoni dzakawedzera kuva vamwe?

Kuona ngoni dzaIshe kazhinji kunokurudzira manzwiro erudo noruvongo. Zvisinei, Jona “akaodzwa mwoyo” uye “akatsamwa” (Muporofita Jona 4:1) apo Ishe pavakaratidza ngoni kuvanhu veNinive, avo vaiva vavengi veIsraeri. Sei Jona angava akanzwa kudaro? Wakambova namanzwiro akadaro here? Chii chaunonzwa kuti Ishe vaiedza kubatsira Jona kuti anzwisise muchitsauko 4?

Fungisisa dzidziso dziri muna Mika 7:18–19. Zvokwadi izvi zvaikwanisa kubatsira sei Jona kushandura mafungiro ake pamusoro paIshe navanhu veNinive?

Onawo Ruka 15:11–32. ­

Mufananidzo
vanhu vaviri vachitaura pedyo nerwizi

Tinokwanisa kugoverana vhangeri nevana vaMwari.

Muporofita Jona 1; 3–4

Vana vaMwari vose vanofanira kunzwa vhangeri.

Ninive yaiva chikamu cheumambo hweAsiria, mhandu yeIsraeri yaizivikanwa nokuda kwechisimba nehutsinye hwayo. Kuna Jona, pamwe zvakataridzika sechinhu chisingaitiki kuti vanhu veNinive vaiva vakagadzirira kugamuchira shoko raMwari uye nokutendeuka. Asi, sokudzidzisa kwakaita Mutungamiriri Dallin H. Oaks: “Hatifaniri kumbofa takazvimisikidza savatongi vokuti ndiani akagadzirira uye ndiani asina. Ishe vanoziva mwoyo yavana Vavo vese, uye kana tikanamatira femero, Vanozotibatsira kuwana vanhu vaVanoziva kuti vari ‘mukugadzirira kunzwa shoko’ (Aruma 32:6)” (“Sharing the Restored Gospel,” Ensign kana Liahona, Mbudzi. 2016, 58–59). Chii chaunodzidza kubva muna Muporofita Jona 3 chinokukurudzira kuti ugoverane vhangeri kunyangwe naavo vangangoratidzika savasati vagadzirira kushanduka?

Zvinogona kubatsira kuenzanisa mafungiro aJona (ona Jona 1; 3–4) namanzwiro aAruma navanakomana vaMosaya (ona Mosaya 28:1–5; Aruma 17:23–25).

Onawo 3 Nifai 18:32.

Mika 4:11–13; 5:8–15; 7:5–7

Jesu Kristu akatapa zvinyorwa zvaMika.

Chinhu chinozivikanwa zvikuru kuti Muponesi akatapa Isaya uye Mapisarema. Wanga uchiziva here kuti Akatapawo Mika kakati wandei? Funga pamusoro pemienzaniso inotevera, uye fungisisa kuti sei ndima idzi dzingava dzaivae dzakakosha kuMuponesi. Sei dzakakosha kwauri?

Muporofita Mika 4:11–13 (ona 3 Nifai 20:18–20). Ishe vakafananidza kuunganidzwa kwamazuva ekupedzisira nekukohwa gorosi (onawo Aruma 26:5–7; Dzidziso neZvibvumirano 11:3–4). Fananidzo iyi inotaura chii kwauri pamusoro pekuunganidzwa kwaIsraeri?

Muporofita Mika 5:8–15 (ona 3 Nifai 21:12–21). Ndima idzi dzinotaura chii kwauri pamusoro pavanhu vaMwari (“vakasara vaJakobo”) mumazuva ekupedzisira?

Muporofita Mika 7:5–7 (ona Mateo 10:35–36). Maererano nendima idzi, sei zvakakosha ‘kutarisa kuna Ishe’ pokutanga? Sei rairo iyi yakakosha nhasi?

Muporofita Mika 6:1–8

“Chii Ishe chavanoda kubva kwauri?”

Mika anotikoka kufungidzira kuti zvingava zvakaita sei “kuuya pamberi paIshe, nogwadamira … pamberi paMwari vokumusoro” (Mika 6:6). Ndima 6–8 dzinotaurei kwauri pamusoro pezvakakosha kuna Ishe apo paVanoongorora upenyu hwako?

Onawo Mateo 7:21–23; 25:31–40. ­

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwemhuri

Mazano ekuNzvera Magwaro Matsvene kweMhuri uye eNguva yeMhuri Pamba Manheru

Muporofita Jona 1–4.Vana vako vanogona kunakidzwa nekuita zviito zvinotaura nyaya yaJona, sezvakaita sokunyepedzera kutiza, kuita ruzha segungwa rine dutu, kana kunyepedzera kumedzwa nehove huru.(ona “Jona Muporofita muNyaya dzeTestamente Yakare). Bvunza nhengo dzemhuri kuti vanodzidzei kubva muchiitiko chaJona. ­

Muporofita Jona 3.Jona akadzidzei pamusoro pokugovera vhangeri? Ndivanaani vatinoziva vanozoropafadzwa nekunzwa shoko revhangeri rakadzorerwa raJesu Kristu?

Muporofita Mika 4:1–5.Maererano nendima idzi, chii chinozounza runyararo nebudiriro kuvanhu vaIshe? Chii chatinokwanisa kuita kubatsira kuzadzikisa huporofita uhwu mumba medu?

Muporofita Mika 5:2.Munokwanisa kuisa mufananidzo waJesu semwana naamai Vake (ona Bhuku reMifananidzo yeVhangeri, nhamba.33) kune rimwe divi remupanda uye mufananidzo waVarume Vakachenjera kune rimwe divi. Verengai pamwechete Muporofita Mika 5:2 uye Mateo 2:1–6. Huporofita hwaMika hwakabatsira sei Varume Vakachenjera kuwana Jesu? Nhengo dzemhuri dzinokwanisa kuendesa mufananidzo waVarume Vakachenjera pedyo nemufananidzo waJesu. ­

Kuti uwane mamwe mazano ekudzidzisa vana, ona chirongwa chevhiki ino chiri muHuyai, Munditevere—Bhuku reVana Vadiki.

Rumbo rwakapihwa: “Ndichaenda Kwamunoda Kuti NdiendeHwaro hweVhangeri, nhamba. 270.

Kunatsurudza Kunzvera Kwako Wega

Wana Rudo rwaMwari. Apo paunenge uchiverenga magwaro matsvene, funga pamusoro pokucherechedza umboo hwerudo rwaMwari uhwo hwakakosha kwauri. Somuenzaniso, tarisa maratidziro akaita Mwari rudo Rwavo kuvana Vavo munyaya yaJona.

Mufananidzo
murume achikandwa mugungwa kubva muchikepe

Mufananidzo naKevin Carden

Dhinda